Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechiduku Vanorumbidza Jehovha Vanoita Kuti Upenyu Hwavo Huwedzere Kunaka

Vechiduku Vanorumbidza Jehovha Vanoita Kuti Upenyu Hwavo Huwedzere Kunaka

“Kubatsirwa Kwangu Kunobva Kuna Jehovha”

Vechiduku Vanorumbidza Jehovha Vanoita Kuti Upenyu Hwavo Huwedzere Kunaka

“NDINODA zvakanakisisa muupenyu!” Ndiwo matauriro akaita mumwe mukomana achiri kuyaruka pamusoro pezvaanotarisira. Asi wechiduku angawana sei zvakanakisisa muupenyu? Bhaibheri rinopa mhinduro yakananga parinoti: “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako”!—Muparidzi 12:1.

Kurumbidza nokushumira Jehovha hakungoitwi nevanhu vakuru chete. Samueri, mwanakomana waErikana naHana, akanga ari muduku kwazvo paakashumira Jehovha patebhenekeri. (1 Samueri 1:19, 20, 24; 2:11) Musikana muduku wechiHebheru akaratidza kutenda kwechokwadi muna Jehovha paakaudza Naamani mukuru weuto reSiriya, kuti aende kumuprofita Erisha kunorapwa maperembudzi. (2 Madzimambo 5:2, 3) Pana Pisarema 148:7, 12, vakomana nevasikana vanorayirwa kurumbidza Jehovha. * Paakanga ava nemakore 12 chete, Jesu akaratidza kufarira zvikuru basa raBaba vake. (Ruka 2:41-49) Pamusana pokudzidziswa kwavakanga vaitwa kubva muMagwaro, vamwe vakomana vakaona Jesu patemberi vakashevedzera kuti: “Tapota, ponesai, Mwanakomana waDhavhidhi!”—Mateu 21:15, 16.

Kurumbidza Jehovha Nhasi

Nhasi, vechiduku vakawanda vari pakati peZvapupu zvaJehovha vanodada nezvavanotenda uye vanoshinga kutaura nezvazvo kune vamwe kuzvikoro nokumwewo. Ona mienzaniso miviri.

KuBritain, vadzidzi vomukirasi yaStephanie ane makore 18 vakanga vachikurukura nyaya yokubvisa pamuviri nedzimwewo nyaya dzine chokuita netsika. Mudzidzisi wacho akasimbirira pakuti kubvisa pamuviri iye zvino kwava kugamuchirwa nevanhu vakawanda uye kuti hapana musikana wechiduku ane chikonzero chokuramba tsika iyi. Vose vaiva mukirasi yacho pavakaratidza kubvumirana nemaonero aya, Stephanie akanzwa achida kutsigira maonero ake anobva muBhaibheri. Mukana wokuti adaro wakazovapo mudzidzisi wacho paakabvunza Stephanie zvaaifunga. Kunyange zvazvo akanga achitya pakutanga, Stephanie akashandisa mukana wacho kutaura zvinotaurwa neMagwaro. Akataura nemamwe mashoko zviri pana Eksodho 21:22-24 achibva atsanangura kuti kana zvaiva zvisina kunaka kukuvadza mwana asati aberekwa, saka kubvisa pamuviri kwaizopesana nezvinodiwa naMwari.

Mudzidzisi wacho, uyo ari mufundisi, akanga asati amboverenga ndima idzi. Kutaura pasina kutya kwakaitwa naStephanie kwakaita kuti azokurukurirana nevomukirasi make kakawanda panyaya dzakasiyana-siyana. Mumwe musikana iye zvino ava kugara achiwana magazini anenge achangobuda eNharireyomurindi uye Mukai!, uye vamwe vaviri vakapinda kokorodzano yoruwa yeZvapupu zvaJehovha kuti vazoona Stephanie achibhabhatidzwa kuratidza kuti akazvitsaurira kuna Mwari.

Vareta ane makore matanhatu, anogara muSuriname, kuSouth America, akawana mukana wokurumbidza Mwari mudzidzisi wake paaida nyaradzo inobva muMagwaro. Paakadzoka apedza mazuva matatu asipo, mudzidzisi wacho akabvunza vaaidzidzisa kana vaiziva kuti nei akanga asipo. Vakapindura kuti, “Mairwara, handizvo here?” “Handizvo,” mudzidzisi wacho akapindura achidaro. “Mukoma wangu akashaya, uye ndiri kurwadziwa chaizvo. Saka munofanira kunyarara.”

Masikati ezuva iroro amai vake pavakanga vakarara, Vareta akanga ari chipatapata kuvhura magazini ekare, achiverenga misoro yacho. Akaona Nharireyomurindi yaJuly 15, 2001, yaiva nomusoro waiti “Kune Upenyu Pashure Porufu Here?” Achifara zvikuru, akamutsa amai vake achibva ati, “Amai, amai, onai! Ndawana magazini inotaura nezvorufu yandinoda kupa mudzidzisi wangu!” Mudzidzisi wacho akazopiwa magazini yacho pamwe chete netsamba yaibva kuna Vareta. Akanyora kuti: “Magazini iyi yakakunakirai. MuParadhiso muchaona mukoma wenyu zvekare nokuti Jehovha haamborevi nhema. Akavimbisa kuti achaunza paradhiso, kwete kudenga, asi pasi pano.” Mudzidzisi wacho akaratidza kuonga kwake nyaradzo inobva muBhaibheri yaakawana munyaya idzi.

Kuvaka Nokuda Kwenguva Yemberi

Jehovha ndi“Mwari anofara,” uye anoda kuti vechiduku vafare. (1 Timoti 1:11) Shoko rake pachake rinoti: “Nakidzwa nouduku hwako. Fara uchiri muduku.” (Muparidzi 11:9, Today’s English Version) Jehovha anoona zvinopfuura zviripo panguva ino uye anoziva zvinoguma zvaitika kana tiine mufambiro wakanaka kana wakaipa. Ndosaka shoko rake richipa vechiduku zano rokuti: “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo, panguva yauchazoti: Handifariri izvozvo.”—Muparidzi 12:1.

Chokwadi, Jehovha anoda kuti vechiduku vanyatsonakidzwa nechipo chakakosha choupenyu. Nokuyeuka uye kurumbidza Mwari, vechiduku vangava noupenyu hune zvahunoreva, hunogutsa. Kunyange pavanotarisana nezvinetso, vanogona kutaura nechivimbo kuti: “Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha.”—Pisarema 121:2.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2005, March/April.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]

“Rumbidzai Jehovha imi vapasi, . . . majaya nemhandara.”—PISAREMA 148:7, 12.

[Bhokisi riri papeji 8]

JEHOVHA ANOTSIGIRA VECHIDUKU

“Nokuti imi, Ishe Jehovha, muri tariro yangu; ndimi wandinovimba naye kubva pauduku hwangu.”—Pisarema 71:5.

“[Mwari] unogutisa mwoyo wako nezvakanaka; kuti utsva hwako huvandudzwe segondo.”—Pisarema 103:5.