Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kusvika Pakuziva Nzira dzaJehovha

Kusvika Pakuziva Nzira dzaJehovha

Kusvika Pakuziva Nzira dzaJehovha

“Chindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuzivei.”—EKSODHO 33:13.

1, 2. (a) Nei Mosesi akaita zvaakaita paakaona muIjipiti achirova muHebheru? (b) Kuti akodzere basa raJehovha, Mosesi aifanira kudzidzei?

MOSESI akanga arererwa muimba yaFarao uye akanga adzidziswa uchenjeri hwaikosheswa nevaitonga muIjipiti. Asi Mosesi aiziva kuti akanga asiri muIjipiti. Vabereki vake vaiva vaHebheru. Ava nemakore 40, akaenda kunoongorora hama dzake, vanakomana vaIsraeri. Paakaona mumwe muIjipiti achirova mumwe wevaHebheru, Mosesi haana kungozvisiya zvakadaro. Akauraya muIjipiti wacho. Mosesi akasarudza kutsigira vanhu vaJehovha uye aifunga kuti Mwari akanga ari kumushandisa kuti anunure hama dzake. (Mabasa 7:21-25; VaHebheru 11:24, 25) Izvi pazvakazivikanwa, vaitonga muIjipiti vakaona Mosesi somupanduki, uye aifanira kutiza kuti arambe ari mupenyu. (Eksodho 2:11-15) Kana Mosesi aizoshandiswa naMwari, aitofanira kunyatsoziva nzira dzaJehovha. Mosesi aizobvuma kudzidziswa here?—Pisarema 25:9.

2 Kwemakore 40 akatevera, Mosesi akararama somupoteri uye somufudzi. Pane kuodzwa mwoyo nokuti zvaiva pachena kuti hama dzake dzechiHebheru hadzina kunge dzamunzwisisa, Mosesi akabvuma kuita zvakanga zvabvumirwa naMwari. Kunyange zvazvo pakapera makore akawanda pasina aiziva kuti aiva ani, Mosesi akabvuma kuumbwa naJehovha. Asingazvirumbidzi, asi achikurudzirwa nomudzimu mutsvene waMwari, akazonyora kuti: “Munhu uyu Mosesi wakanga ari munhu munyoro kwazvo, kupfuura vanhu vose vaiva panyika.” (Numeri 12:3) Jehovha akashandisa Mosesi nenzira dzinoshamisa. Kana isuwo tikatsvaka unyoro, Jehovha achatikomborera.—Zefania 2:3.

Kupiwa Basa

3, 4. (a) Jehovha akapa Mosesi basa rei? (b) Mosesi akatsigirwa sei?

3 Rimwe zuva ngirozi yaimiririra Jehovha yakataura naMosesi pedyo neGomo reHorebhi panzvimbo inonzi Sinai Peninsula. Mosesi akaudzwa kuti: “Zvirokwazvo, ndakaona kunetswa kwavanhu vangu vari [muIjipiti,] ndikanzwa kudanidzira kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa; nokuti ndinoziva kuchema kwavo; ndaburuka kuti ndivarwire mumaoko avaIjipiti nokuvabudisa munyika iyo, ndindovaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka nouchi.” (Eksodho 3:2, 7, 8) Maererano neizvi, Mwari aiva nebasa raaida kuti Mosesi aite, asi raifanira kuitwa nenzira yaJehovha.

4 Ngirozi yaJehovha yakaenderera mberi ichiti: “Zvino uya ndikutume kuna Farao, kuti undobudisa vanhu vangu, vana vaIsraeri muIjipiti.” Mosesi akazeza. Aifunga kuti akanga asingazvikwanisi, uye kudai aivimba nemano ake, aisazozvikwanisa. Zvisinei, Jehovha akavimbisa Mosesi kuti: “Ndichava newe.” (Eksodho 3:10-12) Jehovha akapa Mosesi simba rokuita zviratidzo zvinoshamisa zvaizoratidza kuti zvechokwadi akanga atumwa naMwari. Aroni mukoma waMosesi aizomuperekedza kuti ave mutauriri wake. Jehovha aizovadzidzisa zvavaifanira kutaura uye kuita. (Eksodho 4:1-17) Mosesi aizoita basa iroro akatendeka here?

5. Nei maonero evaIsraeri aiita kuti zviomere Mosesi?

5 Pakutanga varume vakuru vaIsraeri vakatenda Mosesi naAroni. (Eksodho 4:29-31) Zvisinei, nenguva isipi “vatariri vavana vaIsraeri” vakanga vava kupa Mosesi nomukoma wake mhosva yokuti vakaita kuti ‘vasembure’ Farao nevashumiri vake. (Eksodho 5:19-21; 6:9) VaIsraeri pavakanga vachibuda muIjipiti, vakavhunduka pavakaona ngoro dzevaIjipiti dzichitevera. Gungwa Dzvuku riri pamberi pavo uye ngoro dzehondo dziri kumashure kwavo, vaIsraeri vakaona sokuti vaiswa parumananzombe, uye vakapa Mosesi mhosva. Ungadai wakaita sei? Kunyange zvazvo vaIsraeri vakanga vasina zvikepe, arayirwa naJehovha, Mosesi akavakurudzira kuti vaputse musasa. Mwari akabva adzosa mvura yeGungwa Dzvuku, uye gungwa rakaoma zvokuti vaIsraeri vakakwanisa kuyambuka.—Eksodho 14:1-22.

Nyaya Inokosha Kupfuura Kununurwa

6. Jehovha akasimbisei paaipa Mosesi basa?

6 Paaipa Mosesi basa, Jehovha akasimbisa kukosha kwezita rake. Kuremekedza zita iroro uye Munhu warinomiririra kwaikosha. Paakabvunzwa nezvezita rake, Jehovha akaudza Mosesi kuti: “Ndichava iye wandichava.” Uyezve, Mosesi aifanira kuudza vanakomana vaIsraeri kuti: “Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbrahama, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, wakandituma kwamuri.” Jehovha akawedzera kuti: “Ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose.” (Eksodho 3:13-15) Jehovha ndiro zita iro Mwari achiri kuzivikanwa naro nevashumiri vake munyika yose.—Isaya 12:4, 5; 43:10-12.

7. Pasinei nokutsvinya kwaFarao, Mwari akakurudzira Mosesi kuti aitei?

7 Vakamira pamberi paFarao, Mosesi naAroni vakataura shoko ravo nezita raJehovha. Asi Farao akatotsvinya achiti: “Jehovha ndiye aniko, kuti nditerere inzwi rake, kuti nditendere vaIsraeri kuenda? Handimuzivi iye Jehovha, neni handingatenderi vaIsraeri kuenda.” (Eksodho 5:1, 2) Farao akaratidza kuti akanga aine mwoyo wakaoma uye aine unyengeri, asi Jehovha akakurudzira Mosesi kuti arambe achimutaurira mashoko acho. (Eksodho 7:14-16, 20-23; 8:1, 2, 20) Mosesi aigona kuona kuti Farao akanga ashatirwa. Pane chakanaka chaizobuda pakutaurazve naye here? Israeri aida kununurwa. Farao akaomesa musoro. Kudai waiva iwe, ungadai wakaitei?

8. Nzira iyo Jehovha akatarisira nayo mamiriro ezvinhu ane chokuita naFarao yakabatsirei, uye zviitiko izvozvo zvinofanira kuita kuti tiite sei?

8 Mosesi akataurazve mamwe mashoko, achiti: “Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.” Mwari akatiwo: “Ndingadai ndaitambanudza ruoko rwangu, ndikakurova iwe navanhu vako nehosha yakaipa, ukaparadzwa chose panyika; asi zvirokwazvo ndakakuraramisa nokuda kwaizvozvo, kuti ndikuratidze simba rangu, uye kuti zita rangu rikurumbire kunyika dzose.” (Eksodho 9:13-16) Nemhaka yezvaizoitirwa Farao aiva nomwoyo wakaoma, Jehovha aiva nechinangwa chokuratidza simba rake nenzira yaizonyevera vose vanomuzvidza. Izvi zvaizosanganisira Satani Dhiyabhorosi, akazonzi naJesu Kristu “mutongi wenyika.” (Johani 14:30; VaRoma 9:17-24) Sezvakanga zvataurwa, zita raJehovha rakaziviswa munyika yose. Mwoyo murefu wake wakaita kuti vaIsraeri vaponeswe pamwe chete neboka guru revanhu vakanga vakavhengana rakabatana navo mukumunamata. (Eksodho 9:20, 21; 12:37, 38) Kubvira ipapo, kuziviswa kwezita raJehovha kwakabatsira mamiriyoni akawanda ayo akagamuchira kunamata kwechokwadi.

Kushanda Nevanhu Vanonetsa

9. Vanhu vorudzi rwaMosesi vakaratidza sei kuti vakanga vasingaremekedzi Jehovha?

9 VaHebheru vaiziva zita raMwari. Mosesi aishandisa zita iroro paaitaura navo, asi hadzisi nguva dzose dzavairatidza ruremekedzo rwakakodzera Muridzi waro. Jehovha achangonunura vaIsraeri muIjipiti nenzira inoshamisa, chii chakaitika pavasina kukurumidza kuwana mvura yokunwa yakanaka? Vakanyunyutira Mosesi. Zvadaro vakazonyunyuta pamusoro pezvokudya. Mosesi akavanyevera kuti vakanga vasiri kungonyunyutira iye naAroni chete asi vainyunyutira Jehovha. (Eksodho 15:22-24; 16:2-12) PaGomo reSinai, Jehovha akapa vaIsraeri Mirayiro Gumi uye akaipa achiitawo zviratidzo zvesimba rinopfuura revanhu. Zvisinei, vanhu vacho havana kuteerera asi vakagadzira mhuru yendarama kuti vainamate uye vakati vakanga vari kuita “mutambo . . . kuna Jehovha.”—Eksodho 32:1-9.

10. Nei chikumbiro chaMosesi chakanyorwa pana Eksodho 33:13 chichinyanya kufarirwa nevatariri vechiKristu mazuva ano?

10 Mosesi aifanira kushanda sei nevanhu avo Jehovha pachake akanga arondedzera sevane mitsipa mikukutu? Mosesi akateterera Jehovha, achiti: “Zvino kana ndakawana nyasha pamberi penyu, chindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuzivei, ndiwane nyasha pamberi penyu.” (Eksodho 33:13) Pavanenge vachitarisira Zvapupu zvaJehovha zvemazuva ano, vatariri vechiKristu vari kufudza boka rinozvininipisa zvikuru kupfuura rudzi rwaIsraeri. Asi vanonyengetera nenzira yakafanana vachiti: “Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; ndidzidzisei nzira dzenyu.” (Pisarema 25:4) Kuziva nzira dzaJehovha kunoita kuti vatariri vakwanise kutarisira zvinomuka nenzira inoenderana neShoko raMwari uye inowirirana nounhu hwake.

Zvinotarisirwa naJehovha Kuvanhu Vake

11. Jehovha akapa Mosesi mirayiro ipi, uye nei tichiifarira?

11 Zvaitarisirwa naJehovha kuvanhu vake zvakataurwa paGomo reSinai. Mosesi akazogamuchira mahwendefa maviri aiva akanyorwa Mirayiro Gumi. Paaiburuka mugomo, akaona vaIsraeri vachinamata mhuru yakaumbwa uye akashatirwa ndokukanda mahwendefa acho pasi, achiaputsa. Jehovha akanyorazve Mirayiro Gumi, pamahwendefa ematombo akanga avezwa naMosesi. (Eksodho 32:19; 34:1) Mirayiro iyi yakanga isina kuchinja kubva panguva yayakatanga kupiwa. Mosesi aifanira kuita sezvayaitaura. Mwari akajekeserawo Mosesi kuti Iye munhu worudzii, ndokusaka akaratidza Mosesi kuti aifanira kuzvibata sei somumiririri waJehovha. VaKristu havasi pasi poMutemo waMosesi, asi zvakaudzwa Mosesi naJehovha zvine mirayiridzo yakawanda inokosha isina kuchinja uye inoramba ichishanda kune vose vanonamata Jehovha. (VaRoma 6:14; 13:8-10) Ngatimbokurukurai mirayiridzo iyi mishomanana.

12. Kutaura kwakaita Jehovha kuti anoda kuti vanhu vazvipire kwaari iye oga kwaifanira kunge kwakaita kuti vaIsraeri vaite sei?

12 Zvipire kuna Jehovha iye oga. Rudzi rwaIsraeri rwaivapo Jehovha paakazivisa kuti aida kuti vazvipire kwaari iye oga. (Eksodho 20:2-5) VaIsraeri vakanga vaona uchapupu hwakawanda hwokuti Jehovha ndiMwari wechokwadi. (Dheuteronomio 4:33-35) Pasinei nezvaiitwa nemamwe marudzi, Jehovha akajekesa kuti aisazobvumira vanhu vake chero marudzi api zvawo okunamata zvidhori kana kuti okuita zvemidzimu. Kuzvipira kwavo kwaari kwaisafanira kungova kuzvipirawo zvako. Vose vaifanira kuda Jehovha nemwoyo yavo yose, mweya yavo yose, uye simba ravo rose. (Dheuteronomio 6:5, 6) Izvi zvaizosanganisira zvavaitaura, mufambiro wavo—kutaura zvazviri, upenyu hwavo hwose. (Revhitiko 20:27; 24:15, 16; 26:1) Jesu Kristu akajekesawo kuti Jehovha anoda kuti tizvipire kwaari iye oga.—Mako 12:28-30; Ruka 4:8.

13. Nei Israeri aifanira kunyatsoteerera Mwari, uye chii chinofanira kuita kuti timuteerere? (Muparidzi 12:13)

13 Nyatsoteerera mirayiro yaJehovha. Vanhu vaIsraeri vaifanira kuyeuchidzwa kuti pavakapinda muukama hwesungano naJehovha, vakapika kuti vaizonyatsomuteerera. Mumwe nomumwe aiva norusununguko rwakakura, asi pane zvavakanga varayirwa naJehovha, vaifanira kunyatsoteerera. Kuita izvozvo kwaizoratidza kuda kwavaiita Mwari uye kwaizovabatsira ivo nevana vavo nokuti zvose zvaidiwa naJehovha zvaiva zvakavanakira.—Eksodho 19:5-8; Dheuteronomio 5:27-33; 11:22, 23.

14. Mwari akasimbisira sei Israeri kukosha kwokuisa zvinhu zvokunamata pakutanga?

14 Isa zvinhu zvokunamata pokutanga. Rudzi rwaIsraeri rwakanga rusingafaniri kuita kuti kutarisira zvinhu zvenyama kurutadzise kutarisira zvinhu zvokunamata. Upenyu hwevaIsraeri hwaisangofanira kupedzerwa pakuita zvinhu zvisingakoshi. Jehovha akatsaura nguva vhiki nevhiki yaakasarudza kuti itsvene, nguva yaizongoshandiswa kuita zvinhu zvine chokuita nokunamata Mwari wechokwadi. (Eksodho 35:1-3; Numeri 15:32-36) Gore negore, pane imwe nguva yaifanira kutsaurwa kuti vaite kokorodzano tsvene. (Revhitiko 23:4-44) Idzi dzaizoita kuti pave nemikana yokukurukura nezvemabasa esimba aJehovha, kuyeuchidzwa nezvenzira dzake, uye kumuonga nokuda kwokunaka kwake kwose. Sezvo vanhu vairatidza kuti vakazvipira kuna Jehovha, vaizowedzera kutya Mwari uye vaizobatsirwa kufamba nenzira dzake. (Dheuteronomio 10:12, 13) Mitemo inokosha iri mumirayiridzo iyoyo inobatsira vashumiri vaJehovha nhasi.—VaHebheru 10:24, 25.

Kunzwisisa Unhu hwaJehovha

15. (a) Nei kunzwisisa unhu hwaJehovha kwakabatsira Mosesi? (b) Mibvunzo ipi ingatibatsira kufunga zvakadzama nezvounhu hwaJehovha humwe nohumwe?

15 Kunzwisisa unhu hwaJehovha kwaizobatsirawo Mosesi pakushanda nevanhu. Eksodho 34:5-7 inoti Mwari akapfuura nepamberi paMosesi ndokuzivisa kuti: “Jehovha, Jehovha, Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi, unochengetera vane zviuru zvamazana nyasha dzake, unovakanganwira zvakaipa zvavo nokudarika kwavo nezvivi zvazvo, asi usingapembedzi munhu une mhosva; unorova vana nokuda kwezvakaipa zvamadzibaba avo, navana vavana vavo kusvikira kurudzi rwechitatu norwechina.” Wana nguva yokufungisisa mashoko iwayo. Zvibvunze kuti: ‘Unhu humwe nohumwe hunorevei? Jehovha akahuratidza sei? Vatariri vechiKristu vangaratidza sei unhu uhwu? Hunofanira kuchinja sei zvinoitwa nomumwe nomumwe wedu?’ Chimbofunga nezvemienzaniso mishomanene.

16. Tingadzamisa sei kunzwisisa kwedu ngoni dzaMwari, uye nei kuita izvi kuchikosha?

16 Jehovha ndi“Mwari uzere nyasha nengoni.” Kana uine bhuku rinonzi Insight on the Scriptures, wadii kuverenga zvinotaurwa pasi pomusoro wakanzi “Mercy”? Kana kuti tsvakurudza nyaya iyoyo uchishandisa Watch Tower Publications Index kana kuti purogiramu yekombiyuta inonzi Watchtower Library (CD-ROM). * Shandisa konikodhenzi kuti uwane magwaro anotaura nezvengoni. Uchaona kuti pane dzimwe nguva kunze kwokungoderedza chirango, ngoni dzaJehovha dzinosanganisira kunzwira urombo. Dzinoita kuti Mwari ave nezvaanoita kuti anunure vanhu vake. Souchapupu hweizvi, Mwari akapa vaIsraeri zvavaida zvokunyama uye zvokunamata pavaifamba vachienda kuNyika Yakapikirwa. (Dheuteronomio 1:30-33; 8:4) Nenzira yengoni Jehovha aivakanganwira pavaikanganisa. Ainzwira ngoni vanhu vake vekare. Vashumiri vake vemazuva ano vanotofanira kunzwirana ngoni zvikuru!—Mateu 9:13; 18:21-35.

17. Kunzwisisa kwedu nyasha dzaJehovha kunotsigira sei kunamata kwechokwadi?

17 Ngoni dzaJehovha dzinoenderana nenyasha. Ungatsanangura sei shoko rokuti nyasha? Enzanisa izvi nemagwaro anotaura kuti Jehovha ane nyasha. Bhaibheri rinoratidza kuti nyasha dzaJehovha dzinosanganisira kuva nehanya nevarombo vari pakati pevanhu vake. (Eksodho 22:26, 27) Munyika chero ipi zvayo, vatorwa nevamwewo vangava vari varombo. Paaidzidzisa vanhu vake kuti vasasarura uye kuti vaitire vakadaro mutsa, Jehovha akavayeuchidza kuti ivowo vakanga vambova vatorwa—muIjipiti. (Dheuteronomio 24:17-22) Zvakadini nesu sevanhu vaMwari nhasi? Kuva nenyasha kunotibatsira kubatana uye kukwezva vamwe kuti vanamate Jehovha.—Mabasa 10:34, 35; Zvakazarurwa 7:9, 10.

18. Tinodzidzei pane zvakarambidzwa vaIsraeri naJehovha pamusoro penzira dzevanhu vemamwe marudzi?

18 Zvisinei, kunzwira vanhu vemamwe marudzi mutsa kwakanga kusingafaniri kukurira kuda kwaiita Israeri Jehovha uye mitemo yake yetsika. Saka, vaIsraeri vakadzidziswa kuti vasaita zvaiitwa nemarudzi akapoteredza, vasatevedzera manamatiro avo uye mararamiro avo ounzenza. (Eksodho 34:11-16; Dheuteronomio 7:1-4) Izvozvo zvinoshandawo kwatiri nhasi. Tinofanira kuva vanhu vatsvene, sezvo Mwari wedu, Jehovha, ari mutsvene.—1 Petro 1:15, 16.

19. Kunzwisisa maonero anoita Jehovha zvakaipa kungadzivirira sei vanhu vake?

19 Kuti Mosesi anzwisise nzira Dzake, Jehovha akajekesa kuti kunyange zvazvo asingatenderi chivi, anononoka kutsamwa. Anopa vanhu nguva yokuti vadzidze zvaanoda uye vazviite. Kana vakapfidza, Jehovha anokanganwira zvivi, asi haazoiti kuti munhu wacho asarangwa kana aita chivi chikuru chakakodzera kurangwa. Akanyevera Mosesi kuti zvizvarwa zvaitevera zvaigona kubatsirwa kana kuti kukanganiswa nezvaiitwa nevaIsraeri. Kunzwisisa nzira dzaJehovha kunogona kudzivirira vanhu vaMwari pakupa Mwari mhosva yemamiriro ezvinhu avanenge vakonzera ivo pachavo kana kuti kugumisa kuti anononoka.

20. Chii chingatibatsira kugarisana nehama dzedu zvakakodzera uye nevaya vatinosangana navo muushumiri? (Pisarema 86:11)

20 Kana uchida kudzamisa zivo yako pamusoro paJehovha nenzira dzake, ramba uchitsvakurudza uye uchifungisisa paunoverenga Bhaibheri. Nyatsoongorora unhu hwaJehovha hwakasiyana-siyana hunonakidza. Uchiita zvokunyengetera, funga kuti ungatevedzera sei Mwari woita kuti upenyu hwako huenderane zvikuru nezvinangwa zvake. Izvi zvichakubatsira kudzivisa matambudziko, kugarisana zvakanaka nehama dzaunonamata nadzo, uye kubatsira vamwe kuti vasvike pakuziva uye kuda Mwari wedu anoshamisa.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 16 Ose akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Wadzidzei?

• Nei unyoro hwaikosha kuna Mosesi, uye nei huchikosha kwatiri?

• Chii chakanaka chakabuda Farao paakaramba achiudzwa shoko raJehovha?

• Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinokosha zvakadzidziswa Mosesi uye zvinoshandawo kwatiri?

• Tingadzamisa sei kunzwisisa kwatinoita unhu hwaJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

Mosesi akataurira Farao shoko raJehovha nokutendeka

[Mufananidzo uri papeji 23]

Jehovha akaudza Mosesi zvaaida

[Mufananidzo uri papeji 24, 25]

Fungisisa nezvounhu hwaJehovha