Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anochengetedza Vaya Vanomurindira

Jehovha Anochengetedza Vaya Vanomurindira

Jehovha Anochengetedza Vaya Vanomurindira

“Unyoro hwenyu nezvokwadi yenyu zvichandichenget[edz]a nguva dzose.”—Pisarema 40:11.

1. Mambo Dhavhidhi akakumbirei kuna Jehovha, uye chikumbiro ichocho chiri kuzadzika sei iye zvino?

MAMBO DHAVHIDHI weIsraeri yekare ‘akarindira Jehovha’ uye akanzwa achida kutaura kuti Jehovha ‘akarerekera kwaari akanzwa kuchema kwake.’ (Pisarema 40:1) Akaramba achizvionera kuti Jehovha aichengetedza sei vaya vaimuda. Saka, Dhavhidhi aigona kukumbira kuti arambe achichengetedzwa naJehovha. (Pisarema 40:11) Sezvo achinzi ndomumwe wevarume nevakadzi vakatendeka avo vakavimbiswa “kumuka kuri nani,” panguva ino Dhavhidhi akachengeteka nokuti achiri kuyeukwa naJehovha somumwe achawana mubayiro iwoyo. (VaHebheru 11:32-35) Saka nguva yake yemberi yakanaka chaizvo. Zita rake rakanyorwa mu“bhuku yokurangaridza” yaJehovha.—Maraki 3:16.

2. Magwaro anotibatsira sei kunzwisisa zvinorehwa nokuchengetedzwa naJehovha?

2 Kunyange zvazvo vaya vakatendeka vanotaurwa muchitsauko 11 chaVaHebheru vakararama Jesu Kristu asati auya pasi pano, vakararama maererano nezvakadzidziswa naJesu paakati: “Anoda mweya wake anouparadza, asi anovenga mweya wake munyika ino achauchengetedza nokuda kwoupenyu husingaperi.” (Johani 12:25) Saka, zviri pachena kuti kuchengetedzwa naJehovha hakurevi kuti hauchatamburi kana kutambudzirwa zvaunotenda. Zvinoreva kuti unodzivirirwa mune zvokunamata kuti ukwanise kuramba uine zita rakanaka pamberi paMwari.

3. Tine uchapupu hupi hwokuti Kristu Jesu akachengetedzwa naJehovha, uye zvakaguma nei?

3 Jesu pachake akatambudzwa zvine utsinye uye akazvidzwa, uye pakupedzisira vavengi vake vakabudirira kumuuraya nenzira inonyadzisa zvikuru uye inorwadza. Asi izvi hazvipesani nezvinovimbiswa naMwari zvokuti Mesiya achengetedzwe. (Isaya 42:1-6) Kumuka kwaJesu pazuva rechitatu pashure porufu rwake runonyadzisa kunoratidza kuti Jehovha akanzwa kuchemera kwake kubatsirwa—sokungonzwa kwakaita Jehovha kuchemera kwaDhavhidhi kubatsirwa. Jehovha akapindura nokupa Jesu simba rokuramba akavimbika. (Mateu 26:39) Sezvo akanga achengetedzwa, Jesu akapiwa upenyu hwokusafa kumatenga, uye mamiriyoni evanhu vakatenda murudzikinuro anotarisira upenyu husingaperi.

4. VaKristu vakazodzwa uye “mamwe makwai” vanovimbiswa chii?

4 Tinogona kuvimba kuti Jehovha anoda chaizvo uye anokwanisa kuchengetedza vashumiri vake iye zvino sezvaaingoita munguva yaDhavhidhi neyaJesu. (Jakobho 1:17) Hama dzaJesu dzakazodzwa shomanana dzichiri pasi pano dzinogona kuvimba nechipikirwa chaJehovha chinoti: “Nhaka isingaori isina kusvibiswa uye isingasvavi. Makaichengeterwa kudenga, imi muri kuchengetedzwa nesimba raMwari nokutenda nokuda kworuponeso rwakagadzirirwa kuratidzwa munguva yokupedzisira.” (1 Petro 1:4, 5) “Mamwe makwai” ayo ane tariro yepasi anogonawo kuvimba naMwari uye nechipikirwa chaakataura achishandisa munyori wepisarema, chokuti: ‘Idai Jehovha, imi vatsvene vake mose; Jehovha unochengetedza vakatendeka.’—Johani 10:16; Pisarema 31:23.

Kuchengetedzwa Mune Zvokunamata

5, 6. (a) Vanhu vaMwari vave vachichengetedzwa sei mazuva ano? (b) Vakazodzwa vane ukama hwei naJehovha, uye zvakadini nevaya vane tariro yokurarama pasi pano?

5 Mazuva ano, Jehovha akaita urongwa hwokuchengetedza vanhu vake mune zvokunamata. Kunyange zvazvo asingavadziviriri pakutambudzwa kana kuti panhamo nenjodzi zvinowanikwa muupenyu, nokuvimbika akavabatsira uye akavakurudzira sezvaidiwa kuti vachengetedze ukama hwavo hwepedyo naye. Vakavakira ukama uhwu pakutenda kwavo urongwa hwaMwari hune rudo hworudzikinuro. Vamwe vevaKristu ava vakatendeka vakazodzwa nomudzimu waMwari kuti vatonge naKristu kudenga. Vakanzi vakarurama sevanakomana vaMwari vomudzimu, uye mashoko aya anoshanda kwavari anoti: “Akatinunura pasimba rerima akatipinza muumambo hweMwanakomana wake waanoda, watinosunungurwa naye norudzikinuro, iko kukanganwirwa kwezvivi zvedu.”—VaKorose 1:13, 14.

6 Mamiriyoni evamwe vaKristu vakatendeka anovimbiswa kuti iwo anogonawo kubatsirwa nourongwa hwaMwari hworudzikinuro. Tinoverenga kuti: “Mwanakomana womunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira nokupa mweya wake sorudzikinuro mukutsinhana nevakawanda.” (Mako 10:45) Munguva yakakodzera, vaKristu ivavo vanotarisira kuva “norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.” (VaRoma 8:21) Panguva ino, vanokoshesa ushamwari hwavo naMwari uye vanoedza nomwoyo wose kusimbisa ukama ihwohwo.

7. Mazuva ano Jehovha anochengetedza sei kugara zvakanaka mune zvokunamata kwevanhu vake?

7 Imwe nzira iyo Jehovha anochengetedza nayo kugara zvakanaka mune zvokunamata kwevanhu vake ndeyokuvapa purogiramu yokudzidzisa kunoenderera mberi. Izvi zvinoita kuti varambe vachitowana zivo yakarurama yechokwadi. Jehovha anorambawo achivatungamirira achishandisa Shoko rake, sangano rake, uye mudzimu mutsvene wake. Vachitungamirirwa no“muranda akatendeka, akangwara,” vanhu vaMwari pasi pose vakaita semhuri yomunyika dzose. Boka romuranda rinotarisira zvinodiwa pakunamata uye kunyange zvinhu zvokunyama zvemhuri dzevashumiri vaJehovha, kana zvichidiwa—pasinei norudzi rwavo kana kuti chinzvimbo chavo munzanga.—Mateu 24:45.

8. Jehovha ane chivimbo chei nevanhu vake vakatendeka, achivapikira nezvechii?

8 Sezvo Jehovha asina kudzivirira Jesu kuti asarwiswa nevavengi vake, nhasi Haadziviriri vaKristu nenzira iyoyo. Asi izvi hazvirevi kuti Mwari haana basa navo. Kana! Pane kudaro, zvinosimbisa chivimbo chake chokuti vachamutsigira munhau huru inobatanidza nyika yose. (Jobho 1:8-12; Zvirevo 27:11) Jehovha haazombosiyi vaya vakavimbika kwaari, “nokuti Jehovha unoda zvakarurama, haasiyi vatsvene vake; vanochengetwa nokusingaperi.”—Pisarema 37:28.

Kuchengetedzwa Nomutsa Worudo uye Chokwadi

9, 10. (a) Chokwadi chaJehovha chinochengetedza vanhu vake sei? (b) Bhaibheri rinoratidza sei kuti Jehovha anochengetedza vanhu vake vakavimbika achishandisa mutsa wake worudo?

9 Mumunyengetero wake wakanyorwa muPisarema 40, Dhavhidhi akakumbira kuchengetedzwa nomutsa worudo waJehovha uye nechokwadi chake. Chokwadi chaJehovha uye kuda kwaanoita zvakarurama zvinoita kuti ataure zvaanoda nenzira yakajeka. Vaya vanotevedzera zvaanoda izvi vanochengetedzwa zvikuru pakurwadziwa, kutya, uye matambudziko anosangana nevaya vasingazvitevedzeri. Somuenzaniso, tinogona kuzvidzivirira isu nevadiwa vedu pamatambudziko akawanda anorwadza mwoyo kana tikarega kushandisa zvisina kufanira zvinodhaka uye doro, unzenza, uye mararamiro echisimba. Uye kunyange vaya vanotsauka panzira yaJehovha yechokwadi—sezvaimboita Dhavhidhi pane dzimwe nguva—vanovimbiswa kuti Mwari achiri “chivando” chevatadzi vanopfidza. Vakadaro vangashevedzera nomufaro kuti: ‘Muchandichengetedza ndirege kuwira pakutambudzika.’ (Pisarema 32:7) Uku kuratidzwa kwomutsa worudo waMwari kwakazokura!

10 Mumwe muenzaniso womutsa worudo waMwari ndewokuti Mwari anonyevera vashumiri vake kuti varambe vakaparadzana nenyika yakaipa, yaachabva oparadza. Tinoverenga kuti: “Musada nyika kana zvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, kuda Baba hakusi maari; nokuti zvinhu zvose zviri munyika—kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokuratidzwa kwokushamisira kwezvinhu zvoupenyu zvomunhu—hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika.” Kana tikateerera nyevero iyi toita maererano nayo, chaizvoizvo tingachengetedza upenyu hwedu nokusingagumi, nokuti rugwaro rwacho runoenderera mberi ruchiti: “Uyezve, nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johani 2:15-17.

Kuchengetedzwa Nokungwara, Njere, uye Uchenjeri

11, 12. Tsanangura kuti kungwara, njere uye uchenjeri zvinotichengetedza sei.

11 Kune vaya vanotarisira kufarirwa naMwari, Soromoni, mwanakomana waDhavhidhi akafuridzirwa kunyora kuti: ‘Kungwara kuchakurindira, njere dzichakuchengetedza.’ Akakurudzirawo kuti: ‘Zviwanire uchenjeri usahurasa, hugokuchengetedza; hude, hugokurinda.’—Zvirevo 2:11; 4:5, 6.

12 Tinoshandisa kungwara kana tikafungisisa zvatinodzidza muShoko raMwari. Kuita izvozvo kunoita kuti tiwedzere kungwara kuitira kuti tigone kuisa zvinhu zvakakodzera pakutanga. Izvi zvinokosha sezvo vakawanda vedu tichiziva kuti zvinetso zvinomuka vanhu pavanoisa pakutanga zvinhu zvisina kuchenjera nemaune kana kuti vasingazivi, zvichida nezvakamboitika muupenyu. Nyika yaSatani inoita kuti tivavarire kuva nepfuma, mukurumbira, uye simba, asi Jehovha anosimbisa zvinonyanya kukosha pakunamata. Kukundikana kuisa zvinhu zvokunamata panzvimbo yokutanga kungaita kuti mhuri dziparare, ushamwari hupere, uye zvinangwa zvokunamata zvisabudirira. Saka, munhu anogona kungosara ava kusiririsa sezvinoratidzwa nemashoko aJesu anoti: “Zvinobetserei kuti munhu awane nyika yose orasikirwa nemweya wake?” (Mako 8:36) Uchenjeri hunoratidza kuti tinofanira kuteerera zano raJesu rinoti: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateu 6:33.

Ngozi Yokungofunga Zvakatinakira

13, 14. Kungofunga zvakatinakira kunorevei, uye nei kusiri kuchenjera kuva akadaro?

13 Zviri muropa kuti vanhu vazvide. Zvisinei, kana zvido zvedu uye zvatinofarira zvikava zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu, zvinetso zvinomuka. Saka, kuti tichengetedze ushamwari hwedu naye, Jehovha anotirayiridza kuti tisangofunga zvakatinakira. Mashoko aya anoreva “kunyanya kuva nehanya nezvido zvako, zvaunofanira kuva nazvo, kana kuti zvaunofarira.” Izvi hazvirondedzeri zvakarurama vanhu vakawanda nhasi here? Zvinokosha kuti Bhaibheri rinofanotaura kuti “pamazuva okupedzisira” emamiriro ezvinhu akaipa aSatani, “vanhu vachava vanozvida,” kana kuti vanongofunga zvakavanakira.—2 Timoti 3:1, 2.

14 VaKristu vanonzwisisa uchenjeri hwokutevera murayiro weBhaibheri wokufarira vamwe, vachivada sokuzvida kwavanozviita. (Ruka 10:27; VaFiripi 2:4) Vanhu vakawanda vangaona izvi sezvisingashandi, nepo zvinokosha kuti tive nemichato inobudirira, ukama hwemhuri hunofadza, uye ushamwari hunogutsa. Saka, mushumiri waJehovha wechokwadi haambofaniri kurega kudada kwaakaberekwa nako kuchitonga upenyu hwake zvokuti anorega kuita zvinonyanya kukosha. Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti, izvi zvinoreva zvinhu zvinofarirwa naJehovha, Mwari waanonamata.

15, 16. (a) Kungofunga zvakakunakira kungaguma nei, sezvakaratidzwa naani? (b) Chaizvoizvo, kana munhu achikurumidza kutonga vamwe anenge achiitei?

15 Kungofunga zvakamunakira kungaita kuti munhu azviruramise, izvo zvingazoita kuti aomese musoro, ozvikudza. Bhaibheri rinonyatsotaura kuti: “Hauna pembedzo, Haiwa iwe munhu, pasinei nokuti uri ani, kana uchitonga; nokuti muchinhu chaunotonga mumwe, unozvipa mhosva, sezvo iwe unotonga uchiita zvinhu izvozvo.” (VaRoma 2:1; 14:4, 10) Vatungamiriri vechitendero vomuzuva raJesu vaiva nechokwadi kuti vakanga vakarurama zvokuti vaifunga kuti vanokwanisa kutsoropodza Jesu nevateveri vake. Nokuita kudaro, vakazviita vatongi. Sezvo vakatadza kuona kukanganisa kwavo, chaizvoizvo vakazvipa mhosva.

16 Judhasi, muteveri waJesu akamutengesa, akazviita munhu anotonga vamwe. Pane imwe nguva muBhetani, Mariya, hanzvadzi yaRazaro paakazora Jesu mafuta ainhuhwirira, Judhasi haana kumbozvifarira. Akaratidza kutsamwa kwake nokutaura kuti: “Nei aya mafuta anonhuhwirira asina kutengeswa nemadhinari mazana matatu akapiwa varombo?” Asi nhoroondo yacho inoenderera mberi ichitsanangura kuti: “Akataura izvi, zvisinei, kwete nokuti aiva nehanya nevarombo, asi nokuti aiva mbavha uye aiva nebhokisi remari uye aisitora mari dzaiiswa mariri.” (Johani 12:1-6) Ngatisamboita saJudhasi kana kuti sevatungamiriri vechitendero, vaikurumidza kutonga vamwe, zvichiguma nokuzvipa mhosva.

17. Enzanisira ngozi iri pakuzvitutumadza kana kuti pakunyanya kuzvivimba.

17 Zvinosiririsa kuti vamwe vaKristu vepakutanga vaidada, uye vaizvitutumadza kunyange zvazvo vakanga vasiri mbavha saJudhasi. Nezvavo, Jakobho akanyora kuti: “Munodada pakuzvikudza kwenyu kwokuzvitutumadza.” Zvadaro akatizve: “Kudada kwose kwakadaro kwakaipa.” (Jakobho 4:16) Kuzvirova dundundu pamusoro pezvatinenge taita kana kuti pamusoro peropafadzo dzedu mubasa raJehovha kunongokonzera zvinetso. (Zvirevo 14:16) Tinoyeuka zvakaitika kumuapostora Petro, uyo paakanga ava kunyanya kuzvivimba akazvirova dundundu achiti: “Kunyange zvazvo vamwe vose vakagumburwa pamusoro penyu, ini handizombogumburwi! . . . Kunyange kana ndikafanira kufa nemi, handizombokurambii.” Chokwadi, hatina chatinofanira kuzvirova dundundu nacho. Zvinhu zvose zvatiinazvo takangozviwana pamusana pomutsa worudo waJehovha. Kuyeuka izvi kuchaita kuti tisazvitutumadza.—Mateu 26:33-35, 69-75.

18. Jehovha anoona sei kudada?

18 Tinoudzwa kuti, ‘Kudada kunotangira kuparadzwa; uye mweya wemanyawi unotangira kuwa.’ Nei? Jehovha anopindura achiti: ‘Kuzvikudza nokudada ndinozvivenga.’ (Zvirevo 8:13; 16:18) Ndosaka Jehovha akashatirirwa “mwoyo unozvikudza wamambo weAsiria, namanyawi okuzvikudza kwake”! (Isaya 10:12) Jehovha akamurangira izvozvo. Munguva pfupi iri kuuya, nyika yaSatani pamwe chete nevatungamiriri vayo vanodada, vanozvikoshesa, vanooneka nevasingaoneki, vacharangwawo. Ngatisambotevedzere kuoma musoro kwevavengi vaJehovha!

19. Vanhu vaMwari vanodada asi vachizvininipisa pakudini?

19 VaKristu vechokwadi vane chikonzero chakanaka chokudada nokuva vashumiri vaJehovha. (Jeremia 9:24) Panguva imwe chete, vane chikonzero chakanaka chokuramba vachizvininipisa. Nei? Nokuti “vanhu vose vakaita zvivi vakaperevedza pambiri yaMwari.” (VaRoma 3:23) Naizvozvo, kuti tichengetedze nzvimbo yedu sevashumiri vaJehovha, tinofanira kuva nemafungiro omuapostora Pauro, uyo akati “Kristu Jesu akauya munyika kuzoponesa vanhu vanoita zvivi,” achibva azowedzera kuti: “Pana ivava ini ndiri mukuru.”—1 Timoti 1:15.

20. Jehovha ari kuchengetedza sei vanhu vake iye zvino, uye achavachengetedza sei munguva yemberi?

20 Sezvo vanhu vaJehovha vachiisa zvavanoda panzvimbo yechipiri kuitira kuti vaise zvinhu zvaMwari panzvimbo yokutanga, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha acharamba achivachengetedza mune zvokunamata. Tinogonawo kuva nechokwadi chokuti pachauya kutambudzika kukuru, Jehovha achachengetedza vanhu vake kwete bedzi mune zvokunamata asiwo munyama. Pavachapinda munyika itsva yaMwari, vachakwanisa kushevedzera vachiti: “Tarirai, uyu ndiye Mwari wedu; takanga takamumirira, iye uchatiponesa; uyu ndiye Jehovha, takanga takamumirira, tichafara, nokufarira ruponeso rwake.”—Isaya 25:9.

Unoyeuka Here?

• Mambo Dhavhidhi uye Jesu Kristu vakachengetedzwa sei?

• Vanhu vaJehovha nhasi vari kuchengetedzwa sei?

• Nei tichifanira kudzivisa kunyanya kungofunga zvakatinakira?

• Nei tingadada asi tichizvininipisa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 9]

Jehovha akachengetedza sei Dhavhidhi naJesu?

[Mifananidzo iri papeji 10, 11]

Nhasi vanhu vaMwari vari kuchengetedzwa mune zvokunamata munzira dzipi?

[Mifananidzo iri papeji 12]

Kunyange zvazvo tichidada kuti tinoshumira Jehovha, tinofanira kuramba tichizvininipisa nguva dzose