Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei Dhavhidhi naBhati-shebha vasina kuurayirwa upombwe hwavakaita, nepo mwanakomana wavo akanga achangoberekwa akafa?

Mutemo waMosesi waitaura zvakajeka kuti: “Kana murume akawanikwa achivata nomukadzi wakawanikwa nomurume wake, ivavo vose vanofanira kuurawa, murume wakavata nomukadzi naiye mukadziwo; saizvozvo iwe unofanira kubvisa zvakaipa pakati paIsraeri.” (Dheuteronomio 22:22) Kudai Jehovha Mwari akanga arega nyaya yechivi chaDhavhidhi naBhati-shebha ichitongwa nevatongi vaitonga vari pasi poMutemo, vaviri ava vakaita upombwe vangadai vakaurayiwa. Sezvo vatongi vakanga vasingagoni kuona zviri mumwoyo, vaifanira kutonga maererano nezvakaitwa nevatadzi vacho sezvakaratidzwa nezvakaitika zvacho. Mutemo waiti munhu aita upombwe anofanira kutongerwa rufu. Vatongi vechiIsraeri vakanga vasina simba rokukanganwira chivi ichocho.

Ukuwo, Mwari wechokwadi anogona kuona zviri mumwoyo okanganwira zvivi kana achiona kuti pane chikonzero chokudaro. Nyaya yacho zvayaibatanidza Dhavhidhi, waAkanga aita naye sungano yoUmambo, Jehovha akasarudza kusaita zvakanga zvagara zvichiitwa, achibva atonga nyaya yacho iye pachake. (2 Samueri 7:12-16) “Mutongi wenyika yose” ane kodzero yokuita chisarudzo chakadaro.—Genesi 18:25.

Jehovha akaonei sezvaaiongorora mwoyo waDhavhidhi? Mashoko okusuma Pisarema 51 anotaura kuti pisarema iri rinoratidza manzwiro akaita Dhavhidhi “panguva yakasvika muprofita Natani kwaari, iye apinda kuna Bhati-shebha.” Pisarema 51:1-4 rinoti: “Ndinzwirei tsitsi, Mwari, nokuda kwounyoro hwenyu; dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu zhinji. Ndisukei zvakaipa zvangu chose, ndinatsei chivi changu. Nokuti ndinoziva kudarika kwangu; chivi changu chinogara chiri pamberi pangu. Ndakakutadzirai imi, iyemi moga, ndakaita chinhu chakaipa pamberi penyu.” Jehovha anofanira kunge akaona kuzvidemba kukuru uku kwaiva mumwoyo maDhavhidhi souchapupu hwokupfidza kwechokwadi uye akasarudza kuti paiva nechikonzero chokunzwira vatadzi vacho ngoni. Uyezve, Dhavhidhi aiva munhu ane ngoni, uye Jehovha anonzwira ngoni vane ngoni. (1 Samueri 24:4-7; Mateu 5:7; Jakobho 2:13) Saka, Dhavhidhi paakabvuma chivi chake, Natani akamuudza kuti: “Jehovha wakanganwirawo zvivi zvako; haungafi.”—2 Samueri 12:13.

Dhavhidhi naBhati-shebha vakanga vasingazodzivirirwi pamigumisiro yose yechivi chavo. “Zvawakabatsira kwazvo vavengi vaJehovha kumumhura nechinhu ichi chawaita,” Natani akaudza Dhavhidhi kudaro, “mwana wawaberekerwa, zvirokwazvo uchafa.” Mwana wavo akarwara ndokufa pasinei nokutsanya uye kuchema kwakaita Dhavhidhi kwemazuva manomwe.—2 Samueri 12:14-18.

Vamwe zvinovaomera kunzwisisa kuti nei mwanakomana wacho aifanira kufa, sezvo Dheuteronomio 24:16 ichiti: “Vana havafaniri kuurawa pamusoro pamadzibaba avo.” Asi tinofanira kuyeuka kuti kudai nyaya yacho yakanga yatongwa nevanhu, vabereki vacho pamwe chete nomwana asati aberekwa aiva mudumbu vangadai vakafa. Kufirwa nomwanakomana wacho kungadaro kwakabatsirawo Dhavhidhi kuti anyatsooona kuti Jehovha akanga asina kufadzwa nechivi chake naBhati-shebha. Tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha akatarisira nyaya yacho zvakarurama, nokuti “nzira yake yakarurama kwazvo.”—2 Samueri 22:31.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Dhavhidhi akaratidza kuti akanga apfidza zvechokwadi