Kuzadzisa Zvinodiwa kuMacedonia
Kuzadzisa Zvinodiwa kuMacedonia
“YAMBUKIRAI kuMakedhoniya mutibetsere.” (Mabasa 16:9) Mashoko aya akataurwa nomurume akaonekwa mune zvakaratidzwa muapostora Pauro akaratidza kuti mashoko akanaka oUmambo hwaMwari anofanira kuziviswa mundima itsva dziri mumaguta omuGreece yemazuva ano.
KuMacedonia yemazuva ano, pavanhu 1 840 pane Chapupu chaJehovha chimwe chete. Vanhu vakawanda havasati vambonzwa nezvaJehovha Mwari. Chokwadi vanhu vomunyika iyi vanofanira kukurumidza kunzwa mashoko orugare.—Mateu 24:14.
Mwari akavhura nzira yokuzadzisa zvinodiwa izvozvo. Rimwe zuva muna November 2003, hofisi yeZvapupu zvaJehovha yokuMacedonia iri kuSkopje yakagamuchira runhare rwayakanga isingambotarisiri. Rwaibva kusangano rinonzi Macedonian Center for International Cooperation, richikoka Zvapupu kuti zvivewo netende razvo kuitira kuti zvitsanangurire vanhu zvazvinotenda pashoo yemazuva matatu yaifanira kutanga musi waNovember 20. Waiva mukana wakanaka zvikuru wokuti zvitaure nezviuru zvevanhu zvakanga zvisati zvambonzwa mashoko akanaka oUmambo!
Vanhu vanozvipira vakaita chipatapata kugadzira uye kuronga paizoratidzirwa mabhuku eZvapupu zvaJehovha akasiyana-siyana mumutauro wokuMacedonia. Mabhuku aya akarongwa zvainyatsooneka kuitira kuti vashanyi vakwanise kutora avaida. Zvairatidzwa zvacho zvakapa vakawanda mukana wokuti vakwanise kuwana mvura yezvokunamata inozorodza pasina mubhadharo.—Zvakazarurwa 22:17.
Vashanyi vainyanya kuda mabhuku ane chokuita noupenyu hwavo, akadai seanonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda uye Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. * Vanhu makumi mapfumbamwe nevasere vakasiya kero dzavo, vachikumbira kushanyirwa neZvapupu zvaJehovha. Vakawanda vakataura zvakanaka nezvebasa rakaisvonaka reZvapupu zvaJehovha uye kunaka kwemabhuku azvo.
Mumwe murume akauya kutende racho akabata ruoko rwomwanakomana wake. Baba vacho vakabvunza kana paiva nemabhuku evana. Zvapupu zvacho zvakamuratidza bhuku rinonzi Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. * Akarivhura nokukurumidza achibva abvunza kuti raiita marii achiratidza kufara. Paakanzwa kuti basa rokudzidzisa reZvapupu zvaJehovha rinotsigirwa zvakazara nemipiro yokuzvidira, akatowedzera kufara. (Mateu 10:8) Akaratidza mwanakomana wake bhuku racho achibva ati: “Ibhuku rakazonaka! Baba vachakuverengera nyaya imwe chete pazuva!”
Mumwe purofesa wouzivi akasvikawo patende racho. Aifarira zvikuru zvinhu zvechitendero asi kunyanya zvinotendwa neZvapupu zvaJehovha. Achivhura bhuku rinonzi Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu, * purofesa wacho akati: “Rakanyatsonyorwa zvine musoro! Zvinonyatsoenderana nemanyorerwe andinofunga kuti nyaya dzinofanira kuitwa.” Gare gare, vamwe vadzidzi vepachikoro chake vakauyawo patende racho uye vakakumbira makopi ebhuku rakanga ratorwa napurofesa wavo. Vaida kudzidza bhuku rakafanana. Vaifunga kuti aizoshandisa mashoko aro muzvidzidzo zvake.
Shoo yacho yakapa vamwe vanhu mukana wokutanga kuverenga uye kunzwa chokwadi chomuMagwaro. Rimwe boka revachiri kuyaruka vari matsi rakasvika kuti rione kana paine chaizovafadza. Mumwe weZvapupu zvacho akakurukura navo kwenguva pfupi, achibatsirwa nomumwe musikana aishandurira mumutauro wemasaini. Achishandisa mifananidzo iri mubhuku rinonzi Munhu Mukurusa Ati Amborarama, * akatsanangura kuti Jesu akaporesa vanorwara, kusanganisira matsi. Vakafara “kunzwa” chipikirwa cheBhaibheri chokuti Jesu ava kuzobva oita zvakafanana kuvanhu vari kurarama pasi pano mumazuva edu. Vamwe vavo vakagamuchira mabhuku eBhaibheri vachifara, uye vakaronga kuti vashanyirwe neChapupu chinoziva mutauro wemasaini.
Kunze kwomutauro wokuMacedonia, mabhuku aivapowo mumitauro inoti, wokuAlbania, Chirungu, uye wokuTurkey. Mumwe murume akanga asingagoni kutaura mutauro wokuMacedonia akakumbira mabhuku eChirungu. Awana magazini eNharireyomurindi neMukai!, akati aitaura mutauro wokuTurkey. Paakaratidzwa mabhuku mumutauro wake, akashamiswa zvikuru! Akaona kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoda kubatsira munhu wose.
Uchapupu hwakaisvonaka hwakapiwa pachiitiko ichocho, uye zvaikurudzira zvikuru kuona vanhu vakawanda kwazvo vachiratidza kufarira chokwadi cheBhaibheri! Chokwadi, Jehovha akavhura nzira yokuparadzira mashoko akanaka oUmambo kuvanhu vakawanda vokuMacedonia.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 6 Ose akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
^ ndima 7 Ose akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
^ ndima 8 Ose akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
^ ndima 9 Ose akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 9]
BASA GURU!
Kuedza kuparadzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kwakasvika padanho guru musi waMay 17, 2003. Hofisi yeZvapupu zvaJehovha yakatsaurirwa muSkopje. Basa rokuvaka kuitira kuwedzera zvivako zvaivapo kanopetwa kana rakatora makore maviri.
Pane zvivako zvitatu zvine mahofisi okutarisira uye mahofisi evashanduri pamwe chete nedzimba dzokugara, kicheni, uye imba yokugezera mbatya. Guy Pierce, nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, akauya kuzopa hurukuro yokutsaurira. Vakabva kunyika gumi dzakasiyana-siyana vaiva papurogiramu yacho yokutsaurira. Vose vakafara kuona zvivako zvitsva zvakaisvonaka.
[Mepu iri papeji 8, 9]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
BULGARIA
MACEDONIA
Skopje
ALBANIA
GREECE
[Mufananidzo uri papeji 8]
Skopje, Macedonia