Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kukunda Munzira Inokosha

Kukunda Munzira Inokosha

Kukunda Munzira Inokosha

UNOMBOSHORWA pamusana pezvaunotenda here—zvimwe kubasa, kuchikoro, mumhuri, kana kuti pamusana pezvaunorambidzwa kuita neHurumende? Kana zvakadaro, usaora mwoyo. Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvakasangana nemiedzo yakafanana naiyoyo, asi zvakakunda. Funga nezvomuenzaniso waErna Ludolph.

Erna akaberekerwa muLübeck, kuGermany, muna 1908. Ndiye oga aishumira Jehovha mumhuri mavo. Muna 1933, hurumende yaHitler payakatanga kutonga, Zvapupu zvaJehovha zvakaomerwa noupenyu. Vaishanda naErna vaimushora pamusana pokuramba kusaruta Hitler, uye izvi zvakaita kuti asungwe nevaNazi. Akapedza makore masere ari mumajeri akasiyana-siyana uye mumisasa yevasungwa inoti weHamburg-Fuhlsbüttel, Moringen, Lichtenburg, uye Ravensbrück. Erna paaiva muRavensbrück, pane chakaitika chakaita kuti azokunda.

Mushandi Womumba Akasiyana Nevamwe

Purofesa Friedrich Holtz nomudzimai wavo, Alice, vaigara muBerlin. Vakanga vasiri nhengo dzebato reNazi uye vakanga vasingatsigiri pfungwa dzaro. Zvisinei, vakanga vaine ukama nomumwe mukuru mukuru weSS aitarisira vamwe vasungwa mumusasa wevasungwa. Saka purofesa wacho nomudzimai wake pavakanga vachitsvaka mushandi womumba, mukuru mukuru weSS uyu akavabvumira kusarudza musungwa wechikadzi. Saka, muna March 1943, Alice akaenda kuRavensbrück kuti anosarudza mushandi womumba. Akasarudza ani? Erna Ludolph. Erna akanogara nemhuri yokwaHoltz, iyo yaimubata zvakanaka. Hondo yapera, akatama nemhuri iyoyo kuenda kuguta rinonzi Halle riri pedyo norwizi runonzi Saale. Ikoko, Erna akashorwa zvakare, panguva ino nevakuru vakuru vehurumende yeGutsaruzhinji muEast Germany. Muna 1957 mhuri yacho yakamanikidzwa kudzokera kuWest Germany, uye Erna akatama navo. Pakupedzisira Erna akanga asununguka kuita zvaaitenda.

Erna akakunda sei munzira inokosha zvikuru? Somugumisiro wokuzvibata kwakaisvonaka kwaErna uye kuparidza shoko reBhaibheri nounyanzvi, Alice Holtz nevana vake vashanu vose vakava Zvapupu zvaJehovha zvakabhabhatidzwa. Uyezve, vazukuru 11 vaAlice Zvapupuwo. Vaviri vacho iye zvino vari kushanda pahofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muSelters, kuGermany. “Muenzaniso waErna ndiwo wakanyanya kuita kuti mhuri yedu ive muchokwadi,” anodaro Susanne, mumwe wevanasikana vaAlice. Kutsungirira kwaErna kwakaita kuti awane mubayiro wakakura. Zvakadini nemamiriro ako ezvinhu? Kutsungirira kwako wakatendeka mumamiriro ezvinhu akaoma kungavawo nemigumisiro yakanaka. Zvechokwadi, mufambiro wakaisvonaka uye kuparidza nounyanzvi zvingakubatsira kukunda munzira inokosha. *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Painyorwa nyaya ino kuti izobudiswa, Erna Ludolph akashayika ava nemakore 96. Akanga akatendeka kusvikira pakuguma.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Erna Ludolph (akagara) nevemhuri yokwaHoltz