Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raSamueri Wechipiri

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raSamueri Wechipiri

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raSamueri Wechipiri

KUZIVA uchangamire hwaJehovha kunoda kuti titeerere zvakakwana here? Munhu akavimbika nguva dzose anoita zvakarurama mukuona kwaMwari here? “Munhu unofadza mwoyo” waMwari wechokwadi munhu akaita sei? (1 Samueri 13:14) Bhuku reBhaibheri raSamueri Wechipiri rinopa mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo iyi.

Bhuku raSamueri Wechipiri rakanyorwa naGadhi naNatani, vaprofita vaviri vaiwirirana chaizvo naMambo Dhavhidhi waIsraeri wekare. * Zvarakapedzwa munenge muna 1040 B.C.E., nechokunopera kwenguva yokutonga kwaDhavhidhi kwemakore 40, bhuku racho rinonyanya kutaura nezvaDhavhidhi uye nezvoukama hwake naJehovha. Nhoroondo inonakidza iyi inorondedzera kuti rudzi rwakanga rwaparara nehondo rwakazova sei umambo hwakabatana hunobudirira hwaitongwa namambo aiva nesimba. Nhoroondo yacho inonakidza izere nenyaya dzinoratidza manzwiro akasimba aiita vanhu.

DHAVHIDHI ANO“RAMBA ACHIKURA”

(2 Samueri 1:1–10:19)

Zvakaitwa naDhavhidhi paakanzwa nezvorufu rwaSauro naJonatani zvinoratidza manzwiro aaiita nezvavo uye nezvaJehovha. KuHebroni, Dhavhidhi anogadzwa samambo wedzinza raJudha. Mwanakomana waSauro Ishi-bhosheti anogadzwa samambo waIsraeri wose. Dhavhidhi ano“ramba achikura,” uye kwapera makore anenge manomwe nehafu, anogadzwa samambo waIsraeri wose.—2 Samueri 5:10.

Dhavhidhi anotorera vaJebhusi Jerusarema oriita guta guru roumambo hwake. Paanoedza kuendesa areka yesungano kuJerusarema kokutanga, zvinoguma nenjodzi. Zvisinei, kechipiri anobudirira, uye Dhavhidhi anotamba nomufaro. Jehovha anoita sungano youmambo naDhavhidhi. Dhavhidhi anokunda vavengi vake sezvo Mwari achiramba anaye.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:18—Nei Joabhi nevanun’una vake vaviri vainzi vanakomana vatatu vaZeruya, amai vavo? MuMagwaro echiHebheru, madzinza aiwanzozivikanwa nezita rababa. Murume waZeruya angangodaro akakurumidza kufa, kana kuti angangodaro akanzi haakodzeri kuva muMagwaro Matsvene. Zeruya angangodaro akanyorwa nokuti aiva hanzvadzi yaDhavhidhi kana kuti mwana wababa vake. (1 Makoronike 2:15, 16) Panongotaurwa nezvababa vevakomana vatatu ava chete ndepane chokuita nepavakavigwa kuBheterehema.—2 Samueri 2:32.

3:29—Zvinorevei kuti ‘murume anoshandisa chokugadzirisa shinda chinomonereka’? Vakadzi ndivo vaiwanzoruka machira. Saka, mashoko aya angareva varume vakanga vasina kukodzera mabasa akaita sehondo uye vaizofanira kuita mabasa echikadzi.

5:1, 2—Dhavhidhi akazoitwa mambo waIsraeri wose Ishi-bhosheti ave nenguva yakareba sei aurayiwa? Zvine musoro kugumisa kuti Ishi-bhosheti akatanga kutonga kwake kwemakore maviri Sauro achangofa, panguva yakada kufanana neiyo Dhavhidhi akatanga kutonga muHebroni. Dhavhidhi akatonga Judha ari kuHebroni kwemakore manomwe nehafu. Achangoitwa mambo waIsraeri wose, akatamisira dzimbahwe rake kuJerusarema. Saka, kwakapera makore anenge mashanu Ishi-bhosheti afa, Dhavhidhi ndokuzoitwa mambo waIsraeri wose.—2 Samueri 2:3, 4, 8-11; 5:4, 5.

8:2—VaMoabhi vangani vakaurayiwa pashure pokurwa kwavakaita naIsraeri? Nhamba yacho ingava yaiwanika nokuita zvokuyera pane kuita zvokuverenga. Zvinoita sokuti Dhavhidhi akaita kuti vaMoabhi varare pasi pedyo nepedyo vakaita mutsetse. Zvadaro, akaita kuti mutsetse wacho uyerwe netambo. Zviri pachena kuti tambo mbiri, kana kuti zvikamu zviviri pazvitatu zvevaMoabhi zvakaurayiwa, uye tambo imwe chete, kana kuti chikamu chimwe chete pazvitatu, havana kuurayiwa.

Zvatinodzidza:

2:1; 5:19, 23. Dhavhidhi akabvunza Jehovha asati agara muHebroni uye asati aenda kunorwa nevavengi vake. Isuwo tinofanira kutsvaka kutungamirirwa naJehovha tisati taita zvisarudzo zvine chokuita nokunamata kwatinoita.

3:26-30. Kutsiva kunounza migumisiro inosuwisa.—VaRoma 12:17-19.

3:31-34; 4:9-12. Kusada kutsiva kwaDhavhidhi uye kusava noruvengo muenzaniso wakanaka.

5:12. Hatimbofaniri kukanganwa kuti Jehovha akatidzidzisa munzira dzake uye akaita kuti tikwanise kuva noukama hwakanaka naye.

6:1-7. Kunyange zvazvo Dhavhidhi aiva nevavariro yakanaka, kuedza kwaakaita kutamisa Areka iri mungoro kwaiva kutyora murayiro waMwari uye kwakakundikana. (Eksodho 25:13, 14; Numeri 4:15, 19; 7:7-9) Kubata kwakaita Uza areka kunoratidzawo kuti vavariro dzakanaka hadzichinji zvinodiwa naMwari.

6:8, 9. Zvinhu pazvakanga zvaoma, Dhavhidhi akatanga atsamwa, ndokuzotya—zvichida achitopa Jehovha mhaka yenjodzi yacho. Tinofanira kungwarira kuti tisapa Jehovha mhaka yezvinetso zvinokonzerwa nokusateerera mirayiro yake.

7:18, 22, 23, 26. Kuzvininipisa kwaDhavhidhi, kuzvipira zvakakwana kuna Jehovha, uye kufarira kukudza zita raMwari unhu hwatinofanira kutevedzera.

8:2. Uprofita hwakataurwa makore anenge 400 akapfuura hunozadzikiswa. (Numeri 24:17) Zvinenge zvataurwa naJehovha zvinoitika nguva dzose.

9:1, 6, 7. Dhavhidhi akaita zvaakanga avimbisa. Isuwo tinofanira kuedza kuita zvatinenge tavimbisa.

JEHOVHA ANOMUTSIRA WAKAZODZWA WAKE DAMBUDZIKO

(2 Samueri 11:1–20:26)

“Ndichakumutsira zvakaipa zvichabva mumba mako,” Jehovha anodaro kuna Dhavhidhi, “ndichatora vakadzi vako pamberi pako ndichivapa waugere naye, iye uchavata navakadzi vako masikati machena.” (2 Samueri 12:11) Nei mashoko aya akataurwa? Imhaka yechivi chaDhavhidhi naBhati-shebha. Kunyange zvazvo Dhavhidhi anopfidza akakanganwirwa, haana kudzivirirwa pamigumisiro yechivi chake.

Kutanga mwana anoberekwa naBhati-shebha anofa. Zvadaro mwanasikana waDhavhidhi ari mhandara, Tamari, anobatwa chibharo nomwana wababa vake Amnoni. Hanzvadzi yake chaiyo Absaromu inotsiva yoponda Amnoni. Absaromu anopandukira baba vake ozviita mambo kuHebroni. Dhavhidhi anomanikidzwa kutizira kuJerusarema. Absaromu anorara nevarongo gumi vababa vake vakanga vasiyiwa kuti vatarisire imba. Dhavhidhi anozovazve mambo pashure pokunge Absaromu aurayiwa. Kupanduka kunoitwa nomuBhenjamini anonzi Shebha kunoguma nokufa kwaShebha.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

14:7—“Zimbe rangu rakasara” rinofananidzirei? Kubvira zvishoma nezvishoma kwezimbe riri kutsva kunoshandiswa kumiririra mwana mupenyu.

19:29—Nei Dhavhidhi akaita zvaakaita paakatsanangurirwa naMefibhosheti zvakanga zvaitika? Paakanzwa zvakataurwa naMefibhosheti, Dhavhidhi anofanira kunge akaona kuti akakanganisa paakangobvuma zvakanga zvataurwa naZibha asina kumbofunga. (2 Samueri 16:1-4; 19:24-28) Izvi zvingangodaro zvakashatirisa Dhavhidhi, uye akanga asingachadi kunzwa chero chinhu chipi zvacho nezvenyaya yacho.

Zvatinodzidza:

11:2-15. Nhoroondo yakajeka yokukanganisa kwaDhavhidhi inosimbisa kuti Bhaibheri iShoko raMwari rakafuridzirwa.

11:16-27. Patinokanganisa zvakakomba, hatifaniri kuedza kuvanza sezvakaita Dhavhidhi. Pane kudaro, tinofanira kureurura chivi chedu kuna Jehovha tokumbira rubatsiro kuvakuru vari muungano.—Zvirevo 28:13; Jakobho 5:13-16.

12:1-14. Natani akaratidza vakuru vakagadzwa muungano muenzaniso wakanaka. Vanofanira kubatsira vaya vanotadza kuti vagadzirise chikanganiso chavo. Vakuru vanofanira kuita basa iri nounyanzvi.

12:15-23. Kuona zvakanaka zvinhu zvakaitika kwaari kwakabatsira Dhavhidhi kuti aone dambudziko zvakanaka.

15:12; 16:15, 21, 23. Pazvaiita sokuti Absaromu aizotora chigaro, kudada nokuda chinzvimbo zvakaita kuti gurukota rakangwara Ahitoferi ave mutengesi. Kungwara asi usingazvininipisi uye usina kuvimbika kunogona kuva musungo.

19:24, 30. Mefibhosheti aitenda mutsa worudo waDhavhidhi zvechokwadi. Akabvuma nechido zvakanga zvasarudzwa namambo pamusoro paZibha. Kuonga kwatinoita Jehovha uye sangano rake kunofanira kuita kuti tizviise pasi.

20:21, 22. Uchenjeri hwomunhu mumwe chete hunogona kudzivirira vakawanda pangozi.—Muparidzi 9:14, 15.

NGATI“WIRE HEDU ZVINO MURUOKO RWAJEHOVHA”

(2 Samueri 21:1–24:25.)

Kwemakore matatu kune nzara nemhaka yokuteura ropa kwakaitwa naSauro paakauraya vaGibhiyoni. (Joshua 9:15) Kuti vatsive kuteurwa kweropa ikoko, vaGibhiyoni vanokumbira kuti vanakomana vanomwe vaSauro vaurayiwe. Dhavhidhi anovaendesa kuvaGibhiyoni, uye nzara yacho inoguma nedzvotsvotsvo remvura. Hofori ina dzechiFiristiya dzinouya kuzo“urawa naDhavhidhi, uye navaranda vake.”—2 Samueri 21:22.

Dhavhidhi anoita chivi chakakomba nokurayira kuti vanhu vaverengwe zvisiri pamutemo. Anopfidza uye anosarudza ‘kuwira muruoko rwaJehovha.’ (2 Samueri 24:14) Zvinoguma zvaitika ndezvokuti vanhu 70 000 vanofa nedenda. Dhavhidhi anotevera murayiro waJehovha, uye denda racho rinogumiswa.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

21:8—Sei zvinganzi Mikari mwanasikana waSauro aiva nevanakomana vashanu, iyo 2 Samueri 6:23 ichitaura kuti akafa asina mwana? Tsananguro inobvumwa nevakawanda ndeyokuti ava vakanga vari vana vaMerabhi, mukoma waMikari, akanga akaroorwa naAdrieri. Zvingangodaro zvakaitika ndezvokuti Merabhi akakurumidza kufa uye Mikari akanga asina vana akabva arera vakomana vacho.

21:9, 10—Rizpa akaramba akarinda vanakomana vake vaviri uye vazukuru vaSauro vashanu vakanga vaurayiwa nevaGibhiyoni kwenguva yakareba sei? Vanomwe ava vakaurayiwa “pamazuva okukohwa, pamazuva okutanga”—March kana kuti April. Mitumbi yavo yakasiyiwa iri pachena pagomo. Rizpa akarinda mitumbi yacho minomwe siku nesikati kusvikira Jehovha aratidza kuti hasha dzake dzakanga dzaserera nokunayisa mvura. Mvura yaisanyanya kunaya zvakasimba mwaka wokukohwa usati wapera muna October. Saka, Rizpa angangodaro akarinda kwemwedzi mishanu kana kuti mitanhatu. Pashure paizvozvo, Dhavhidhi akaita kuti mapfupa evarume vacho avigwe.

24:1—Nei kuverenga vanhu kwaiva chivi chakakomba chakaitwa naDhavhidhi? Kuverenga vanhu pachako kwakanga kusingarambidzwi noMutemo. (Numeri 1:1-3; 26:1-4) Bhaibheri haritauri kuti chii chakaita kuti Dhavhidhi averenge vanhu. Zvisinei, 1 Makoronike 21:1 inoratidza kuti akakurudzirwa naSatani kuti adaro. Chero zvazvingava, mukuru weuto rake, Joabhi, aiziva kuti chisarudzo chaDhavhidhi chokuti vanhu vanyorese chakanga chisina kururama, uye akaedza kurambidza Dhavhidhi.

Zvatinodzidza:

22:2-51. Rwiyo rwaDhavhidhi runoratidza zvakanaka chaizvo kuti Jehovha ndiMwari wechokwadi, akakodzera kuti timuvimbe zvakakwana!

23:15-17. Dhavhidhi airemekedza zvikuru mutemo waMwari woupenyu neropa zvokuti panguva ino akarega kuita chero chii zvacho chaiita sokutyora mutemo iwoyo. Tinofanira kukudziridza maonero akadaro nezvemitemo yaMwari yose.

24:10. Hana yaDhavhidhi yakaita kuti apfidze. Hana yedu inorova zvokuti tingaitawo saizvozvo here?

24:14. Dhavhidhi aiva nechokwadi chokuti Jehovha ane ngoni kupfuura vanhu. Tine chivimbo chakadaro here?

24:17. Dhavhidhi akazvidemba kuti chivi chake chakaita kuti rudzi rwose rutambure. Muiti wechakaipa anopfidza anofanira kuzvidemba nezvoruzvidzo rungaunzwa paungano nezvaakaita.

Tinokwanisa ‘Kufadza Mwoyo waMwari’

Mambo wechipiri waIsraeri akava ‘munhu akafadza mwoyo waJehovha.’ (1 Samueri 13:14) Dhavhidhi haana kumbopokana nemitemo yaJehovha yakarurama, uye haana kuda kutevera nzira yokuzvimiririra asingatungamirirwi naMwari. Pose paitadza Dhavhidhi, aibvuma chivi chake, aibvuma kurangwa, uye aigadzirisa nzira dzake. Dhavhidhi aiva murume akavimbika. Tinenge tisina kuchenjera here kana tikaita saiye, kunyanya patinokanganisa?

Nyaya youpenyu hwaDhavhidhi inonyatsoratidza kuti kubvuma kuti Jehovha ndiye changamire kunoreva kubvuma mitemo Yake yezvakanaka nezvakaipa uye kuedza kuita maererano nayo sevanhu vakavimbika. Izvi tinogona kuzviita. Tinofara zvikuru nokuda kwezvidzidzo zvatinodzidza mubhuku raSamueri Wechipiri! Shoko rakafuridzirwa riri mubhuku iri, zvechokwadi ibenyu uye rine simba.—VaHebheru 4:12.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Kunyange zvazvo Samueri asina kunyorawo bhuku iri, rine zita rake nokuti pakutanga mabhuku maviri aSamueri aiva mupumburu mumwe chete muchiHebheru. Samueri ndiye akanyora chikamu chakakura chaSamueri Wokutanga.

[Mufananidzo uri papeji 16]

Kuyeuka kuti ndiani akanga amusimbisa kwazvo kuti ave mambo kwakabatsira Dhavhidhi kuti arambe achizvininipisa

[Mifananidzo iri papeji 18]

“Ndichakumutsira zvakaipa zvichabva mumba mako”

Bhati-shebha

Tamari

Amnoni