Kuwana Zivo—Iye Zvino uye Nokusingaperi
Kuwana Zivo—Iye Zvino uye Nokusingaperi
CHIREMBA wokuGermany anonzi Ulrich Strunz, akanyora mabhuku akatevedzana aiva nomusoro waiti Forever Young. Mumabhuku aya akati kurovedza muviri, kudya zvinovaka muviri, uye mararamiro akanaka zvingaita kuti uve noutano huri nani uye pamwe zvingaita kuti uve noupenyu hurefu. Kunyange zvakadaro, haana kuvimbisa vaverengi vake kuti kana vakatevera zano rake, vangararama nokusingaperi.
Zvisinei, pane rudzi rumwe chete rwezivo inoita kuti tiwane upenyu husingaperi. Kusiyana neizvi, kana ukararama nokusingaperi, ungawana zivo inobatsira nokusingaperi. Achinyengetera kuna Mwari, Jesu akati: “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Ngatitange tarondedzera zvinoreva mashoko okuti “upenyu husingaperi,” zvadaro tozorondedzera kuti zivo chii uye kuti ungaiwana sei.
Maererano neBhaibheri, Musiki ava kuzobva ochinja pasi kuva paradhiso chaiyo, ichaita kuti pave noupenyu hurefu. Kuunza Paradhiso kuchasanganisira chiito chakasimba, kufanana nezvakaitwa paMafashamo omuzuva raNoa. Mateu chitsauko 24, ndima 37 kusvika ku39, dzinoratidza kuti Jesu akaenzanisa nguva yedu ne“mazuva aNoa,” apo vanhu ‘vasina kuziva’ nezvemamiriro avo ezvinhu akaipa. Havanawo kuteerera shoko raiparidzwa naNoa. “Zuva rakapinda Noa muareka” rakasvika uye Mafashamo acho akaparadza vose vakanga varamba zivo iyi. Noa nevaaiva navo muareka vakaramba vari vapenyu.
Jesu akaratidza kuti “zuva” rakafanana nairoro riri kuuya munguva yedu. Vaya vari kuteerera zivo ine chokuita nezuva iri havasi kuzongova netarisiro yokupona asiwo yokurarama nokusingaperi. Uyezve, vakafa vanoyeukwa naMwari vachamutsirwa kuupenyu vaine tarisiro yokusazofa. (Johani 5:28, 29) Ona kuti Jesu akataura sei nezvepfungwa mbiri idzi. Paaitaura naMarita nezvokumuka kwevakafa, akati: “Anotenda mandiri, kunyange akafa, achava mupenyu; uye munhu wose mupenyu uye anotenda mandiri haangambofi.” Uchapupu hwose hunoratidza kuti “zuva” iri rava pedyo zvikuru, izvo zvinoreva kuti zvimwe ‘haungambofi.’—Johani 11:25-27.
Jesu akabva abvunza Marita kuti: “Unotenda izvi here?” Akapindura kuti: “Hungu, Ishe.” Dai Jesu aizokubvunza mubvunzo wakafanana nhasi, waizopindura uchiti chii? Zvimwe waizoona zvakaoma kutenda kuti zvinobvira kusambofa. Asi dai zvaizokuomera kutenda, hapana mubvunzo kuti waizoda kuzvitenda. Imbofungidzira kuti waizodzidza zvakawanda sei dai ‘waisazofa’! Edza kuzvifungidzira uchiziva zvinhu zvose zvaunoshuva kuziva uye kuita asi usina nguva yokuzviita. Uye fungidzira uchionanazve nevadiwa vako vakafa! Izivo ipi ingaita kuti zvinhu izvozvo zvibvire, uye ungaiwana sei?
Kuwana Zivo Inopa Upenyu—Yatinokwanisa
Hatingakwanisi kuwana zivo yaMwari naKristu here? Tinokwanisa. Ichokwadi kuti zivo yemabasa oMusiki haiperi. Asi, Jesu akanga asiri kutaura nezvesayenzi yenyeredzi kana kuti rumwe ruzivo rwesayenzi paakabatanidza “zivo” no“upenyu husingaperi.” Zvirevo chitsauko 2, ndima 1 ne5, dzinoratidza kuti “mashoko” uye “mirayiro” zvinowanikwa muBhaibheri ndizvo zvinokosha pakuva ne“zivo yaMwari.” Uye nezvaJesu, Johani 20:30, 31 inoratidza kuti zvinhu zvakanyorwa zvakakwana kuti ‘tive noupenyu.’
Saka, zivo yaJehovha naJesu Kristu iri muBhaibheri yakakwana kukuratidza mawaniro aungaita upenyu husingaperi. Bhaibheri ibhuku rakasiyana nemamwe mabhuku. Nomutsa Musiki akarifuridzira nenzira inoita kuti kunyange vanhu vasina kudzidza vane mikana mishoma yokudzidza vagone kuva nezivo yakakwana inoita kuti vawane upenyu husingaperi. Saizvozvowo, mumwe munhu ane pfungwa dzinokurumidza kubata zvinhu uye ane nguva yakawanda nezvinhu zvokushandisa achadzidza chimwe chinhu chitsva kubva muMagwaro akafuridzirwa nguva dzose. Kuverenga kwauri kuita nyaya ino kunoratidza kuti unokwanisa kudzidza, asi ungashandisa sei mano iwayo?
Zvakaitika pasi pose zvinoratidza kuti nzira inonyanya kushanda yokuti uwane zivo iyi ndeyokudzidza Bhaibheri uchibatsirwa nomumwe munhu akatonzwisisa zvinoreva mashoko acho. Kungofanana naNoa akaedza kupa zivo vanhu vaairarama navo, Zvapupu zvaJehovha zvinoda kuuya kumba kwako kuti zvikurukure Bhaibheri newe. Zvingashandisa bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti bhuku rine musoro wakakodzera rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. * Kunyange zvakakuomera kutenda pfungwa yokuti muParadhiso yepasi, vakatendeka ‘havazombofi,’ ungadzidza kuvimba nechipikirwa ichi kubva mukukurukurirana Bhaibheri uku. Saka kana uchizoda kurarama nokusingaperi kana kuti uchingoda kuona kana zvine musoro kutenda kuti zvinogona kuitika, unofanira kuitei? Unofanira kubvuma kudzidza Bhaibheri.
Chidzidzo cheBhaibheri chacho chinotora nguva yakareba sei? Bhurocha rine mapeji 32 rabva kutaurwa nezvaro, rinowanikwa mumazana emitauro, rine zvitsauko zvipfupi 16 chete. Kana ukatsaura inenge awa imwe pavhiki, uchada mwedzi mishomanana chete kuti udzidze nyaya dzomuBhaibheri dzinokosha uchishandisa bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Mabhuku aya akabatsira vakawanda kuva nezivo yakawanda uye kukudziridza kuda Mwari zvikuru. Musiki achapa mubayiro kune vaya vanomuda zvechokwadi, zvoita kuti vakwanise kuwana upenyu husingaperi.
Zvechokwadi, zivo inopa upenyu chinhu chatinogona kuwana, uye inowanikwa zviri nyore. Bhaibheri rose uye zvimwe zvikamu zvaro zvakashandurirwa mumitauro inodarika 2 000. Zvapupu zvaJehovha zviri munyika 235 zvinofara kukubatsira uye kukupa mabhuku eBhaibheri kuitira kuti uwedzere zivo yako.
Kudzidza Uri Woga
Ukama hwako naMwari inhau yenyu muri vaviri noMusiki. Iwe chete ndiwe unogona kuita kuti hurambe huripo uye kuti husimbe, uye iye chete ndiye anogona kukupa upenyu husingaperi. Saka, unofanira kuramba uchidzidza Shoko rake rakanyorwa uri woga. Kana ukaita kuti mumwe munhu auye kumba kwako nguva dzose, zvingakuitira nyore kutsaura nguva yokudzidza.
Zvakakodzera zvikuru kuti unyatsochengetedza Bhaibheri uye mabhuku eBhaibheri, nokuti ane “zivo yaMwari.” (Zvirevo 2:5) Ukadaro uchava nawo kwemakore akawanda. Kana uchigara munyika ichiri kusimukira, zvimwe hauna kumboshandisa mabhuku akawanda pawaienda kuchikoro, asi kazhinji waidzidza uchiita zvokuteerera nokuona. Somuenzaniso, muBenin, munotaurwa mitauro inodarika 50. Hazvishamisi kuona vanhu vachinyatsotaura mitauro mina kana mishanu, kunyange zvazvo vasina kumbobvira vava nebhuku rinodzidzisa mitauro iyi. Wakakomborerwa kana uchikwanisa kudzidza kuburikidza nokuteerera, kuona, uye kuisa pfungwa dzako pazvinhu zvaunodzidza. Kunyange zvakadaro, uchaona kuti mabhuku anogona kukubatsira chaizvo pakudzidza kwako.
Kunyange muimba yaunogara makazara nezvinhu, edza kuva nenzvimbo yakanaka yokuisa Bhaibheri rako nemamwe mabhuku eBhaibheri. Achengetere paunokwanisa kuawana nyore nyore uye paasingakanganisiki.
Kudzidza Semhuri
Kana uri mubereki, unofanira kufarira kubatsira vana vako kuti vawanewo zivo yauri kuwana. Munyika dzichiri kusimukira, vabereki vanowanzodzidzisa vana vavo mabasa akawanda anokosha muupenyu. Izvi zvingasanganisira kubika, kutsvaka huni, kuchera mvura, kurima, kubata hove, uye kutengesa zvinhu pamusika. Zvechokwadi, izvi zvinhu zvinokosha muupenyu. Zvisinei, vabereki vakawanda havabatanidzi zivo inopa upenyu husingaperi pavanodzidzisa vana vavo zvinhu izvi.
Chero angava mamiriro ako ezvinhu, ungangodaro uchifunga kuti hauna nguva yakawanda yaunenge wakasununguka. Musiki anozvizivawo. Pamusoro pemadzidzisirwo anofanira kuitwa vana nzira dzake, ona zvaakataura kare kare, zvokuti: “Unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.” (Dheuteronomio 6:7) Uchivakira papfungwa idzi, wadii wava nepurogiramu yako yokudzidzisa, yakaita seinotevera:
1. “Kana ugere mumba mako”: Nguva dzose edza kukurukura nevana vako muri pamba, zvimwe vhiki yoga yoga, sezvaungadaro wakaitwa nomumwe munhu. Zvapupu zvaJehovha
zvinobudisa mabhuku eBhaibheri akakodzera kudzidzisa vana vemazera ose.2. “Kana uchifamba munzira”: Ingotaura nevana vako nezvaJehovha usina kuita zvokuronga, semadzidzisiro aunovaita zvinhu zvinokosha muupenyu kana kuti sokupa kwaunovaita mirayiridzo usina kuzvironga.
3. “Kana uchivata pasi”: Nyengetera nevana vako manheru oga oga.
4. “Kana uchimuka”: Mhuri dzakawanda dzakabatsirika zvikuru nokudzidza rugwaro rumwe chete rweBhaibheri mangwanani oga oga. Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa kabhuku kanonzi Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva * kuti zviite kudaro.
Munyika dzichiri kusimukira, vabereki vakawanda vanoita zvose zvavanogona kuti vave nechokwadi chokuti mwana wavo awana dzidzo yakanaka. Nenzira iyoyo mwana wacho anozokwanisa kutarisira vabereki pavanenge vava kukwegura. Zvisinei, kana uchidzidza Bhaibheri uye uchibatsira vana vako vose kuitawo saizvozvo, uchava nezivo ichaita kuti iwe nemhuri yako mukwanise kurarama nokusingaperi.
Pachazombova nezuva ratichasvika pakuziva zvinhu zvose here? Aiwa. Pasi redu zvarinoramba richitenderera, ticharamba tichiwana zivo. Chokwadi, Muparidzi 3:11 inoti: “Chinhu chimwe nechimwe [Mwari] wakachiita chakanaka panguva yacho; wakaisawo zvisingaperi mumwoyo mavo, kunyange zvakadaro munhu haangagoni kunzwisisa zvakabatwa naMwari kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.” Kuwana zivo chinhu chinofadza chisingazombofi chakaguma.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 10 Ose akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
^ ndima 23 Kanobudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
“Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu . . . ”
[Mifananidzo iri papeji 7]
Batsira mhuri yako kuwana zivo iye zvino uye nokusingaperi