Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Pavakanzwa kuti Petro akanga akasungwa aiva pamusuo, nei vadzidzi vakati: “Ingirozi yake”?—Mabasa 12:15.

Vadzidzi vangave vakafungidzira zvisizvo kuti mutumwa aiva ngirozi yaimiririra Petro akanga akamira pagedhi. Chimbofunga mashoko anotangira ndima iyi.

Petro akanga asungwa naHerodhi, uyo aiva auraya Jakobho. Saka vadzidzi vaiva nechikonzero chakanaka chokufunga kuti Petro aizourayiwawo. Petro paaiva mujeri, akanga akasungwa nengetani uye airindwa nemapoka mana, rimwe nerimwe riine masoja mana aichinjana kana. Zvadaro, humwe usiku akasunungurwa zvinoshamisa ndokubudiswa mujeri nengirozi. Petro paakazoziva zvakanga zvichiitika, akati: “Zvino ndave kuziva chaizvoizvo kuti Jehovha atumira ngirozi yake ikandinunura paruoko rwaHerodhi.”—Mabasa 12:1-11.

Petro akabva angoenda kumba kwaMariya amai vaJohani Mako, kwakanga kwakaungana vadzidzi vakati wandei. Paakagogodza pasuo regedhi, musikana aishanda ainzi Rodha akaenda kunoona kuti ndiani aivapo. Paakaziva inzwi raPetro, akamhanya kunoudza vamwe asati atombomuti apinde! Pakutanga, vadzidzi vakatadza kubvuma kuti Petro aiva pagedhi. Asi, vakafungidzira zvisizvo vachitaura kuti: “Ingirozi yake.”—Mabasa 12:12-15.

Vadzidzi vaidavira kuti Petro akanga atourayiwa here uye kuti mudzimu wake wakanga usina muviri waiva pagedhi? Izvozvo zvaisagona kudaro, nokuti vateveri vaJesu vaiziva chokwadi chiri muMagwaro pamusoro pevakafa—kuti “havana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5, 10) Saka vadzidzi vangave vairevei pavakati: “Ingirozi yake”?

Vadzidzi vaJesu vaiziva kuti munhau yose yevanhu, ngirozi dzaibatsira vanhu vaMwari. Somuenzaniso, Jakobho akataura nezvo“mutumwa wakandidzikinura pane zvakaipa zvose.” (Genesi 48:16) Uye nezvekamwana kaiva pakati pavo, Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Chenjerai kuti imi vanhu hamuzvidzi mumwe wevaduku ava; nokuti ndinokuudzai kuti ngirozi dzavo mudenga dzinogaroona chiso chaBaba vangu vari kudenga.”—Mateu 18:10.

Zvinofadza kuti Young’s Literal Translation of the Holy Bible rinoshandura shoko rokuti ageʹge·los (“ngirozi”) kuti “mutumwa.” Zvinoita sokuti vamwe vaJudha vaidavira kuti mushumiri waMwari mumwe nomumwe aiva nengirozi yake—chaizvoizvo, “ngirozi yaimurinda.” Chokwadi, izvi hazvidzidziswi zvakananga muShoko raMwari. Asi, zvinobvira kuti vadzidzi pavakati, “Ingirozi yake,” vaifungidzira kuti mutumwa aiva ngirozi yaimiririra Petro akanga akamira pagedhi.