Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shoko raMwari Ngarive Chiedza Panzira Yako

Shoko raMwari Ngarive Chiedza Panzira Yako

Shoko raMwari Ngarive Chiedza Panzira Yako

“Shoko renyu . . . chiedza panzira yangu.”—PISAREMA 119:105.

1, 2. Shoko raJehovha rinova chiedza panzira yedu kana zvadini?

SHOKO raJehovha richava chiedza panzira yedu kana tikabvumira kuti ridaro. Kuti tibatsirwe nechiedza ichocho mune zvokunamata, tinofanira kuva vadzidzi vanoshingaira veShoko raMwari rakanyorwa uye toshandisa mazano aro. Kana tikadaro ndipo patinozokwanisa kunzwa sezvaiita munyori wepisarema kuti: “Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.”—Pisarema 119:105.

2 Iye zvino ngatimboongororai Pisarema 119:89-176. Mundima idzi mune mashoko akawanda chaizvo, akarongwa kuva zvikamu 11! Ndima idzi dzinogona kutibatsira kuti tirambe tiri panzira inoenda kuupenyu husingaperi.—Mateu 7:13, 14.

Nei Tichifanira Kuda Shoko raMwari?

3. Pisarema 119:89, 90 rinoratidza sei kuti tinogona kuvimba neshoko raMwari?

3 Kuda shoko raMwari kunoita kuti tisimbe mune zvokunamata. (Pisarema 119:89-96) Munyori wepisarema akaimba kuti: “Shoko renyu rakasimba kudenga nokusingaperi, Jehovha . . . Imi makasimbisa pasi, panoramba pagere.” (Pisarema 119:89, 90) Neshoko rinobva kuna Mwari—‘mitemo yake yokudenga’—zuva, mwedzi uye nyeredzi zvinofamba zvisingambovhiringidziki mumakwara azvo uyewo pasi rakanyatsosimbiswa kuti rirambe riripo zvachose. (Jobho 38:31-33; Pisarema 104:5) Tinogona kuvimba neshoko rose rinobuda mumuromo maJehovha; rinotaurwa naMwari ‘richabudirira’ zvichizadzikisa zvinangwa zvake.—Isaya 55:8-11.

4. Kuda shoko raMwari kunoita kuti vashumiri vake vanotambudzwa vaite sei?

4 Munyori wepisarema angadai ‘akaparara nedambudziko rake dai mutemo waMwari usina kuva mufaro wake mukuru.’ (Pisarema 119:92) Akanga asiri kutambudzwa nevanhu vokumwe, aitambudzwa nevaIsraeri vaityora mutemo vaimuvenga. (Revhitiko 19:17) Asi izvi hazvina kumukurira, nokuti aida mutemo waMwari waimuchengetedza. MuKorinde, muapostora Pauro akanga ari “pangozi pakati pehama dzenhema,” zvimwe dzaisanganisira ‘vaapostora vakanaka zvikuru’ avo vaitsvaka zvokumupomera. (2 VaKorinde 11:5, 12-14, 26) Asi, Pauro akaramba achiita zvakanaka mune zvokunamata nokuti aida shoko raMwari. Sezvo tichida Shoko raJehovha rakanyorwa uye tichiita zvarinotaura, tinoda hama dzedu. (1 Johani 3:15) Kunyange kuvengwa kwatinoitwa nenyika hakuiti kuti tikanganwe mumwe wemirayiridzo yaMwari. Tinoramba tichiita zvaanoda takabatana nehama dzedu sezvatinotarisira kushumira Jehovha nokusingaperi munguva yemberi.—Pisarema 119:93.

5. Mambo Asa akatsvaka Jehovha sei?

5 Kuratidza kuzvipira kwedu kuna Jehovha, tinganyengetera kuti: “Ndiri wenyu, ndiponesei; nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu.” (Pisarema 119:94) Mambo Asa akatsvaka Mwari uye akabvisa kuramba kutenda muJudha. Pagungano guru rakaitwa mugore rechi15 rokutonga kwaAsa (963 B.C.E.), vagari vomuJudha “vakazvisunga kutsvaka Jehovha.” Mwari “akawanikwa navo” uye aka“vapa zororo kumativi ose.” (2 Makoronike 15:10-15) Muenzaniso uyu unofanira kukurudzira munhu upi noupi anenge atsauka muungano yechiKristu kutsvakazve Mwari. Achakomborera uye achadzivirira vaya vanotangazve kushingaira kuwadzana nevanhu vake.

6. Chii chichaita kuti tirege kukuvadzwa mune zvokunamata?

6 Shoko raJehovha rinopa uchenjeri hunogona kutidzivirira kuti tirege kukuvadzwa mune zvokunamata. (Pisarema 119:97-104) Mirayiro yaMwari inoita kuti tive vakachenjera kupfuura vavengi vedu. Kuteerera zviyeuchidzo zvake kunotipa nzwisiso, uye ‘kuchengeta zvirevo zvake kunoita kuti tinzwisise kupfuura vakwegura.’ (Pisarema 119:98-100) Kana mashoko aJehovha ‘achinaka mukanwa medu kupfuura zvinoita uchi mumuromo medu,’ tichavenga uye tichadzivisa “nzira dzose dzenhema.” (Pisarema 119:103, 104) Izvi zvichaita kuti tirege kukuvadzwa mune zvokunamata sezvatinosangana nevanhu vanozvikudza, vanotyisa, vasingadi Mwari mumazuva ano okupedzisira.—2 Timoti 3:1-5.

Mwenje Wetsoka Dzedu

7, 8. Maererano nePisarema 119:105, chii chatinofanira kuita?

7 Shoko raMwari rinopa chiedza chisingadzimi mune zvokunamata. (Pisarema 119:105-112) Tingava tiri vaKristu vakazodzwa kana kuti tiri shamwari dzavo dze“mamwe makwai,” tinozivisa kuti: “Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.” (Johani 10:16; Pisarema 119:105) Shoko raMwari rakaita sechiedza chinovheneka nzira yedu, kuitira kuti tisagumburwe kana kuwa pakunamata. (Zvirevo 6:23) Asi, isu pachedu tinofanira kubvumira shoko raJehovha kuva chiedza chetsoka dzedu.

8 Tinoda kutsunga sezvakanga zvakaita munyori wePisarema 119. Akanga akatsunga kurambira pazvirevo zvaMwari. Akati:“Ndakapika, ndikazvisimbisa, kuti ndichachengeta zvamakatonga [Jehovha] zvakarurama.” (Pisarema 119:106) Ngatisambofa takarerutsa kukosha kwokudzidza Bhaibheri nguva dzose uye kupindurawo pamisangano yechiKristu.

9, 10. Tinoziva sei kuti vanhu vakazvitsaurira kuna Jehovha vanogona ‘kutsauka pazvirevo zvake,’ asi izvi zvingadziviswa sei?

9 Munyori wepisarema haana ‘kutsauka pazvirevo zvaMwari,’ asi izvozvo zvinogona kuitika kumunhu akazvitsaurira kuna Jehovha. (Pisarema 119:110) Mambo Soromoni akatsauka, kunyange zvazvo akanga ari nhengo yorudzi rwakazvitsaurira kuna Jehovha uye akanga amboita zvinodiwa nouchenjeri hwaakapiwa naMwari. “Kunyange zvakadaro naiye wakatadziswa navakadzi vatorwa” nokumunyengedza kuti anamate vanamwari venhema.—Nehemia 13:26; 1 Madzimambo 11:1-6.

10 “Muteyi weshiri,” Satani, anoteya misungo yakawanda. (Pisarema 91:3) Somuenzaniso, munhu aimbonamata angaedza kutinyengera kuti titsauke panzira yechiedza chezvokunamata tichipinda murima rokuramba kutenda. PavaKristu vaiva muTiyatira, paiva no“mukadzi uya Jezebheri,” zvimwe chikwata chevakadzi vaidzidzisa vamwe kunamata zvidhori uye kuita ufeve. Jesu haana kubvumira zvakaipa zvakadaro, uye isuwo hatifaniri kuzvibvumira. (Zvakazarurwa 2:18-22; Judha 3, 4) Saka ngatinyengetererei kubatsirwa naJehovha kuitira kuti tisatsauke pazvirevo zvake asi tirambe tiri muchiedza chaMwari.—Pisarema 119:111, 112.

Kutsigirwa neShoko raMwari

11. Maererano nePisarema 119:119, Mwari anoona sei vakaipa?

11 Kana tikasambobva pamirayiro yake, Mwari achatitsigira. (Pisarema 119:113-120) Hatifaniri kufarira “vane mwoyo miviri,” kungofananawo naJesu asingagamuchiri vanozviti vaKristu asi vachidziya. (Pisarema 119:113; Zvakazarurwa 3:16) Nokuti tinoshumira Jehovha nomwoyo wose, ndiye ‘chivando chedu’ uye achatitsigira. ‘Achazvidza vose vanotsauka pamitemo yake’ kuti vanyengedzere uye vareve nhema. (Pisarema 119:114, 117, 118; Zvirevo 3:32) Anoona vakaipa ava ‘setsvina yakaita furo’—marara anobviswa pasimbi dzinokosha dzakaita sesirivha kana ndarama. (Pisarema 119:119; Zvirevo 17:3) Nguva dzose ngatiratidzei kuti tinoda zviyeuchidzo zvaMwari, nokuti zvechokwadi hatidi kuva pamurwi wemarara wevakaipa vakamirira kuparadzwa!

12. Nei kutya Jehovha kuchikosha?

12 “Nyama yangu inobvunda nokukutyai [Jehovha],” akadaro munyori wepisarema. (Pisarema 119:120) Kuti Mwari atitsigire sevashumiri vake, tinofanira kumutya zvakanaka, tozviratidza nokurega zvaasingadi. Kutya Jehovha kwokumuremekedza kwakaita kuti Jobho ararame upenyu hwakarurama. (Jobho 1:1; 23:15) Kutya Mwari kunoita kuti tirambe tiri munzira inodiwa naMwari pasinei nezvatinofanira kutsungirira. Zvisinei, kutsungirira kunoda kuti tinyengetere nomwoyo wose tiine kutenda.—Jakobho 5:15.

Nyengetera Uine Kutenda

13-15. (a) Nei tichifanira kuva nechokwadi chokuti minyengetero yedu ichapindurwa? (b) Chii chingaitika kana tisingazivi zvokutaura mumunyengetero? (c) Enzanisira kuti Pisarema 119:121-128 rinogona kubatana sei ‘nokugomera kwedu kusina kutaurwa’ mumunyengetero.

13 Tinogona kunyengetera tiine chokwadi chokuti Mwari achatiitira zvakanaka. (Pisarema 119:121-128) Kufanana nomunyori wepisarema, tine chokwadi chokuti minyengetero yedu ichapindurwa. Nei? Nokuti tinoda mirayiro yaMwari “kupfuura ndarama, zvirokwazvo, kupfuura ndarama yakaisvonaka.” Uyezve, ‘tinoti mirayiro yose yaMwari yezvinhu zvose yakarurama.’—Pisarema 119:127, 128.

14 Jehovha anonzwa mikumbiro yedu nokuti tinonyengetera tiine kutenda uyewo tinonyatsoita zvinoenderana nemirayiro yake. (Pisarema 65:2) Asi zvakadini kana pane dzimwe nguva tikava nezvinetso zvinotemesa musoro zvokuti tinobva tatadza kuziva zvokutaura patinenge tichinyengetera? Ipapo “mudzimu unotikumbirira nokugomera kusina kutaurwa.” (VaRoma 8:26, 27) Panguva yakadaro, Mwari anogamuchira mashoko anowanikwa muShoko rake seminyengetero inoratidza zvatinoda.

15 Magwaro akazara neminyengetero uye pfungwa dzingagona kuenderana ‘nokugomera kwedu kusina kutaurwa.’ Somuenzaniso, funga nezvePisarema 119:121-128. Mataurirwo anoitwa zvinhu pano anogona kufanana nemamiriro edu ezvinhu. Somuenzaniso, kana tichitya kubiridzirwa tinogona kukumbira kubatsirwa naMwari sezvakaitwa nomunyori wepisarema. (Pis 119 Ndima 121-123) Ngatitii tiri kuda kuita chisarudzo chakaoma zvikuru. Tingagona kunyengetera kuti mudzimu waJehovha utibatsire kuyeuka uye kushandisa zviyeuchidzo zvake. (Pis 119 Ndima 124, 125) Kunyange zvazvo ‘tichivenga nzira dzose dzenhema,’ tingada kukumbira Mwari kutibatsira kuitira kuti tisakundwe nemiedzo kuti tiputse mutemo wake. (Pis 119 Ndima 126-128) Kana tichiverenga Bhaibheri zuva nezuva, tingayeuka ndima dzinobatsira dzakadaro patinoteterera kuna Jehovha.

Kubatsirwa Nezviyeuchidzo zvaJehovha

16, 17. (a) Nei tichida zviyeuchidzo zvaJehovha, uye tinofanira kuzviona sei? (b) Vamwe vangationa sei, asi chii chinonyanya kukosha?

16 Kana tichida kuti Mwari anzwe minyengetero yedu uye kuti atide, tinofanira kuteerera zviyeuchidzo zvake. (Pisarema 119:129-136) Sezvo tichikanganwa chaizvo, tinoda zviyeuchidzo zvaJehovha zvinoshamisa zvinotiyeuchidza mirayiro uye mitemo yake. Chokwadi, tinonakidzwa nechiedza chomudzimu chinopiwa nokunzwisiswa kutsva kwose kwemashoko aMwari. (Pisarema 119:129, 130) Tinofarawo kuti Jehovha akaita kuti ‘chiso chake chitivhenekere’ nokutigamuchira, kunyange zvazvo ‘nzizi dzemvura dzichiyerera pameso edu’ nokuti vamwe vanotyora mutemo wake.—Pisarema 119:135, 136; Numeri 6:25.

17 Tine chokwadi chokuti ticharamba tichidiwa naMwari kana tikaita maererano nezviyeuchidzo zvake zvakarurama. (Pisarema 119:137-144) Sevashumiri vaJehovha, tinobvuma kuti ane kodzero yokuti atizivise zviyeuchidzo zvake zvakarurama uye ozviisa kwatiri semirayiro yatinofanira kuteerera. (Pisarema 119:138) Munyori wepisarema zvaaiteerera mirayiro yaMwari, nei akati: “Ndiri muduku, ndakazvidzwa”? (Pisarema 119:141) Zviri pachena kuti aitaura maonerwo aaiitwa nevavengi vake. Kana tikachengetedza kururama kwedu, vamwe vangatishora. Asi, zvinonyanya kukosha ndezvokuti Jehovha anotida nokuti tinorarama maererano nezviyeuchidzo zvake zvakarurama.

Kuchengeteka uye Kuva Norugare

18, 19. Zvii zvinoguma zvaitika kana tikachengeta zviyeuchidzo zvaMwari?

18 Kuchengeta zviyeuchidzo zvaMwari kunoita kuti tirambe tiri pedyo naye. (Pisarema 119:145-152) Nokuti tinofungisisa zviyeuchidzo zvaJehovha, tinonzwa takasununguka kudana kwaari nomwoyo wedu wose, uye tinogona kutarisira kuti atinzwe. Tingamuka “mambakwedza” tokumbira kubatsirwa. Inguva yakazonaka yokuti tinyengetere! (Pisarema 119:145-147) Uyewo Mwari ari pedyo nesu nokuti tinodzivisa kusazvibata uye tinoona shoko rake sechokwadi, sezvaiitwa naJesu. (Pisarema 119:150, 151; Johani 17:17) Ukama hwedu naJehovha hunotichengetedza munyika ino yatambudzwa uye huchatitsigira muhondo yake huru yeAmagedhoni.—Zvakazarurwa 7:9, 14; 16:13-16.

19 Pamusana pokuremekedza kwatinoita shoko raMwari, tinonzwa takachengetedzwa chaizvo. (Pisarema 119:153-160) Kusiyana nevakaipa, isu ‘hatina kutsauka pazviyeuchidzo zvaJehovha.’ Tinoda mirayiro yaMwari uye takachengetedzwa nomutsa wake worudo. (Pisarema 119:157-159) Zviyeuchidzo zvaJehovha zvinomutsa ndangariro dzedu zvokuti tinobva tayeuka zvaanoda kuti tiite mumamwe mamiriro ezvinhu. Ukuwo, mirayiro yaMwari mazano, uye tinobvuma nyore-nyore kodzero yoMusiki wedu yokutirayira zvaanoda. Sezvo tichiziva kuti ‘zviri mushoko raMwari ichokwadi’ uye kuti hatigoni kudzora nhano dzedu takazvimirira, tinobvuma nomufaro zvinorayirwa naMwari.—Pisarema 119:160; Jeremia 10:23.

20. Nei tiine “rugare rukuru”?

20 Kuda kwatinoita mutemo waJehovha kunotipa rugare rukuru. (Pisarema 119:161-168) Kutambudzwa hakutitoreri “rugare rwaMwari” rusingaenzaniswi. (VaFiripi 4:6, 7) Tinokoshesa chaizvo zvinotongwa naJehovha zvokuti tinowanzomurumbidza nokuda kwazvo—“kanomwe pazuva.” (Pisarema 119:161-164) “Vanoda murau wenyu vane rugare rukuru,” akaimba kudaro munyori wepisarema, “hapana chinovagumbusa.” (Pisarema 119:165) Kana isu somunhu mumwe nomumwe tichida uye tichichengeta mutemo waJehovha, hatizogumburwi mune zvokunamata nezvingaitwa nomumwe munhu uye hatizogumburwi nechimwe chinhu.

21. Ndeipi mienzaniso yomuMagwaro inoratidza kuti hatifaniri kugumbuka kana pakava nezvinetso muungano?

21 Vanhu vakawanda vanotaurwa muBhaibheri havana kubvumira chero chinhu chipi zvacho kuti chivagumbure zvachose. Somuenzaniso, murume wechiKristu ainzi Gayo haana kugumburwa asi ‘akapfuurira kufamba muchokwadi’ pasinei nokuti Dhiyotirefesi aiita zvisingadiwi naMwari. (3 Johani 1-3, 9, 10) Pauro akakurudzira vakadzi vechiKristu Yuodhiya naSindike “kuti vave nokufunga kwakafanana munaShe,” pamwe nokuti vakanga vari kunetsana. Zviri pachena kuti vakabatsirwa kugadzirisa chinetso chavo uye vakaramba vachishumira Jehovha vakatendeka. (VaFiripi 4:2, 3) Saka hatifaniri kugumbuka kana zvimwe zvinetso zvikamuka muungano. Ngatiisei pfungwa pakuchengeta mirayiro yaJehovha, tichiyeuka kuti ‘nzira dzedu dzose dziri pamberi pake.’ (Pisarema 119:168; Zvirevo 15:3) Kana zvikadaro, hapana chingatitorera “rugare rukuru” zvachose.

22. (a) Kana tichiteerera Mwari, iropafadzo yei yatinogona kuwana? (b) Tinofanira kuona sei vamwe vakadzungaira vachisiya ungano yechiKristu?

22 Kana tichiteerera Jehovha nguva dzose, tichava neropafadzo yokuramba tichimurumbidza. (Pisarema 119:169-176) Patinorarama maererano nemitemo yaMwari, tinonzwa takachengeteka mune zvokunamata uye ‘miromo yedu icharamba ichirumbidza Jehovha.’ (Pisarema 119:169-171, 174) Ichi ndicho chikomborero chikuru kwazvo chatingawana mumazuva ano okupedzisira. Munyori wepisarema akanga achida kuramba achirarama uye achirumbidza Jehovha, asi neimwe nzira isingataurwi nezvayo, akanga ‘adzungaira segwai rakarasika.’ (Pisarema 119:175, 176) Vamwe vakadzungaira vachisiya ungano yechiKristu vangangodaro vachiri kuda Mwari uye vangada kumurumbidza. Saka ngatiitei zvose zvatinogona kuti tivabatsire kuitira kuti vachengeteke zvakare mune zvokunamata uye vave nomufaro wokurumbidza Jehovha nevanhu vake.—VaHebheru 13:15; 1 Petro 5:6, 7.

Chiedza Chisingaperi Chenzira Yedu

23, 24. Wabatsirwa zvakadini nePisarema 119?

23 Pisarema 119 rinogona kutibatsira munzira dzakawanda. Somuenzaniso, rinogona kuita kuti tinyatsovimba naMwari, nokuti rinoratidza kuti mufaro wechokwadi unowanikwa ‘mukufamba mumurau waJehovha.’ (Pisarema 119:1) Munyori wepisarema anotiyeuchidza kuti ‘zviri mushoko raMwari ichokwadi.’ (Pisarema 119:160) Izvi zvinofanira kuwedzera kukoshesa kwatinoita Shoko raMwari rose rakanyorwa. Kufungisisa Pisarema 119 kunofanira kutikurudzira kuti tidzidze Magwaro nokushingaira. Munyori wepisarema akateterera atetererazve kuna Mwari achiti: “Ndidzidzisei mitemo yenyu.” (Pisarema 119:12, 68, 135) Akakumbirawo kuti: “Ndidzidzisei ungwaru hwakanaka nenjere; nokuti ndakatenda mirayiro yenyu.” (Pisarema 119:66) Tinofanirawo kunyengetera saizvozvo.

24 Kudzidzisa kwaMwari kunoita kuti tikwanise kuva noukama hwepedyo naJehovha. Munyori wepisarema anodzokorora adzokororazve kuzviti mushumiri waMwari. Kutaura zvazviri, anotaura naJehovha achishandisa mashoko anobaya mwoyo okuti: “Ndiri wenyu.” (Pisarema 119:17, 65, 94, 122, 125; VaRoma 14:8) Chikomborero chaicho kushumira uye kurumbidza Jehovha somumwe weZvapupu zvake! (Pisarema 119:7) Uri kurumbidza Mwari nomufaro somuzivisi woUmambo here? Kana zvakadaro, iva nechokwadi chokuti Jehovha acharamba achikutsigira uye achikuropafadza mubasa iri rakakomborerwa kana uchivimba neshoko rake nguva dzose uye uchiribvumira kuva chiedza panzira yako.

Ungapindura Sei?

• Nei tichifanira kuda shoko raMwari?

• Shoko raMwari rinotitsigira sei?

• Tinobatsirwa munzira dzipi nezviyeuchidzo zvaJehovha?

• Nei vanhu vaJehovha vakachengeteka uye vaine rugare?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16]

Shoko raMwari ndiro rinopa chiedza mune zvokunamata

[Mufananidzo uri papeji 17]

Kana tichida zviyeuchidzo zvaJehovha, haazombotioni “setsvina yakaita furo”

[Mifananidzo iri papeji 18]

Kana tichiverenga Bhaibheri zuva nezuva, tinogona kuyeuka nyore nyore zvikamu zvinobatsira patinonyengetera