Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Nyika Yose Isina Kubatana?

Nei Nyika Yose Isina Kubatana?

Nei Nyika Yose Isina Kubatana?

Nyika dzakawanda dzakabatana kokutanga kubvira paHondo Yenyika II. . . . Saka nyika inogona kuwana mukana uyu kuti vimbiso yenyika itsva yave yakamirirwa kwenguva refu izadzike.”

AKADARO mumwe purezidhendi weUnited States kuma1990. Panguva iyoyo, zvaiitika munyika dzakawanda zvairatidzika sokuti nyika yakanga yava kuzobatana. Hurumende dzinodzvinyirira dzakakundwa imwe pashure peimwe. Rusvingo rweBerlin rwakaputswa, zvichiratidza nguva itsva yeEurope. Soviet Union, yaionekwa nevakawanda kuMadokero sehonzeri yokurwisana kwenyika yose, yakanyangarika, izvo zvakashamisa nyika yose. Hondo Yemashoko yakaguma, uye paiva nokutaura kune tariro pamusoro pokuderedza zvombo, kusanganisira kuderedza zvombo zvenyukireya. Chokwadi, hondo yakatanga muPersian Gulf, asi yaiita sechinetso chenguva pfupi chakaita kuti nzvimbo zhinji dzenyika dzitsunge zvikuru kuva norunyararo.

Zviratidzo zvakanaka zvaigona kuoneka kwete bedzi mune zvematongerwe enyika asiwo mune mamwe mamiriro ezvinhu oupenyu. Mararamiro akanga ari kuvandudzika munzvimbo zhinji dzenyika. Kufambira mberi mune zvokurapa kwakaita kuti vanachiremba vakwanise kuita zvinhu zvainzi hazvikwanisiki makumi emakore mashomanana akanga achangodarika. Kuwedzera kwezvoupfumi munyika dzakawanda kwakafambira mberi pamwero waiita sokuti nyika yose yaizobudirira. Zvaiita sokuti zvinhu zvakanga zvava mugwara.

Nhasi, pasati papera makore akawanda, chatinongogona kuita kubvunza kuti: ‘Chii chakaitika? Kubatana kwenyika yose kwakavimbiswa kuri kupi?’ Asi nyika inoita seiri kufamba negwara risiri iro. Kubhomba chimwe chinhu kana vanhu uchibva wafawo, kurwiswa nemagandanga, mishumo yokuwedzera kwezvombo zvinoparadza zvinhu zvakawanda, nezvimwe zvinovhiringidza zvazova zvinhu zvinogara zvichitaurwa munhau. Zviitiko zvakadaro zvinoita sezviri kuramba zvichiita kuti nyika yose isabatana. Munguva ichangopfuura, imwe nyanzvi yezvemari yakakurumbira yakati: “Vanhu vari kutambura nechisimba chiri kuramba chichiwedzera zvakanyanya.”

Nyika Yose Iri Kubatana Here Kana Kuti Haisi Kubatana?

Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose parakaumbwa, chimwe chezvinangwa zvakataurwa chaiva “chokuti nyika dzitange ushamwari hwakavakirwa pakuremekedza kodzero dzemikana yakaenzana uye kodzero yokuzvitonga.” Papera makore anenge 60, chinangwa ichocho chinokosha chakazadzikwa here? Kwete! Pane kuva “noushamwari,” shoko rokuti “kuzvitonga” rinoita serinofarirwa nenyika dzakawanda. Vanhu nemapoka emadzinza vari kuparapatika kuti varatidze kuti vanozivikanwa uye kuti vane simba vari kuwedzera kukamuranisa nyika. Pakaumbwa Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose, raiva nenyika 51. Asi nhasi, rave ne191.

Sezvataona, nechokunopera kwezana remakore rechi20, vanhu vakawanda vaitarisira kuti nyika yose yaizobatana. Kubvira ipapo, tariro iyoyo yakachinja ndokuvaodza mwoyo sezvo vanhu vave vachiona kusabatana kwenyika kunoenderera mberi. Kuparadzwa kweYugoslavia kunotyisa, kurwisana kweChechnya neRussia, hondo yokuIraq, uye kuurayiwa kwevanhu vakawanda kunoramba kuchienderera mberi kuMiddle East—zvose izvi zvave zviri uchapupu hwokusabatana kukuru kusingaperi.

Hapana mubvunzo kuti vakawanda vaiedza nomwoyo wose kuti pave norunyararo uye nevavariro yakanaka. Pasinei neizvi, zvinoita sokuti nyika yose haikwanisi kubatana. Vakawanda vanosiyiwa vachinetseka kuti: ‘Nei zvichinetsa kudai kuti nyika ibatane? Nyika iri kunangepi?’

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 3]

AP Photo/Lionel Cironneau

Arlo K. Abrahamson/AFP/ Getty Images