Uri Kuvakira Panheyo Yakadini?
Uri Kuvakira Panheyo Yakadini?
KUTI chivako chichagara kwenguva yakareba zvakadini zvinoenderana nokusimba kwakaita nheyo yacho. Dzimwe nguva Bhaibheri rinoshandisa chokwadi ichi mupfungwa yokufananidzira.
Somuenzaniso, muprofita Isaya anotaura nezvaJehovha Mwari achiti uno“teya nheyo dzenyika.” (Isaya 51:13) Nheyo iyi inomiririra mitemo yaMwari isingachinji iyo inodzora kufamba kwepasi uye kurichengetedza riri munzvimbo yaro. (Pisarema 104:5) Shoko raMwari, Bhaibheri, rinotaurawo nezvokuti nzanga dzevanhu dzakavakirwa pa“nheyo.” Nheyo dzacho kururamisira, mutemo, uye runyararo. Padzino‘paradzwa,’ kana kuti kushayiswa simba nokusaruramisira, uori, uye chisimba, nzanga dzinoshaya runyararo.—Pisarema 11:2-6; Zvirevo 29:4.
Izvi zvinoshandawo kumunhu mumwe nomumwe. Paaigumisa Mharidzo yake yepaGomo yakakurumbira, Jesu Kristu akati: “Munhu wose anonzwa mashoko angu aya akaaita achafananidzwa nomurume akangwara, akavakira imba yake paruware. Uye mvura yakanaya nesimba mafashamo akauya mhepo ikavhuvhuta ikarova nesimba imba iyoyo, asi haina kuwa, nokuti yakanga yavakirwa paruware. Uyezve, munhu wose anonzwa mashoko angu aya asingaaiti achafananidzwa nomurume akapusa, akavakira imba yake pajecha. Uye mvura yakanaya nesimba mafashamo akauya, mhepo ikavhuvhuta ikarova imba iyoyo ikawa, uye kuwa kwayo kwakanga kuri kukuru.”—Mateu 7:24-27.
Iwe uri kuvakira upenyu hwako panheyo yakaita sei? Pauzivi husina kusimba hwevanhu vasingadi Mwari here, uhwo huchaguma hwaparara? Kana kuti uri kuvakira paruware rwakasimba rwokuteerera mashoko aJesu Kristu, ayo achakubatsira kukurira madutu okufananidzira oupenyu?