Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Upenyu Huno”—Kunakidzwa Nahwo Zvizere!

“Upenyu Huno”—Kunakidzwa Nahwo Zvizere!

Nyaya Youpenyu

“Upenyu Huno”—Kunakidzwa Nahwo Zvizere!

YAKATAURWA NATED BUCKINGHAM

Ndakanga ndiri mushumiri wenguva yakazara kwemakore matanhatu uye ndaroora kwemwedzi mitanhatu pandakaerekana ndarwara neporiyo. Maiva muna 1950, uye ndaingova nemakore 24 chete. Mwedzi mipfumbamwe yandakapedza ndiri muchipatara yakandipa nguva yakawanda yokufungisisa nezvoupenyu hwangu. Sezvo ndakanga ndaremara, remangwana rangu neromudzimai wangu, Joyce, raizova rakaita sei?

MUNA 1938 baba vangu, avo vakanga vasingamboendi kuchechi, vakawana bhuku rinonzi Government. * Zvichida nyonganyonga yezvematongerwe enyika uye kutarisira hondo ndizvo zvakavaita kuti vawane bhuku racho. Sokuziva kwangu, havana kumboriverenga, asi amai vangu vaifarira zvechitendero zvikuru ndivo vakaverenga. Vakakurumidza kuchinjwa neshoko raro. Vakasiya Chechi yeEngland, uye pasinei nokushorwa nababa vangu, vakava Chapupu chakatendeka chaJehovha, vachibva varamba vakadaro kusvikira pavakafa muna 1990.

Amai vakaenda neni kumusangano wangu wokutanga wechiKristu kuImba yoUmambo mutaundi reEpsom, kumaodzanyemba kweLondon. Ungano yacho yaipindira pane chaimbova chitoro, uye takateerera hurukuro yakarekodhwa yaJ. F. Rutherford, uyo akanga achitarisira basa reZvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Yakandibaya mwoyo chaizvo.

Kubhomba kwakasimba pairwiswa London kwakaita kuti njodzi dzirambe dzichiwedzera. Saka muna 1940 baba vangu vakasarudza kutamisira mhuri kunzvimbo yakati chengetekei—kuMaidenhead, taundi duku raiva makiromita 45 kumadokero kweLondon. Izvi zvakabatsira, sezvo nhengo 30 dzeungano yeikoko dzakatikurudzira zvakanaka chaizvo. Fred Smith, akanga akasimba chaizvo mune zvokunamata uyo akabhabhatidzwa muna 1917, akandifarira achibva andidzidzisa kuva muparidzi anobudirira zvikuru. Ndichiri kumuonga zvikuru pamusana pomuenzaniso wake uye kubatsira kwake kworudo.

Kupinda Mubasa Renguva Yakazara

Muna 1941, ndava nemakore 15, ndakabhabhatidzwa murwizi rwaThames musi waitonhora muna March. Panguva iyoyo, mukoma wangu, Jim, akanga anyoresa kuti ave muparidzi wenguva yakazara. Iye zvino, iye nomudzimai wake, Madge, vanogara muBirmingham, pashure pokupedza nguva yakawanda mubasa raJehovha vari mudunhu uye muruwa muBritain yose. Hanzvadzi yangu duku, Robina, nomurume wayo, Frank, vachiriwo vashumiri vakatendeka vaJehovha.

Ndakanga ndiri mutarisiri weakaunzi pane imwe kambani yembatya. Rimwe zuva mukuru mukuru wacho akandidana kuhofisi kwake kuti andiudze nezvebasa raaitarisira kuti ndizoita rokutenga zvinhu zvepakambani yacho. Zvisinei, kwenguva yakati, ndakanga ndichifunga nezvokutevera muenzaniso womukoma wangu, saka nokuremekedza, ndakaramba zvakataurwa nowandaishandira, ndichitsanangura chikonzero chacho. Ndakashamisika kuti akandirumbidza noushamwari kuti ndaida kuita basa rakakodzera kudaro rechiKristu. Saka kokorodzano yoruwa yapera muNorthampton muna 1944, ini ndakava muparidzi wenguva yakazara.

Ndakatanga kutumirwa kuExeter, muruwa rweDevon. Panguva iyoyo kubhomba kwomunguva yehondo kwakanga kuri kupera zvishoma nezvishoma muguta iri. Ndakanogara mumba yaitogara mamwe mapiyona maviri, Frank naRuth Middleton, avo vakandiitira mutsa zvikuru. Ndaingova nemakore 18 ndisinganyanyi kugona kuwacha nokubika, asi zvinhu zvakava nani sezvandakakudziridza unyanzvi hwangu.

Ndaiparidza naVictor Gurd aiva nemakore 50, mumwe murume wokuIreland akanga ave achiparidza kubvira kuma1920. Akandidzidzisa kuronga nguva yangu zvakanaka, kufarira zvikuru kuverenga Bhaibheri, uye kuziva kukosha kweshanduro dzeBhaibheri dzakasiyana-siyana. Mumakore iwayo anokosha, muenzaniso waVictor wokutsiga ndiwo chaiwo wandaida.

Muedzo Wokusava Nokwandakarerekera

Hondo yakanga yava kunopera, asi vakuru vakuru vakanga vachiri kutsvaka varume vechiduku kuti vaite basa rechiuto. Ndakanga ndamiswa pamberi pedare muna 1943 kuMaidenhead, kwandakanyatsotaura nyaya yangu yokuti ndirege kupinda mubasa rechiuto sezvo ndaiva mushumiri weEvhangeri. Kunyange zvazvo ndakarambidzwa kukwirira nyaya yangu, ndakasarudza kutamira kuExeter kuti ndinoita basa rangu roushumiri. Saka ndiri kuExeter ndakazoshevedzwazve kuti ndimire pamberi pedare romunharaunda iyoyo. Achinditongera kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu ndichishanda zvakaoma, mejasitiriti akandiudza kuti aiva asingafari kuti ndaisazogara kwenguva refu. Ndashanda kwemwedzi mitanhatu iyoyo, ndakadzorerwa kujeri kwemimwezve mwedzi mina.

Sezvo ndaingova ini bedzi Chapupu mujeri racho, varindiri vaindidana kuti Jehovha. Zvaiva zvakaoma kudavira zita iroro paidanidzirwa mazita, sezvandaifanira kuita, asi yaiva ropafadzo yakazokura kunzwa zita raMwari richiziviswa zuva nezuva! Zvakaita kuti vamwe vasungwa vazive kuti chisarudzo changu chomwoyo wose somumwe weZvapupu zvaJehovha ndicho chakanga chaita kuti ndive pakati pavo. Gare gare, Norman Castro akatumirwa kujeri irorowo, uye zita riya rakachinjwa. Takabva tava Mosesi naAroni.

Ndakachinjirwa kuBristol kubva kuExeter uye pakupedzisira kujeri reWinchester. Mamiriro ezvinhu aiva asina kunaka nguva dzose, asi kutaura zvinosetsa kwakandibatsira. Ini naNorman takafara kuchengeta Chirangaridzo pamwe chete pataiva kuWinchester. Francis Cooke, uyo akatishanyira kujeri, akatipa hurukuro yakanaka chaizvo.

Zvinhu Zvakachinja Hondo Yapera

Pakokorodzano yokuBristol muna 1946, pakabudiswa bhuku rinobatsira kudzidza Bhaibheri rinonzi “Mwari Ngaave Wazvokwadi,” ndipo pandakaona tsvarakadenga inonzi Joyce Moore, akanga achipayonawo muDevon. Ushamwari hwedu hwakakura, uye takaroorana kwapera makore mana kuTiverton, kwandaiva ndiri kubvira muna 1947. Tairoja imba yataibhadhara 15 shillings (US$1.10) (Z$6 820 00) pavhiki. Hwaiva upenyu hunofadza chaizvo!

Gore redu rokutanga taroorana, takachinjirwa kumaodzanyemba kuBrixham, taundi rechiteshi chezvikepe rakanaka chaizvo kwakatangira unyanzvi hwokukukuzva hove nemambure. Zvisinei, pasina nguva tiri ikoko, ndakarwara neporiyo pandaienda kukokorodzano kuLondon. Ndakarwara zvokuda kufa. Ndakazobudiswa muchipatara—pashure pemwedzi mipfumbamwe, sezvandambotaura pakutanga. Ruoko rwangu rworudyi uye makumbo ose akanga aremara, sezvaachiri, uye ndaifanira kufamba nomudonzvo. Mudzimai wangu wandaida akaramba ari shamwari yangu inofadza uye aindikurudzira nguva dzose, kunyanya sezvaakakwanisa kuramba ari muushumiri hwenguva yakazara. Asi taizoita sei panguva ino? Ndakakurumidza kuziva kuti ruoko rwaJehovha haruna kupfupika.

Gore rakatevera racho takapinda gungano muWimbledon, kuLondon. Panguva ino ndakanga ndava kufamba ndisina mudonzvo. Ikoko takasangana naPryce Hughes, uyo akanga achitarisira basa muBritain. Akabva andikwazisa achiti: “Ko ndiwe! Tiri kukuda kubasa redunhu!” Hapana kukurudzirwa kunopfuura apa kwandaida! Ndaiva ndanyatsosimba here? Ini naJoyce taiva tisina chokwadi nazvo, asi tapedza vhiki tichidzidziswa uye kuvimba naJehovha zvakazara, takanga tava munzira kudzokera kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweEngland, kwandakanga ndatumirwa kuti ndishande somutariri wedunhu. Panguva iyoyo ndakanga ndichangosvitsa makore 25, asi ndichiri kuyeuka zvikuru uye ndinoonga mutsa uye kushivirira kweZvapupu zviya zvaindibatsira zvikuru.

Nezvemabasa edu ose echiKristu akasiyana-siyana, ini naJoyce takaona kuti kushanyira ungano kwakatiswededza pedyo zvikuru nehama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu. Takanga tisina motokari, saka pamwe taifamba nechitima kana kuti nebhazi. Kunyange zvazvo ndakanga ndichiri kudzidza kurarama nourwere hwangu, takanakidzwa neropafadzo dzedu kusvikira muna 1957. Hwaiva upenyu hunogutsa, asi gore iroro rimwe dambudziko rakaoma rakamuka.

Kubasa Roumishinari

Takafara chaizvo kukokwa kuti tinopinda kirasi yechi30 yeGiriyedhi. Ndakanga ndiri kurarama zvakanaka nourema hwangu, saka ini naJoyce takabvuma kukokwa kwacho tichifara. Kubva pane zvakamboitika, taiziva kuti nguva dzose Jehovha anopa simba kana tikatsvaka kuita kuda kwake. Mwedzi mishanu yokudzidza zvakasimba paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi, chiri panzvimbo yakanaka chaizvo yeSouth Lansing, New York, U.S.A, yakakurumidza kupera. Vakawanda vevadzidzi vacho vaiva vanhu vakaroorana vaiva mubasa rokufambira. Kirasi yacho payakabvunzwa kana paine vaida kuzvipira kuenda kundoita basa roumishinari kune imwe nyika, isu taiva vamwe vevaya vakada kuita kudaro. Taizoenda kupi? KuUganda, East Africa!

Sezvo basa reZvapupu zvaJehovha rakanga rarambidzwa muUganda panguva iyoyo, ndakanzi ndigare munyika yacho ndotsvaka basa rokunyika. Pashure pokufamba rwendo rurefu nechitima uye nechikepe, takasvika muKampala, kuUganda. Vakuru vakuru vanoona nezvokupinda kwevanhu munyika havana kufara kutiona, saka vakatibvumira kugara kwemwedzi mishomanana chete. Takazonzi tibve. Tawana mirayiridzo kubva kudzimbahwe, takaenda kuNorthern Rhodesia (yava kunzi Zambia). Ikoko takafara chaizvo kuonana nevamwe vanhu vana vatakanga tadzidza navo kuGiriyedhi—Frank naCarrie Lewis uye Hayes naHarriet Hoskins. Kubva ikoko, pashure pekanguva takazoendeswa kuSouthern Rhodesia (yava kunzi Zimbabwe).

Takafamba nechitima uye tisati tasvika kuBulawayo, takatanga kuona Victoria Falls, yakanaka kwazvo. Takagara kwekanguva nemhuri yokwaMcLuckie, vaiva vamwe veZvapupu zvokutanga kugara ikoko. Yaiva ropafadzo yedu kusvika pakuvaziva zviri nani mumakore 16 akazotevera.

Kuchinja

Tapedza vhiki mbiri tichidzidziswa kuti tizive ndima yeAfrica, ndakagadzwa kuti ndishande somutariri woruwa. Kuparidza mumasango eAfrica kwaireva kuti taifanira kutakura mvura, zvokudya, magumbeze, mbatya, purojekita uye jenareta remagetsi, sikirini hombe, nezvimwe zvinhu zvinodiwa. Zvose izvi zvaitutirwa mumotokari yakanga yakasimba chaizvo kuti ititakure nomunzvimbo dzakaipa.

Ndaishanda nevatariri vematunhu vechitema uku Joyce achifara kubatsira madzimai avo nevana vavo avo vaiuya kuzoshanda nesu. Kufamba musango romuAfrica kunganetesa, kunyanya zuva parinenge richipisa chaizvo masikati, asi ndakakurumidza kuona kuti mumamiriro okunze aya, zvaiva nyore kurarama nourema hwangu, uye izvozvo zvakandifadza.

Vazhinji vevanhu vacho vaiva varombo. Vakawanda vaiva vakanyura mune zvemagamuchidzanwa uye kutenda mashura uye vaiva nebarika; asi vakaratidza kuti vanoremekedza Bhaibheri zvikuru. Mune dzimwe nzvimbo, misangano yeungano yaiitirwa pasi pemiti mikuru yaiva nemimvuri, uye kana ava manheru, vaiona nemarambi aiva akarembedzwa. Nguva dzose taishamisika pataidzidza Shoko raMwari tiri pasi pedenga rizere nyeredzi, chimwe chezvinhu zvakaisvonaka zvaakasika.

Chimwe chinhu chatisingakanganwi kwaiva kuratidza mafirimu eWatch Tower Society kumaruwa omuAfrica. Ungano yaigona kuva neZvapupu 30, asi pazviitiko zvakadaro, taiziva kuti kazhinji taigona kutarisira vanhu 1 000 kana kuti vanodarika!

Chokwadi, munyika dzinopisa zvikuru, munhu anogona kugara achirwara-rwara, asi nguva dzose zvinokosha kuva nemaonero akanaka. Ini naJoyce takadzidza kuva nemaonero akanaka—apo neapo ndaibatwa nemarariya, uye Joyce aitambura nechirwere chinokonzerwa notupukanana tunonzi amoebas.

Pava paya takazoendeswa kuhofisi yebazi muSalisbury (yava kunzi Harare), kwatakava neropafadzo yokushanda nevamwe vashumiri vaJehovha vakatendeka, vamwe vacho vaiva Lester Davey uye George naRuby Bradley. Hurumende yakandigadza kuti ndive muchatisi, izvo zvakaita kuti ndigone kuchatisa hama dzechitema, nenzira iyoyo ndichisimbisa chisungo chokuroorana kwechiKristu muungano. Kwapera makore mashomanana, ndakava neimwe ropafadzo. Ndaifanira kushanyira ungano dzeChirungu dzaiva munyika yacho. Kwemakore anodarika gumi, ini naJoyce takafara kuziva hama dzedu nenzira iyi, uye takafarira kufambira mberi kwavo mune zvokunamata. Panguva iyoyo, takashanyirawo hama dzedu kuBotswana neMozambique.

Kutamazve

Pashure pemakore akawanda tichifara tiri kumaodzanyemba kweAfrica, muna 1975 takachinjirwa kuSierra Leone, kuWest Africa. Pasina nguva, takanga tava kugara pahofisi yebazi tichinakidzwa nebasa redu idzva, asi hatina kutora nguva refu. Ndakarwara uye ndaiva ndisina simba pamusana pemarariya yakanga yandibata zvakasimba saka pakupedzisira ndaifanira kunorapwa kuLondon, kwandakanoudzwa kuti ndichirega kudzokera kuAfrica. Izvi zvakatisuruvarisa, asi ini naJoyce takagamuchirwa noushamwari nemhuri yeBheteri kuLondon. Hama zhinji dzokuAfrica dziri muungano dzakawanda dzokuLondon dzakaitawo kuti tinzwe takasununguka zvikuru. Pandakanzwa zviri nani, takachinjirwa kune rimwe basa, uye ndakakumbirwa kuti nditarisire Dhipatimendi Rezvokutenga. Nokuwedzera kwose kwatakaona mumakore ose aya anotevedzana, iri rave riri basa rinofadza.

Pakutanga kwema1990, mudiwa wangu Joyce akarwara nechirwere chinonzi motor neuron, (chirwere chinokanganisa kushanda zvakanaka kwetsandanyama) achibva afa muna 1994. Akanga aratidza kuva mudzimai ane rudo, akavimbika, uye akatendeka, aigara achida kuchinja zvinoenderana nemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana ataisangana nawo pamwe chete. Kuti ndikurire kurasikirwa uku, ndakaona kuti zvinokosha kuramba ndiine maonero akajeka mune zvokunamata ndoramba ndakatarira mberi. Kunyengeterera kuti ndirambe ndakaomerera papurogiramu yakanaka yechiKristu, kusanganisira kuparidza, kunondibatsirawo kuita kuti pfungwa dzangu dzirambe dzakabatikana zvizere.—Zvirevo 3:5, 6.

Kushanda paBheteri iropafadzo uye mararamiro akanaka kwazvo. Pane vechiduku vakawanda chaizvo vandinoshanda navo uye tinofara zvikuru pamwe chete. Chimwe chikomborero ndechevaeni vatinogamuchira kuno kuLondon. Dzimwe nguva ndinoona shamwari dzinodiwa dzokunyika dzokuAfrica kwandakamboshanda, uye ndinonyatsoyeuka nomufaro zvakaitika kare. Zvose izvi zvinondibatsira kuti ndirambe ndichinakidzwa zvizere no“upenyu huno” uye kuti ndifungisise upenyu “huchauya” ndiine chivimbo netariro.—1 Timoti 4:8.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha muna 1928, asi iye zvino harichadhindwi.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Ndiina amai vangu muna 1946

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ndiina Joyce musi womuchato wedu muna 1950

[Mufananidzo uri papeji 26]

Pakokorodzano yokuBristol muna 1953

[Mifananidzo iri papeji 27]

Kushumira boka risati rava ungano (pamusoro) uye ungano (kuruboshwe) kuSouthern Rhodesia, yava kunzi Zimbabwe