Kushinga Pakutarisana Nokushorwa
Kushinga Pakutarisana Nokushorwa
MHOMHO yakatsamwa yakanga yamanikidza shamwari mbiri dzomuapostora Pauro, Gayo naArisitako, kuti vapinde munhandare yemitambo muEfeso. Imomo mhomho yacho yakatsamwa yakadaidzira kwemaawa maviri ichiti: “Atemisi wevaEfeso mukuru!” (Mabasa 19:28, 29, 34) Shamwari dzaPauro dzakaramba dzakashinga here padzaishorwa kudaro? Uye chii chakanga chamboita kuti zvinhu zvidaro?
Pauro akanga abudirira kuparidza muguta reEfeso kwemakore anenge matatu. Somugumisiro, vaEfeso vakawanda vakanga varega kunamata zvidhori. (Mabasa 19:26; 20:31) Chidhori chainyanya kuzivikanwa muEfeso chaiva temberi duku yesirivha yaAtemisi, mwarikadzi wokubereka, yaiva pazvimbo yokuti waikwanisa kunyatsoona guta racho rose. Zvidhori zvaimiririra temberi yacho zvaipfekwa semazango kana kuti zvaiiswa mudzimba. Chokwadi, vaKristu vaisazotenga zvidhori izvi.—1 Johani 5:21.
Dhemetriyo, mumwe wevapfuri vesirivha, aifunga kuti ushumiri hwaPauro hwaiita kuti bhizimisi ravo raiita mari risafambe zvakanaka. Achishandisa chokwadi chisina kukwana uye achiita zvokuwedzerera, akaita kuti vamwe vaaiita navo basa rokupfura simbi vafunge kuti vanhu vomuAsia Minor yose vaizorega kunamata Atemisi. Vapfuri vesirivha vacho pavakangotanga kudaidzira vachirumbidza Atemisi, pakaita mhirizhonga chaiyo uye guta racho rose rakanyongana.—Mabasa 19:24-29.
Zviuru zvevanhu zvakaungana munhandare yemitambo, yaikwanisa kugarwa nevaoni 25 000. Pauro akati aida kutaura nemhomho yacho yaiva yakatsamwa, asi vakuru vakuru vaiva noushamwari vakamuti arege kutaura nayo. Pakupedzisira, munyori weguta racho akabudirira kuita kuti mhomho yacho idzikame, uye Gayo naArisitako vakapona vasina kukuvadzwa.—Mabasa 19:35-41.
Mazuva ano, vanhu vaMwari vangatarisanawo nevashori kunyange nemhirizhonga pavanenge vachiita ushumiri hwavo. Vanowanzoparidza mashoko akanaka mumaguta akazara kunamata zvidhori, unzenza, uye kuparwa kwemhosva. Kunyange zvakadaro, vanoshinga kutevedzera muapostora Pauro, uyo ‘asina kurega kudzidzisa pachena uye pamba nemba’ muguta reEfeso. (Mabasa 20:20) Uye vanofarawo pavanoona ‘shoko raJehovha richiramba richikura nesimba uye richipararira.’—Mabasa 19:20.
[Mufananidzo uri papeji 30]
Matongo enhandare yemitambo yaiva muEfeso