Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyika Yose Iri Kunangepi?

Nyika Yose Iri Kunangepi?

Nyika Yose Iri Kunangepi?

KUBATANA KWENYIKA YOSE. Chinhu chakanaka chaizvo. Pane asingakudi here? Chokwadi, kubatana kwave kuchitaurwa nezvako kakawanda. Nguva nenguva, misangano yevakuru venyika yave ichitaura nyaya yacho. Muna August 2000, vatungamiriri vezvitendero vanodarika 1 000 vakaungana paUnited Nations kuNew York kuti vapinde Musangano Wemireniyamu Worugare Rwenyika Yose. Vakakurukura zvingaitwa kuti kurwisana kwenyika yose kupere. Zvisinei, musangano wacho pachawo wakaratidza kusawirirana kwenyika yose kunoramba kuchienderera mberi. Imwe nyanzvi yomutemo yechitendero chechiMuslim yokuJerusalem yakaramba kuuya nokuti mufundisi wechiJudha aivapo. Vamwe vakagumbuka nokuti mufundisi wechiBhuddha anonzi Dalai Lama haana kukokwa mazuva maviri okutanga pachityirwa kuti China ingagumbuka.

Muna October 2003, nhau dzokuchengeteka kwenyika dzakakurukurwa nenyika dzakapoteredza Gungwa rePacific pamusangano weAsia-Pacific Economic Cooperation (APEC) wakaitirwa kuThailand. Nyika 21 dzaivapo dzakavimbisa kuparadza mapoka emagandanga uye dzakabvumirana nzira dzokuwedzera nadzo kuchengeteka kwenyika yose. Asi pamusangano wacho, vamiririri vanoverengeka vakanyunyuta pamusoro pemashoko omumwe mutungamiriri wehurumende, ayo akanzi airatidza kuti aivenga vaJudha zvakanyanya.

Nei Vasina Kubatana?

Kunyange zvazvo paine hurukuro dzakawanda pamusoro pokubatanidza nyika yose, migumisiro chaiyo mishomanana. Pasinei nokuti vakawanda vanoedza nomwoyo wose, nei vanhu vari kukundikana kubatanidza nyika yose muzana remakore rechi21?

Chikamu chemhinduro yacho chinowanikwa mumashoko omumwe wevatungamiriri vehurumende vaiva pamusangano weAPEC. Akati, “Nyaya iripo ndeyokuti vanhu vari kudada nenyika dzavo.” Chokwadi, nzanga yevanhu yakaperera pakuda zvinhu zvine chokuita nenyika dzavo. Nyika imwe neimwe uye dzinza rimwe nerimwe rinokurudzirwa nechido chokuzvitonga. Kuda kuzvitonga kwenyika pamwe chete nepfungwa yemakwikwi uye makaro zvaita kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo. Muzviitiko zvakawanda, zvido zvenyika pazvinopesana nezvido zvepasi rose, zvido zvenyika ndizvo zvinoiswa pakutanga.

Kuda nyika yako kunonyatsorondedzerwa nemashoko omunyori wepisarema okuti, “hosha inouraya zvikuru.” (Pisarema 91:3) Kwave kwakaita sehosha pavanhu, kuchikonzera kutambura kusingatauriki. Kuda nyika yako pamwe chete nokuvenga vamwe vanhu kunokonzerwa nako zvave zviripo kwemazana emakore. Nhasi, kuda nyika yako kunoramba kuchikonzera kusabatana, uye vatongi vevanhu vave vasingakwanisi kukumisa.

Zviremera zvakawanda zvinoziva kuti kuda nyika yako uye kuzvifadza ndizvo mudzi wezvinetso zvenyika yose. Somuenzaniso, aimbova Munyori Mukuru weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose, U Thant akati: “Zvinetso zvakawanda zvatinotarisana nazvo nhasi zvinokonzerwa nemafungiro akaipa . . . Mamwe acho ndiko kufunga kuti dzimwe nyika dzose hadzina kunaka asi yangu chete—‘inyika yangu, ingave yakanaka kana kuti yakaipa.’” Zvisinei, nhasi nyika dziri kuvavarira kuzvifadza, dziri kuramba dzichirwira kuzvitonga. Dziya dzinenge dzichitozvitonga hadzitombodi kuti pave nedzimwe dzinotongawo kana nepaduku pose. Somuenzaniso, International Herald Tribune yakataura izvi pamusoro peEuropean Union: “Vezvematongerwe enyika vokuEurope vanoramba vachikakavadzana uye vasingavimbani. Nyika dzakawanda dzeEU hadzisati dzava kugamuchira kuti imwe yenyika dzacho iwane simba rakawanda rokuti itungamirire.”

Shoko raMwari, Bhaibheri, rinorondedzera zvakarurama mugumisiro wokutonga kwose kwevanhu, richiti: “Munhu ane simba pamusoro pomumwe, a[no]muitira zvakaipa.” (Muparidzi 8:9) Nokukamura pasi kuti rive nyika dzawo dzakasiyana-siyana, mapoka evanhu uyewo munhu mumwe nomumwe vakaona kuzadzika kwechokwadi ichi cheBhaibheri chinoti: “Unozviparadzanisa navamwe, unongotsvaka kuda kwake, unorwa nouchenjeri hwose kwahwo.”—Zvirevo 18:1.

Musiki wedu, uyo anoziva zvakatinakira, haana kumboronga kuti vanhu vagadze hurumende dzavo pachavo vobva vazvitonga. Nokuita kudaro, vanhu vakaita sevasina basa nechinangwa chaMwari uye sevasina basa nokuti zvose ndezvake. Pisarema 95:3-5 rinoti: “Jehovha ndiMwari mukuru, Mambo mukuru unokunda vamwari vose. Nzvimbo dzakadzika dzapasi dziri muruoko rwake; misoro yamakomo ndeyakewo. Gungwa nderake, ndiye wakariita; maoko ake akaumba nyika yakaoma.” Mwari ndiye Changamire akakodzera uyo vanhu vose vanofanira kuona somutongi wavo. Nokutsvaka kuzvitonga, nyika dziri kuita zvinopesana nezvaanoda.—Pisarema 2:2.

Chii Chinodiwa?

Nzira bedzi ichaita kuti nyika yose ibatane ndeyokuva nehurumende imwe chete inoita zvinofadza vanhu vose. Vanhu vakawanda vanofunga nezvemamiriro akaita zvinhu vanozviziva. Zvisinei, vaya vanozviziva vanowanzotarira kusiko. Somuenzaniso, vatsinhiri vakawanda, kusanganisira vatungamiriri vezvitendero, vakakurudzira vanhu kuti vavimbe neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose kuti richaita kuti nyika yose ibatane. Zvisinei, masangano evanhu, pasinei nokuti vavariro dzawo dzakanaka zvakadini, haasati ambogona kupedza zvinetso zvevanhu pasi pose. Pane kudaro, mazhinji emasangano aya anongova chiratidzo chokusabatana kwakaita nyika dzakasiyana-siyana.

Bhaibheri rinonyevera kuti tisaisa chivimbo kumasangano evanhu kuti ndiwo achapedza zvinetso parinoti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira.” (Pisarema 146:3) Izvi zvinoita kuti tisare tisina tariro yokuti nyika yose ichabatana here? Kwete. Pane imwe nzira.

Vakawanda havazivi kuti Mwari akatogadza hurumende inogona kubatanidza nyika yose. Bhaibheri rinoti nezvaJehovha Mwari: “Kunyange zvakadaro ini ndakagadza mambo wangu paZioni, iro gomo rangu dzvene. Kumbira kwandiri, ndikupe ndudzi ive nhaka yako, nemigumo yenyika zvive zvako.” (Pisarema 2:6, 8) Ona kuti rugwaro rwacho runotaura nezvaJehovha Mwari ‘seakagadza mambo wake,’ uyo waanoti “mwanakomana wangu” mundima 7. Hapana mumwe kunze kwoMwanakomana waMwari mukuru kwazvo womudzimu, Jesu Kristu, uyo akapiwa simba pamusoro penyika yose.

Kubatana Kuchaita Nyika Yose

Vanhu vakawanda havazivi nezvoutongi uhwu hwokudenga hwakagadzwa naMwari. Nyika dzinoramba dzakaomerera kukodzero dzadzo dzokutonga. Zvisinei, Mwari haazoshiviriri vaya vanoramba kuziva uchangamire hwake uye hurumende yaakagadza. Nezvevaya vanoramba kugamuchira urongwa uhwu, Pisarema 2:9 rinoti: ‘Mwanakomana, Jesu Kristu uchavapwanya netsvimbo youtare; uchavaputsanya sehari yomuumbi.’ Kunyange achiziva kana kuti asingazivi, marudzi zvino ari kufora achienda kunorwisana naMwari. Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinotaura nezve“madzimambo apasi rose rinogarwa” ari kuunganidzirwa pamwe chete “kuhondo yezuva guru raMwari Wemasimba Ose.” (Zvakazarurwa 16:14) Marudzi nenzira dzawo dzinoita kuti pasave nokubatana achaparadzwa. Izvi zvichaita kuti hurumende yaMwari iite basa rayo isina chinoivhiringidza.

Zvaari Changamire Wezvose, Jehovha Mwari achishandisa Mwanakomana wake achashandisa simba nokuchenjera kuti pave nokuchinja kunodiwa kuti nyika yose ibatane. Hurumende yaMwari ichaunza kubatana kwechokwadi uye ichakomborera vanhu vose vanoda kururama. Wadii kuverenga Pisarema 72 kwemaminitsi mashomanana muBhaibheri rako? Imomo, munotaurwa mufananidzo wouprofita wezvichaitirwa vanhu kana Mwanakomana waMwari ava kutonga. Vanhu vachaona kubatana chaiko kwenyika yose, uye zvinetso zvavo zvose—kudzvinyirirwa, chisimba, urombo, nezvimwewo—zvichange zvapera.

Munyika yanhasi isina kubatana, vakawanda vanofunga kuti tariro yakadaro haina musoro. Asi kungava kukanganisa kufunga saizvozvo. Zvipikirwa zvaMwari hazvisati zvambokundikana, uye hazvizombokundikani. (Isaya 55:10, 11) Ungada kuona kuchinja uku here? Chokwadi unogona kuzviona. Kutaura zvazviri, panotova nevanhu vari kugadzirira nguva iyoyo. Vanobva kumarudzi ose, asi panzvimbo pokuti varwisane, iye zvino vari kuzviisa pasi pouchangamire hwaMwari vakabatana. (Isaya 2:2-4) Ndivanaani? Ivo vanozivikanwa seZvapupu zvaJehovha. Wadii kubvuma kukokwa kuti ushanyire nzvimbo dzavanonamatira? Zvimwe uchanakidzwa nokushamwaridzana kunozorodza nevanhu vangagona kukubatsira kuti uzviise pasi pouchangamire hwaMwari uye kuti uone kubatana kusingazombogumi.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Vanhu vanobva kumarudzi ose vari kugadzirira upenyu munyika yakabatana

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]

Saeed Khan/AFP/Getty Images

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 5]

Mukadzi ari kuchema: Igor Dutina/AFP/Getty Images; vanhu vachiratidzira: Said Khatib/AFP/Getty Images; motokari dzehondo: Joseph Barrak/AFP/Getty Images