Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tariro Pasinei Nenhamo—Gungano Mumusasa Wevapoteri

Tariro Pasinei Nenhamo—Gungano Mumusasa Wevapoteri

Tariro Pasinei Nenhamo—Gungano Mumusasa Wevapoteri

MUSASA wevapoteri unonzi Kakuma uri nechokuchamhembe kweKenya, pedyo nomuganhu weSudan. Unogara vanhu vanopfuura 86 000. Nharaunda yacho hainyanyi kunaya, uye masikati tembiricha inombosvika 50°C. Zvakajairika kuona vapoteri vacho vachirwisana. Kune vakawanda, musasa wacho inzvimbo yenhamo. Zvisinei, vamwe vane tariro.

Pavapoteri vacho pane Zvapupu zvaJehovha zvakati wandei, zviri kushingaira kuzivisa mashoko akanaka oUmambo. Zvinopinda neungano duku iri muLodwar, makiromita 120 kumaodzanyemba kwomusasa wacho. Zvinotora maawa masere nemotokari kuti usvike pane imwe ungano iri pedyo.

Sezvo vapoteri vasingakwanisi kungobuda-buda mumusasa wacho, vakawanda havakwanisi kupinda magungano nekokorodzano zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha. Saka, urongwa hwakaitwa hwokuti paitwe zuva regungano chairo mumusasa wacho.

Kuenda Kuchamhembe

Kuti zvitsigire gungano racho, Zvapupu 15 zvomuguta reEldoret riri makiromita 480 nechokumaodzanyemba kwomusasa wacho, zvakazvipira kufamba rwendo runonetesa zvichienda kunharaunda yokuchamhembe isinganyanyi kunaya, nomumwe mudzidzi weBhaibheri akati aizoshandisa kabhazi kake uye aizouya nomutyairi wake. Chido chavo chomwoyo wose chaiva chokukurudzira uye kusimbaradza hama dzavo.

Rwendo rwacho rwakatanga mangwanani-ngwanani munzvimbo ine makomo iri nechokumadokero kweKenya. Mugwagwa wacho une makomba makomba waikwira nomumapurazi uye mumasango usati wadzika munzvimbo yegwenga inopisa. Mapoka embudzi neengamera aifura munharaunda iyi inopisa. Vanhu veko vaifamba vakapfeka mbatya dzeko, vakawanda vacho vakatakura tsvimbo, uta nemiseve. Zvafamba kwemaawa 11, Zvapupu zvacho zvakasvika muLodwar, nharaunda inopisa inopfumbuka huruva inogara vanhu vanoda kusvika 20 000. Vakwazisana neZvapupu zvavaizogara nazvo, vakambonozorora kuitira kuti vagadzirire basa rakaoma ravaizoita pakupera kwevhiki.

Mangwanani akatevera acho, vashanyi vacho vakaenda kunoona dzimwe nzvimbo dzinoyevedza dzomunharaunda iyi. Vaitofanira kunoona dhamu guru kudarika mamwe ose muKenya rinonzi Lake Turkana. Zvarakakomberedzwa nenharaunda huru ine zvikwenzi, dhamu racho rine ngwena dzakawanda kudarika mamwe ose pasi pose. Mvura ine munyu ndiyo inoshandiswa nevanhu vashoma vanogara pedyo nemhenderekedzo dzedhamu iri. Manheru acho vakafara kupinda Chikoro chaMwari Choushumiri noMusangano Webasa neungano yomunharaunda yacho. Vane Imba yoUmambo yakanaka chaizvo, yakavakwa muna 2003 pachirongwa cheZvapupu chokuvaka munyika dzisina kupfuma.

Zuva Regungano Chairo

Musi weSvondo wakanzi ndiwo waizoitwa zuva regungano chairo. Ungano yeLodwar uyewo hama dzakanga dzashanya vakanga vapiwa mvumo yokupinda mumusasa wacho na8:00 mangwanani, saka Zvapupu zvacho zvaida chaizvo kukurumidza kutanga. Mugwagwa wacho waimonereka uchidarika nomunharaunda isina chinhu wakananga kumuganhu weSudan. Makomo asina kuenzana aibudikira nechemberi kwomugwagwa wacho. Zvakaramba zvakadaro kusvikira kumusha weKakuma. Kwakanga kwanaya, uye mugwagwa wacho une makomba makomba wakanga wakazara mvura mune dzimwe nzvimbo. Dzimba dzakawanda dzakanga dzakavakwa nezvidhinha zvedhaka nematenga emarata kana kuti etende. Mapoka evanhu vokuEthiopia, vokuSomalia, vokuSudan, nevamwewo vanogara munharaunda dzavo maererano nemapoka ekwavanobva. Vashanyi vacho vakakwaziswa nomufaro nevapoteri.

Gungano racho rakaitirwa panzvimbo inodzidzisirwa vanhu mabasa. Mifananidzo yakanga iri pamadziro yairatidza kuipa kwakaita upenyu hwokuva mupoteri, asi pazuva iri vaivamo vakanga vaine tariro. Hurukuro imwe neimwe yakapiwa muChirungu nechiSwahili. Vamwe vakurukuri vaiziva mitauro yacho yose vaitoturikira voga hurukuro dzavo. Imwe hama iri mupoteri inobva kuSudan ndiyo yakapa hurukuro yokutanga yaiti, “Kuongorora Mwoyo Wedu Wokufananidzira.” Dzimwe hurukuro dzakapiwa nevakuru vakanga vashanya.

Chinhu chinonyanya kukosha pagungano rimwe nerimwe kubhabhatidzwa. Pakapera hurukuro yorubhabhatidzo, maziso ose akanga akati jee pamumwe mukomana aida kubhabhatidzwa sezvo akasimuka. Gilbert nababa vake vakanga vatiza vachibva kunyika yavo panguva yehondo yokuparadza rudzi ya1994. Pakutanga, vaitarisira kuwana nzvimbo yakachengeteka muBurundi, asi vakakurumidza kuona kuti vakanga vachiri pangozi. Gilbert akatizira kuZaire, akazoenda kuTanzania—dzimwe nguva achiita zvokuhwanda musango—akazopedzisira ava kuKenya. Maziso evakawanda akanga angojenga misodzi sezvo mukurukuri akamugamuchira sehama muungano. Akamira pamberi pegungano revanhu 95, Gilbert akapindura zvinonzwika mibvunzo miviri yaakabvunzwa nomukurukuri, uye nechivimbo akati “Ndiyo!”—shoko rechiSwahili rinoreva kuti “Hungu!” Iye nedzimwe hama vakachera kadziva nemaoko uye vakanga vakakomberedza netende yaimbova padenga reimba yaaigara mumusasa. Kuratidza chido chake chokubhabhatidzwa, mangwanani iwayo akanga azadza kadziva kacho nemvura, achitakura migomo yakawanda ari oga!

Chimwe chezvinhu zvinokosha zvakaitwa papurogiramu yemasikati kwaiva kurondedzerwa kwezvakaitika zvaibata-bata mamiriro ezvinhu akasiyana neevamwe eZvapupu zviri vapoteri. Imwe hama yakatsanangura matangiro ayakaita kukurukura nomumwe murume akanga akazorora zvake pasi pomuti.

“Ndiudze, unonzwa wakachengeteka here nguva dzose kugara pasi pomuti?”

“Hungu,” murume wacho akapindura kudaro. Zvadaro akawedzera kuti, “Asi, manheru handinzwi ndakachengeteka.”

Hama yacho yakamuverengera Mika 4:3, 4 inoti: “Mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa.” Akatsanangura kuti: “Unoonaka, munyika itsva yaMwari uchanzwa wakachengeteka nguva dzose.” Murume wacho akabvuma bhuku reBhaibheri.

Imwe hanzvadzi yakanga yashanyawo kuKakuma yakanga ichangobva kufirwa nenhengo nhatu dzomumhuri mayo. Ichitaura nezvehama dziri mumusasa wacho, yakati: “Iyi inzvimbo yakaoma zvikuru; asi, varamba vakasimba mukutenda kwavo. Vanogara munzvimbo isingafadzi, asi vari kushumira Jehovha vachifara. Vane rugare naMwari. Ndakakurudzirwa kuramba ndiine rugare uye kushumira Jehovha. Handina chokugunun’una nezvacho!”

Zuva regungano racho rakakurumidza kupera. Muhurukuro yokugumisira, mukurukuri akataura kuti paiva nevanhu vaibva munyika sere dzakasiyana-siyana. Chimwe Chapupu chiri mupoteri chakati gungano iri raiva chiratidzo chokubatana uye rudo zviri pakati peZvapupu zvaJehovha munyika isina kubatana. Kubatana kwazvo ukama chaihwo hwechiKristu.—Johani 13:35.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 25]

VAKOMANA VOKUSUDAN VAKAPARADZANA NEVABEREKI VAVO

Kubvira pakatanga hondo yevagari vomuSudan muna 1983, vanhu mamiriyoni mashanu vakasiya misha yavo. Pakati pavo pane vana 26 000, vakaparadzaniswa nemhuri dzavo. Zviuru zvevana ava zvakatizira mumisasa yevapoteri iri muEthiopia, kwavakagara kwemakore anenge matatu. Sezvo vakamanikidzwa kutamazve, vakafamba kwegore rose vachidarika nomuSudan vachienda kuKenya iri kuchamhembe kweSudan yakanga yaparadzwa nemasoja, vapanduki, hosha, uye zvikara zvomusango. Hafu chete yevana ava ndiyo yakakwanisa kufamba nzendo dzaipedza simba idzi, vakapedzisira vaumba chikamu chikuru chevagari vomumusasa wevapoteri weKakuma. Masangano anopa ruyamuro, akasvika pakudana vana ava kuti vakomana vakaparadzaniswa nevabereki vavo vokuSudan.

Iye zvino musasa wevapoteri weKakuma unogarwa nevapoteri vanobva munyika dzakawanda dzakadai seSudan, Somalia, Ethiopia, nedzimwewo nyika. Paanosvika pamusasa wacho, mupoteri anopiwa zvinhu zvinokosha zvokuvakisa imba uye tende rokuisa padenga. Kaviri pamwedzi, mupoteri mumwe nomumwe anopiwa anenge makirogiramu matanhatu efurawa, kirogiramu imwe chete yebhinzi, uye mafuta okubikisa nomunyu. Vapoteri vakawanda vanotengesa zvimwe zvavanenge vapiwa kuitira kuti vawane zvimwe zvinhu.

Vamwe vakomana ava vakaparadzaniswa nemhuri dzavo vakaonanazve nadzo kana kuti kugariswa patsva mune dzimwe nyika. Asi maererano neOffice of Refugee Resettlement, “zvimwe zviuru zvakawanda zvakasara mumusasa weKakuma unopfumbuka huruva, wakazara nhunzi, mavanofanira kuita sevacharumana kuti vawane zvokudya uye kurwa vamire kuti vadzidze.”

[Kwazvakatorwa]

Courtesy Refugees International

[Mepu iri papeji 23]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

KENYA

Musasa weKakuma

Lake Turkana

Lodwar

Eldoret

Nairobi

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kugara mumusasa kwakaoma

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mvura inoita zvokugoverwa mumusasa weKakuma

[Mufananidzo uri papeji 23]

Zvapupu zvokuKenya zvinofamba rwendo runopedza simba zvichienda kuchamhembe kuti zvinokurudzira hama dzazvo

[Mufananidzo uri papeji 24]

Mumishinari achiturikira hurukuro yaipiwa napiyona chaiye womunharaunda yacho

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kadziva kokubhabhatidzira

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 23]

Kugovera mvura uye Musasa Wevapoteri weKakuma: Courtesy Refugees International