Rumuko—Tarisiro Yakanaka Kwazvo
Rumuko—Tarisiro Yakanaka Kwazvo
VANHU vakawanda vanodavira rumuko. Bhuku dzvene rechiIslam, rinonzi Koran, rine chitsauko chose chinotaura nezvorumuko. Surah 75 ine chikamu chinoti: “Ndinopika neZuva roRumuko . . . Munhu anofunga kuti Hatigoni kubatanidza mapfupa ake here? . . . Anobvunza kuti: ‘Zuva rorumuko ririko rini?’ Iye haana simba rokupa vakafa upenyu here?”—Surah 75:1-6, 40.
The New Encyclopædia Britannica inoti “VaZoroaster vanodzidzisa kuti pakupedzisira Uipi huchabviswa, vanhu vose vachamutswa, pachava noKutongwa Kwokupedzisira, uye kuti vakarurama vachapiwazve nyika yakacheneswa.”
Encyclopaedia Judaica inorondedzera rumuko so“kudavira kuti pakupedzisira vakafa vachamutswa vaine miviri yavo voraramazve pasi pano.” Enisaikoropidhiya iyoyo inotsinhirawo kuti chitendero chakagamuchirwa muchiJudha chokuti munhu ane mweya usingafi chinovhiringidza. Inoti: “Chaizvoizvo dzidziso yokumuka kwevakafa nedzidziso yokuti mweya haufi dzinopesana.”
ChiHindu chinodzidzisa kuti munhu anoberekwazve kanotevedzana. Kana izvi zviri zvechokwadi, munhu anofanira kuva nomweya unoramba uri mupenyu pashure porufu. Bhuku dzvene revaHindu rinonzi Bhagavad Gita rinoti: “Mweya uri mumuviri wose haufi. Hapana anokwanisa kuparadza mweya usingafi.”
ChiBuddha chinosiyana nechiHindu pakuti chinoti hakuna mweya usingafi. Kunyange zvakadaro, mazuva ano vaBuddha vakawanda kuFar East vanodavira kuti mweya usingafi unochinja uchienda mune chimwe chinhu. *
Kuvhiringidzika Pamusoro Pedzidziso Yorumuko
Pamariro anoitwa muchiKristudhomu panowanzotaurwa nezvokuti mweya unoramba uri mupenyu pashure porufu uye nezvorumuko. Somuenzaniso, vafundisi veAnglican vanowanzodzokorora mashoko okuti: “Sezvo kwave kuri kuda kwaMwari Wemasimbaose nengoni dzake kuti atore mweya wehama yedu inodiwa yatisiya, saka tinoisa muviri wake muvhu; ivhu kuivhu, dota kudota, guruva kuguruva, tiine tariro chaiyo Yokuti Achamukira kuupenyu husingagumi, nokuna Jesu Kristu Ishe wedu.”—The Book of Common Prayer.
Mashoko aya angaita kuti mumwe munhu anetseke kana Bhaibheri richidzidzisa nezvorumuko kana kuti dzidziso yokuti mweya haufi. Zvisinei, ona zvakataurwa naPurofesa Oscar Cullmann muPurotesitendi wokuFrance. Mubhuku rake rinonzi Immortality of the Soul or Resurrection of the Dead? anonyora kuti: “Pane kusiyana kukuru pazvinotarisirwa nevaKristu
zvokuti vakafa vachamuka nezvinodavirwa nevaGiriki zvokuti mweya haufi. . . . Kunyange zvazvo chiKristu chakazobatanidza zvitendero zviviri izvi, zvokuti muKristuwo zvake wemazuva ano haatombozivi kusiyana kwazvakaita, handioni chikonzero chokuviga izvo ini nedzimwe nyanzvi dzakawanda tinoona sechokwadi. . . . Pfungwa huru iri muTestamende Itsva ine chokuita nokutenda murumuko. . . . Munhu wose akadaro, anenge afa chaizvoizvo, anomutswa kuti ave mupenyu nechiito chitsva chaMwari chokusika.”Saka hazvishamisi kuti vanhu vakawanda havagoni kusiyanisa rufu norumuko. Kuti tisavhiringidzika, tinofanira kutarisa muBhaibheri, iro rinotaura chokwadi chakaziviswa noMusiki wevanhu, Jehovha Mwari. Bhaibheri rinotaura nezvevakawanda vakamutswa. Ngationgororei ina dzenhoroondo idzi toona zvadzinoratidza nezvorumuko.
“Vakadzi Vakagamuchira Vakafa Vavo Vamutswa”
Mutsamba yaakanyorera vaJudha vakanga vava vaKristu, muapostora Pauro akati vakadzi vokutenda “vakagamuchira vakafa vavo vamutswa.” (VaHebheru 11:35) Mumwe wevakadzi ivavo aigara muZarefati, taundi rokuFenikiya raiva pedyo neSidhoni paMhenderekedzo yeMediterranean. Aiva chirikadzi yakagamuchira nomutsa muprofita waMwari Eriya uye yakamupa zvokudya kunyange panguva yakwaiva nenzara isingaiti. Zvinosuruvarisa kuti mwanakomana womukadzi uyu akarwara achibva afa. Pakarepo Eriya akamutakura akaenda naye muimba yepamusoro pedenga remba maigara muprofita wacho uye akateterera kuna Jehovha kuti adzorere upenyu hwomukomana wacho. Pakaitika chishamiso, uye mukomana wacho “akararamazve.” Eriya akadzorera mwana wacho kuna amai vake achibva ati: “Tarira, mwana wako mupenyu.” Amai vacho vakaita sei? Vachifara, vakati: “Zvino ndinoziva kuti muri munhu waMwari, uye kuti shoko raJehovha, riri mumuromo menyu, nderazvokwadi.”—1 Madzimambo 17:22-24.
Vamwe vakaroorana vaiva norupo vaigara makiromita 100 kubva kuZarefati vaitarisira muprofita Erisha, uyo akatsiva Eriya. Mudzimai wacho akanga ari mukadzi aizivikanwa mutaundi ravaigara rainzi Shunemi. Iye nomurume wake vakabvumirana kuti vape Erisha pokugara muimba yepamusoro pedenga remba yavo. Kurwadziwa kwavaiita pamusana pokushaya vana kwakachinja kuva mufaro mukadzi wacho paakabereka mwanakomana. Mukomana wacho zvaaikura, aiwanzoenda kumunda nevanhu vaikohwa pamwe chete nababa vake. Rimwe zuva njodzi yakangoerekana yaitika. Mukomana wacho akachema achiti akanga achirwadziwa nomusoro. Mumwe murindiri akakurumidza kumudzorera kumba. Amai vake vakamuisa pamakumbo pavo, asi mwana wacho akafa zvishoma nezvishoma. Amai vacho vakanga vapererwa nezano vakafunga kushevedza Erisha kuti avabatsire. Ivo nomumwe murindiri vakafamba vachienda kuchamhembe kwakadziva kumadokero vakananga kuGomo reKameri, kwakanga kuchigara Erisha.
Muprofita wacho akatuma mubatsiri wake Gehazi kuti afanoenda, uye akaona kuti mukomana wacho akanga atofa. Erisha 2 Madzimambo 4:32-37 inoti: “Erisha wakati apinda mumba akawana mwana akafa, akaradzikwa pamubhedha wake. Naizvozvo akapinda, akapfiga mukova, iye ari mukati nomwana, ivo vaviri, akanyengetera kuna Jehovha. Akakwira, akatsivama pamusoro pomwana, akaisa muromo wake pamuromo wake, nameso ake pameso ake, namaoko ake pamaoko ake; akatsivama pamusoro pake; nyama yomwana ikadziya. Zvino akadzoka, akafamba-famba mumba kamwe, akakwirazve, akatsivama pamusoro pake; mwana akahotsira kanomwe, mwana ndokusimudza meso ake. Ipapo akadana Gehazi, akati: Dana mukadzi muShunemi. Akamudana. Iye wakati apinda kwaari, Erisha akati: Simudza mwanakomana wako. Zvino iye akapinda, akazviwisira patsoka dzake, akakotamira pasi; akasimudza mwanakomana wake, akabuda.”
nomukadzi wacho vakatevera, asi chii chakaitika pavakazosvika kuShunemi? Nhoroondo iri panaKufanana nechirikadzi yokuZarefati, mukadzi wokuShunemi uyu aiziva kuti zvakanga zvaitika zvakaitika pamusana pesimba raMwari. Vakadzi vose ava vakafara zvikuru sezvo Mwari akaita kuti vana vavo vavaida vavezve vapenyu.
Rumuko Panguva Youshumiri hwaJesu
Kwapera anenge makore 900, rumwe rumuko rwakaitika panzvimbo yaiva pedyo neShunemi nechokuchamhembe kunze kwomusha wainzi Naini. Sezvo Jesu Kristu nevadzidzi vake vakanga vachifamba kubva Kapenaume uye vava pedyo negedhi reNaini, vakasangana nomudungwe wevanhu vaienda kumakuva, uye Jesu akaona imwe chirikadzi yakanga yafirwa nomwanakomana wayo mumwe chete. Jesu akaiudza kuti irege kuchema. Chiremba Ruka, akarondedzera zvakazoitika achiti: “Naizvozvo [Jesu] akaswedera akabata hwanyanza, vakanga vakatakura vakamira, akati: ‘Jaya, ndinoti kwauri, Muka!’ Munhu wacho akanga akafa akagara akatanga kutaura, uye akamupa kuna amai vake.” (Ruka 7:14, 15) Vaya vakaona chishamiso ichi vakarumbidza Mwari. Mashoko orumuko rwacho akapararira kusvikira kuJudhiya iri nechokumaodzanyemba uye muruwa rwakapoteredza. Zvinofadza kuti vadzidzi vaJohani Mubhabhatidzi vakanzwa nezvazvo uye vakaudza Johani nezvechishamiso chacho. Iyewo akabva avatuma kuti vanotsvaka Jesu uye kuti vamubvunze kana akanga Ariye Mesiya aitarisirwa. Jesu akavaudza kuti: “Endai, muudze Johani zvamaona nokunzwa: mapofu ari kuona, vanokamhina vari kufamba, vane maperembudzi vari kucheneswa nematsi dziri kunzwa, vakafa vari kumutswa, uye varombo vari kuudzwa mashoko akanaka.”—Ruka 7:22.
Chishamiso chokumutsa munhu chakaitwa naJesu chinonyanya kuzivikanwa ndechokumutsa kwaakaita shamwari yake yepamwoyo Johani 11:39) Kunyange zvakadaro, kuora kupi nokupi kwakanga kwaita muviri waRazaro hakuna kumutadzisa kumutswa. Jesu ataura, “murume akanga akafa akabuda makumbo ake nemaoko zvakasungwa nezvinomonera, uye chiso chake chakanga chakamonerwa nomucheka.” Zvakazoitwa nevavengi vaJesu zvinoratidza kuti zvechokwadi Razaro ndiye akanga amutswa.—Johani 11:43, 44; 12:1, 9-11.
Razaro. Muchiitiko chino, Jesu akanonoka kusvika pamba pemhuri yacho akazowana Razaro atofa. Jesu paakazosvika kuBhetani, Razaro akanga ava nemazuva mana afa. Jesu paakarayira kuti dombo rakanga rakavhara pamusuo peguva racho ribviswe, Marita akaramba, achiti: “Ishe, anofanira kunge ave kunhuhwa panguva ino, nokuti ave mazuva mana.” (Tinonzwisisa chii kubva munhoroondo ina idzi dzorumuko? Munhu mumwe nomumwe akamutswa akararamazve ari munhu iyeye chaiye. Vose vakazivikanwa, kunyange nehama dzavo dzepedyo zvikuru. Hapana kana mumwe chete wevakamutswa akataura pamusoro pezvakaitika panguva pfupi yavakanga vakafa. Hapana akambotaura nezvokuenda kune imwe nyika. Zviri pachena kuti vose vakadzoka vaine utano hwakanaka. Kwavari, zvaingoita sokuti vakanga varara kwekanguva, vachibva vamuka, sezvakanga zvaratidzwa naJesu. (Johani 11:11) Kunyange zvakadaro, kwapera nguva yakati, mumwe nomumwe wevanhu ava akafazve.
Kusanganiswazve Nevadiwa—Tarisiro Yakanaka Kwazvo
Owen, ataurwa munyaya yatangira ino achangofa, baba vake vakashanyira mumwe muvakidzani wavo. Ikoko patafura, vakawana hendibhiri raishambadzira hurukuro yavose yakarongwa neZvapupu zvaJehovha. Musoro wayo waiti, “Vakafa Vari Kupi?,” wakavafadza. Ndiwo mubvunzo chaiwo waiva mupfungwa dzavo. Vakaenda kunonzwa hurukuro yacho uye vakawana nyaradzo yechokwadi kubva muBhaibheri. Vakaziva kuti vakafa havatamburi. Pane kutambudzwa mumoto wehero kana kuti kutorwa naMwari kuti vave ngirozi kudenga, vakafa, kusanganisira Owen, vanomirira vari muguva kusvikira nguva yakwana yokuti vamutswe.—Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4.
Mhuri yako yakambowirwa nenjodzi here? Sezvaiita baba vaOwen, iwe unombonetseka here kuti vadiwa vako vakafa vari kupi pari zvino uye kana paine mukana wokuvaonazve? Kana zvakadaro, tinokukurudzira kuona zvimwe zvinodzidziswa neBhaibheri nezvorumuko. Pamwe unonetseka kuti: ‘Rumuko ruchaitika rini? Ndivanaani chaizvoizvo vachamutswa?’ Tapota verenga nyaya dzinotevera kuti uone kuti mibvunzo iyi nemimwe inokurukurwa sei.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 6 Ona bhuku rinonzi Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu, mapeji 150-4, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Jehovha akashandisa Erisha kumutsa mwanakomana womukadzi wokuShunemi
[Mufananidzo uri papeji 5]
Eriya akakumbira kuti Jehovha adzorere upenyu hwomukomana
[Mufananidzo uri papeji 6]
Jesu akamutsa mwanakomana wechirikadzi yokuNaini
[Mufananidzo uri papeji 7]
Rumuko ruchaita kuti hama dzionanezve nevadiwa vadzo