Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Vanhu Vakawanda Vasingashandisi Pfungwa?

Nei Vanhu Vakawanda Vasingashandisi Pfungwa?

Nei Vanhu Vakawanda Vasingashandisi Pfungwa?

“AITA seiko? Anozviziva kuti haafaniri kudaro,” anodaro mumwe mucherechedzi. Achidzungudza musoro wake, mumwe anoenda achitsutsumwa achiti, ‘Dai anga angoshandisa pfungwa dzake zvishoma, angadai asina kuzomboita izvozvo.” Wakambonzwa mashoko akafanana neaya here? Zvisinei, “kushandisa pfungwa” kuita sei?

Shoko rokuti “pfungwa” rinorondedzerwa so“kuziva zvakarurama,” “kunzwisisa,” uye “uchenjeri hunoshanda kana kuti mano.” Rinoreva kuti munhu ane mano okusiyanisa zvinhu uye kusarudza noungwaru. Zviri pachena kuti kushandisa pfungwa kunoda kuti tishandise mano okufunga. Vanhu vakawanda vangatorega vamwe vachivafungira. Vanorega zvinobudisa nhau, vezera ravo, kana kuti zvinotaurwa noruzhinji zvichivasarudzira zvokuita.

Zvinoita sokuti mazuva ano vakawanda havashandisi pfungwa, zvokuti mumwe murume anocherechedza akambonyora kuti: ‘Kutaura chokwadi, vanhu havachamboshandisi pfungwa dzavo.’ Tingakwanisa sei kushandisa pfungwa? Kushandisa pfungwa kunobatsirei?

Ungashandisa sei Pfungwa?

Munhu anogona kushandisa pfungwa, kunyange zvazvo zvichitora nguva, zvichida kunyatsofungisisa, uye kuramba uchiedza kuva nepfungwa dzakanaka uye kusarudza zvakanaka. Funga nezvezvinhu zvitatu zvinogona kutibatsira kuti tikwanise kushandisa pfungwa.

Dzidza Bhaibheri, utevere zano raro. Bhaibheri, rakanyorwa nomutauro wakanakisisa uye rine pfungwa dzakajeka, rinoyamura zvikuru kuwana uchenjeri uye pfungwa dzakanaka. (VaEfeso 1:8) Somuenzaniso, muapostora Pauro anorayira vamwe vaKristu kuti: “Zvinhu zvose zvechokwadi, zvinhu zvose zvokuva nehanya nazvo zvikuru, zvinhu zvose zvakarurama, zvinhu zvose zvakachena, zvinhu zvose zvinodiwa, zvinhu zvose zvinotaurwa zvakanaka pamusoro pazvo, kunaka kwose kungavapo, zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo, rambai muchifunga zvinhu izvi.” (VaFiripi 4:8) Kana tikaramba tichitevera zano iri, tichaguma tava kusarudza zvakanaka uye tichiita zvine musoro.

Dzidza pane zvakamboitika. Achibatanidza kushandisa pfungwa noruzivo rwoupenyu, mumwe munyori wenhetembo wokuSwitzerland akati: “Kushandisa pfungwa . . . kunobva pane zvakamboitika uye kufanoona zvichaitika.” Zvechokwadi, “usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.” (Zvirevo 14:15) Munhu angagona kushandisa pfungwa kana akacherechedza, akadzidziswa uye akadzidza pane zvinoitika kwaari. Tingadzidza kuita zvinhu nenzira iri nani nokufamba kwenguva. Zvisinei, kudzidza pane zvatinenge takanganisa kunoda kuti tizvininipise uye tive vanyoro. Kuzvitutumadza, kuzvikudza, uye kuoma musoro kwakaita vanhu mumazuva ano okupedzisira hakuratidzi kuti vanoshandisa pfungwa.—2 Timoti 3:1-5.

Sarudza shamwari nokuchenjera. Panyaya yokushandisa uchenjeri uye pfungwa dzakanaka, tinobatsirwa kana kuti kukanganiswa neshamwari dzedu. Zvirevo 13:20 inoti: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.” Hatifaniri kubvuma maonero kana kuti pfungwa dzevaya vasingateereri Mwari uye vasingateereri Shoko rake. Zvirevo 17:12 inoti: “Zviri nani kuti munhu asongane nechikara chatorerwa vana, pakuti asongane nebenzi paupenzi hwaro.”

Zvinobatsirei?

Kuvavarira kushandisa pfungwa kunobatsira. Kunoita kuti upenyu hunakidze uye kunoita kuti tisatambisa nguva. Kushandisa pfungwa kungatoderedza kushungurudzika kunowanzokonzerwa nokuita zvinhu usina kufunga. Vaya vasingagoni kusarudza zvakanaka vanozviomesera upenyu. “Kubata kwamapenzi kunonetsa mumwe nomumwe wavo,” rinodaro Bhaibheri. (Muparidzi 10:15) Vanhu vakadaro vangashanda nesimba nguva dzose voneta; asi hapana kana chimwe chavanobura chine musoro.

Bhaibheri rine mazano akawanda ezvorucheno, kukurukurirana, kushanda nesimba, kuti ungaita sei kana uri murombo, uye zvimwe zvakawanda zvoupenyu. Mamiriyoni evanhu anogona kutaura kuti kubudirira kwawo kana kuti kukundikana kwawo muupenyu hwawo kwakabva pakuti akashandisa zvakadini zvinotaurwa neBhaibheri izvo zvakaabatsira kuratidza uchenjeri.

Kushandisa pfungwa kunoita kuti tikwanise kuita zvakawanda kupfuura kungotevera mirayiridzo kana kuti mitemo yakarongwa. Kunotibatsira kuti tiite mabasa edu. Zvisinei, kushandisa pfungwa hakutsivi kuwana zivo. ‘Munhu akachenjera achateerera owedzera kudzidza,’ inodaro Zvirevo 1:5. Tinofanirawo kudzidza kuongorora mashoko atinowana, toona kuti zvakakodzera ndezvipi. Izvi zvinotibatsira ku“famba nouchenjeri.”—Zvirevo 28:26.

Kuva nomwero kunofambirana nokushandisa pfungwa. Kunyange zvazvo tingada kutarisira mabasa akawanda, tinofanira kusarudza zvakanaka toita zvatinokwanisa nesimba redu. Chokwadi, muapostora Pauro anotiudza kuti tive “nezvakawanda zvokuita mubasa raShe.” (1 VaKorinde 15:58) Asi murayiro uyu unofanira kuonekwa nenzira iri pakati nepakati kana uchienzaniswa nomurayiro wakanyorwa pana Muparidzi 9:4, unoti: “Imbwa mhenyu inopfuura shumba yakafa.” Kutarisira utano hwedu zvakakodzera patinenge tichishumira Jehovha kungaita kuti tirarame kwenguva yakareba toramba tichishingaira. Kushandisa pfungwa kunogona kutibatsira kuva pakati nepakati izvo zvinoita kuti tikwanise kuita zvinhu zvinodiwa asi zvisingatitadzisi kufara. Chokwadi, kushandisa pfungwa kune zvakawanda zvakunobatsira.

[Mufananidzo uri papeji 14]

Mazano akawanda akanaka anowanika muBhaibheri

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kushandisa pfungwa kunobva pakuongorora, kudzidziswa, uye kudzidza pane zvinoitika kwauri