Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tariro Yorumuko—Inorevei Kwauri?

Tariro Yorumuko—Inorevei Kwauri?

Tariro Yorumuko—Inorevei Kwauri?

“Munotadzanura ruoko rwenyu, ndokugutisa zvipenyu zvose.”—Pisarema 145:16.

1-3. Vamwe vane tariro yei nokuda kwenguva yemberi? Enzanisira.

CHRISTOPHER ane makore mapfumbamwe nomukoma wake vakanga vapedza mangwanani acho vachishanya paimba neimba vari muushumiri hwavo hwechiKristu pedyo neManchester, kuEngland, vaina babamunini naamainini vavo, nevanakomana vavo vaviri. Imwe magazini yedu yeMukai!, yakatsanangura zvakaitika. “Masikati acho, vakaenda kunoona nzvimbo dzinoyevedza kuBlackpool, nzvimbo yokutandarira iri mumahombekombe egungwa. Vose vari 6 vakanga vari vamwe vevanhu 12 vakafira ipapo patsaona yomumugwagwa, yakarondedzerwa nemapurisa ‘sokuparadza kukuru.’”

2 Usiku hwakanga hwapfuura tsaona yacho isati yaitika, mhuri iyi yakanga yapinda Chidzidzo Chebhuku Cheungano, uko nyaya yorufu yakanga yakurukurwa. Baba vake vakarondedzera kuti: “Christopher akanga agara ari mukomana aifungisisa. Usiku ihwohwo, akataura zvakajeka nezvenyika itsva uye tariro yake nokuda kwenguva yemberi. Zvadaro, pataienderera mberi nokukurukurirana kwacho, Christopher akangoerekana ati: ‘Chakanakira kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha ndechokuti kunyange zvazvo kufa kuchirwadza, tinoziva kuti rimwe zuva tichaonanazve pasi pano.’ Hapana kana mumwe wedu aimbofungira kuti taizogara tichiyeuka mashoko iwayo.” *

3 Muna 1940, makore akawanda izvi zvisati zvaitika, chimwe Chapupu chokuAustria chainzi Franz, chakanga chichiziva kuti chaizourayiwa chichiitwa zvokudimburwa musoro pamusana pokuramba chakavimbika kuna Jehovha. Franz akanyorera amai vake tsamba ari munzvimbo yevasungwa muBerlin, achiti: “Maererano nokuziva kwandinoita, dai ndakaita mhiko [yechiuto,] ndaizenge ndaita chivi chakafanirwa nokufa. Izvozvo zvaizova zvakaipa kwandiri. Ndaisazomutswa. . . . Uye iye zvino, Amai vangu vanodiwa uye vakoma vangu vose nehanzvadzi, nhasi ndaudzwa mutongo wangu, uye musavhunduka, ndatongerwa rufu, uye ndichaurayiwa mangwana mangwanani. Ndine simba rinobva kuna Mwari, sezvakanga zvakangoita vaKristu vekare vose. . . . Kana mukaramba makamira nesimba kusvikira parufu, tichaonanazve parumuko. . . . Kusvikira tazoonanazve.” *

4. Zvakaitika zvarondedzerwa pano zvinoita kuti unzwe sei, uye tava kuzokurukura chii?

4 Tariro yorumuko yaikurudzira zvikuru kuna Christopher naFranz. Yaiva yechokwadi kwavari. Zvechokwadi nyaya idzi dzinobaya mwoyo wedu! Kuti tidzamise kuonga kwatinoita Jehovha uye kuti tisimbise tariro yedu yorumuko, ngatikurukure kuti nei pachava norumuko uye kuti izvi zvinofanira kuita kuti tinzwe sei somunhu oga.

Zvakaratidzwa Zvorumuko Rwepasi Pano

5, 6. Zvakaratidzwa zvakanyorwa nomuapostora Johani pana Zvakazarurwa 20:12, 13 zvinoratidzei?

5 Mune zvaakaratidzwa zvine chokuita noKutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaKristu Jesu, muapostora Johani akaona vanhu vachimutswa pasi pano. “Uye ndakaona vakafa, vakuru nevaduku,” akashuma kudaro. “Uye gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri.” (Zvakazarurwa 20:12, 13) Pasinei nechinzvimbo chavo—vangava “vakuru” kana “vaduku”—vose vari muHadhesi (Sheori), guva revanhu vose, vachabudiswa. Vaya vakafira mugungwa vachamutswawo panguva iyoyo. Chiitiko chinoshamisa ichi ndechimwe chezvinangwa zvaJehovha.

6 Kutonga kwaKristu kwemakore ane chiuru kunotanga nokusungwa kwaSatani uye kuiswa kwake mugomba rakadzika-dzika. Hapana kana mumwe wevaya vanenge vamutswa kana kuti upi zvake wevanenge vapona pakutambudzika kukuru achatsauswa naSatani panguva yokutonga ikoko, nokuti hapana zvaanenge achikwanisa kuita. (Zvakazarurwa 20:1-3) Makore chiuru angaita senguva yakareba, asi chaizvoizvo, Jehovha anoaona “sezuva rimwe.”—2 Petro 3:8.

7. Chii chichaita kuti vanhu vatongwe panguva yoKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru?

7 Maererano nezvakaratidzwa zvacho, Kutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru ichange iri nguva yokutongwa. Muapostora Johani akanyora kuti: “Uye ndakaona vakafa, vakuru nevaduku, vamire pamberi pechigaro choumambo, uye mipumburu yakazarurwa. Asi mumwe mupumburu wakazarurwa; ndiwo mupumburu woupenyu. Uye vakafa vakatongwa nezvinhu zviya zvakanga zvakanyorwa mumipumburu maererano nezviito zvavo. . . . Uye vakatongwa mumwe nomumwe maererano nezviito zvake.” (Zvakazarurwa 20:12, 13) Ona kuti kutongwa uku hakubvi pazvakaitwa kana kuti zvisina kuitwa nomunhu asati afa. (VaRoma 6:7) Asi, kune chokuita ne“mipumburu” ichazarurwa. Zvichaitwa nomunhu pashure pokunge adzidza zviri mumipumburu yacho ndizvo zvichaita kuti zita rake rizonyorwa mu“mupumburu woupenyu.”

“Kumuka Kwoupenyu” Kana Kuti “Kumuka Kwokutongwa”

8. Zvinhu zvipi zviviri zvingaitika kune vachamutswa?

8 Kare pane zvakaratidzwa Johani, Jesu anorondedzerwa seane “kiyi dzorufu nedzeHadhesi.” (Zvakazarurwa 1:18) Anoshanda so“Mumiririri Mukuru woupenyu” waJehovha, akapiwa simba rokutonga “vapenyu nevakafa.” (Mabasa 3:15; 2 Timoti 4:1) Achazviita sei? Nokumutsa vakarara murufu. “Musashamiswa neizvi,” Jesu akadaro kumapoka aaiparidzira, “nokuti awa iri kuuya mairi avo vose vari mumakuva ekurangaridza vachanzwa inzwi rake vobuda.” Zvadaro akawedzera kuti: “Avo vakaita zvakanaka kukumuka kwoupenyu, avo vaiva netsika yokuita zvakaipa kukumuka kwokutongwa.” (Johani 5:28-30) Saka inguva yemberi yorudzii yakamirira varume nevakadzi vepasichigare vakanga vakatendeka?

9. (a) Pavachamutswa, vakawanda vachaonei? (b) Ibasa ripi guru rokudzidzisa richaitwa?

9 Apo vakatendeka ivavo vekare vachamuka, vachakurumidza kuona kuti zvipikirwa zvavakavimba nazvo zvazoitika. Vachafara zvikuru kuziva kuti Mbeu yomukadzi waMwari ndiani, inotaurwa nezvayo muuprofita hwokutanga muBhaibheri, huri pana Genesi 3:15! Vachafara kwazvo kunzwa kuti Mesiya akapikirwa uyu, Jesu, akaramba akatendeka kusvikira afa, nokudaro achipa upenyu hwake sechibayiro chorudzikinuro! (Mateu 20:28) Vaya vanenge vachivagamuchira pavachamutswa vachafara zvikuru kuvabatsira kunzwisisa kuti urongwa uhwu hworudzikinuro kuratidzwa kwomutsa waJehovha usina kukodzera kuwanwa uye kwengoni dzake. Vachamutswa pavachaona zvinenge zvichiitwa noUmambo hwaMwari kuzadzisa chinangwa chaJehovha nokuda kwepasi, hapana mubvunzo kuti mwoyo yavo ichazara nemashoko okurumbidza Jehovha. Vachava nomukana wakakura wokuratidza kuzvipira kwavo kuna Baba vavo vane rudo vokudenga noMwanakomana wavo. Munhu wose anenge ari mupenyu achafadzwa nokuitawo basa guru rokudzidzisa rinodiwa kuitira kudzidzisa mabhiriyoni achadzoka achibva kumakuva, ayo achadawo kubvuma urongwa hwaMwari hworudzikinuro.

10, 11. (a) Makore Ane Chiuru achapa mikana yei kune vose vachange vari pasi pano? (b) Izvi zvinofanira kuita kuti tinzwe sei?

10 Abrahamu paachamutswa achanyaradzwa zvikuru nokurarama chaizvoizvo pasi pokutonga kwe“guta” raaitarisira. (VaHebheru 11:10) Jobho wekare achafara zvikuru paachaziva kuti mararamiro aakaita akasimbisa vamwe vashumiri vaJehovha vakatarisana nemiedzo yokuvimbika kwavo! Uye Dhanieri achada chaizvo kuziva nezvokuzadzika kwouprofita hwaakafuridzirwa kuti anyore!

11 Zvechokwadi, vose vachawana upenyu munyika itsva yakarurama, kungava nokumutswa kana kuti nokupona pakutambudzika kukuru, vachange vaine zvakawanda zvokudzidza nezvechinangwa chaJehovha nokuda kwepasi nevanogara pariri. Tarisiro yokurarama nokusingaperi uye kurumbidza Jehovha nokusingagumi kwose ichaita kuti purogiramu yokudzidza yeMakore Ane Chiuru ifadze chaizvo. Zvisinei, zvatichaita somunhu oga sezvatinodzidza zvinenge zviri mumipumburu ndizvo zvichange zvichinyanya kukosha. Tichashandisa zvatichadzidza here? Tichafungisisa uye kushandisa mashoko anokosha achatisimbisa kuti tikunde pamuedzo wokupedzisira waSatani wokutitsausa pachokwadi here?

12. Chii chichabatsira mumwe nomumwe kuita zvizere basa redzidzo uye basa rokushandura pasi kuva paradhiso?

12 Hatifaniriwo kukanganwa zvikomborero zvinoshamisa zvichavapo pamusana pokushandisa kubatsira kwechibayiro chorudzikinuro chaKristu. Vaya vachamutswa vachange vasina undonda kana kuti urema huripo mazuva ano. (Isaya 33:24) Muviri wakagwinya uye tarisiro youtano hwakakwana zvichaita kuti vagari vose vomunyika itsva vabatanidzwe zvakazara mubasa redzidzo yokurayiridza mabhiriyoni iwayo achamutswa nezvenzira yokuupenyu. Vachavawo nezvokuita mubasa guru kwazvo pane ose akamboedzwa pasi pano—riya rokushandura pasi rose kuva paradhiso inokudza Jehovha.

13, 14. Chinangwa chokusunungurwa kwaSatani pamuedzo wokupedzisira ndechei, uye chii chinogona kuitika kwatiri somunhu mumwe nomumwe?

13 Satani paachabudiswa mugomba rakadzika-dzika kuti aedze vanhu kokupedzisira, achaedza kutsausa vanhu zvekare. Maererano naZvakazarurwa 20:7-9, ‘marudzi ose akatsauswa,’ kana kuti mapoka evanhu, vachava pasi pounyengeri hwakaipa hwaSatani vachatongerwa kuparadzwa: ‘Moto uchaburuka kudenga uye uchavaparadza.’ Kune vaya vachange vamutswa muMakore Ane Chiuru, kuparadzwa uku kuchaita kuti zvinzi vamukira kutongwa. Kusiyana neizvozvo, vakatendeseka vachamutswa vachawana chipo choupenyu husingaperi. Zvechokwadi, kwavo kuchanzi “kumuka kwoupenyu.”—Johani 5:29.

14 Tariro yorumuko ingatinyaradza sei kunyange iye zvino? Chinotokosha zvikuru, tinofanira kuitei kuti tive nechokwadi chokuti tichabatsirwa narwo munguva yemberi?

Zvidzidzo Zvatingadzidza iye Zvino

15. Kutenda rumuko kunogona kubatsira sei iye zvino?

15 Zvimwe wakabva kufirwa nomudikani uye zvimwe uri kuedza kugadziridza kuti urarame nokurasikirwa kukuru kwakadaro. Tariro yorumuko inokubatsira kugadzikana mumwoyo uye kuwana simba risingawaniki nevaya vasingazivi chokwadi. “Hatidi kuti musazive pamusoro pevari kurara murufu,” Pauro akadaro achinyaradza vaTesaronika, “kuti murege kusuruvara sezvinoitawo vamwe vose vasina tariro.” (1 VaTesaronika 4:13) Unozviona uri munyika itsva, uchipupurira rumuko here? Nyaradzwa iye zvino nokufungisisa nezvetarisiro yokuonana zvakare nevadikani vako.

16. Pachamutswa vanhu, uchanzwa sei?

16 Pari zvino ungave uri kutambura noutano husina kutsarukana zvichikonzerwa nokupanduka kwakaita Adhamu. Usaita kuti kunetseka kunokonzerwa nazvo kuite kuti ukanganwe tarisiro inofadza yokuti iwe unogona kumutswa uye kuva mupenyu zvekare uine utano hwakanaka nesimba munyika itsva. Ipapo maziso ako paachavhurika woona zviso zvinokugamuchira zvichida chaizvo kufara newe pakumutswa kwako, hauzombotadzi kuonga Mwari nokuda kwomutsa wake worudo.

17, 18. Zvidzidzo zviviri zvipi zvatinofanira kuyeuka?

17 Panguva ino, ona zvidzidzo zviviri zvatinofanira kuyeuka. Chokutanga ndechokukosha kwakaita basa romwoyo wose kuna Jehovha iye zvino. Tichitevedzera Tenzi wedu, Jesu Kristu, upenyu hwedu hwokuzvipira hunoratidza kuda kwatinoita Jehovha nevavakidzani vedu. Kana kushorwa kana kuti kutambudzwa zvikaita kuti tirasikirwe nechouviri kana kuti norusununguko rwedu, takatsunga kuramba takasimba mukutenda pasinei nemiedzo yatingatarisana nayo. Kana vanotishora vakatityisidzira kuti tichafa, ipapo tinonyaradzwa netariro yorumuko uye inotisimbisa kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha noUmambo hwake. Chokwadi, kushingairira kwedu basa rokuparidza Umambo uye kuita vadzidzi kunoita kuti tive netariro yokuwana zvikomborero izvo Jehovha akachengetera vakarurama.

18 Chidzidzo chechipiri chine chokuita nokutarisana kwatinoita nemiedzo inokonzerwa nokusakwana kwatakaita. Kuziva kwedu nezvetariro yorumuko uye kuonga kwatinoita mutsa waJehovha usina kukodzera kuwanwa kunosimbisa kutsunga kwedu kuramba takasimba mukutenda. Muapostora Johani akanyevera kuti: “Musada nyika kana zvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, kuda Baba hakusi maari; nokuti zvinhu zvose zviri munyika—kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokuratidzwa kwokushamisira kwezvinhu zvoupenyu zvomunhu—hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika. Uyezve, nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.” (1 Johani 2:15-17) Hatizonyanyi kukwezvwa nezvinhu zvenyika zvakadai sokunyanya kuda zvinhu zvokunyama patinozvienzanisa no“upenyu chaihwo.” (1 Timoti 6:17-19) Kana tikaedzwa kuti tiite unzenza, tichashinga kuramba. Tinoziva kuti kana tikafa Amagedhoni isati yauya, kuramba tichirarama upenyu husingafadzi Jehovha kunogona kutiisa muboka rimwe nevaya vasina tariro yokuzomutswa.

19. Iropafadzo ipi isingaenzaniswi nedzimwe yatisingafaniri kukanganwa?

19 Kupfuura zvose, hatimbofaniri kukanganwa ropafadzo isingaenzaniswi nedzimwe yokuita kuti mwoyo waJehovha ufare iye zvino uye nokusingaperi. (Zvirevo 27:11) Kutendeka kwedu kusvikira parufu kana kuti kuramba kwedu takavimbika kusvikira panoguma nyika ino yakaipa kunoita kuti Jehovha aone kuti tinotsigira ani panyaya yokuti ndiani ane kodzero yokuva changamire wezvakasikwa zvose. Zvadaro zvichafadza sei kurarama muParadhiso yepasi kuburikidza nokupona pakutambudzika kukuru kana kuti nokumutswa nenzira inoshamisa!

Kugutsa Zvido Zvedu

20, 21. Chii chichatibatsira kuramba takatendeka kunyange tiine mibvunzo isina kupindurwa yezvorumuko? Tsanangura.

20 Kukurukura kwataita nyaya yorumuko kunosiya mimwe mibvunzo isina kupindurwa. Jehovha achaita sei nokuda kwevaya vakanga vakaroorwa kana kuroora pavakafa? (Ruka 20:34, 35) Vanhu vachamutsirwa munzvimbo dzavakafira here? Vachamutswa vachamutsirwa munharaunda dziri pedyo nemhuri dzavo here? Pane mimwe mibvunzo yakawanda kwazvo yezvourongwa hwokumutswa inoramba isina mhinduro. Kunyange zvakadaro, tinofanira kuramba tichiyeuka mashoko aJeremia anoti: “Jehovha unoitira zvakanaka vanomumirira, naiwo mweya unomutsvaka. Zvakanaka kuti munhu avimbe naJehovha, amirire ruponeso rwaJehovha anyerere.” (Mariro aJeremia 3:25, 26) Panguva yaJehovha yakakodzera, mibvunzo yedu yose ichapindurwa zvinonyatsotigutsa. Nei tingava nechokwadi cheizvi?

21 Fungisisa mashoko akafuridzirwa omunyori wepisarema akaimba nezvaJehovha achiti: “Munotadzanura ruoko rwenyu, ndokugutisa zvipenyu zvose.” (Pis. 145:16) Sezvatinokura, zvido zvedu zvinochinja. Zvataitarisira pataiva vana handizvo zvatinoda nhasi. Maonero atinoita upenyu ane chokuita nezvinoitika muupenyu hwedu uyewo zvatinotarisira. Kunyange zvakadaro, chero zvipi zvingava zvido zvedu munyika itsva, Jehovha achazvigutsa zvechokwadi.

22. Nei tiine chikonzero chakanaka chokurumbidza Jehovha?

22 Iye zvino chinhu chinokosha kune mumwe nomumwe wedu ndechokuva vakatendeka. “Zvinotsvakwa muvatariri ndezvokuti munhu awanike akatendeka.” (1 VaKorinde 4:2) Tiri vatariri vemashoko akanaka ane mbiri pamusoro poUmambo hwaMwari. Kushingaira kwedu mukuzivisa mashoko aya akanaka kune vose vatinosangana navo kunotibatsira kuti tirambe tiri munzira inoenda kuupenyu. Usambokanganwa kuti “nguva nezvinoitika” zvinotiwira tose. (Muparidzi 9:11) Kuti uderedze kufunganya kusina basa kunokonzerwa nezvinonetsa zvoupenyu, ramba uine kutenda mutariro yakanaka kwazvo yorumuko. Iva nechokwadi chokuti kana zvikaita sokuti uchafa Kutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru kusati kwatanga, unogona kunyaradzwa nokuziva kuti uchasunungurwa. Panguva yaJehovha yakakodzera, uchakwanisa kudzokorora mashoko aJobho aakataura kuMusiki, okuti: “Maizodana, ini ndikakupindurai; maishuva basa remaoko enyu.” Jehovha ngaarumbidzwe, uyo anoda kuti vakafa vaachiri kuyeuka vararamezve!—Jobho 14:15.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Ona Awake! yaJuly 8, 1988, peji 10, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 3 Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, peji 662, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Unoyeuka Here?

• Vanhu vachatongwa maererano nei muMakore Ane Chiuru?

• Nei vamwe vachawana “kumuka kwoupenyu” uye vamwe “kumuka kwokutongwa”?

• Tariro yorumuko ingatinyaradza sei iye zvino?

• Mashoko ePisarema 145:16 anotibatsira sei kubata nemibvunzo isina mhinduro ine chokuita norumuko?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 21]

Kutenda murumuko kunotibatsira sei iye zvino?