Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Muapostora Pauro haana here kutsauka pakutenda kwake kwechiKristu paakataura pamberi peSanihedrini kuti: “Ini ndiri muFarisi”?
Kuti tinzwisise mashoko aPauro, anowanikwa pana Mabasa 23:6, tinofanira kuona kuti chii chakanga chaitika.
Arwiswa nemhomho yevaJudha vakaoma musoro muJerusarema, Pauro akataura nemhomho yacho. Akataura kuti ‘akadzidza muJerusarema ari pamakumbo aGamarieri, akadzidziswa maererano norumano rwoMutemo wemadzitateguru.’ Kunyange zvazvo mhomho yacho yakateerera kuzvidzivirira kwake kwekanguva, payakazotsamwa, mutungamiriri wehondo aimuperekedza akaenda naPauro kwaigara masoja. Paakanga oda kuzvamburwa, Pauro akati: “Imi vanhu munobvumirwa here nomutemo kuzvambura munhu ari muRoma asi asina kupiwa mhosva?”—Mabasa 21:27-22:29.
Zuva rakatevera racho, mutungamiriri wehondo akamisa Pauro pamberi peSanihedrini, dare repamusoro revaJudha. Pauro akanyatsovatarira uye akaona kuti Sanihedrini yaiva nevaSadhusi uye vaFarisi. Akabva ati: “Varume, hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wevaFarisi. Ndiri kutongwa nokuda kwetariro yokumuka kwevakafa.” Nemhaka yeizvi, pakava nokusawirirana kukuru pakati pevaFarisi nevaSadhusi, “nokuti vaSadhusi vanoti hapana kumuka kana ngirozi kana mudzimu, asi vaFarisi vanozvizivisa zvose pachena.” Vamwe vaiva veboka revaFarisi vakapopota vakaitirana nharo dzinotyisa vachiti: “Hationi chinhu chakaipa nomurume uyu.”—Mabasa 23:6-10.
Sezvo aizivikanwa somuKristu anoshingaira chaizvo, zvaisaita kuti Pauro aite kuti Sanihedrini ibvume kuti akanga ari muFarisi chaiye. VaFarisi vaivapo vangadai vasina kugamuchira munhu upi noupi anoti mumwe wavo asi achipokana nezvavanodzidzisa. Saka Pauro paakati aiva muFarisi, anofanira kunge aiva nezvimwe zvaaireva, uye vaFarisi vaivapo vanofanira kunge vakanzwisisa zvairehwa nemashoko aPauro paakazvitaura.
Paakati aitongerwa tariro yokumuka kwevakafa, zvaiva pachena kuti Pauro aireva kuti papfungwa iyi akanga akaita sevaFarisi. Pagakava ripi neripi raizoitwa nezvenyaya iyi, Pauro aizoonekwa ari kurutivi rwevaFarisi pane kuonekwa ari kurutivi rwevaSadhusi, vakanga vasingadaviri rumuko.
Zvaidavirwa naPauro somuKristu zvakanga zvisingapesani nezvaidavirwa nevaFarisi panyaya dzakadai sorumuko, ngirozi, uye zvimwe zvikamu zvoMutemo. (VaFiripi 3:5) Saka panyaya idzi, Pauro aigona kuzvibatanidza nevaFarisi, uye papfungwa iyoyi chete vanhu veSanihedrini vaivapo vakanzwisisa mashoko ake. Saka akanga achishandisa kukura kwake ari muchiJudha kuti abate nedare rechiJudha repamusorosoro raiva norusaruro.
Zvisinei, uchapupu hwakakura hwokuti Pauro haana kutsauka pakutenda kwake hunoonekwa pakuti akaramba achifarirwa naJehovha. Usiku hwakatevera, Pauro atotaura kuti muFarisi, Jesu akamuti: “Shinga zvikuru! Nokuti sezvawave uchipupura kwazvo pamusoro pezvinhu zvine chokuita neni muJerusarema, nokudaro unofanirawo kunopupura muRoma.” Pauro zvaakanga achiri kufarirwa naMwari, tinofanira kugumisa kuti haana kutsauka pakutenda kwake kwechiKristu.—Mabasa 23:11.