Kutenda Kwako Kunokukurudzira Kuita Chiito Here?
Kutenda Kwako Kunokukurudzira Kuita Chiito Here?
MUTUNGAMIRIRI weuto aiva nechokwadi chokuti Jesu aigona kurapa muranda wake akanga akaoma rutivi rwomuviri. Asi mutungamiriri uyu haana kukoka Jesu kumba kwake, pamwe nokuti ainzwa seasina kukodzera kana kuti nemhaka yokuva kwake weMamwe Marudzi. Pane kudaro, mutungamiriri uyu akatuma vamwe varume vakuru vechiJudha kunoudza Jesu kuti: “Changamire, handisi munhu akakodzera kuti mupinde pasi pedenga rangu, asi taurai henyu shoko uye mushandi wangu wechirume achaporeswa.” Achiona kuti mutungamiriri weuto uyu aitenda kuti Jesu aigona kuporesa ari kure, Jesu akaudza vanhu vakawanda vaimutevera kuti: “Ndinokuudzai chokwadi, Handina kuwana munhu ane kutenda kukuru kwakadai muna Israeri.”—Mateu 8:5-10; Ruka 7:1-10.
Chakaitika ichi chingatibatsira kufungisisa nezvechimwe chinhu chinokosha pakutenda kwedu. Kutenda kwechokwadi hakusi kungodavirawo hakwo chimwe chinhu; asi kunotsigirwa nezviito. Munyori weBhaibheri Jakobho akatsanangura kuti: “Kutenda, kana kusina mabasa, kwakafa.” (Jakobho 2:17) Izvi zvinonyatsonzwisisika kana tikaongorora muenzaniso chaiwo wezvinogona kuitika kana kutenda kukarega kutsigirwa nemabasa.
Muna 1513 B.C.E., sungano yoMutemo yakabatanidza rudzi rwaIsraeri naJehovha Mwari. Somurevereri wesungano iyoyo, Mosesi akaudza vanakomana vaIsraeri shoko raMwari, Eksodho 19:3-6) Chokwadi, utsvene hwevaIsraeri hwaibva pakuteerera.
rokuti: “Kana mukateerera izwi rangu nomwoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava . . . rudzi rutsvene.” (Kwapera mazana emakore akawanda, vaJudha vakatanga kukoshesa kudzidza Mutemo kupfuura kushandisa zvawaitaura. Mubhuku rake rinonzi The Life and Times of Jesus the Messiah, Alfred Edersheim akanyora kuti: “[Vanarabhi]—‘vatungamiriri vezvitendero’ vakanga vazvigadzirisa kare, vachiti kudzidza kwaikosha kupfuura zviito.”
Chokwadi, vaIsraeri vekare vakarayirwa kushingairira kudzidza zvaidiwa naMwari. Mwari pachake akati: “Mashoko awa andinokurayira nhasi, anofanira kuva mumwoyo mako; unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” (Dheuteronomio 6:6, 7) Asi Jehovha akambotaura here kuti kudzidza Mutemo kunofanira kukosheswa kupfuura zviito zvinowirirana kana kuti zvinoratidzwa noMutemo? Ngationei.
Kunyatsodzidza
VaIsraeri vakaona zviine musoro kunyanya kukoshesa kudzidza Mutemo, sezvo imwe tsika yechiJudha yaitaura kuti Mwari pachake aipedza maawa matatu zuva nezuva achidzidza Mutemo. Unogona kunzwisisa kuti nei vamwe vaJudha vaifunga kuti, ‘Kana Mwari achidzidza Mutemo nguva dzose, zvisikwa zvake zvepasi hazvifaniri kushingairira kuitawo izvozvo here?’
Pakasvika zana remakore rokutanga C.E., kufunga kwavanarabhi kwakanga kwavhiringidzwa zvakanyanya nokuongorora Mutemo uye kuududzira. “Vanyori nevaFarisi . . . vanotaura asi havaiti,” akadaro Jesu. “Vanosunga mitoro inorema vachiiisa pamapfudzi evanhu, Mateu 23:2-4) Vatungamiriri vechitendero ivavo vairemedza vanhuwo zvavo nemitemo nemirayiro zvakawandisa, asi ivo nokunyengera vakaronga pokunzvenga napo mitemo iyoyo. Uyezve, varume vaya vaiomerera pakuda kunyanya kudzidza va“karega nhau dzakakomba zvikuru dzoMutemo, dzinoti, kururamisira nengoni nokutendeka.”—Mateu 23:16-24.
asi ivo havadi kuitseketudza nomunwe wavo.” (Zvinoshamisa kuti pavaiedza kuita zvakarurama, vanyori nevaFarisi vakaguma vava kutyora Mutemo wacho wavaiti vari kuchengeta! Mazana emakore ose okukakavadzana pamusoro pemashoko notumwe tunhu tusingakoshi twoMutemo haana kuvaswededza pedyo naMwari. Mugumisiro wacho wakanga wakafanana nokutsauka kwakakonzerwa nezvakanzi nomuapostora Pauro “kutaura kusina maturo,” “kupokanidzana,” uye “zivo” yenhema. (1 Timoti 6:20, 21) Zvisinei, chimwe chinetso chakakomba chaiva migumisiro yaivapo pamusana pokutsvakurudza kusingaperi. Havana kumbova nokutenda kwaivakurudzira kuti vaite zvakanaka.
Pfungwa Dzakangwara, Mwoyo Isina Kutenda
Kufunga kwevatungamiriri vechitendero chechiJudha kwakanga kwakasiyana chaizvo nokwaMwari! VaIsraeri vava kuzobva vopinda muNyika Yakapikirwa, Mosesi akavaudza kuti: “Tererai nemwoyo yenyu mashoko ose andinokupupurirai nhasi, kuti murayire vana venyu, vagochenjera kuita mashoko ose omurayiro uyu.” (Dheuteronomio 32:46) Zviri pachena kuti vanhu vaMwari vakanga vasingafaniri kungova vadzidzi voMutemo asiwo vaiti voMutemo.
Zvisinei, nguva nenguva rudzi rwaIsraeri rwakaratidza kusatendeka kuna Jehovha. Pane kuita mabasa akanaka, vanakomana vaIsraeri ‘havana kumutenda, nokuteerera izwi rake.’ (Dheuteronomio 9:23; Vatongi 2:15, 16; 2 Makoronike 24:18, 19; Jeremia 25:4-7) Pakupedzisira, vaJudha vakaita chiito chavo chokusatendeka chikuru pavakaramba kuti Jesu ndiye Mesiya. (Johani 19:14-16) Somugumisiro, Jehovha Mwari akaramba Israeri uye akatanga kuda mamwe marudzi.—Mabasa 13:46.
Zvechokwadi tinofanirawo kungwarira kuti tisawira mumusungo wakadaro—wokufunga kuti tinogona kunamata Mwari nepfungwa dzakangwara asi tiine mwoyo isina kutenda. Neimwe nzira, kudzidza kwatinoita Bhaibheri hakufaniri kungogumira pakuva nezivo. Zivo yakarurama inofanira kubaya mwoyo yedu kuti ichinje upenyu hwedu kuti tiite zvakanaka. Zvingava nomusoro here kudzidza kurima bindu asi torega zvachose kudyara mbeu? Chokwadi, tingava nezivo yakati wandei yokuti bindu rinorimwa sei, asi hapana kana chero chii chatingambokohwa! Saizvozvowo, vanhu vanodzidza zvinodiwa naMwari kuburikidza nokudzidza Bhaibheri vanofanira kubvumira mbeu dzechokwadi kubaya mwoyo yavo kuitira kuti mbeu idzodzo dzimere uye dzivakurudzire kuita chiito.—Mateu 13:3-9, 19-23.
“Ivai Vaiti veShoko”
Muapostora Pauro akati “kutenda kunotevera chinhu chakanzwiwa.” (VaRoma 10:17) Kutevedzana kunoita zvinhu kubva pakunzwa Shoko raMwari kusvikira pakuva nokutenda muMwanakomana wake, Jesu Kristu, kunoita kuti tive netarisiro yokuwana upenyu husingaperi. Chokwadi, zvimwe zvakawanda zvinodiwa pane kungoti, ‘Ndinotenda muna Mwari naKristu.’
Jesu akakurudzira vateveri vake kuva nokutenda kwaizovakurudzira kuita chiito, achiti: “Baba vangu vanopiwa mbiri mune izvi, kuti munoramba muchibereka zvibereko zvakawanda uye munozviratidza kuva vadzidzi vangu.” (Johani 15:8) Pava paya, Jakobho munun’una waJesu kuna amai akanyora kuti: “Ivai vaiti veshoko, kwete vanzwi bedzi.” (Jakobho 1:22) Zvisinei, tingaziva sei zvokuita? Neshoko uye nomuenzaniso, Jesu akaratidza zvatinofanira kuita kuti tifadze Mwari.
Johani 17:4-8) Munzira ipi? Vanhu vakawanda vangayeuka mabasa aJesu okuporesa vanorwara uye vakaremara. Asi Evhangeri yaMateu inojekesa nzira huru yacho painoti: “Jesu akatanga kushanyira maguta ose nemisha achidzidzisa mumasinagogi avo nokuparidza mashoko akanaka oumambo.” Ona kuti Jesu haana kungoita kuti ushumiri hwake hugumire pakutaura zvisina kurongwa neshamwari shomanana uye vanhu vaaizivana navo kana kuti nevaya vaaisangana navo munharaunda yake. Akazvishandisa nesimba, achishandisa chero nzira ipi yaaikwanisa kushandisa kuti ashanyire vanhu mu“Garireya yose.”—Mateu 4:23, 24; 9:35.
Paaiva pasi pano, Jesu aishanda nesimba kusimudzira zvaidiwa noUmambo uye kupa mbiri zita raBaba vake. (Jesu akarayira vateveri vake kuti vaitewo basa rokuita vadzidzi. Chokwadi, akavaratidza muenzaniso wakakwana wokutevedzera. (1 Petro 2:21) Jesu akaudza vadzidzi vake vakatendeka kuti: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—Mateu 28:19, 20.
Ichokwadi kuti kuita basa rokuparidza kwakaoma chaizvo. Jesu pachake akati: “Tarirai! Ndiri kukutumai semakwayana pakati pemhumhi.” (Ruka 10:3) Patinoshorwa, ndezvomuzvarirwo kuti tinonzwa tichida kudzokera shure kuitira kuti tisazvirwadzisa zvisina basa kana kuti tisafunganya. Izvozvo ndizvo zvakaitika pausiku hwakasungwa Jesu. Vaapostora vakatiza vakurirwa nokutya. Pava paya usiku ihwohwo, Petro akaramba katatu kuti aiziva Jesu.—Mateu 26:56, 69-75.
Uyezve, ungashamiswa kuziva kuti kunyange muapostora Pauro akati aitotamburirawo kuparidza mashoko akanaka. Akanyorera ungano yokuTesaronika kuti: “Takava vasingatyi sei naMwari wedu kuti tikutaurirei mashoko akanaka aMwari tichitamburira kwazvo.”—1 VaTesaronika 2:1, 2.
Pauro nevamwe vaapostora vakakwanisa kukurira kutya kuudza vamwe nezvoUmambo hwaMwari, uye iwewo unogona kudaro. Sei? Danho rinokosha zvikuru nderokudzidza kuvimba naJehovha. Kana tikatenda zvakakwana muna Jehovha, kutenda ikoko kuchatikurudzira kuita chiito, uye tichakwanisa kuita zvaanoda.—Mabasa 4:17-20; 5:18, 27-29.
Pane Mubayiro Uripo Nokuda Kwebasa Rako
Jehovha anonyatsoziva kuti tinoedza nepatinogona napo kumushumira. Somuenzaniso, anozviziva patinenge tichirwara kana takaneta. Anoziva zvatinotya uye zvatisina chokwadi nazvo. Patinonetseka nemitoro yemari kana kuti utano hwedu kana kuti zvatinofunga pazvinoita sezvava kutiodza mwoyo, nguva dzose Jehovha anoziva mamiriro edu ezvinhu.—2 Makoronike 16:9; 1 Petro 3:12.
Jehovha anofanira kunge achifara chaizvo kutenda kwedu pakunotikurudzira kuita chiito pasinei nokusakwana kwedu nezvinetso zvedu! Mutsa unoratidzwa naJehovha kuvashumiri vake vakatendeka hausi kungonzwawo zvako kunopfuura—unotsigirwa nezvaanotipikira. Afuridzirwa naMwari, muapostora Pauro akanyora kuti: “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, pakuti makashumira vatsvene uye munoramba muchishumira.”—VaHebheru 6:10.
Unogona kuvimba nerondedzero yeBhaibheri yaJehovha sa“Mwari wakatendeka, usinganyengeri,” uye kuti “anova anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.” (Dheuteronomio 32:4; VaHebheru 11:6) Somuenzaniso, mumwe mukadzi wokuCalifornia, U.S.A., anoyeuka kuti: “Baba vangu vakashanda somushumiri wenguva yakazara kwemakore gumi vasati vava nemhuri. Vaindifadza nenyaya dzavo dzairatidza kuti Jehovha akavachengetedza sei muushumiri. Kakawanda vaishandisa mari yose yavaiva nayo kutenga peturu kuitira kuti vaende muushumiri. Pavaisvika pamba vachibva muushumiri, vaiwanzowana zvokudya zvavaisatarisira zviri pamusuo.”
Kuwedzera pakutsigira pane zvokurarama nazvo, “Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose” anotitsigira mupfungwa uye mune zvokunamata. (2 VaKorinde 1:3) “Kuvimba naJehovha chinhu chinozorodza,” chinodaro chimwe Chapupu chakatsungirira miedzo yakawanda kwemakore akawanda apfuura. “Zvinokupa mukana wokuvimba naJehovha uye wokuona mabatsiriro aanokuita.” Unogona kutaura ‘noMunzwi womunyengetero’ nokuzvininipisa, uine chivimbo chokuti achava nehanya nezvinhu zvinokunetsa.—Pisarema 65:2.
Zvikomborero nemibayiro zvinowanikwa nevashandi vokukohwa kwomudzimu zvakawanda. (Mateu 9:37, 38) Kuita ushumiri hwepachena kwakabatsira vakawanda, uye kunogona kukubatsirawo. Zvisinei, chinotokosha ndechokuti kupupurira kune vamwe kunotibatsira kusimbisa ukama hwakanaka naMwari.—Jakobho 2:23.
Ramba Uchiita Zvakanaka
Kungava kukanganisa kuti mumwe wevashumiri vaMwari afunge kuti Jehovha haafari nokutadza kwake kuita zvaaizoda kuita muushumiri zvichikonzerwa noundonda kana kuti kukwegura. Izvozvo ndezvechokwadiwo nezvevaya vasingakwanisi kuita zvavanoda pamusana poutano husina kunaka, mitoro yemhuri, kana kuti mamwe mamiriro ezvinhu.
Yeuka kuti muapostora Pauro paakakanganiswa nechirwere kana kuti chipingamupinyi, “akateterera Ishe katatu kuti [chi]bve” kwaari. Pane kuporesa Pauro kuitira kuti aite zvakawanda mubasa raJehovha, Mwari akati: “Mutsa wangu usina kufanirwa unokukwanira; nokuti simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava nesimba.” (2 VaKorinde 12:7-10) Saka iva nechokwadi chokuti pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma aungadaro uri kutsungirira, Baba vako vokudenga vanokoshesa chero zvipi zvaungave uchikwanisa kuita kuti zvavanoda zvienderere mberi.—VaHebheru 13:15, 16.
Musiki wedu ane rudo haatarisiri zvakawanda kwatiri kudarika zvatinokwanisa kupa. Anongokumbira kuti tive nokutenda kunotikurudzira kuita chiito.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kudzidza Mutemo kwakanga kwakakwana here?
[Mifananidzo iri papeji 29]
Kutenda kwedu kunofanira kutsigirwa nemabasa