Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Usarega Kuita Zvakanaka Kwazvo

Usarega Kuita Zvakanaka Kwazvo

Usarega Kuita Zvakanaka Kwazvo

“MUFAMBIRO wenyu ngauve wakanaka kwazvo pakati pemamwe marudzi,” akarayira kudaro muapostora Petro. (1 Petro 2:12) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “wakanaka kwazvo” rinoreva chimwe chinhu “chakaisvonaka, chinodadisa, chinokudzwa, chakanakisisa.” Mazuva ano, zvingaita sezvisingashandi zvachose kutarisira mufambiro unodadisa kana kuti unokudzwa pavanhu vose zvavo. Zvisinei, mazuva ano vanhu vaJehovha vave vachibudirira kutevera zano raPetro. Chokwadi, vanozivikanwa pasi pose pamusana pomufambiro wavo wakanaka kwazvo.

Izvi zvinokosha zvikuru patinofunga nhamo nematambudziko zvatinosangana nazvo mu“nguva [dzino] dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Tinosangana nemiedzo zuva nezuva, uye kushorwa kwemararamiro echiKristu hakuzivani. Uyezve, nepo mimwe miedzo iri yenguva pfupi, mimwe inoramba ichienderera mberi, ichitowedzera kuoma. Kunyange zvakadaro, muapostora Pauro akarayira kuti: “Tisarega kuita zvakanaka kwazvo, nokuti mumwaka wakafanira tichakohwa kana tisinganeti.” (VaGaratiya 6:9) Zvinobvira sei kuita zvakanaka kwazvo—uye kuramba tichizviita—pasinei nemiedzo inorwadza mwoyo uye utsinye husingaperi?

Zvinobatsira Pakuita Zvakanaka Kwazvo

Zviri pachena kuti kuva “anodadisa, anokudzwa, uye akanakisisa” kune chokuita nomunhu womukati, unhu hunobva pamwoyo. Saka, kuramba tiine mufambiro wakanaka kwazvo pasinei nemiedzo uye matambudziko hakusi chinhu chinongoerekana chaitika, asi mugumisiro wokutevera uye kushandisa mirayiro yeBhaibheri zuva nezuva mune zvose zvatinoita muupenyu. Zvinhu zvipi zvingabatsira munyaya iyi? Chimbofunga zvinotevera.

Iva nemafungiro aKristu. Zvinoda kuzvininipisa kuti utsungirire zvingaita sokusaruramisira. Munhu anozviona seanokosha zvikuru angangotadza kushivirira kusabatwa zvakanaka. Zvisinei, Jesu “akazvininipisa akava anoteerera kusvikira parufu.” (VaFiripi 2:5, 8) Tikamutevedzera, ‘hatizoneti kana kuti kupera simba’ mubasa redu dzvene. (VaHebheru 12:2, 3) Teerera nokuzvininipisa uchishandira pamwe chete nokuzvidira nevaya vanotungamirira muungano yenyu. (VaHebheru 13:17) Dzidza kuona vamwe se“vakuru” kwauri, uchiisa zvavanoda pamberi pezvako.—VaFiripi 2:3, 4.

Yeuka kuti Jehovha anokuda. Tinofanira kuva nechokwadi chokuti Jehovha “ariko uye anova anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Ane hanya nesu zvechokwadi uye anoda kuti tiwane upenyu husingaperi. (1 Timoti 2:4; 1 Petro 5:7) Kuyeuka kuti hapana chinhu chingatadzisa Mwari kuti atide kuchatibatsira kuti tisakanda mapfumo pasi patinoedzwa.—VaRoma 8:38, 39.

Vimba naJehovha zvizere. Kuvimba naJehovha kunokosha, kunyanya kana miedzo ichiita seisingaperi kana kuti ichityisidzira upenyu. Tinofanira kuvimba zvakakwana kuti Jehovha haazobvumiri muedzo chero upi zvawo ‘unopfuura zvatingagona kutsungirira,’ kuti nguva dzose ‘achaita nzira yokubuda nayo.’ (1 VaKorinde 10:13) Tingatoshinga patinotyisidzirwa norufu, kana tichivimba naJehovha.—2 VaKorinde 1:8, 9.

Ramba uchinyengetera. Munyengetero unobva pamwoyo unokosha. (VaRoma 12:12) Munyengetero womwoyo wose ndiyo imwe yenzira dzatinoswedera nadzo pedyo naJehovha. (Jakobho 4:8) Kubva pane zvakaitika kwatiri, tinodzidza kuti “zvisinei nokuti chii chatinokumbira . . . , anotinzwa.” (1 Johani 5:14) Kana Jehovha achibvumira muedzo wedu kuti urambe uchiedza kuvimbika kwedu, tinonyengeterera kuti atibatsire kutsungirira. (Ruka 22:41-43) Munyengetero unotidzidzisa kuti hatisi toga, kuti kana Jehovha achititsigira, tichakunda nguva dzose.—VaRoma 8:31, 37.

Mabasa Akanaka Kwazvo—‘Chikonzero Chokurumbidzwa Nokukudzwa’

Nguva nenguva, vaKristu vose vano“shungurudzwa nemiedzo yakasiyana-siyana.” Asi, hatifaniri ku“rega kuita zvakanaka kwazvo.” Paunenge uchinetseka, wana simba pakuziva kuti kutendeka kwako pakupedzisira kuchava “chikonzero cherumbidzo nembiri nokukudzwa.” (1 Petro 1:6, 7) Shandisa zvizere zvinhu zvose zvaunopiwa naJehovha kuti akusimbise mune zvokunamata. Paunoda kubatsirwa, enda kune vaya vanoshumira sevafudzi, vadzidzisi, uye vapi vemazano vari muungano yechiKristu. (Mabasa 20:28) Pinda misangano yose yechiKristu nguva dzose, iyo ‘inoita kuti tive norudo nemabasa akanaka kwazvo.’ (VaHebheru 10:24) Purogiramu yokuverenga Bhaibheri zuva nezuva uye kudzidza uri woga ichabatsira kuti urambe wakamuka uye wakasimba mune zvokunamata; uyewo uchasimba mune zvokunamata kana ukagara uchiita ushumiri hwechiKristu.—Pisarema 1:1-3; Mateu 24:14.

Kana ukaravira rudo uye kutarisira kwaJehovha, chido chako choku“shingairira mabasa akanaka kwazvo” chichakura. (Tito 2:14) Yeuka kuti “anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.” (Mateu 24:13) Chokwadi, tsunga kuti ‘usarega kuita zvakanaka kwazvo’!

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 29]

Tinofanira kuvimba zvakakwana kuti Jehovha haazobvumiri muedzo chero upi zvawo ‘unopfuura zvatingagona kutsungirira,’ kuti nguva dzose ‘achaita nzira yokubuda nayo’

[Mifananidzo iri papeji 30]

Kuramba takabatikana mumabasa echiKristu kungabatsira kutigadzirira kutarisana nemiedzo