Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vimba neShoko raJehovha

Vimba neShoko raJehovha

Vimba neShoko raJehovha

“Ndinovimba neshoko renyu.”—Pisarema 119:42.

1. Ungati ndiani akanyora Pisarema 119, uye maonero ake aiva akaita sei?

SHOKO raJehovha raikosheswa chaizvo nomunyori wePisarema 119. Angangodaro aiva Muchinda weJudha, Hezekiya. Manzwiro anobudiswa murwiyo rwakafuridzirwa urwu anoenderana nemaonero aiva naHezekiya, uyo “wakanamatira Jehovha” paaiva mambo weJudha. (2 Madzimambo 18:3-7) Pane chinhu chimwe chechokwadi: Munyori wacho aiziva zvinodiwa zvake zvomudzimu.—Mateu 5:3.

2. Pfungwa huru yePisarema 119 ndeipi, uye rwiyo urwu rwakarongwa sei?

2 Pfungwa huru iri muPisarema 119 ndeyokukosha kwakaita shoko raMwari, kana kuti zvaanotaura. * Zvimwe achiitira kuti zvizobatsira pakuyeuka, munyori wacho akanyora rwiyo rwacho achitevedzera mabhii earufabheti. Ndima dzaro dzose 176 dzakavakirwa pamabhii anotevedzana earufabheti yechiHebheru. MuchiHebheru chepakutanga, pazvikamu 22 zvepisarema racho, chimwe nechimwe chine mitsetse misere inotanga nebhii rakafanana. Pisarema iri rinotaura nezveshoko raMwari, mutemo, zviyeuchidzo, nzira, mirayiridzo, zvipupuriro, mirayiro uye zvakatongwa. Munyaya ino neinotevera, Pisarema 119 richakurukurwa maererano nokushandurwa kwakarurama kwemagwaro eBhaibheri echiHebheru. Kufungisisa zvakaitika zvaibatanidza vashumiri vaJehovha vekare nevemazuva ano kunofanira kuwedzera kunzwisisa kwatinoita rwiyo urwu rwakafuridzirwa naMwari uye kuonga kwatinoita Shoko raMwari rakanyorwa, Bhaibheri.

Teerera Shoko raMwari Ufare

3. Tsanangura uye ratidza nomuenzaniso kuti kuva munhu akarurama zvinorevei.

3 Mufaro wechokwadi unobva pakufamba kwatinoita mumutemo waMwari. (Pisarema 119:1-8) Kana tikadaro, Jehovha achationa setinofamba ‘nenzira yakarurama.’ (Pisarema 119:1) Kuva vanhu vakarurama hazvirevi kuti takakwana, asi zvinoratidza kuti tinoedza nepatinogona napo kuita zvinodiwa naJehovha Mwari. Noa akanga ari munhu “asina mhosva mumarudzi ake” zvaaiva murume “akafamba naMwari” wechokwadi. Tateguru akatendeka iyeye nemhuri yake vakapona paMafashamo nokuti akatevera nzira yakataurwa naJehovha. (Genesi 6:9; 1 Petro 3:20) Saizvozvowo, kupona kwedu panoguma nyika ino kunobva ‘pakuchengeta zvakanaka zvirevo zvaMwari,’ tichiita zvaanoda.—Pisarema 119:4.

4. Tinofara uye tinobudirira kana tikaitei?

4 Jehovha haazombofi akatisiya kana ‘tichimuonga nomwoyo wakarurama uye tichiramba tichichengeta mitemo yake.’ (Pisarema 119:7, 8) Mwari haana kusiya Joshua mutungamiriri wevaIsraeri, uyo akashandisa zano ‘rokuverenga bhuku romutemo masikati nousiku kuitira kuti aite zvose zvakanga zvakanyorwamo.’ Izvozvo zvakaita kuti abudirire uye zvakaita kuti akwanise kuita nokuchenjera. (Joshua 1:8) Ava kuda kuzofa, Joshua akanga achiri kuonga Mwari uye aikwanisa kuyeuchidza vaIsraeri kuti: “Imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.” (Joshua 23:14) Kufanana naJoshua nomunyori wePisarema 119, tinogona kuwana mufaro uye kubudirira kana tikarumbidza Jehovha uye tikavimba neshoko rake.

Shoko raJehovha Rinoita Kuti Tirambe Takachena

5. (a) Tsanangura kuti zvinobvira sei kuramba wakachena mune zvokunamata. (b) Rubatsiro rwei ruripo kana wechiduku akaita chivi chakakomba?

5 Tinogona kuva vakachena mune zvokunamata kana tikaramba tichichenjerera kuita maererano neshoko raMwari. (Pisarema 119:9-16) Izvi zvinogona kudaro kunyange vabereki vedu vasina kuratidza muenzaniso wakanaka. Kunyange zvazvo baba vaHezekiya vainamata zvidhori, Hezekiya ‘akachenesa nzira yake,’ zvimwe kubva pazvinhu zvechihedheni zvaisvibisa. Ngatitii wechiduku ari kushumira Mwari mazuva ano aita chivi chakakomba. Kupfidza, kunyengetera, kubatsira kunoitwa nevabereki, uye kubatsira kworudo kunoitwa nevakuru vechiKristu zvingamubatsira kuita saHezekiya uye ‘kuchenesa nzira yake nokuramba achichenjerera.’—Jakobho 5:13-15.

6. Vakadzi vapi ‘vakachenesa nzira dzavo uye vakaramba vachichenjerera kuita maererano neshoko raMwari’?

6 Rakabhi naRute ‘vakachenesa nzira dzavo,’ kunyange zvazvo vakararama nguva refu Pisarema 119 risati ranyorwa. Rakabhi aiva chifeve chechiKanani, asi akasvika pakuzivikanwa somunamati waJehovha nokuda kwokutenda kwake. (VaHebheru 11:30, 31) Rute, mukadzi wechiMoabhi akasiya vanamwari vake, akashumira Jehovha uye akaita maererano noMutemo wake waakanga apa Israeri. (Rute 1:14-17; 4:9-13) Vakadzi ava vose vaisava vaIsraeri ‘vakaramba vachichenjerera kuita maererano neshoko raMwari’ uye vakava neropafadzo inoshamisa yokuva vanambuya vaJesu Kristu.—Mateu 1:1, 4-6.

7. Dhanieri nedzimwe pwere nhatu dzechiHebheru vakaratidza sei muenzaniso wakanaka kwazvo pakuramba vakachena mune zvokunamata?

7 “Kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake,” asi vechiduku vangatevera nzira yakachena, kunyange munyika ino ine uori iri kudzorwa naSatani. (Genesi 8:21; 1 Johani 5:19) Vari nhapwa muBhabhironi, Dhanieri nedzimwe pwere nhatu dzechiHebheru ‘vakaramba vachichenjerera kuita maererano neshoko raMwari.’ Somuenzaniso, vaisazozvisvibisa “nezvokudya zvamambo.” (Dhanieri 1:6-10) VaBhabhironi vaidya mhuka dzisina kuchena, dzairambidzwa noMutemo waMosesi. (Revhitiko 11:1-31; 20:24-26) Vakanga vasina tsika yokubudisa ropa remhuka dzavaiuraya, uye kudya kwavaiita nyama isina kubudiswa ropa kwaiva kuputsa mutemo waMwari weropa. (Genesi 9:3, 4) Saka hazvishamisi kuti vaHebheru vana vacho vaizorega kudya zvokudya zvamambo! Pwere idzodzo dzaitya Mwari dzakaramba dzakachena mune zvokunamata uye dzakaratidza muenzaniso wakanaka.

Shoko raMwari Rinobatsira Pakuva Akatendeka

8. Mafungiro api atinofanira kuva nawo uye tinofanira kuzivei kana tichizonzwisisa uye kushandisa mutemo waMwari?

8 Kufarira shoko raMwari chinhu chinokosha pakuramba takatendeka kuna Jehovha. (Pisarema 119:17-24) Kana takafanana nomunyori akafuridzirwa worwiyo urwu, tichava nechido chokunzwisisa “zvinhu zvinoshamisa” zvomutemo waMwari. Ticharamba ‘tichishuva zvakatongwa naJehovha’ uye ticharatidza kuti ‘tinofadzwa nezviyeuchidzo zvake.’ (Pisarema 119:18, 20, 24) Kana takazvitsaurira kuna Jehovha kunyange kwenguva pfupi, ‘tinopanga mukaka usina kusvibiswa weshoko here’? (1 Petro 2:1, 2) Tinofanira kunzwisisa dzidziso dzinokosha dzeBhaibheri kuitira kuti tikwanise kunzwisisa uye kushandisa mutemo waMwari.

9. Tinofanira kuitei kana mutemo waMwari uchipesana nezvinodiwa nevanhu?

9 Tingadaro tichifarira zviyeuchidzo zvaMwari, asi zvakadini kana “machinda” achitaura zvakaipa nezvedu pamusana pechikonzero chakati? (Pisarema 119:23, 24) Nhasi, vanhu vane chiremera vanowanzoedza kutimanikidza kukoshesa mitemo yevanhu pane mitemo yaMwari. Kana zvinodiwa nevanhu zvichipesana nezvinodiwa naMwari, tichaitei? Kufarira kwatinoita shoko raMwari kuchatibatsira kuramba takatendeka kuna Jehovha. Kufanana nevaapostora vaJesu Kristu vaitambudzwa, tichati: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—(Mabasa 5:29)

10, 11. Taura muenzaniso unoratidza kuti tingaramba sei takatendeseka kuna Jehovha kana zvinhu zvakatiomera.

10 Tinogona kuramba takatendeka kuna Jehovha kunyange zvinhu pazvinenge zvakaoma zvikuru. (Pisarema 119:25-32) Kana tichizobudirira kuramba takatendeseka kuna Mwari, tinofanira kubvuma kudzidziswa uye tonyengetera nomwoyo wose kuti atirayiridze. Tinofanirawo kusarudza “nzira yakatendeka.”—Pisarema 119:26, 30.

11 Hezekiya, angangodaro ariye akanyora Pisarema 119, akasarudza “nzira yakatendeka.” Akaita izvozvo kunyange zvazvo akanga akakombwa nevanamati venhema uye angangodaro aisekwa nenhengo dzedare ramambo. Zvimwe, ‘mweya wake wainyunguduka nokuremerwa’ pamusana pemamiriro ezvinhu akadaro. (Pisarema 119:28) Asi Hezekiya akavimba naMwari, aiva mambo akanaka, uye “akaita zvakarurama pamberi paJehovha.” (2 Madzimambo 18:1-5) Kana tikavimba naMwari, isuwo tinogona kutsungirira miedzo uye kuramba takatendeseka kwaari.—Jakobho 1:5-8.

Shoko raMwari Rinopa Ushingi

12. Tingashandisa sei Pisarema 119:36, 37 somunhu oga?

12 Kutevera mirayiridzo yeshoko raMwari kunotipa ushingi hunodiwa kuti tibate nemiedzo youpenyu. (Pisarema 119:33-40) Nokuzvininipisa tinoda kurayiridzwa naJehovha kuitira kuti tigone kuchengeta mutemo wake ‘nomwoyo wose.’ (Pisarema 119:33, 34) Kufanana nomunyori wepisarema, tinokumbira Mwari kuti: “Itai kuti mwoyo wangu ude zviyeuchidzo zvenyu, kwete kuwana mubereko,” kureva mubereko usina kururama. (Pisarema 119:36, NW) Kufanana nomuapostora Pauro, tino“zvibata nokutendeseka muzvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Kana watinoshandira achida kuti tiite chimwe chinhu chokusatendeseka, tinoshinga kuramba takaomerera pamirayiridzo yaMwari—uye nguva dzose Jehovha anokomborera kuita kwakadaro. Kutaura zvazviri, anotibatsira kuti tidzore pfungwa dzose dzakaipa. Saka ngatinyengetere tichiti: “Dzorai meso angu ndirege kuona zvisina maturo.” (Pisarema 119:37) Hatingambodi kuona chinhu chipi nechipi chisina maturo chinovengwa naMwari sechinhu chinofadza. (Pisarema 97:10) Izvi zvinotikurudzira kuti tirege kuona zvinonyadzisira uye kuita zvemidzimu.—1 VaKorinde 6:9, 10; Zvakazarurwa 21:8.

13. Vadzidzi vaJesu vakanga vachitambudzwa vakawana sei ushingi hwaidiwa kuti vapupurire vasingatyi?

13 Zivo yakarurama yeshoko raMwari inotipa chivimbo chokupupurira noushingi. (Pisarema 119:41-48) Uye tinoda ushingi kuti ‘tipindure anotishora.’ (Pisarema 119:42) Dzimwe nguva, tingaita sevadzidzi vaJesu vakanga vachitambudzwa, avo vakanyengetera kuti: “Jehovha, . . . mubvumire varanda venyu kuti varambe vachitaura shoko renyu vasingatyi.” Zvakaguma nei? “Vose mumwe nomumwe vakazadzwa nomudzimu mutsvene uye vakanga vachitaura shoko raMwari vasingatyi.” Changamire Ishe iyeye anotipa ushingi hwokutaura shoko rake tisingatyi.—Mabasa 4:24-31.

14. Chii chinotibatsira kupupurira noushingi sezvakaitwa naPauro?

14 Tichava noushingi hunodiwa kuti tipupurire tisingatyi kunyadziswa kana tikakoshesa “shoko rezvokwadi” uye ‘kuramba tichichengeta mutemo waMwari.’ (Pisarema 119:43, 44) Kushingaira kudzidza Shoko raMwari rakanyorwa kunoita kuti ‘titaurewo zviyeuchidzo zvake pamberi pemadzimambo.’ (Pisarema 119:46) Munyengetero nomudzimu waJehovha zvichatibatsirawo kutaura zvinhu zvakarurama nenzira yakakodzera. (Mateu 10:16-20; VaKorose 4:6) Pauro akataura noushingi nezvezviyeuchidzo zvaMwari kuvatongi vomuzana remakore rokutanga. Somuenzaniso, akapupurira kuna Gavhuna weRoma Ferikisi, uyo “akamunzwa nezvokutenda muna Kristu Jesu.” (Mabasa 24:24, 25) Pauro akapupurirawo pamberi paGavhuna Fesito uye Mambo Agiripa. (Mabasa 25:22–26:32) Tichitsigirwa naJehovha, nesuwo tinogona kuva zvapupu zvakashinga, tisingambo“nyari nemashoko akanaka.”—VaRoma 1:16.

Shoko raMwari Rinotinyaradza

15. Shoko raMwari ringatinyaradza sei patinosekwa nevamwe?

15 Shoko raMwari rinopa nyaradzo yakavimbika. (Pisarema 119:49-56) Pane nguva dzatinonyanya kuda kunyaradzwa. Kunyange zvazvo tichitaura noushingi seZvapupu zvaJehovha, “vanozvikudza”—vaya vanozvikudza pamberi paMwari—dzimwe nguva ‘vanotiseka zvikuru.’ (Pisarema 119:51) Zvisinei, patinenge tichinyengetera, tingayeuka zvinhu zvakanaka zvinotaurwa muShoko raMwari, saka ‘tinonyaradzwa.’ (Pisarema 119:52) Patinenge tichiteterera, tingayeuka mutemo womuMagwaro kana kuti murayiridzo unotipa nyaradzo uye ushingi hunodiwa mumamiriro ezvinhu anonetsa.

16. Pasinei nokutambudzwa, vashumiri vaMwari havana kuitei?

16 Vanhu vaizvikudza vaiseka munyori wepisarema vaiva vaIsraeri—nhengo dzorudzi rwakanga rwakatsaurirwa kuna Mwari. Zvinozonyadzisa! Zvisinei, kusiyana navo, isu ngatitsungei kusambofa takatsauka pamutemo waMwari. (Pisarema 119:51) Pazvakatambudzwa nevaNazi kwemakore akawanda, zviuru zvevashumiri vaMwari zvakaramba kutsauka pamitemo nemirayiridzo inowanika muShoko raMwari. (Johani 15:18-21) Uye kuteerera Jehovha hausi mutoro unorema, nokuti kwatiri mitemo yake yakafanana nenziyo dzinozorodza.—Pisarema 119:54; 1 Johani 5:3.

Ratidza Kuonga Shoko raMwari

17. Kuonga kwatinoita shoko raMwari kunotikurudzira kuitei?

17 Tinoratidza kuonga kwatinoita shoko raMwari nokuita zvarinotaura. (Pisarema 119:57-64) Munyori wepisarema ‘akavimbisa kuchengeta mashoko aJehovha,’ uye kunyange ‘pakati pousiku aimuka kuti atende Mwari nokuda kwezvaakatonga zvakarurama.’ Patinoshaya hope usiku, tinova nomukana wakaisvonaka wokuonga Mwari tichinyengetera! (Pisarema 119:57, 62) Kuonga kwatinoita shoko raMwari kunotikurudzira kuti tide kudzidziswa naMwari uye kunoita kuti tifare ‘seshamwari dzevaya vanomutya’—vanhu vanotya Mwari zvokuremekedza. (Pisarema 119:63, 64) Ndiani angawana dzimwe shamwari dziri nani kupfuura idzi pasi pano?

18. Jehovha anopindura sei minyengetero yedu kana ‘tambo dzevakaipa dzakatikomba’?

18 Patinonyengetera nomwoyo wedu wose uye nokuzvininipisa tokumbira Jehovha kuti atidzidzise, tinenge ‘tichipfavisa chiso chake’ tiine tarisiro yokudiwa naye. Tinofanira kunyanya kunyengetera kana ‘mabote evakaipa akatikomba.’ (Pisarema 119:58, 61) Jehovha anogona kudimbura tambo dzevavengi dzinotivhiringidza uye otisunungura kuti tirambe tichiita basa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Izvi zvakaratidzwa zvaratidzwazve munyika dzakanga dzarambidza basa redu.

Iva Nokutenda muShoko raMwari

19, 20. Zvinganzi kutambudzika kwakanaka pakudini?

19 Kutenda muna Mwari uye mushoko rake kunotibatsira kutsungirira zvinotambudza uye kuita kuda kwake. (Pisarema 119:65-72) Kunyange zvazvo vanozvikudza ‘vakamupomera nhema,’ munyori wepisarema akaimba kuti: “Zvakanga zvakanaka kuti nditambudzike.” (Pisarema 119:66, 69, 71) Kutambura kwomumwe wevashumiri vaJehovha kunganzi kwakanaka pakudini?

20 Patinotambura, hapana mubvunzo kuti tinoteterera kuna Jehovha nomwoyo wose, uye izvozvo zvinotiswededza pedyo naye. Tingapedza nguva yakawanda tichidzidza Shoko raMwari rakanyorwa uye tingaita zvose zvatinokwanisa kuti tizvishandise. Izvi zvinoita kuti tive noupenyu hunofadza. Asi zvakadini kana tikaratidza unhu husingafadzi patinenge tatambura, hwakadai sokusashivirira kana kudada? Kana tikanyengetera nomwoyo wose uye tikabatsirwa neShoko raMwari uye mudzimu wake, tinogona kukurira zvikanganiso zvakadaro ‘tonyatsozvipfekedza unhu hutsva.’ (VaKorose 3:9-14) Uyezve, kutenda kwedu kunosimbiswa patinotsungirira zvinhu zvinotambudza. (1 Petro 1:6, 7) Pauro akabatsirwa nokutambudzika kwake nokuti zvakaita kuti anyatsovimba naJehovha. (2 VaKorinde 1:8-10) Tinobvumira kutambura kuti kutibatsire here?

Vimba naJehovha Nguva Dzose

21. Mwari paanonyadzisa vanozvikudza, chii chinoitika?

21 Shoko raMwari rinotipa chikonzero chakanaka chokuvimba naJehovha. (Pisarema 119:73-80) Kana tichinyatsovimba noMusiki wedu, hatizombovi nechikonzero chokunyara. Zvisinei, pamusana pezvinoitwa nevamwe, tinoda kunyaradzwa uye tinganzwa tichida kunyengetera kuti: “Vanozvikudza ngavanyadziswe.” (Pisarema 119:76-78) Jehovha paanonyadzisa vakadaro, izvi zvinofumura nzira dzavo dzakaipa uye zvinoita kuti zita rake dzvene ritsveneswe. Tinogona kuva nechokwadi chokuti vatambudzi vevanhu vaMwari hapana chavanowana chaizvoizvo. Somuenzaniso, havambofi—uye havazombofi—vakaparadza Zvapupu zvaJehovha, zvinovimba naMwari nemwoyo yazvo yose.—Zvirevo 3:5, 6.

22. Munyori wepisarema akanga akaita “sehombodo iri muutsi” mupfungwa ipi?

22 Shoko raMwari rinosimbisa kuvimba kwatinoita naye patinenge tichitambudzwa. (Pisarema 119:81-88) Munyori wepisarema akanzwa “sehombodo iri muutsi,” nokuti vaizvikudza vakanga vari kumutambudza. (Pisarema 119:83, 86) Munguva inotaurwa muBhaibheri, hombodo dzaigadzirwa nedehwe remhuka dzaiiswa mvura, waini, nezvimwewo. Padzainge dzisingashandiswi, hombodo dzacho dzaigona kuunyana kana dzaiswa pedyo nomoto muimba yaisava nechimbini. Zvinetso kana kuti kutambudzwa zvinomboita kuti unzwe “sehombodo iri muutsi” here? Kana zvakadaro, vimba naJehovha uye nyengetera kuti: “Ndiponesei nokuda kwounyoro hwenyu; naizvozvo ndichachengeta chipupuriro chomuromo wenyu.”—Pisarema 119:88.

23. Chii chataongorora pakudzokorora Pisarema 119:1-88, uye tingazvibvunza kuti chii sezvatinotarisira kudzidza Pisarema 119:89-176?

23 Zvataongorora muchikamu chokutanga chePisarema 119 zvinoratidza kuti Jehovha anoratidza mutsa worudo kuvashumiri vake nokuti vanovimba neshoko rake uye vanofarira zvaanotonga, zviyeuchidzo zvake, mirayiro yake, uye mitemo yake. (Pisarema 119:16, 47, 64, 70, 77, 88) Anofadzwa kuti vaya vakazvipira kwaari vanochenjerera kuita maererano neshoko rake. (Pisarema 119:9, 17, 41, 42) Sezvaunotarisira kudzidza chikamu chasara chepisarema iri rakanaka kwazvo, ungaita zvakanaka kuzvibvunza kuti, ‘Ndinoita kuti shoko raJehovha rivhenekere nzira yangu here?’

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Pano tiri kureva zvinotaurwa naJehovha, kwete zvose zviri muBhaibheri—Shoko raMwari.

Ungapindura Sei?

• Chii chinoita kuti tiwane mufaro wechokwadi ?

• Shoko raJehovha rinoita kuti tirambe takachena mune zvokunamata sei?

• Shoko raMwari rinopa ushingi nenyaradzo munzira dzipi?

• Nei tichifanira kuva nokutenda muna Jehovha neshoko rake?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 11]

Rute, Rakabhi, uye pwere dzechiHebheru dzaiva nhapwa muBhabhironi ‘vakachenjerera kuita zvinotaurwa neshoko raMwari’

[Mufananidzo uri papeji 12]

Pauro akashinga ‘kutaura zviyeuchidzo zvaMwari pamberi pemadzimambo’