Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Ramba Uchizvidzora Pakuitirwa Zvakaipa’“

‘Ramba Uchizvidzora Pakuitirwa Zvakaipa’“

‘Ramba Uchizvidzora Pakuitirwa Zvakaipa’“

Muranda waShe haafaniri kurwa, asi anofanira kuva munyoro kune vose, . . . anoramba achizvidzora pakuitirwa zvakaipa.”—2 Timoti 2:24.

1. Patinenge tichiita ushumiri hwechiKristu, nei dzimwe nguva tichisangana nevanhu vanotaura nehasha?

UNOITA sei paunoonana nevanhu vasingakufariri kana kuti vasingafariri zvaunomiririra? Achirondedzera mazuva okupedzisira, muapostora Pauro akafanotaura kuti vanhu vaizova “vanomhura, . . . vanochera, vasingazvidzori, vanotyisa.” (2 Timoti 3:1-5, 12) Ungasangana nevanhu vakadaro muushumiri kana kuti paunenge uchiita mamwe mabasa.

2. Magwaro api angatibatsira kupindura nouchenjeri vanhu vanotaura nesu nehasha?

2 Hazvirevi hazvo kuti munhu wose anotuka haatombofariri zvakarurama. Kunyanya kutambura kana kuti kushungurudzwa kungaita kuti vanhu vapopotere chero munhu anenge ari pedyo navo. (Muparidzi 7:7) Vakawanda vanoita izvi nokuti vanogara uye vanoshanda nevanhu vajaira kutuka. Izvi hazviiti kuti matauriro akadaro ave akanaka kwatiri sevaKristu, asi zvinotibatsira kuti tinzwisise kuti nei vamwe vanhu vachitaura saizvozvo. Tinofanira kuita sei kana tatukwa? Zvirevo 19:11 inoti: “Kungwara kwomunhu kunodzora kutsamwa kwake.” Uye VaRoma 12:17, 18 inotirayira kuti: “Musadzorera chakaipa nechakaipa kune munhu upi noupi. . . . Kana zvichibvira, sokugona kwenyu, ivai norugare nevanhu vose.”

3. Kushandira kuva norugare nevamwe kunobatana sei neshoko ratinoparidza?

3 Maonero atinoita acharatidza kana zvechokwadi tichishandira kuva norugare nevamwe. Zvicharatidzwa nezvatinotaura uye zvatinoita, zvichida pachitarisiko chechiso chedu uye mumatauriro atinoita. (Zvirevo 17:27) Paaituma vaapostora vake kuti vanoparidza, Jesu akavarayira kuti: “Pamunenge muchipinda mumba, kwazisai imba yacho [“itii, ‘rugare kwamuri,’” Bhaibheri Rinoera]; uye kana imba ichifanira, rugare rwamunoishuvira ngaruuye pairi; asi kana isingafaniri, rugare runobva kwamuri ngarudzokere pamuri.” (Mateu 10:12, 13) Mashoko atinotakura mashoko akanaka. Bhaibheri rinoati “mashoko akanaka orugare,” “mashoko akanaka omutsa usina kufanirwa waMwari,” uye “aya mashoko akanaka oumambo.” (VaEfeso 6:15; Mabasa 20:24; Mateu 24:14) Chinangwa chedu hachisi chokutsoropodza zvinodavirwa nomumwe munhu kana kuti kuitirana nharo naye nezvemaonero aanoita, asi ndechokumuudza mashoko akanaka anobva muShoko raMwari.

4. Ungati kudini paunonzi “Handifariri” usati watombowana mukana wokutaura chawanga washanyira?

4 Asina kumbonyatsoteerera, saimba angakurumidza kuti: “Handifariri.” Kazhinji, ungati: “Ndanga ndichida kungoverenga urwu rugwaro rumwe bedzi rupfupi rwomuBhaibheri.” Angasapokana naizvozvo. Mune zvimwe zviitiko, zvingava zvakakodzera kuti: “Ndanga ndichida kukuudzai nezvenguva apo pachange pasisina kusaruramisira uye vanhu vose vachadzidza kudanana.” Kana izvozvo zvikasaita kuti saimba ade kuziva zvakawanda, ungawedzera kuti: “Asi zviri pachena kuti iye zvino mune zvamuri kuita.” Kunyange zvazvo mhinduro yasaimba ingasava yorugare, tinofanira kugumisa kuti ‘haana kufanirwa’ here? Pasinei nemapinduriro aanoita, yeuka zano reBhaibheri rokuva “munyoro kune vose, . . . anoramba achizvidzora pakuitirwa zvakaipa.”—2 Timoti 2:24.

Aiita Zvakaipa asi Akarasika

5, 6. Sauro aibata sei vateveri vaJesu, uye nei aiita saizvozvo?

5 Muzana remakore rokutanga, murume ainzi Sauro aizivikanwa nokutaura asingaremekedzi, uyewo kuita zvechisimba. Bhaibheri rinoti akanga aine “shungu dzokutyisidzira nokuponda vadzidzi vaShe.” (Mabasa 9:1, 2) Nokufamba kwenguva akazobvuma kuti akanga ari “munhu anomhura uye anotambudza nomunhu anoita zvakaipa.” (1 Timoti 1:13) Kunyange zvazvo dzimwe hama dzake dzingadaro dzakanga dzatova vaKristu, akati nezvemaonero aaiita vateveri vaKristu: “Sezvo ndaivapengera zvikuru, ndakatosvika pakuvatambudza kunyange mumaguta ari kunze.” (Mabasa 23:16; 26:11; VaRoma 16:7, 11) Hapana uchapupu hwokuti vadzidzi vakaedza kuita kuti Sauro ataurewo pagakava raiitwa nevazhinji paaizvibata nenzira iyoyo.

6 Nei Sauro akaita izvozvo? Kwapera makore akati, akanyora kuti: “Ndakanga ndisingazivi uye ndaiita nokusava nokutenda.” (1 Timoti 1:13) Akanga ari muFarisi, akadzidziswa “maererano norumano rwoMutemo wemadzitateguru.” (Mabasa 22:3) Kunyange zvazvo zvaiva pachena kuti mudzidzisi waSauro Gamarieri aibvumawo zvaitaurwa nevamwe, mupristi mukuru Kayafasi, uyo aishamwaridzana naSauro, akaratidza kuti ainyanyisa. Kayafasi ndiye akanga atungamirira pakuronga zano rakazourayisa Jesu Kristu. (Mateu 26:3, 4, 63-66; Mabasa 5:34-39) Pashure paizvozvo, Kayafasi akava nechokwadi chokuti vaapostora vaJesu vazvamburwa, uye akavarayira zvakasimba kuti varege kuparidza nezvezita raJesu. Kayafasi akatungamirira dare reSanihedrini rakanga rine shungu kwazvo iro rakazoita kuti Stefani aende kunotemwa nematombo. (Mabasa 5:27, 28, 40; 7:1-60) Sauro akavaona vachimutema nematombo, uye Kayafasi akamupa mvumo yokuti aedzezve kuita kuti vateveri vaJesu varege kuparidza nokuvasunga muDhamasiko. (Mabasa 8:1; 9:1, 2) Achifurirwa naKayafasi, Sauro aifunga kuti zvaaiita zvairatidza kuti aishingairira Mwari, asi akanga asina kutenda kwechokwadi. (Mabasa 22:3-5) Izvi zvakaita kuti Sauro akundikane kuziva kuti Jesu ndiye aiva Mesiya wechokwadi. Asi Sauro akazopengenuka apo Jesu akanga amutswa akaita chishamiso chokutaura naye pamugwagwa waienda kuDhamasiko.—Mabasa 9:3-6.

7. Kusangana kwakaita Sauro naJesu pamugwagwa waienda kuDhamasiko kwakaita kuti aite sei?

7 Izvi zvichangoitika, mudzidzi Ananiyasi akatumwa kuti anoparidzira Sauro. Iwe ungadai wakabvuma kunomuona here? Ananiyasi aitya, asi akataura naSauro nomutsa. Maonero aSauro akanga achinja nemhaka yokusangana kunoshamisa kwaakaita naJesu pamugwagwa wokuDhamasiko. (Mabasa 9:10-22) Akazozivikanwa somuapostora Pauro, mumishinari wechiKristu aishingaira.

Munyoro asi Akashinga

8. Jesu akaratidza sei maonero aiita Baba vake vanhu vakanga vaita zvakaipa?

8 Jesu akanga ari muzivisi woUmambo anoshingaira aiva munyoro asi aiva noushingi pakushanda nevanhu. (Mateu 11:29) Airatidza maonero aBaba vake vokudenga, avo vanokurudzira vakaipa kuti vasiye nzira dzavo. (Isaya 55:6, 7) Paaibata nevatadzi, Jesu aicherechedza kana paiva nouchapupu hwokuti munhu ari kuchinja achiita zviri nani, uye aikurudzira vanhu vakadaro. (Ruka 7:37-50; 19:2-10) Pane kutonga vanhu nezvavairatidza kuti vari nechokunze, Jesu akatevedzera mutsa waBaba vake, kushivirira, uye mwoyo murefu, aine tarisiro yokuti vaizopfidza. (VaRoma 2:4) Jehovha anoda kuti vanhu vemarudzi ose vapfidze uye vaponeswe.—1 Timoti 2:3, 4.

9. Tingadzidzei pakuzadzika kwakaita Isaya 42:1-4 kuna Jesu?

9 Achitaura maonero ayo Jehovha aiita Jesu Kristu, munyori weEvhangeri Mateu anotaura mashoko aya ouprofita, anoti: “Tarirai! Mushandi wangu wandakasarudza, anodiwa wangu, akatenderwa nemweya wangu! Ndichaisa mudzimu wangu paari, uye achaburitsa pachena kumarudzi kuti ruramisiro chii. Haazokakavari, kana kudanidzira, uyewo hapana munhu achanzwa inzwi rake mumigwagwa yakafara. Hapana tsanga yakakuzvuka yaachapwanya, uye hapana tambo inopfungaira yemufurakisi yaachadzima, kusvikira atumira kururamisira nokubudirira. Zvechokwadi, marudzi achava netariro muzita rake.” (Mateu 12:17-21; Isaya 42:1-4) Zvichienderana nemashoko iwayo ouprofita, Jesu haana kukakavadzana nevanhu. Kunyange paainge achinetswa, akataura chokwadi nenzira yakafadza vanhu vakanga vakatendeseka.—Johani 7:32, 40, 45, 46.

10, 11. (a) Kunyange zvazvo vaFarisi vaiva vamwe vevainyanya kushora Jesu, nei akapupurira kune vamwe vavo? (b) Pano neapo Jesu aipa vateveri vake mhinduro dzorudzii, asi chii chaasina kuita?

10 Paaiita ushumiri hwake, Jesu akataura nevaFarisi vakawanda. Kunyange zvazvo vamwe vavo vakaedza kumubata nemashoko aaitaura, Jesu haana kubva ati vose zvavo vaiva nevavariro dzakaipa. Zviri pachena kuti Simoni, muFarisi aingoda zvokutsoropodza, aida kunyatsoongorora Jesu, uye akamukoka kuti azodya naye. Jesu akabvuma uye akapupura kune vaya vaivapo. (Ruka 7:36-50) Pane imwe nguva, mumwe muFarisi akakurumbira ainzi Nikodhimo akauya kuna Jesu usiku. Jesu haana kumutuka kuti nei akamirira kusvikira kwasviba. Pane kudaro, akapupurira kuna Nikodhimo nezvorudo rwakaratidzwa naMwari paakatumira Mwanakomana wake kuti avhure nzira yokuponeswa nayo kune vaya vaizotenda. Nomutsa Jesu akaratidzawo kukosha kwokuteerera urongwa hwaMwari. (Johani 3:1-21) Nikodhimo akazotaura achimiririra Jesu apo vamwe vaFarisi vakazvidza zvakanaka zvakanga zvataurwa pamusoro paJesu.—Johani 7:46-51.

11 Jesu aiona unyengeri hwevaya vaiedza kumubata. Haana kubvumira vaimushora kuti vaite kuti aitirane navo nharo dzisina zvadzinobatsira. Zvisinei, pazvainge zvakakodzera, aipindura zvakananga, zvakasimba, achitaura chokwadi chinokosha, achishandisa mufananidzo, kana kuti achitaura mashoko orumwe rugwaro. (Mateu 12:38-42; 15:1-9; 16:1-4) Dzimwe nguva, pazvainge zviri pachena kuti kupindura kwaisazobatsira, Jesu aingorega kupindura.—Mako 15:2-5; Ruka 22:67-70.

12. Kunyange paaitukwa, Jesu aikwanisa sei kubatsira vanhu?

12 Pano neapo, Jesu akatukwa nevanhu vainge vasvikirwa nemidzimu isina kuchena. Pazvaiitika, aizvidzora uye aitoshandisa simba rake raakapiwa naMwari kuti avazorodze. (Mako 1:23-28; 5:2-8, 15) Kana vamwe vanhu vakashatirwa uye vakatituka patinenge tiri muushumiri, tinofanirawo kuzvidzora, uye tinofanira kuedza kuratidza mutsa uye kutaura nounyanzvi zvisingagumburi vamwe.—VaKorose 4:6.

Mumhuri

13. Nei dzimwe nguva vanhu vachishora nhengo yemhuri inotanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha?

13 Vateveri vaJesu vanofanira kunyanya kuzvidzora mumhuri. Munhu anobayiwa mwoyo nechokwadi cheBhaibheri anoda kuti vomumhuri yake vaitewo zvakafanana. Asi sezvakataurwa naJesu, nhengo dzemhuri dzingaratidza utsinye. (Mateu 10:32-37; Johani 15:20, 21) Pane zvikonzero zvakasiyana-siyana zvinoita kuti vadaro. Somuenzaniso, kunyange zvazvo dzidziso dzeBhaibheri dzingatibatsira kuti tive vakatendeseka, vakavimbika, uye vanoremekedza, Magwaro anotidzidzisawo kuti mumamiriro ezvinhu chero api zvawo, tinofanira kunyanya kuteerera Musiki wedu. (Muparidzi 12:1, 13; Mabasa 5:29) Nemhaka yokuvimbika kwedu kuna Jehovha, imwe nhengo yemhuri ingaona sokuti haicharemekedzwi yobva yagumbuka. Zvinhu pazvinenge zvakadaro, zvinokosha zvikuru kuti titevere muenzaniso waJesu wokuzvidzora!—1 Petro 2:21-23; 3:1, 2.

14-16. Chii chakaita kuti vamwe vaimboshora nhengo dzemhuri dzavo vachinje?

14 Vakawanda vava kushumira Jehovha iye zvino vaiva nowavakaroorana naye kana kuti imwe nhengo yemhuri yaishora kuchinja kwavaiita pavakatanga kudzidza Bhaibheri. Vaishora vacho vangangodaro vakanzwa mashoko asina kunaka pamusoro peZvapupu zvaJehovha, uye zvichida vaitya kuti mumhuri mavo maizova nomunhu anofurira zvakaipa. Chii chakaita kuti vachinje maonero avo? Kakawanda, muenzaniso wake wakanaka ndiwo wakanyanya kuita kuti vachinje. Nokuti mutendi wacho ainyatsoshandisa zano reBhaibheri akatsiga—achigara achipinda misangano yechiKristu uye achiitawo ushumiri uku achiita zvaanotarisirwa kuitira mhuri yake uye achizvidzora pasinei nokutukwa—dzimwe nguva vomumhuri havana kuzoramba vachinyanya kumushora.—1 Petro 2:12.

15 Mushori wacho angangodaro akarambawo kuteerera chero tsananguro ipi zvayo yomuBhaibheri nemhaka yokufungira zvakaipa kana kuti kudada. Izvozvo ndizvo zvakaitika kune mumwe murume wokuUnited States, uyo aiti aifarira nyika yake chaizvo. Pane imwe nguva, mudzimai wake paaiva kukokorodzano, akatora mbatya dzake dzose ndokutama. Pamwe pacho, akabva pamba aine pfuti uye akatyisidzira achiti aizozvipfura. Aiti chitendero chomudzimai wake ndicho chaiitisa kuti aite zvisina musoro. Asi mudzimai wacho akaedza kuramba achishandisa zano reBhaibheri. Kwapera makore 20 mudzimai uyu ari mumwe weZvapupu zvaJehovha, murume wake akazovawo Chapupu. KuAlbania mumwe mukadzi akatsamwa nokuti mwanasikana wake akadzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha achibva abhabhatidzwa. Ka12 amai vacho vakaparadza Bhaibheri romwanasikana wavo. Rimwe zuva vakavhura Bhaibheri idzva rakanga rasiyiwa nomwanasikana wavo patafura. Zvakangoitikawo kuti rakavhurika pana Mateu 10:36, amai vacho vachibva vaona kuti zvaitaurwa ipapo zvaireva ivo. Kunyange zvakadaro, nokuti vainetseka nezvomwanasikana wavo, amai vacho vakamuperekedza kuchikepe paakanga ava kuenda kukokorodzano yokuItaly nezvimwe Zvapupu. Amai vacho pavakaona rudo, kumbundirana, uye kunyemwerera kweboka racho uye pavakanzwa kuseka kwavaiita vachifara, vakatanga kuchinja maonero avo. Nenguva isipi, vakabvuma kudzidza Bhaibheri. Iye zvino vanoedza kubatsira vaya vanotanga vachishora.

16 Mune chimwe chiitiko, mumwe murume akaenda kune mudzimai wake waakanga asiyana naye akabata banga, achimupopotera, achimutuka, sezvaakanga ava kusvika paImba yoUmambo. Mudzimai wacho akapindura zvinyoro-nyoro achiti: “Pinda muImba yoUmambo uzvionere.” Akapinda, uye nokufamba kwenguva akava mukuru wechiKristu.

17. Kana zvinhu zvikambooma mumusha wechiKristu, izano ripi romuMagwaro ringabatsira?

17 Kunyange kana munhu wose ari mumhuri yenyu ari muKristu, pangava nenguva apo mamiriro ezvinhu anenge akaoma mumhuri uye muchitotaurirana nehasha nokuti sevanhu hatina kukwana. Zvinokosha kuziva kuti vaKristu vomuEfeso yekare vakapiwa zano rokuti: “Pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutaura zvakaipa ngazvibviswe kwamuri pamwe nouipi hwose.” (VaEfeso 4:31) Zviri pachena kuti mamiriro akanga akaita zvinhu muEfeso, kusakwana kwevaKristu vacho, uye dzimwe nguva mararamiro avaimboita zvaiva nechokuita nezvavaiita. Chii chaizovabatsira kuchinja? Vaifanira ‘kuitwa vatsva musimba raikurudzira pfungwa’ dzavo. (VaEfeso 4:23) Sezvavaidzidza Shoko raMwari, kufungisisa kuti raizochinja sei upenyu hwavo, kuwadzana nevaKristu vavainamata navo, uye kunyengetera nomwoyo wose, zvibereko zvomudzimu waMwari zvaizonyatsooneka muupenyu hwavo. Vaizodzidza ‘kuitirana mutsa, vachinzwirana tsitsi zvikuru, vachikanganwirana zvikuru sezvo Mwari akavakanganwirawo zvikuru nokuna Kristu.’ (VaEfeso 4:32) Pasinei nezvingaitwa nevamwe, tinofanira kuzvidzora, kuva nomutsa, kunzwira vamwe tsitsi, uye kukanganwira. Chokwadi, hatifaniri ku“dzorera chakaipa nechakaipa kune munhu upi noupi.” (VaRoma 12:17, 18) Kuratidza rudo rwechokwadi tichitevedzera Mwari nguva dzose ndicho chinhu chakanaka.—1 Johani 4:8.

Zano revaKristu Vose

18. Nei zano rinowanika pana 2 Timoti 2:24 rakanga rakakodzera mukuru womuEfeso yekare, uye ringabatsira sei vaKristu vose?

18 Zano rokuti tirambe ti“chizvidzora pakuitirwa zvakaipa” rinoshanda kuvaKristu vose. (2 Timoti 2:24) Asi pakutanga rakapiwa Timoti, uyo airida paaiva mukuru muEfeso. Vamwe vaiva muungano iyoyo vaitaura pachena maonero avo uye vaidzidzisa dzidziso isina kururama. Nokuti vakanga vasinganzwisisi chinangwa choMutemo waMosesi, vakatadza kunzwisisa kukosha kwokutenda, rudo uye hana yakanaka. Kudada kwakaita kuti varwisane sezvavaiitirana nharo pamusoro pemashoko, asi vasinganzwisisi zvairehwa nedzidziso dzaKristu uye kukosha kwokuzvipira kuna Mwari. Kuti atarisire mamiriro ezvinhu aya, Timoti aifanira kutsigira chokwadi chomuMagwaro asi achiva munyoro pakubata kwaaiita nehama dzake. Kufanana nevakuru vemazuva ano, aiziva kuti boka rakanga risiri rake uye kuti aifanira kubata vamwe nenzira yaizokurudzira rudo rwechiKristu uye kubatana.—VaEfeso 4:1-3; 1 Timoti 1:3-11; 5:1, 2; 6:3-5.

19. Nei zvichikosha kuti tose zvedu ‘titsvake unyoro’?

19 Mwari anokurudzira vanhu vake kuti ‘vatsvake unyoro.’ (Zefania 2:3) Mashoko echiHebheru anoshandurwa kuti “unyoro” anoreva unhu hunoita kuti munhu akwanise kutsungirira kutadzirwa achishivirira, asingashatirwi uye asingadzoreri. Ngatitetererei Jehovha nomwoyo wose kuti atibatsire kuzvidzora uye kumumiririra zvakakodzera, kunyange zvinhu pazvinenge zvakaoma.

Wadzidzei?

• Kana ukatukwa, magwaro api angakubatsira?

• Nei Sauro aiita zvakaipa?

• Muenzaniso waJesu unotibatsira sei kugarisana nevanhu vemarudzi ose zvakakodzera?

• Zvii zvakanaka zvingabva mukuzvidzora patinotaura nenhengo dzemhuri yedu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Pasinei nomukurumbira waSauro, Ananiyasi akamuitira mutsa

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kana muKristu akatarisira mabasa ake nokutendeka zvingaita kuti vomumhuri make vasaramba vachinyanya kumushora

[Mufananidzo uri papeji 30]

VaKristu vanokurudzira rudo nokubatana