Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuponeswa, Kwete Nemabasa Oga, Asi Nomutsa Usina Kufanirwa

Kuponeswa, Kwete Nemabasa Oga, Asi Nomutsa Usina Kufanirwa

Kuponeswa, Kwete Nemabasa Oga, Asi Nomutsa Usina Kufanirwa

“Makaponeswa nokutenda . . . Hazvina kudaro nemhaka yemabasa, kuti parege kuva nomunhu angava nechikonzero chokuzvirumbidza.”—VAEFESO 2:8, 9.

1. VaKristu vakasiyana sei nevanhuwo zvavo pane zvavanobudirira kuita maererano nezvavanoita somunhu oga, uye nei?

NHASI vanhu vanodada zvikuru nokubudirira mune zvavanoita, uye vanowanzokurumidza kuzvirumbidza nezvazvo. VaKristu havadaro. Havanyanyi kukoshesa kubudirira kwavanenge vaita kunyange mune zvine chokuita nokunamata kwechokwadi. Kunyange zvazvo vachifarira zvinoitwa nevanhu vaJehovha seboka, havanyanyi kukoshesa zvavanenge vaita somunhu mumwe nomumwe kuti vazobudirira. Vanoziva kuti mubasa raJehovha, vavariro dzakanaka dzinonyanya kukosha kupinda kubudirira kwavo somunhu oga. Munhu wose anozopiwa chipo choupenyu husingaperi achange ahuwana, kwete nezvaakabudirira kuita somunhu oga, asi nokutenda uye nomutsa usina kufanirwa waMwari.—Ruka 17:10; Johani 3:16.

2, 3. Pauro aizvirumbidza nechii, uye nei?

2 Muapostora Pauro ainyatsoziva izvi. Pashure pokunge anyengetera katatu kuti azorodzwe pa“munzwa munyama,” Jehovha akamupindura achiti: “Mutsa wangu usina kufanirwa unokukwanira; nokuti simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava nesimba.” Achigamuchira chisarudzo chaJehovha nokuzvininipisa, Pauro akati: “Naizvozvo, ndingasva zvangu ndazvirumbidza nomufaro mukuru kwazvo pamusoro pokusava nesimba kwangu, kuti simba raKristu rirambe riri pamusoro pangu setende.” Tinofanira kunzwa tichida kutevedzera kuzvininipisa kwaPauro.—2 VaKorinde 12:7-9.

3 Kunyange zvazvo Pauro aiita mabasa echiKristu nenzira inoshamisa, aiziva kuti zvaaiita akanga asingazviiti nemano ake pachake. Nokuzvininipisa, akati: “Ndakapiwa mutsa usina kufanirwa uyu, ini munhu muduku pane muduku wevatsvene vose, kuti ndizivise mamwe marudzi mashoko akanaka pamusoro pepfuma isinganzwisisiki yaKristu.” (VaEfeso 3:8) Mashoko aPauro haaratidzi kuzvirumbidza kana kuzvikudza kwokuzviona seakarurama kupfuura vamwe vose. “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa mutsa usina kufanirwa vanozvininipisa.” (Jakobho 4:6; 1 Petro 5:5) Tinotevedzera muenzaniso waPauro here, tichizviona nenzira yokuzvininipisa setakaderera kudarika muduku pahama dzedu?

“Muchifunga Kuti Vamwe Vakuru Kwamuri”

4. Nei dzimwe nguva tingaona zvakaoma kufunga kuti vamwe vakuru kwatiri?

4 Muapostora Pauro akapa vaKristu zano rokuti: “[Musaita] chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvidukupisa muchifunga kuti vamwe vakuru kwamuri.” (VaFiripi 2:3) Izvi zvingava zvakaoma, kunyanya kana tiine chinzvimbo. Zvichida chinetso chacho chinomuka nokuti tave tichifurirwa pamwero wakati nepfungwa yemakwikwi yakapararira kwazvo munyika nhasi. Zvimwe pataiva vana, takadzidziswa kukwikwidzana nemadzikoma kana kuti nevanun’una vedu kumba kana kuti nevataidzidza navo kuchikoro. Zvichida taigara tichikurudzirwa kuti tiedze kuva shasha yokumhanya kuchikoro kana kuti kuva mudzidzi anogona muchikoro kudarika vamwe vose. Chokwadi, zvinorumbidzwa kuita zvakanaka zvatinogona mubasa ripi neripi rakakodzera. Zvisinei, vaKristu havazviitiri kuti vakudzwe zvisina kufanira, asi kuti vabatsirwe zvizere nebasa racho uye zvichida kuti vamwe vabatsirwewo. Zvisinei, kuda kurumbidzwa sewokutanga nguva dzose kungava nengozi. Sei?

5. Kana ikasadzorwa, pfungwa yemakwikwi ingakonzera chii?

5 Kana ikasadzorwa, pfungwa yemakwikwi kana kuti yokuzvikudza ingaita kuti munhu asaremekedze vamwe uye azvikudze. Angaitira shanje vane mano uye vane ropafadzo dzavo. Zvirevo 28:22 inoti: “Munhu unoruchiva [shanje], unovangira pfuma, asingazivi kuti uchawirwa nokushayiwa.” Achizvikudza, angatovavarira kuva nezvinzvimbo zvaasingafaniri kuva nazvo. Kuti apembedze zvaanoita, angatanga kunyunyuta uye kutsoropodza vamwe—maitiro anofanira kudziviswa nevaKristu. (Jakobho 3:14-16) Chokwadi, ari pangozi yokungozvifunga iye.

6. Bhaibheri rinonyevera sei nezvepfungwa yemakwikwi?

6 Saka, Bhaibheri rinokurudzira vaKristu kuti: “Ngatirege kuva vanozvikudza, tichinyandura makwikwi pakati pedu, tichiitirana shanje.” (VaGaratiya 5:26) Muapostora Johani akataura nezvomumwe muKristu sezviri pachena uyo akava nomuitiro uyu. Johani akati, “Ndakanyorera ungano chimwe chinhu, asi Dhiyotirefesi, anoda kuva nenzvimbo yokutanga pakati pavo, haagamuchiri chinhu chinobva kwatiri noruremekedzo. Ndokusaka, kana ndikauya, ndichaita kuti mabasa ake ayeukwe aanopfuurira kuita, achitireva nemashoko akaipa.” Zvinosuruvarisa chaizvo kuti muKristu ave mumamiriro ezvinhu akadai!—3 Johani 9, 10.

7. MuKristu anofanira kudzivisa chii kumabasa emazuva ano kunoitwa zvemakwikwi?

7 Zvechokwadi, hazvishandi kufunga kuti muKristu angarega zvachose kuita makwikwi ose. Somuenzaniso, basa rake ringasanganisira kukwikwidzana mune zvoupfumi nevamwe vanhu kana kuti mamwe makambani anogadzira zvinhu zvakafanana kana kuti anoita mabasa akafanana. Zvisinei, kunyange mumamiriro ezvinhu akadaro, muKristu angafanira kuita bhizimisi rake nokuremekedza, norudo, uye achifungawo vamwe. Acharamba miitiro isiri pamutemo kana kuti isiri yechiKristu uye achadzivisa kuva munhu anonyanya kuzivikanwa nenyaya yokukwikwidzana uye yokushaya hanya nokungozvifunga iye. Haazofungi kuti kuva wokutanga—muzvinhu zvose zvaanoita—ndicho chinhu chinonyanya kukosha muupenyu. Kana achifanira kuva nemaonero akadaro pakutsvaka zvinhu zvokunyika, anotofanira kunyanya kuaratidza pazvinhu zvine chokuita nokunamata!

“Asingazvienzanisi Nomumwe Munhu”

8, 9. (a) Nei vakuru vechiKristu vasina chikonzero chokukwikwidzana? (b) Nei 1 Petro 4:10 ichishanda kuvashumiri vaMwari vose?

8 Zvinofanira kuitwa nevaKristu pakunamata kwavo zvinorondedzerwa mumashoko aya akafuridzirwa anoti: “Munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye ipapo achava nechisakiso chokufara zvikuru pamusoro pake oga, asingazvienzanisi nomumwe munhu.” (VaGaratiya 6:4) Vachiziva kuti havasi kukwikwidzana, vakuru vari muungano vanoshandira pamwe uye vanoshanda vakabatana sedare. Vanofarira kutsigira kungaitwa nomumwe nomumwe kuti ungano yose ifare. Saka, vanodzivisa makwikwi anovhiringidza uye vanoratidza ungano yose muenzaniso wakanaka wokubatana.

9 Pamusana pezera, ruzivo, kana kuti mano okuberekwa nawo, vamwe vakuru vangagona kuita basa kudarika vamwe, kana kuti vangava vachinzwisisa zvikuru. Ndokusaka, vakuru vane mabasa akasiyana-siyana musangano raJehovha. Pane kuzvienzanisa nevamwe, vanoyeuka zano rokuti: “Maererano nokugamuchira chipo kwakaita mumwe nomumwe, chishandisei pakushumirana sevatariri vakanaka kwazvo vemutsa usina kufanirwa waMwari unoratidzirwa munzira dzakasiyana-siyana.” (1 Petro 4:10) Kutaura zvazviri, rugwaro urwu runoshanda kuvashumiri vaJehovha vose, nokuti vose vakapiwa chipo chezivo yakarurama uye vose vane ropafadzo yokuita ushumiri hwechiKristu.

10. Jehovha anongogamuchira basa redu kana zvaita sei?

10 Basa redu dzvene rinongofadza Jehovha chete patinoriita norudo uye nokuzvipira, kwete kuti tizvikwidziridze pamusoro pevamwe. Saka zvinokosha kuti tive nemaonero ari pakati nepakati ebasa redu pakutsigira kunamata kwechokwadi. Kunyange zvazvo pasina munhu anogona kuona zvakarurama vavariro dzomumwe, Jehovha “unoidza mwoyo.” (Zvirevo 24:12; 1 Samueri 16:7) Saka, zvingava zvakanaka kana nguva nenguva tikazvibvunza kuti, ‘Chinangwa changu ndechei pakuita mabasa okutenda?’—Pisarema 24:3, 4; Mateu 5:8.

Kuona Basa Redu Zvakanaka

11. Mibvunzo ipi pamusoro pebasa redu muushumiri ingafungwa nezvayo zvinonzwisisika?

11 Kana vavariro iri iyo inonyanya kukosha kuti tifarirwe naJehovha, tinofanira kuva nehanya zvakadini nemabasa edu okutenda? Chero bedzi tichiita ushumiri hwedu nevavariro yakanaka, chaizvoizvo zvinokosha here kunyora zvatinenge taita kana kunyora kuti zvakawanda sei? Iyi mibvunzo ine musoro, sezvo tisingadi kunyanyokoshesa nhamba panzvimbo pemabasa okutenda kana kuti kuita kuti mushumo wakanaka uve chinhu chatinonyanya kuva nehanya nacho mubasa redu rechiKristu.

12, 13. (a) Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvinoita kuti tichengete chinyorwa chebasa redu romumunda? (b) Tine zvikonzero zvipi zvokufara patinoona mushumo wenyika yose webasa redu rokuparidza?

12 Ona zvinotaurwa nebhuku rinonzi Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha: “Vateveri vaJesu Kristu vepakutanga vaifarira mishumo yokufambira mberi kwebasa rokuparidza. (Mako 6:30) Bhuku reBhaibheri raMabasa rinotiudza kuti vanhu vanenge 120 vaivapo pakadururwa mudzimu mutsvene pavadzidzi paPendekosti. Munguva pfupi yakatevera nhamba yevadzidzi yakawedzera kusvika pa3 000 uye yakazosvika pa5 000. . . . (Mabasa 1:15; 2:5-11, 41, 47; 4:4; 6:7) Mashoko okuwedzera uku anofanira kunge akakurudzira vadzidzi kwazvo!” Nokuda kwechikonzero chakafanana, nhasi Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuchengeta zvinyorwa zvakarurama zvezvinoitwa pasi pose mukuzadzika mashoko aJesu anoti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” (Mateu 24:14) Mishumo yakadaro inoratidza zviri kuitwa chaizvo pasi pose. Inoratidza panoda rubatsiro uye kuti mabhuku api uye kuti akawanda zvakadini anodiwa kufambisira mberi basa rokuparidza.

13 Saka, kushuma kunoita kuti tibudirire zvikuru kuita basa redu rokuparidza mashoko akanaka oUmambo. Kunze kweizvi, hatikurudzirwi here patinonzwa basa riri kuitwa nehama dzedu kune dzimwe nyika? Nyaya dzokuwedzera pasi pose dzinotifadza, dzinotikurudzira kuti tiite basa rakawanda, uye dzinotivimbisa chikomborero chaJehovha. Uye zvinofadza chaizvo kuziva kuti mushumo wedu somunhu oga unobatanidzwa pamushumo iwoyo wenyika yose! Mushumo wedu pachedu muduku kana uchienzaniswa nomushumo wenyika yose, asi Jehovha anoucherechedza. (Mako 12:42, 43) Yeuka kuti pasina mushumo wako, mushumo wenyika yose unenge usina kukwana.

14. Kunze kwokuparidza nokudzidzisa, chii chinobatanidzwa pakunamata kwedu Jehovha?

14 Chokwadi, zvakawanda zvinoitwa neChapupu chimwe nechimwe mukuita basa racho somushumiri waJehovha akazvitsaurira hazviiswi pamushumo wacho. Somuenzaniso, pamushumo hapanyorwi kudzidza Bhaibheri kwaunoita uri woga, kupinda uye kuva nezvaunoitawo pamisangano yechiKristu, mabasa eungano, kubatsira vatinonamata navo sezvinodiwa, kutsigira nemari basa roUmambo romunyika yose, nezvimwewo. Saka, nepo mushumo wedu webasa romumunda uchikosha, uchitibatsira kuti tirambe tichishingaira kuparidza uye kuti tisaregeredza kuita basa, tinofanira kuramba tichiuona zvakakodzera. Haufaniri kuonekwa serezenisi rezvokunamata kana kuti pasipoti inoratidza kana tichikwanisa kuwana upenyu husingaperi.

“Vanoshingairira Mabasa Akanaka Kwazvo”

15. Kunyange zvazvo mabasa oga asingagoni kutiponesa, nei achikosha?

15 Zviri pachena kuti kunyange zvazvo mabasa oga asingagoni kutiponesa, anokosha. Ndokusaka vaKristu vachinzi “vanhu vari vake bedzi, vanoshingairira mabasa akanaka kwazvo” uye ndokusaka vachikurudzirwa kuti ‘varangarirane kuti vanyandurirane kurudo nemabasa akanaka kwazvo.’ (Tito 2:14; VaHebheru 10:24) Achisimbisa pfungwa yacho, mumwe munyori weBhaibheri, Jakobho, anongoti: “Sezvo muviri usina mudzimu wakafa, nokudarowo kutenda kusina mabasa kwakafa.”—Jakobho 2:26.

16. Chii chinotonyanya kukosha kudarika mabasa, asi tinofanira kungwarira chii?

16 Kunyange zvazvo mabasa akanaka angava achikosha, vavariro dzokuaita ndidzo dzinotonyanya kukosha. Saka kuchenjera kuti tiongorore vavariro dzedu nguva nenguva. Zvisinei, sezvo pasina munhu anogona kunyatsoziva vavariro dzevamwe, tinofanira kungwarira kuti tisatonga vamwe. “Ndiwe ani kuti utonge mushandi wepamba womumwe?” tinobvunzwa kudaro, uye mhinduro yacho yakajeka yokuti: “Anomira kana kuti anowa kuna tenzi wake.” (VaRoma 14:4) Jehovha, Tenzi wavose, noMutongi wake akagadzwa, Kristu Jesu, vachatitonga, kwete pamusana pemabasa edu chete asiwo pamusana pevavariro dzedu, mikana yedu yokuita zvimwe zvinhu, rudo rwedu, uye kuzvipira kwedu. Jehovha naKristu Jesu ndivo bedzi vanganyatsosarudza kana taita zvinorayirwa kuti vaKristu vaite, mumashoko omuapostora Pauro anoti: “Ita nepaunogona napo kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa, mushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.”—2 Timoti 2:15; 2 Petro 1:10; 3:14.

17. Kunyange zvazvo tichiedza kuita nepatinogona napo, nei tichifanira kuramba tichifunga mashoko aJakobho 3:17?

17 Jehovha anonzwisisa zvaanotitarisira. Maererano naJakobho 3:17, “uchenjeri hunobva kumusoro” kunze kwezvimwe zvahunoita, “hunonzwisisa.” Kwaisazova kuchenjera here, uyewo kubudirira kwechokwadi, kuti isu titevedzere Jehovha munhau iyi? Saka, hatifaniri kuedza kutarisira zvinhu zvisina musoro uye zvatisingagoni kuita isu kana kuti hama dzedu.

18. Tingatarisira chii kana tichiona zviri pakati nepakati mabasa edu uye mutsa usina kufanirwa waJehovha?

18 Chero bedzi tikaramba tichiona zviri pakati nepakati mabasa edu okutenda uye mutsa usina kufanirwa waJehovha, ticharamba tiine mufaro uyo uri chiratidzo chinozivisa vashumiri vechokwadi vaJehovha. (Isaya 65:13, 14) Tinogona kufarira zvikomborero izvo Jehovha ari kudururira vanhu vake seboka, pasinei nokuti isu somunhu oga tingakwanisa kuita zvakawanda sei. Tikaramba tichi“nyengetera nokuteterera pamwe nokuonga,” tichakumbira Mwari kuti atibatsire kuita nepatinogona napo. Zvadaro, hapana mubvunzo kuti “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo [yedu] nemasimba [edu] okufunga naKristu Jesu.” (VaFiripi 4:4-7) Chokwadi, tinganyaradzwa uye tingakurudzirwa nokuziva kuti tinogona kuponeswa, kwete nemabasa oga, asi nomutsa usina kufanirwa waJehovha!

Ungatsanangura Here Kuti Nei vaKristu

• vasingazvirumbidzi pamusana pokubudirira mune zvavanoita somunhu oga?

• vasingaratidzi pfungwa yemakwikwi?

• vachishuma basa ravo rechiKristu muushumiri hwomumunda?

• vasingatongi vamwe vaKristu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

“Mutsa wangu usina kufanirwa unokukwanira”

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Vakuru vanofarira kutsigira kungaitwa nomumwe nomumwe kuti ungano ifare

[Mifananidzo iri papeji 18, 19]

Pasina mushumo wako, mushumo wenyika yose unenge usina kukwana