Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Njodzi Inongoerekana Yaitika

Njodzi Inongoerekana Yaitika

Njodzi Inongoerekana Yaitika

OWEN, kakomana kane makore maviri nehafu, kakanga kachitamba muimba yokugezera pamba pavo. Akakwanisa kusvikira kabati inochengeterwa mishonga iyo vabereki vake vaifunga kuti haasvikiri. Pane zvaivamo, akawana kabhodhoro kakamufadza. Akakavhura achibva anwa mushonga waivamo. Njodzi yakabva yangoitika.

Kabhodhoro kacho kaiva neasidhi inouraya, uye zvinosuruvarisa kuti Owen muduku akafa. Vabereki vake vakarwadziwa zvikuru pamwoyo. Baba vake vanonzi Percy, vakatsvaka kunyaradzwa kuchechi kwavo. “Nei izvi zvakaitika?” vakabvunza kudaro. Mufundisi akapindura kuti, “Mwari aida imwe ngirozi duku kudenga.” Apedzwa simba, mubereki wacho akanga afirwa akafunga kuti uku kwakanga kuri kusaruramisira kukuru. Zvechokwadi Mwari ndiye akanga aita kuti njodzi yakadaro iitike here? Aodzwa mwoyo, Percy akasarudza kuti akanga asingachadizve kuwadzana nechechi yake.

Achifunga nezvezvakanga zvaitika, Percy ainetseka kuti: ‘Mwanakomana wangu muduku achiri kurwadziwa here? Ndichazombomuonazve here?’

Iwewo ungave wakambonetseka kuti chii chinoitika parufu uye kana zvichiita kuzoonanazve nevadiwa vakafa mune remangwana. Shoko raMwari, Bhaibheri, rinopindura mibvunzo iyi. Rine mhinduro dzakajeka uye dzinonyaradza vose vakawirwa nenjodzi dzakadaro. Chinotokosha kupfuura izvozvo, rinozivisa tariro ine mbiri yakapikirwa naMwari—rumuko.

Tapota verenga nyaya inotevera kuti uzive zvakawanda nezvetariro iyi inoshamisa.