Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rumuko—Dzidziso Ine Chokuita Newe

Rumuko—Dzidziso Ine Chokuita Newe

Rumuko—Dzidziso Ine Chokuita Newe

“Ndine tariro kuna Mwari . . . kuti kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.”—MABASA 24:15.

1. Nyaya yorumuko yakasvika sei pakuva nyaya inonetsa pamberi peSanihedrini?

PAKUPERA kworwendo rwake rwechitatu rwoumishinari muna 56 C.E., muapostora Pauro akanga ari muJerusarema. Pashure pokusungwa nevaRoma, akabvumirwa kumira pamberi pedare repamusoro revaJudha, reSanihedrini. (Mabasa 22:29, 30) Pauro zvaakatarira nhengo dzedare iroro, akaona kuti vamwe vaiva vaSadhusi uye vamwe vacho vaiva vaFarisi. Mapoka maviri aya aisiyana munzira imwe inokosha. VaSadhusi vaisadavira rumuko; vaFarisi vairudavira. Kuti aratidze zvaaidavira nezvorumuko, Pauro akazivisa kuti: “Varume, hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wevaFarisi. Ndiri kutongwa nokuda kwetariro yokumuka kwevakafa.” Paakadaro, akavhiringidza vanhu vacho vakanga vakaungana!—Mabasa 23:6-9.

2. Nei Pauro akanga akagadzirira kudzivirira kutenda kwaaiita rumuko?

2 Makore akati wandei akanga apfuura, paakanga achienda kuDhamasiko, Pauro akanzwa inzwi raJesu mune zvaakaratidzwa. Pauro akatobvunza Jesu kuti: “Ndoitei, Ishe?” Jesu akapindura kuti: “Simuka, upinde muDhamasiko, imomo uchaudzwa zvinhu zvose zvawakatemerwa kuti uite.” Paakasvika muDhamasiko, Pauro akaonekwa nomudzidzi wechiKristu aida kubatsira vamwe, ainzi Ananiyasi, uyo akatsanangura kuti: “Mwari wemadzitateguru edu akusarudza kuti usvike pakuziva kuda kwake uye kuti uone Akarurama uye kuti unzwe inzwi romuromo wake.” (Mabasa 22:6-16) Saka hazvishamisi kuti Pauro akanga akagadzirira kudzivirira kutenda kwaaiita rumuko.—1 Petro 3:15.

Kuzivisa Pachena Tariro Yorumuko

3, 4. Pauro akaratidza sei kuti aitsigira rumuko zvakasimba, uye tingadzidzei pamuenzaniso wake?

3 Pava paya Pauro akamira pamberi paGavhuna Ferikisi. Ipapo, Teturo, “mutauriri wavose” uyo akatura nyaya yaipomerwa Pauro nevaJudha, akamupomera mhosva yokuva mutungamiriri wekapoka kechitendero uye kumhura. Pasina kutya Pauro akapindura kuti: “Ndinobvuma izvi kwamuri, kuti, maererano nenzira yavanoti ‘kapoka’ saizvozvi ndiri kuitira Mwari wemadzitateguru angu basa dzvene.” Zvadaro, achitaura nyaya inokosha, akaenderera mberi achiti: “Ndine tariro kuna Mwari, iri tariro iyo varume ava vanayowo, kuti kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.”—Mabasa 23:23, 24; 24:1-8, 14, 15.

4 Kwapera anenge makore maviri, Pokiyo Fesito, uyo akatsiva Ferikisi, akakumbira Mambo Herodhi Agiripa kuti avepowo paaizobvunzurudza musungwa Pauro. Fesito akatsanangura kuti vapomeri vacho vakanga vasingabvumirani nezvaitaurwa naPauro zvokuti “Jesu akanga afa . . . mupenyu.” Achizvidzivirira, Pauro akabvunza kuti: “Nei zvichirangarirwa kuva zvisingatendeki pakati penyu imi vanhu kuti Mwari anomutsa vakafa?” Zvadaro akazivisa kuti: “Nokuti ndakawana betsero inobva kuna Mwari ndinoramba ndichipupurira vose vakuru nevaduku kusvikira nhasi, asi pasina chandinotaura kunze kwezvinhu zvakataurwa neVaprofita naMosesi kuti zvaizoitika, zvokuti Kristu aizotambura uye, sewokutanga kumutswa kubva kuvakafa, aizozivisa chiedza kune vanhu ava nokune mamwe marudzi.” (Mabasa 24:27; 25:13-22; 26:8, 22, 23) Pauro aitsigira rumuko zvakasimba! Kufanana naPauro, isuwo tinogona kuzivisa nechivimbo kuti kuchava norumuko. Asi tingatarisira kuti vanhu vachaita sei? Pamwe zvakangofanana nezvavakaitawo kuna Pauro.

5, 6. (a) Vaapostora vaitsigira rumuko vakaita kuti vanhu vaite sei? (b) Patinotaura nezvetariro yedu yorumuko, chii chakakosha?

5 Funga nezvezvakanga zvamboitika parwendo rwaPauro rwechipiri rwoumishinari (munenge muna 49-52 C.E.) paakashanyira Atene. Akakurukura nevanhu vaidavira muna vanamwari vakawanda uye akavakurudzira kuona chinangwa chaMwari chokutonga pasi rinogarwa nokururama achishandisa murume waAkagadza. Hapana mubvunzo kuti murume uyu aiva Jesu. Pauro akatsanangura kuti Mwari akapa vimbiso yokuti achaita izvi nokumutsa Jesu. Vanhu vakaita sei? Tinoverenga kuti: “Naizvozvo, vakati vanzwa nezvokumuka kwevakafa, vamwe vakatanga kuseka, asi vamwe vakati: ‘Tichakunzwa pamusoro paizvozvi pane imwe nguva.’”—Mabasa 17:29-32.

6 Zvavakaita zvakanga zvakafanana nezvakanga zvaitika kuna Petro naJohani Pendekosti ya33 C.E ichangopera. VaSadhusi vakanga vari pamberi zvakare mugakava racho. Mabasa 4:1-4 inorondedzera zvakaitika ichiti: “Zvino vaviri vacho pavaitaura nevanhu, vapristi vakuru nomukuru mukuru wetemberi nevaSadhusi vakauya pavaiva, vagumbuka nokuti vakanga vachidzidzisa vanhu uye vakanga vachizivisa pachena kumuka kwaJesu kubva kuvakafa.” Zvisinei, vamwe vakafadzwa nazvo. “Vakawanda vevakanga vateerera hurukuro yacho vakatenda, uye uwandu hwevarume hwakava vanenge zviuru zvishanu.” Zviri pachena kuti tinogona kutarisira vanhu kuita zvakasiyana-siyana patinotaura nezvetariro yorumuko. Tichifunga nezveizvi, zvakakosha kuti tisimbise kutenda kwedu mudzidziso iyi.

Kutenda uye Rumuko

7, 8. (a) Sezvinoratidzwa netsamba yakanyorerwa ungano yomuKorinde yomuzana remakore rokutanga, kutenda kungashaya basa sei? (b) Kunzwisisa zvakarurama tariro yorumuko kunosiyanisa sei vaKristu vechokwadi nevenhema?

7 Havasi vose vakava vaKristu muzana remakore rokutanga C.E vakawana zviri nyore kubvuma tariro yorumuko. Vamwe vaiomerwa nokudavira rumuko vaiva muungano yeKorinde. Pauro akavanyorera kuti: “Ndakakugamuchidzai, pakati pezvinhu zvokutanga, zviya zvandakagamuchirawo, kuti Kristu akafira zvivi zvedu maererano neMagwaro; uye kuti akavigwa, hungu, kuti akamutswa pazuva rechitatu maererano neMagwaro.” Zvadaro Pauro akasimbisa kuti izvi zvaiva zvechokwadi nokutaura kuti Kristu akanga amutswa “akaoneka kuhama dzinopfuura mazana mashanu,” uye Pauro akawedzera kuti vakawanda vacho vakanga vachiri vapenyu. (1 VaKorinde 15:3-8) Akaenderera mberi achiti: “Kana Kristu ari kuparidzwa kuti akamutswa kubva kuvakafa, sei vamwe pakati penyu vachiti hapana kumuka kwevakafa? Zvechokwadi, kana kusina kumuka kwevakafa, naKristu haana kumutswawo. Asi kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu zvechokwadi hapana zvakuri, uye kutenda kwedu hapana zvakuri.”—1 VaKorinde 15:12-14.

8 Chokwadi, dzidziso yorumuko yakakosha zvokuti kutenda kwechiKristu kungashaya basa kana rumuko rukasagamuchirwa sechokwadi. Chaizvoizvo, kunzwisisa zvakarurama rumuko kunoita kuti vaKristu vechokwadi vasiyane nevaKristu venhema. (Genesi 3:4; Ezekieri 18:4) Saka, Pauro akati “dzidziso yokutanga” yechiKristu inosanganisira dzidziso yorumuko. Ngatitsungei ‘kushanda nesimba kuti tive vakuru.’ “Uye tichaita izvi,” anodaro Pauro, “kana zvechokwadi Mwari akatendera.”—VaHebheru 6:1-3.

Tariro Yorumuko

9, 10. Bhaibheri rinorevei parinotaura nezvorumuko?

9 Kuti tisimbise kutenda kwatinoita rumuko, ngationgororei mibvunzo yakadai sokuti: Bhaibheri rinorevei parinotaura nezvorumuko? Dzidziso yorumuko inokudza sei rudo rwaJehovha? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzichatiswededza pedyo naMwari uyewo dzichatibatsira kudzidzisa vamwe.—2 Timoti 2:2; Jakobho 4:8.

10 “Kumuka” ishanduro yeshoko rechiGiriki iro sezvariri rinoreva kuti “kusimukazve.” Shoko iroro rinosanganisirei? Maererano neBhaibheri, tariro yorumuko zvinoreva kudavira zvakasimba kuti munhu akafa anogona kuraramazve. Bhaibheri rinoratidza zvakare kuti munhu wacho anomutswa aine muviri wenyama kana kuti womudzimu, zvichienderana nokuti ane tariro yokurarama pasi pano here kana kuti kudenga. Tinoshamiswa norudo rwaJehovha, uchenjeri hwake, uye simba zvinoonekwa mutariro inoshamisa iyi yorumuko.

11. Itarisiro dzipi dzorumuko dzinopiwa vashumiri vaMwari vakazodzwa?

11 Kumutswa kwaJesu uye kwehama dzake dzakazodzwa kunoita kuti vave nomuviri womudzimu wakakodzera basa rokudenga. (1 VaKorinde 15:35-38, 42-53) Vari pamwe chete vachava vatongi muUmambo hwaMesiya, huchaunza Paradhiso pasi pano. Vari pasi paJesu somupristi mukuru, vakazodzwa vanoumba upristi hwoumambo. Vachaita kuti vanhu vanenge vari munyika itsva yokururama vabatsirwe nechibayiro chorudzikinuro chaKristu. (VaHebheru 7:25, 26; 9:24; 1 Petro 2:9; Zvakazarurwa 22:1, 2) Panguva ino, vaya vakazodzwa vachiri vapenyu pasi pano vanoshuva kuramba vachigamuchirwa naMwari. Pavanofa, vachawana “mubayiro” wavo nokumutsirwa kuupenyu hwomudzimu hwokusafa kudenga. (2 VaKorinde 5:1-3, 6-8, 10; 1 VaKorinde 15:51, 52; Zvakazarurwa 14:13) “Kana tava vakabatana naye murufu rwakafanana norwake,” akanyora kudaro Pauro, “zvechokwadi tichabatanawo naye pakumuka kwakafanana nokwake.” (VaRoma 6:5) Asi zvakadini nevaya vachamutswa kuti vararamezve pasi pano vari vanhu venyama? Tariro yorumuko inovaswededza sei pedyo naMwari? Tingadzidza zvakawanda pamuenzaniso waAbrahamu.

Kumuka uye Ushamwari naJehovha

12, 13. Chii chaiita kuti Abrahamu adavire rumuko zvakasimba?

12 Abrahamu, uyo akarondedzerwa se“shamwari yaJehovha,” akanga ari murume aiva nokutenda kwakasimba. (Jakobho 2:23) Pauro akataura nezvokutenda kwaAbrahamu katatu pandandanda yake yevarume nevakadzi vaiva nokutenda iri muchitsauko 11 chebhuku raVaHebheru. (VaHebheru 11:8, 9, 17) Kechitatu kacho anotaura nezvokutenda kwakaratidzwa naAbrahamu paakagadzirira kupa mwanakomana wake Isaka sechibayiro. Abrahamu aidavira zvakasimba kuti chipikirwa chembeu yaizouya nokuna Isaka yaiva vimbiso yaJehovha. Kunyange zvazvo Isaka aizofa sechibayiro, Abrahamu “akarangarira kuti Mwari akanga achikwanisa kumumutsa kunyange kubva kuvakafa.”

13 Nokufamba kwenguva, Jehovha paakaona kuti kutenda kwaAbrahamu kwakanga kwakasimba sei, akaronga kuti mhuka ishandiswe sechibayiro. Kunyange zvakadaro, zvakaitika kuna Isaka zvakashanda somuenzaniso wokumuka, sokutsanangura kwakaita Pauro kuti: “Kubva ikoko [Abrahamu] akamugamuchirawo [Isaka] nenzira yokufananidzira.” (VaHebheru 11:19) Kupfuura izvozvo, Abrahamu akanga atova nohwaro hwakasimba hwokuti adavire rumuko. Jehovha akanga asina here kudzorera masimba aAbrahamu okubereka apo iye nomudzimai wake, Sara, vakasangana pavakanga vakwegura uye vakabereka mwanakomana wavo, Isaka?—Genesi 18:10-14; 21:1-3; VaRoma 4:19-21.

14. (a) Maererano naVaHebheru 11:9, 10, Abrahamu akanga achimirirei? (b) Kuti awane zvikomborero zvoUmambo munyika itsva, chii chichiri kufanira kuitika kuna Abrahamu? (c) Tingawana sei zvikomborero zvoUmambo?

14 Pauro akarondedzera Abrahamu somugari wokumwe uye mugari womumatende “akanga achimirira guta rine nheyo chaidzo, Mwari ari muvaki nomuiti weguta racho.” (VaHebheru 11:9, 10) Iri rakanga risiri guta chairoiro rakaita seJerusarema, uko kwaiva netemberi yaMwari. Aiwa, iri raiva guta rokufananidzira. Hwaiva Umambo hwaMwari hwokudenga hunoumbwa naKristu Jesu nevaanotonga navo vane 144 000. Mumbiri yavo yokudenga vane 144 000 vanotaurwawo nezvavo se“guta dzvene, Jerusarema Idzva,” “mwenga” waKristu. (Zvakazarurwa 21:2) Muna 1914, Jehovha akagadza Jesu saMambo Mesiya woUmambo hwokudenga uye akamurayira kutonga pakati pevavengi vake. (Pisarema 110:1, 2; Zvakazarurwa 11:15) Kuti Abrahamu, “shamwari yaJehovha,” awane zvikomborero zvokutonga kwoUmambo, anofanira kuraramazve. Saizvozvowo, kuti isu tiwane zvikomborero zvoUmambo, tinofanira kunge tiri vapenyu munyika itsva yaMwari, senhengo dzeboka guru revanhu vachapona paAmagedhoni kana kuti sevaya vachamutswa kubva kuvakafa. (Zvakazarurwa 7:9, 14) Zvisinei, chii chinoita kuti tive netariro yorumuko?

Rudo rwaMwari—Runoita Kuti Tive Netariro Yorumuko

15, 16. (a) Uprofita hwokutanga huri muBhaibheri hunoita sei kuti tive netariro yorumuko? (b) Kudavira rumuko kungatiswededza sei pedyo naJehovha?

15 Ukama hwedu hwepedyo naBaba vedu vokudenga vane rudo, kutenda kwedu kwakasimba kwakafanana nokwaAbrahamu, uye kuteerera kwatinoita mirayiro yaMwari kunoita kuti tinzi takarurama uye kunoita kuti Jehovha atione seshamwari dzake. Izvi zvinotipa mukana wokubatsirwa nokutonga kwoUmambo. Zvechokwadi, uprofita hwokutanga hwakanyorwa muShoko raMwari, pana Genesi 3:15, hunoita kuti tive netariro yorumuko uye ushamwari naMwari. Hunofanotaura kwete kungopwanywa musoro kuchaitwa Satani, asiwo kupwanywa chitsitsinho kwaizoitwa Mbeu yomukadzi waMwari. Kufa kwakaita Jesu padanda rokutambudzikira kwaifananidzira kupwanywa chitsitsinho. Kumutswa kwaakaitwa pazuva rechitatu kwakarapa ronda iroro uye kwakaita kuti “uyo ane simba rokuparira rufu, iye Dhiyabhorosi” aparadzwe.—VaHebheru 2:14.

16 Pauro anotiyeuchidza kuti “Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vanhu vanoita zvivi, Kristu akatifira.” (VaRoma 5:8) Kuonga mutsa uyu usina kukodzera kuwanwa kunonyatsotiswededza pedyo naJesu uye naBaba vedu vane rudo.—2 VaKorinde 5:14, 15.

17. (a) Jobho akataura nezvetariro yei? (b) Jobho 14:15 inoratidzei nezvaJehovha, uye izvi zvinoita kuti unzwe sei?

17 Jobho, mumwe murume akanga akatendeka akararama nguva yechiKristu isati yasvika, aitarisirawo kumuka. Akatambudzwa zvikuru naSatani. Kusiyana neshamwari dzake dzenhema, dzisina kumbotaura nezvorumuko, Jobho akanyaradzwa netariro iyi achibva abvunza kuti: “Kana munhu achinge afa ungararamazve here?” Achipindura, Jobho pachake akazivisa kuti: “Ndaimirira hangu mazuva ose okutambudzika kwangu, kusvikira kusunungurwa kwangu kuchisvika.” Achitaura kuna Mwari wake, Jehovha, akabvuma kuti: “Maizodana, ini ndikakupindurai.” Maererano nemanzwiro anoita Musiki wedu ane rudo, Jobho akati: “Maishuva basa remaoko enyu.” (Jobho 14:14, 15) Chokwadi, Jehovha anotarisira nguva apo vakatendeka vachararamazve parumuko. Zvechokwadi izvi zvinotiswededza pedyo naye sezvatinofungisisa nezvorudo uye mutsa usina kukodzera kuwanwa zvaanotiratidza kunyange zvazvo tisina kukwana!—VaRoma 5:21; Jakobho 4:8.

18, 19. (a) Dhanieri ane tarisiro yei nezvokuraramazve? (b) Tichaongororei munyaya inotevera?

18 Muprofita Dhanieri, akarondedzerwa nengirozi yaMwari so“murume unodikanwa kwazvo,” akararama akatendeka kwemakore akawanda. (Dhanieri 10:11, 19) Akaramba akatendeka kuna Jehovha kubvira paakava muutapwa muna 617 B.C.E. kusvikira pakufa kwake pashure pokunge aona zvaakaratidzwa muna 536 B.C.E., mugore rechitatu raKoreshi, mambo wePersia. (Dhanieri 1:1; 10:1) Pane imwe nguva mugore rechitatu raKoreshi, Dhanieri akaratidzwa kufora kwemasimba enyika kwaizopera mukutambudzika kukuru kwaizouya. (Dhanieri 11:1–12:13) Sezvo akanga asingakwanisi kunyatsonzwisisa zvakaratidzwa zvacho, Dhanieri akabvunza ngirozi yakanga yatumwa kwaari kuti: “Haiwa ishe wangu, kupera kwezvinhu izvi ndokweiko?” Ichipindura ngirozi yacho yakataura nezve“nguva yokupedzisira,” apo ‘vakachenjera vaizonzwisisa.’ Kana ari Dhanieri, aitarisirei? Ngirozi yacho yakati: “Uchazorora, ndokumukirazve mugove wako pakupera kwamazuva iwayo.” (Dhanieri 12:8-10, 13) Dhanieri achamuka “pakumuka kwevakarurama,” muKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru.—Ruka 14:14.

19 Tiri kurarama mukati-kati memazuva okuguma uye pedyo zvikuru nokutanga kwoKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru pane zvazvanga zvakaita patakatanga kuva vatendi. Saka, tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndichange ndirimo here munyika itsva kuti ndizoshamwaridzana naAbrahamu, Jobho, Dhanieri, uye vamwe varume nevakadzi vakatendeka?’ Tichange tirimo, kana tikaramba tiri pedyo naJehovha uye tichiteerera mirayiro yake. Munyaya yedu inotevera, tichaongorora mamwe mashoko ane chokuita netariro yorumuko kuitira kuti tione kuti ndivanaani vachamutswa.

Unoyeuka Here?

• Vanhu vakaita sei Pauro paakazivisa tariro yake yorumuko?

• Nei tariro yorumuko ichisiyanisa vaKristu vechokwadi nevaKristu venhema?

• Tinoziva sei kuti Abrahamu, Jobho, uye Dhanieri vaidavira rumuko?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 8]

Pauro ari pamberi paGavhuna Ferikisi, akataura zvakajeka nezvetariro yorumuko

[Mufananidzo uri papeji 10]

Nei Abrahamu aitenda rumuko?

[Mufananidzo uri papeji 12]

Jobho akanyaradzwa netariro yorumuko

[Mufananidzo uri papeji 12]

Dhanieri achararamazve pakumuka kwevakarurama