Kushandisa Zuva Rimwe Nerimwe Nenzira Yakakodzera
Kushandisa Zuva Rimwe Nerimwe Nenzira Yakakodzera
“TIDZIDZISEI kunyatsoverenga mazuva edu, kuti tizviwanire mwoyo wakachenjera.” (Pisarema 90:12) Uyu wakanga uri munyengetero wokuzvininipisa womunyori weBhaibheri ainzi Mosesi. Akanga ari kukumbira chii chaizvoizvo? Tingaitawo chikumbiro chokuremekedza chakadaro here?
Mundima 10, Mosesi akachema-chema nezvokupfupika kwoupenyu hwevanhu. Pane imwe nguva, akanyora mashoko aJobho, uyo akati: “Munhu wakazvarwa nomukadzi una mazuva mashoma, azere nokutambudzika.” (Jobho 14:1) Zviri pachena kuti Mosesi ainyatsoziva nezvokupfupika kwoupenyu hwevanhu vasina kukwana. Saka, aiona zuva rimwe nerimwe roupenyu hwake sechipo chinokosha. Achiudza Mwari chikumbiro ichi, Mosesi akaratidza chido chake chokurarama mazuva ake akanga asara nokuchenjera, nenzira yaizofadza Musiki wake. Isuwo hatifaniri kuedza kushandisa mazuva edu zvine musoro here? Tichatsunga kuita izvozvo kana tichida kufarirwa naMwari iye zvino.
Paiva nechimwezve chinhu chakakurudzira Mosesi naJobho, chinovawo chinhu chinofanira kutikurudzira nhasi. Varume vaviri ava vaida Mwari vaitarisira mubayiro waiva mberi—upenyu pasi pano mumamiriro ezvinhu ari nani. (Jobho 14:14, 15; VaHebheru 11:26) Panguva iyoyo, hapana basa rakanaka romumwe richadimburirwa panzira norufu. Musiki wedu ane chinangwa chokuti vakatendeka vagare muparadhiso pasi pano nokusingaperi. (Isaya 65:21-24; Zvakazarurwa 21:3, 4) Unogonawo kutarisira izvi kana ‘ukanyatsoverenga mazuva ako, kuti uzviwanire mwoyo wakachenjera.’