Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mhuri Dzinosimbiswa Nokuziva Mwari

Mhuri Dzinosimbiswa Nokuziva Mwari

“Kubatsirwa Kwangu Kunobva Kuna Jehovha”

Mhuri Dzinosimbiswa Nokuziva Mwari

“RUSVINGO rweBerlin.” Ndiwo mashevedzero aiita vamwe varoorani vokuArgentina mudhuri chaiwo wavakanga vavaka kuti vapatsanure imba yavo nepakati! Vakanga vasingawirirani zvachose; vaivengana.

Zvinosuruvarisa kuti zvakaitika kumhuri iyoyo zvinoitikawo kune dzimwe. Mhuri dzakawanda dzine dambudziko rokukakavadzana, kusavimbana, uye kuvengana zvakasimba. Izvi zvinosuruvarisa, sezvo mhuri iri urongwa hwakatangwa naMwari pachake. (Genesi 1:27, 28; 2:23, 24) Chipo ichi chinobva kuna Mwari mamiriro ezvinhu akanakira kuratidza rudo rwakadzama. (Rute 1:9) Kana dzichiita zvinodiwa naMwari, nhengo dzemhuri dzinogona kukudza Jehovha dzofadzana. *

Sezvo Mwari akatanga urongwa hwemhuri, tinofanira kuita kuti maonero ake achinje manzwisisiro atinoita mashandiro anofanira kuita mhuri. Shoko rake rine mazano akawanda anoshanda akagadzirirwa kubatsira mhuri kuti dzibudirire, kunyanya panomuka zvinetso. Nezvebasa revarume, Bhaibheri rinoti: “Varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo.” Murume paanoita zvinodiwa izvi, mudzimai anonzwa achifara “kuremekedza murume wake zvikuru.”—VaEfeso 5:25-29, 33.

Achitaura nezvoukama hwevabereki nevana vavo, muapostora Pauro akanyora kuti: “Madzibaba, musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4) Izvi zvinoitawo kuti mumhuri muve noushamwari, uhwo hunoita kuti zvive nyore kuti vana vateerere vabereki vavo.—VaEfeso 6:1.

Pfungwa dzataurwa pamusoro apa mienzaniso yezano rakanaka reBhaibheri rine chokuita noupenyu hwemhuri. Pavanoshandisa mitemo yaMwari, vakawanda vanowana mufaro mumhuri. Somuenzaniso, funga nezvevaroorani vokuArgentina vataurwa pakutanga. Pashure pokunge vadzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha kwemwedzi mitatu, vose vakatanga kushandisa zano raro rouchenjeri rinotaura nezvemhuri. Vakashanda nesimba kuti vanatsiridze kukurukurirana kwavo, kuti vanzwirane tsitsi, uye kuti vakanganwirane. (Zvirevo 15:22; 1 Petro 3:7; 4:8) Vakadzidza kudzora hasha dzavo uye kutsvaka rubatsiro kuna Mwari zvinhu pazvaiita sokuti hazvichadzoreki. (VaKorose 3:19) Nenguva isipi, “Rusvingo rweBerlin” rwakaputswa!

Mwari Anogona Kuvaka Mhuri

Zivo uye kushandisa zvinodiwa naMwari zvinogona kusimbisa mhuri kuti ikurire zvinetso. Izvi zvinokosha, nokuti zvakaprofitwa kuti mhuri yaizorwiswa zvinotyisa muzuva redu. Pauro akafanotaura nezvokushayikwa kwetsika kuripo iye zvino uye kuparara kuri kuita nzanga yevanhu. Akati “mazuva okupedzisira” aizoonekwa nokusavimbika, kusava no“rudo . . . rwokuzvarwa narwo,” uye kusateerera vabereki, kunyange pane vaya “vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari.”—2 Timoti 3:1-5.

Kuedza kufadza Mwari kunogona kubatsira kukurira zvinoparadza mhuri zvakadaro. Mhuri dzakawanda dzakaona kuti panodiwa nzira yokugadzirisa nayo zvinetso inobva kuna Mwari kuti ivabatsire kukunda zvinetso zvakawanda zvavanotarisana nazvo. Kana nhengo dzemhuri dzichida kuramba dziine ukama hwakanaka naMwari, kupfuura zvose dzinofanira kushandisa mitemo yeBhaibheri dzoziva kuti “kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanobata pasina.” (Pisarema 127:1) Kubudirira kukuru pakutsigira mufaro wemhuri kunobva pakuisa Mwari pakutanga muupenyu.—VaEfeso 3:14, 15.

MuHawaii mumwe murume anonzi Dennis akaona kuti ichocho chaiva chokwadi. Kunyange zvazvo aizviti muKristu, aigara achituka uye achirwa. Pashure pokunge ashanda muchiuto, akatonyanya kuva nehasha noruvengo. Anoyeuka kuti, “Ndaigara ndichingorwa. Ndaiva ndisina basa nezvaizoitika kwandiri, uye ndakanga ndisingatyi kufa. Kutuka nokurwa zvakaenderera mberi. Mudzimai wangu, uyo aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha, akandikurudzira kuti ndidzidze Bhaibheri.”

Dennis akaramba zvaiedza kuitwa nomudzimai wake. Zvisinei, maitiro echiKristu omudzimai wake akachinja maonero aaiita. Dennis akapedzisira aenda kumusangano wechiKristu nomudzimai wake nevana. Pashure paizvozvo, Dennis akatanga kudzidziswa Bhaibheri, uye akafambira mberi zvakanaka. Akarega kusvuta kwaakanga ave achiita kwemakore 28 uye akarega kushamwaridzana neshamwari dzaiita zvinhu zvose zvaaiedza kurega. Achitenda Jehovha, Dennis akati: “Upenyu hwemhuri yangu hwakava nani. Taienda kumisangano uye muushumiri semhuri. Vana vangu vaviri vakanga vasingachandityi, nokuti ndakadzidza kudzora hasha dzangu uye ndakanga ndisingachatuki. Takanga tava kukwanisa kutaura zvakanaka uye kunakidzwa nokukurukura Bhaibheri. Kudai chisiri chokwadi cheBhaibheri, ndingadai ndisiri pano nhasi; ndaikurumidza kugumbuka zvokuti.”

Mhuri dzinogona kuwana mufaro padzinoshanda nesimba kuti dziite zvinodiwa naJehovha. Zvakamboitika zvinoratidza kuti kunyange kana nhengo imwe yemhuri ichishandisa mitemo yeBhaibheri, zvinhu zvinova nani kupfuura kana pasina ari kuishandisa. Kuvaka mhuri yechiKristu ibasa rakaoma, rinoda unyanzvi nenguva. Asi nhengo dzemhuri dzakadaro dzine vimbiso yokuti Jehovha achakomborera kuvaka kwadzinoedza kuita. Vanogona kudzokorora mashoko omunyori wePisarema, okuti: “Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha.”—Pisarema 121:2.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Ona Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2005, May/June.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]

“Mhuri yose iri kudenga neiri pasi pano inotumidzwa zita rayo” naMwari.—VAEFESO 3:15

[Bhokisi riri papeji 8]

JEHOVHA ANOKOSHESA ZVIKURU URONGWA HWEMHURI

“Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika.”—Genesi 1:28.

“Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha . . . Mukadzi wako uchava somuzambiringa, unobereka zvakanaka, mukati meimba yako.”—Pisarema 128:1, 3.