Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Samsoni Anokunda Nesimba Rinobva Kuna Jehovha!

Samsoni Anokunda Nesimba Rinobva Kuna Jehovha!

Samsoni Anokunda Nesimba Rinobva Kuna Jehovha!

VATAPI vanoda kutsiva vanotushura maziso ake uye vanoita kuti aite basa rakaoma. Zvadaro vanomubudisa mujeri ndokumuisa mutemberi yevahedheni kuti afadze boka revanhu varimo. Vanomumanikidza kufora pamberi pezviuru zvevaoni uye vanomusveeredza. Musungwa wacho haasi tsotsi kana kuti mutungamiriri weuto rinopikisa. Munamati waJehovha uye ashanda somutongi muIsraeri kwemakore 20.

Samsoni—murume akasimba kwazvo kupfuura vamwe vose vakamborarama—akaguma sei ava mumamiriro ezvinhu anonyadzisa zvakadai? Simba rake rinoshamisa raizomununura here? Chii chaimboita kuti Samsoni ave nesimba rakadaro? Pane chatingadzidza munhoroondo youpenyu hwake here?

‘Uchatungamirira Pakuponesa Israeri’

Vanakomana vaIsraeri vaiva netsika yokutsauka pakunamata kwechokwadi. Saka pa“vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akavaisa mumaoko evaFiristiya makore anamakumi mana.”—Vatongi 13:1.

Nyaya youpenyu hwaSamsoni yakatanga apo mudzimai akanga asingabereki womumwe murume wechiIsraeri ainzi Manoa akaona ngirozi yaJehovha iyo yakamuudza kuti aizobereka mwanakomana. Ngirozi yacho yakamuudza kuti: “Musoro wake haufaniri kuveurwa nechisvo, nokuti mwana uyu unofanira kuva muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake; iye uchatanga kuponesa Israeri pamaoko avaFiristiya.” (Vatongi 13:2-5) Samsoni asati anambwa, Jehovha akasarudza kuti Samsoni aifanira kuzova nebasa chairo. Kubva paakazvarwa, aifanira kuva muNaziri—munhu akasarudzwa nokuda kworudzi runokosha rwebasa dzvene.

‘Ndiye Akandinakira’

Samsoni zvaakaramba achikura, “Jehovha akamuropafadza.” (Vatongi 13:24) Rimwe zuva Samsoni akauya kuna baba naamai vake uye akati: “Ndaona mukadzi paTimna pakati pavakunda vavaFiristiya; naizvozvo zvino nditorerei iye, ave mukadzi wangu.” (Vatongi 14:2) Fungidzira kuti vakashamiswa zvakadini. Pane kusunungura Israeri pamaoko evadzvinyiriri, mwanakomana wavo akanga achida kutovaroorera. Kuroora mudzimai aiva mumwe wevanamati vavanamwari venhema kwaipesana noMutemo waMwari. (Eksodho 34:11-16) Saka vabereki vacho vakazviramba, vachiti: “Ko pakati pavakunda vehama dzako, kana pakati pavanhu vangu vose, hapana mukadzi here, zvowoda kundozvitorera mukadzi pakati pavaFiristiya vasina kudzingiswa?” Kunyange zvakadaro, Samsoni akaramba achiti: ‘Nditorerei iye, nokuti ndiye akandinakira.’—Vatongi 14:3.

Mukadzi wechiFiristiya uyu akanga ‘akanakira’ Samsoni pakudini? Cyclopedia yaMcClintock naStrong inoti: Kwete mupfungwa yokuti “aiva tsvarakadenga, aikwezva, asi akanga akamunakira pachinangwa chake.” Chinangwa chacho chaiva chei? Vatongi 14:4 inotsanangura kuti Samsoni “wakanga achitsvaka mhaka yokurwa navaFiristiya.” Ndizvo zvaaidira mukadzi wacho. Zvaakakura kuva munhu mukuru, “mweya waJehovha [w]akatanga kumumutsa,” kana kuti kumukurudzira kuita chimwe chinhu. (Vatongi 13:25) Saka mudzimu waJehovha ndiwo waiita kuti Samsoni akumbire mudzimai nenzira isina kujairika uyewo ndiwo waiita kuti aite basa rake rose somutongi waIsraeri. Samsoni akawana mukana waakanga achitsvaka here? Ngatitangei taona kuti Jehovha akamuvimbisa sei kuti aizomutsigira.

Samsoni akanga achifamba achienda kuguta reTimna, kwaigara mukadzi waaida kuzoroora. Nhoroondo yeMagwaro inoti: “Vakasvika paminda yemizambiringa paTimna; onei mwana weshumba ukamuombera. Ipapo mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba guru, akaibvambura sembudzana.” Kuratidzwa kwesimba kunoshamisa uku kwakaitika ari oga. Hapana vamwe vakazviona. Iyi yakanga iri nzira yaJehovha yokuvimbisa nayo Samsoni kuti iye somuNaziri aikwanisa kuita basa rake raakapiwa naMwari here? Bhaibheri haritauri izvozvo, asi hapana mubvunzo kuti Samsoni akaziva kuti simba rinoshamisa rakadaro raisava rake. Raifanira kunge rakabva kuna Mwari. Aikwanisa kuvimba naJehovha kuti amubatsire mubasa raiva mberi. Asimbiswa nezvakaitika paakasangana neshumba, “akaburuka, akandotaura nomukadzi, iye akafadza Samsoni kwazvo.”—Vatongi 14:5-7.

Samsoni paakazodzokera ava kunotora mukadzi wacho kuti aende naye kumba, “akatsauka kuzoona chitunha cheshumba, ndokuona bumha renyuchi muchitunha cheshumba, nouchi.” Achiyeuka izvi, Samsoni akataura chirahwe kuvaperekedzi vake 30 vechiFiristiya vaiva pamuchato wake achiti: “Chokudya chakabuda kumudyi, uye zvinotapira zvakabuda kune une simba.” Kana vaizokwanisa kufembera zvairehwa nechirahwe ichi, Samsoni aizovapa nguo dzomukati 30 uye nguo 30 dzokupfeka. Kana vaizotadza, vaizofanira kumupa zvakafanana. VaFiristiya vacho vakaomerwa nechirahwe chacho kwemazuva matatu. Pazuva rechina, vakatanga kutyisidzira mukadzi wacho. Vakamuudza kuti: “Nyengetedza murume wako, atidudzire chirahwe, tirege kukupisa nomoto, iwe naveimba yababa vako.” Utsinye hwakadini! Kana vaFiristiya vaiitira vanhu vavo izvi, fungidzira kuti vaIsraeri vakanga vakadzvinyirirwa vaioneswa ndondo zvakadini!—Vatongi 14:8-15.

Sezvo mukadzi wacho akanga ava kutya, akamanikidza Samsoni kuti amuudze dudziro yechirahwe chacho. Kuratidza kuti akanga asingadi Samsoni uye akanga asina kuvimbika kwaari, akabva angoudza vaperekedzi vacho. Vakadudzira chirahwe chacho, uye Samsoni akaziva chakaita kuti vagone kuchidudzira. Akati kwavari: “Dai musina kurima netsiru rangu, hamuzaiwana chirahwe changu.” Mukana wakanga uchimirirwa naSamsoni wakabva wamuka. “Mweya waJehovha [w]akauya pamusoro pake nesimba guru, akaburukira Ashkeroni, akauraya varume vane makumi matatu kwavari, akatora nguo dzavo, akandopa vakadudzira chirahwe hanzu dzavo dzakanaka.”—Vatongi 14:18, 19.

Zvakaitwa naSamsoni paAshkeroni zvakakurudzirwa nechido chake pachake chokutsiva here? Aiwa. Mwari ndiye akanga aita izvozvo achishandisa mununuri wake waakasarudza. Achishandisa Samsoni, Jehovha akatanga kurwisana nevadzvinyiriri vaiva noutsinye vevanhu vake. Kurwisana uku kwaizoenderera mberi. Mumwe mukana wakamuka pakashanyira Samsoni mudzimai wake.

Samsoni Anorwa Ari Oga

Paakadzokera kuTimna, Samsoni akaziva kuti baba vomudzimai wake vakanga vaita kuti aroorwe nomumwe murume, vachifunga kuti Samsoni aimuvenga. Samsoni akanyatsoratidza kutsamwa kwake. Akabata makava 300 ndokuasunga ari maviri maviri ndokubva abatidza moto pamiswe yawo. Paakaaregedza, akapisa minda, minda yemizambiringa, minda yemiorivhi, achibva aparadza zvirimwa zvitatu zvikuru zvevaFiristiya zvegore racho. VaFiristiya vakanga vatsamwa kwazvo vakaratidza kuti vaiva noutsinye. Vakaona sokuti mudzimai waSamsoni nababa vake ndivo vakanga vakonzera izvozvo, vachibva vavapisa. Kutsiva kwavo kwoutsinye kwakaita kuti chinangwa chaSamsoni chiitike. Iyewo akaenda akavarwisa achivauraya kwazvo.—Vatongi 15:1-8.

VaIsraeri vakanzwisisa here kuti Jehovha Mwari akanga achikomborera Samsoni uye kuti vaifanira kubatana naye kuti vapedze udzvinyiriri hwevaFiristiya? Kana. Kuti vasanetsana navo, varume veJudha vakatuma varume 3 000 kuti vandosunga mutungamiriri akasarudzwa naMwari uye kuti vamuendese kuvavengi vake. Zvisinei, kusavimbika uku kwevaIsraeri kwakapa Samsoni mukana wokurwadzisa vavengi vake zvekare. Paakanga ava kuda kuendeswa kuvaFiristiya, “Mweya waJehovha [w]akauya pamusoro pake nesimba guru; tambo dzakanga dzakasunga maoko ake dzikafanana noruchinda rwakatsva nomoto, zvisungo zvake zvikanyauka pamaoko ake.” Akabva anhonga rushaya rwembongoro achibva arushandisa kuuraya vavengi vanosvika chiuru.—Vatongi 15:10-15.

Achidana kuna Jehovha, Samsoni akati: “Matirwira kwazvo noruoko rwomuranda wenyu; zvino ndichafa nenyota, ndikawira mumaoko avasina kudzingiswa.” Jehovha akanzwa munyengetero waSamsoni uye akaupindura. “Mwari wakapamura mukaha . . . , mvura ikabudapo; zvino wakati anwa, mweya wake ukadzokera maari, akaponazve.”—Vatongi 15:18, 19.

Samsoni aingofunga nezvechinhu chimwe chete mukuedza kwake kuita chinangwa chake, chokurwisa vaFiristiya. Kugara kwaakaita mumba mechifeve paGaza kwaiva nechinangwa chokurwisa vavengi vaMwari. Samsoni aida pokugara usiku hwacho muguta revavengi, uye nzvimbo yacho yaiwanikwa mumba mechifeve. Samsoni akanga asina chinangwa chokuita unzenza. Akabva pamba pomukadzi wacho pakati pousiku, akabata magedhi eguta nembiru dzawo mbiri, ndokubva azvitakura kuenda nazvo pamusoro pegomo raiva pedyo neHebroni, makiromita anenge 60 kubva ipapo. Mwari akatendera chiito ichi uye akamupa simba rokuti achiite.—Vatongi 16:1-3.

Mashandiro aiita mudzimu mutsvene muna Samsoni akanga akasiyana nemamwe ose nokuda kwemamiriro ezvinhu asina kujairika. Nhasi vashumiri vaMwari vakatendeka vanogona kuvimba nomudzimu iwoyo kuti uvape simba. Jesu akavimbisa vateveri vake kuti Jehovha “achapa mudzimu mutsvene zvikuru sei vano[mu]kumbira.”—Ruka 11:13.

Nei Jehovha ‘Akabva Kuna Samsoni’?

Zvino Samsoni akadanana nomumwe mukadzi ainzi Dherira. Madzishe mashanu akabatana evaFiristiya aida chaizvo kuuraya Samsoni zvokuti vakakumbira kuti vabatsirwe naye. Vakaenda kuna Dherira uye vakati kwaari: “Munyengetedze, uone kunobva simba rake guru, uye kuti tingamukunda sei.” Sechiokomuhomwe, mumwe nomumwe wemadzishe mashanu acho akabatana akati aizomupa “mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe.”—Vatongi 16:4, 5.

Kana zvidimbu zvesirivha zvacho zvaiva mashekeri, zvinoreva kuti mashekeri 5 500 aiva chiokomuhomwe chakakura kwazvo. Abrahamu akabhadhara mashekeri 400 kuti atenge nzvimbo yokuviga mudzimai wake, uye muranda aitengeswa ne30 chete. (Genesi 23:14-20; Eksodho 21:32) Kushandisa kwakaita madzishe acho akabatana—vatongi vemaguta mashanu evaFiristiya—makaro aDherira kwete kuvimbika kwake kurudzi rwake, zvinoratidza kuti zvimwe akanga ari mukadzi wechiIsraeri.Chero zvazvaiva, Dherira akabvuma mari yacho.

Samsoni akaudza Dherira mhinduro dzisidzo katatu, uye Dherira akamutengesa nokuedza kumuisa kuvavengi vake katatu. Asi “wakati achingomutambudza mazuva ose namashoko ake, achimugombedzera, mwoyo wake ukanetswa kusvikira pakufa.” Pakupedzisira Samsoni akataura chokwadi—bvudzi rake rakanga risina kumboveurwa. Kana raizoveurwa, aizopera simba ongoitawo sevamwe varume vose.—Vatongi 16:6-17.

Ndipo pakaperera simba raSamsoni. Dherira akaronga kuti ave mumamiriro ezvinhu aizoita kuti musoro wake uveurwe. Zvisinei, simba raSamsoni raisava mubvudzi rake chaizvoizvo. Bvudzi rake raingomiririra ukama hwake hwaikosha naMwari somuNaziri. Samsoni paakazvibvumira kupinda mumamiriro ezvinhu akakanganisa kuva kwake muNaziri nokuveurwa bvudzi romusoro wake, ‘Jehovha akabva kwaari.’ VaFiristiya vakabva vakurira Samsoni, vakamupofumadza, uye vakamuisa mujeri.—Vatongi 16:18-21.

Izvi zvinotidzidzisa chidzidzo chakasimba chaizvo! Hatifaniri kuona ukama hwedu naJehovha sechinhu chinokosha zvikuru here? Kana tikatadza kuita maererano nokuzvitsaurira kwedu sevaKristu munzira chero ipi zvayo, tingatarisira sei kuti Mwari arambe achitikomborera?

“Ngandife Hangu Pamwe Chete nevaFiristiya”

VaFiristiya vaifara vakatenda Mwari wavo Dhagoni kuti vakanga vakunda Samsoni. Kuti vapemberere kukunda kwavakanga vaita, vakaenda nomusungwa wavo kutemberi yaDhagoni. Asi Samsoni ainyatsoziva chinhu chaicho chakanga chaita kuti apere simba. Aiziva kuti nei Jehovha akanga abva kwaari, uye Samsoni akapfidza kukanganisa kwake. Paaiva mujeri, bvudzi rake rakatanga kukura zvikuru. Zvino zvaakanga ava pamberi pezviuru zvevaFiristiya, aizoitei?

Samsoni akanyengetera kuti: “Ishe Mwari, ndirangarirei henyu, ndisimbisei henyu nguva ino bedzi, imi Mwari, nditsivirwe meso angu maviri kuvaFiristiya.” Akabva azendama pambiru mbiri dzepakati dzaitsigira chivako chacho, uye “akakotama nesimba rake rose.” Chii chakaitika? “Imba ikawira pamusoro pamadzishe, napamusoro pavanhu vaivamo. Naizvozvo vakafa vaakauraya pakufa kwake, vakanga vari vazhinji kune vakaurawa naye achiri mupenyu.”—Vatongi 16:22-30.

Kana totaura nezvesimba, hapana munhu watingamboenzanisa naSamsoni. Mabasa ake makuru ainyatsooneka zvechokwadi. Asi zvinotonyanya kukosha ndezvokuti Shoko raJehovha rinoti Samsoni ndomumwe wevaya vaiva nokutenda kwakasimba.—VaHebheru 11:32-34.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Chii chaiita kuti Samsoni ave nesimba?