Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Pimu” Rinopa Uchapupu Hwokuti Bhaibheri Nderechokwadi

“Pimu” Rinopa Uchapupu Hwokuti Bhaibheri Nderechokwadi

“Pimu” Rinopa Uchapupu Hwokuti Bhaibheri Nderechokwadi

SHOKO rokuti “pimu” rinowanika kamwe chete muBhaibheri. Mumazuva aMambo Sauro, vaIsraeri vaienda nematurusi avo esimbi kuti anorodzwa nevapfuri vesimbi vechiFiristiya. Bhaibheri rinoti: “Kurodza miromo yemagejo nemabhidha nezvishandiso zvine zvokubayisa zvitatu nematemo uye kusunga zvakasimba zvokubayisa nzombe kwaiita pimu.”—1 Samueri 13:21, NW.

Pimu chaiva chii? Mhinduro yomubvunzo iwoyo yakaramba isingazivikanwi kusvikira muna 1907 C.E. apo dombo rokuyeresa rinonzi pimu rakaonekwa paicherwa matongo eguta rekare reGezeri. Vashanduri veBhaibheri vekare vainetseka nokushandura shoko rokuti “pimu.” Somuenzaniso, King James Version, pana 1 Samueri 13:21 inoti: “Asi vaiva nefaira yokurodza mabhidha, nemapadza, neforogo, nemasanhu, uye yokurodza zvibayiso.”

Mazuva ano nyanzvi dzava kuziva kuti pimu chiyereso chairema magiramu 7,82, kana kuti chinenge chikamu chimwe muzvitatu cheshekeri, raishandiswa nevaHebheru kuyera zvinhu. VaIsraeri vaibhadhara vaFiristiya zvimedu zvesimbi zvesirivha zvairema sepimu kuti maturusi avo arodzwe. Kushandiswa kwemashekeri kuyera zvinhu kwakaregwa muna 607 B.C.E pakaparara umambo hweJudha neguta rahwo guru, Jerusarema. Saka pimu rinopa sei uchapupu hwokuti magwaro echiHebheru ndeechokwadi?

Dzimwe nyanzvi dzinoti mashoko ari muMagwaro echiHebheru, kusanganisira bhuku raSamueri Wokutanga, akanyorwa panguva yechiGiriki neyechiRoma, kunyange kubvira muzana remakore rechipiri kusvikira kune rokutanga B.C.E. Saka vanoti “haasi . . . ‘echokwadi,’ anobatsira zvishoma kana kuti haatobatsiri zvachose pakupa mashoko akarurama pamusoro ‘peIsraeri yekare’ kana kuti ‘inotaurwa muBhaibheri,’ zvose zvinongova ngano dzakanyorwa nevaJudha nevaKristu vemazuva ano.”

Zvisinei, achitaura nezvepimu rinotaurwa pana 1 Samueri 13:21, William G. Dever, purofesa wezvokuchera matongo uye wezvemagariro evanhu weNear Eastern, anoti: “[Harigoni] kunge ‘rakangofungidzirwa’ nevanyori vomunguva yechiGiriki neyechiRoma kwapera makore akawanda zviyero izvi zvisingachashandiswi uye zvatokanganwika. Kutaura zvazviri, mashoko eBhaibheri mashomanana aya . . . aisazonzwisiswa kusvikira mukutanga kwezana remakore rechi20 A.D., apo zvinhu zvakacherwa mumatongo zvakanyorwa kuti pîm muchiHebheru zvakatanga kuonekwa.” Purofesa wacho anoenderera mberi achiti: “Kana nyaya dzose dzomuBhaibheri dziri ‘ngano dzokufungidzira’ dzomunguva yechiGiriki neyechiRoma, nyaya iyi yakava muBhaibheri rechiHebheru sei? Chokwadi, mumwe angati, nyaya yepîm inopa ‘uchapupu huduku duku.’ Ndizvozvo, asi sokuziva kwatinoita, ‘nhau dzakaitika dzinoumbwa nouchapupu huduku duku.’”

[Mufananidzo uri papeji 29]

Chiyereso chainzi pimu chaiva nouremu hunoda kusvika zvikamu zviviri kubva muzvitatu zveshekeri