Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakaroorana Pavanotadza Kuwirirana

Vakaroorana Pavanotadza Kuwirirana

Vakaroorana Pavanotadza Kuwirirana

HAPANA murume kana mudzimai ane pfungwa dzakanaka anofarira kurwisana, asi ndizvo zvakajairika zvikuru. Zvinoitika ndezvokuti mumwe angataura zvinoshatirisa mumwe wake. Vanokwidza manzwi avo, uye vanotsamwa chaizvo, vokandirana makobvu nematete. Zvadaro, havataudzani, vose vachiomesa musoro pasina anoda kutaura nomumwe. Nokufamba kwenguva, hasha dzinoserera uye vanokumbirana ruregerero. Panovazve norugare—kusvikira kumwe kusawirirana kwamukazve.

Kusawirirana kwevakaroorana ndiko kunowanzotaurwa vanhu pavanenge vachiita majee uye mune dzimwe nyaya dzinobuda mupurogiramu dzeterevhizheni, asi chokwadi chiripo ndechokuti hakumbosetsi. Zvechokwadi, chirevo cheBhaibheri chinoti: “Mashoko anotaurwa munhu asina kufunga anogona kukuvadza zvakadzama sezvinoita bakatwa.” (Zvirevo 12:18, Today’s English Version) Chokwadi, kutaura nehasha kungaita kuti munhu asare aine mavanga mupfungwa ayo anononoka kupora pashure pokunge kupopotedzana kwacho kwapera. Kupopotedzana kungatoguma nokurwa.—Eksodho 21:18.

Zvechokwadi, dzimwe nguva zvinetso zvevakaroorana hazvidzivisiki pamusana pokusakwana. (Genesi 3:16; 1 VaKorinde 7:28) Kunyange zvakadaro, kugara vanhu vachingopopotedzana hakufaniri kuonekwa sechinhu chakajairika. Vanotsvakurudza vakaona kuti kupopotedzana nguva dzose kunowedzera mukana wokuti vaviri vacho vapedzisire varambana. Saka, zvinokosha kuti iwe nowawakaroorana naye mudzidze kugadzirisa kusawirirana zvine rugare.

Kuongorora Mamiriro Acho Ezvinhu

Kana muchigara muchingopopotedzana mumba menyu, edza kuona kana uri iwo muitiro wenyu pamunokakavadzana. Chii chinowanzoitika iwe nowawakaroorana naye pamunotadza kuwirirana panhau yakati? Kukurukurirana kwacho kunongoerekana kwabuda mugwara moguma mava kukandirana magaramwoyo uye kupomerana here? Kana zvakadaro, ungaitei?

Kutanga, ongorora nomwoyo wose kuti iwe pachako ungave uri kuwedzera sei chinetso ichi? Unokurumidza kushatirwa here? Wagara uri munhu uya ane nharo here? Mumwe wako angati kudini nezvako munhau iyi? Mubvunzo uyu wokupedzisira unokosha kuufunga, nokuti iwe nomumwe wako mungave muchiona zvakasiyana pamusoro pokuti kuva nenharo kuita sei.

Somuenzaniso, ngatitii mumwe wako akanyarara, nepo iwe uchinyatsobudisa pachena mafungiro uye manzwiro aunoita. Ungati: “Pandaikura, ndiwo matauriro aiita munhu wose womumhuri medu. Hakusi kupopota!” Uye zvichida kwauri hakusi. Zvisinei, pamwe zvaunoona sokutaura kwakajeka zvinoonekwa nomumwe wako sokupopota kunorwadza. Kungoziva kuti iwe nowawakaroorana naye munotaura nenzira yakasiyana kungabatsira kudzivisa kusanzwisisana.

Yeukawo kuti kupopota nguva dzose hakurevi kutaura inzwi riri pamusoro. Pauro akanyorera vaKristu kuti: “Kupopota nokutaura zvakaipa ngazvibviswe kwamuri.” (VaEfeso 4:31) “Kupopota” kunoreva kutaura nenzwi riri pamusoro, nepo “kutaura zvakaipa” kuchireva mashoko acho. Tichifunga nezveizvi, kunyange mashoko anoita zvokuzevezerwa anganzi kupopota kana achishatirisa kana kuti achizvidza.

Uchifunga zviri pamusoro apa, fungazve kuti unogadzirisa sei kusawirirana nomumwe wako. Une nharo here? Sezvatatoona, mhinduro chaiyo yomubvunzo iwoyo ine chokuita nemaonero omumwe wako. Pane kungogumisa kuti mumwe wako anokurumidza kugumbuka, edza kuzviona semaonero aanokuita, uye gadzirisa panoda kugadziriswa. Pauro akanyora kuti: “Mumwe nomumwe ngaarambe achitsvaka, kwete zvake oga, asi zvomumwe munhu.”—1 VaKorinde 10:24.

“Chenjerai Mateererere Enyu”

Imwe nzira yokugadzirisa nayo kusawirirana inowanikwa mumashoko aJesu anoti: “Chenjerai mateererere enyu.” (Ruka 8:18) Ichokwadi kuti Jesu akanga asiri kutaura nezvokukurukurirana kwevakaroorana. Kunyange zvakadaro, mashoko acho anoshanda. Unoteerera mumwe wako zvakadini? Unotomboteerera here? Kana kuti unongoerekana wamudimburira uchigadzirisa zvinetso zvausina kunyatsonzwisisa here? Bhaibheri rinoti, “Unopindura asati anzwa, zvichava kwaari upenzi nokunyadziswa.” (Zvirevo 18:13) Saka kana kusawirirana kukamuka, iwe nomumwe wako munofanira kukurukura nhau yacho uye kunyatsoteererana.

Pane kushora maonero omumwe wako, edza ‘kumunzwira ngoni.’ (1 Petro 3:8) MuchiGiriki chepakutanga, mashoko aya anonyanya kureva kutambura pamwe chete nomumwe munhu. Kana mumwe wako achinetseka nechimwe chinhu, unofanira kunetsekawo. Edza kuona nhau yacho semaonero aanoita.

Zviri pachena kuti ndozvaiitwa naIsaka, murume aitya Mwari. Bhaibheri rinotiudza kuti mudzimai wake, Ribheka, aiva akavhiringidzika zvikuru nenhau yemhuri yaiva nechokuita nomwanakomana wake Jakobho. Akati kuna Isaka, ‘Ndava kusema upenyu hwangu uhu nokuda kwevanasikana vaHeti. Kana Jakobho akatora chete mudzimai pavanasikana vaHeti seava pavanasikana vomunyika yacho, upenyu hunondibatsireiko?’—Genesi 27:46.

Chokwadi, pamusana pokuzvidya mwoyo, zvimwe Ribheka akaita kuti nyaya yacho iite sehombe. Chaizvoizvo, ainyatsosema upenyu hwake here? Aizosarudza kufa chaizvo here kudai mwanakomana wake aizoroora mumwe wevanasikana vaHeti? Zvimwe aisazodaro. Kunyange zvakadaro, Isaka haana kushora manzwiro aRibheka. Asi, Isaka akaona kuti kuzvidya mwoyo kwaRibheka kwaikosha, uye akaita maererano nemanzwiro acho. (Genesi 28:1) Ita saizvozvo nguva inotevera mumwe wako paanenge achizvidya mwoyo pamusoro penyaya yakati. Pane kuiona sechimwe chinhu chisinganyanyi kukosha, teerera mumwe wako, remekedza maonero ake, uye pindura nenzira yetsitsi.

Kuteerera uye Kungwara

Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Kungwara kwomunhu kunodzora kutsamwa kwake.” (Zvirevo 19:11) Kusawirirana pakunenge kwakora muto, zviri nyore chaizvo kuti ungopindura usina kufunga shoko rimwe nerimwe rokutsvinya rinenge rataurwa nomumwe wako. Zvisinei, kazhinji izvi zvinongowedzera kupopotedzana kwacho. Saka, paunenge uchiteerera mumwe wako, tsunga kunzwa kwete mashoko bedzi ari kutaurwa asiwo manzwiro ari kuseri kwemashoko acho. Kungwara kwakadaro kuchakubatsira kuona zviri seri kwezvinhu zvisingakufadzi wosvika pamudzi wechinetso chacho.

Somuenzaniso, ngatitii mudzimai wako ati kwauri, “Haumbopedzi nguva uineni!” Ungashatiriswa wobva waramba zvaanenge ataura uchingoti zvindibve. “Mwedzi wapera ndakaswera muswere wose ndiinewe!” ungapindura kudaro. Asi kana ukanyatsoteerera, ungaona kuti mudzimai wako haasi kukumbira chaizvoizvo maminitsi akawanda kana kuti maawa. Asi angave ari kukumbira kubatsirwa kuti asanetseka, achikuudza kuti anonzwa sokuti haachakosheswi uye haachadiwi.

Ngatitii uri mudzimai uye murume wako anotaura kuti ari kunetseka nezvechinhu chauchangobva kutenga. “Nei washandisa mari yakawanda kudaro?” anobvunza kudaro achiratidza kushamisika zvikuru. Unganzwa uchida kuzvipembedza nokutaura mamiriro chaiwo ezvemari yemhuri kana kuti nokuenzanisa chawakatenga nechaakatenga iye. Zvisinei, kungwara kuchakubatsira kuona kuti murume wako angave asiri kutaura nezvemari. Asi angave achinetseka nokuti haana kumboudzwawo nezvechisarudzo chokutenga chinhu chikuru.

Chokwadi, vanhu vakaroorana vangava nenzira yakasiyana yokuona kuti inguva yakawanda zvakadini yavanopedza vari pamwe chete uye kuti vanoita sei zvisarudzo zvokutenga zvinhu. Pfungwa yacho ndeyokuti kana pakava nokusawirirana, kungwara kuchaderedza hasha dzako kwoita kuti unzwisise nhau chaidzo dziripo. Pane kutaura usati wafunga, tevera zano romunyori weBhaibheri, Jakobho, ‘rokukurumidza kunzwa, wononoka kutaura, wononoka kuva nehasha.’—Jakobho 1:19.

Paunotaura, yeuka kuti matauriro aunoita kune mumwe wako anokosha. Bhaibheri rinoti “rurimi rwowakachenjera runoporesa.” (Zvirevo 12:18) Kana iwe nomumwe wako mukatadza kuwirirana, mashoko ako anorwadza here kana kuti anoporesa? Anoita kuti zviome kuramba muchikurukura here, kana kuti anoita kuti pave nomukana wokuyanana? Sezvatatoona, kutsamwa kana kuti kupindura munhu usina kufunga kunongokonzera kukakavadzana.—Zvirevo 29:22.

Kana kusawirirana kukaipa zvokusvika pakuva hondo yemashoko, ramba uchiedza kuomerera panhau yacho. Ramba uchifunga chikonzero chacho chokusawirirana, kwete munhu wacho. Iva nehanya zvakanyanya nokuti chakarurama ndechipi pane kuti ndiani akarurama. Ngwarira kuti mashoko ako haawedzeri kupopotedzana kwacho. Bhaibheri rinoti: “Shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha.” (Zvirevo 15:1) Chokwadi, zvaunotaura uye matauriro aunozviita angabudisa pachena kana uchashandira pamwe nomumwe wako kana kuti kwete.

Vavarira Kupedza Kusawirirana, Kwete Kuhwina Nharo

Patinogadzirisa kusawirirana, chinangwa chacho ndechokuti tipedze kusawirirana kwacho. Ungakugadzirisa sei? Nzira yakavimbika ndeyokutsvakurudza zano reBhaibheri worishandisa, uye zvikurukuru varume vanofanira kutanga ivo kuita izvozvo. Pane kukurumidza kutaura pfungwa dzakasimba panhau dzacho kana kuti zvinetso zviripo, wadii kuzviona sokuonekwa kwazvinoitwa naJehovha? Nyengetera kwaari, uye kumbira rugare rwaMwari urwo rucharinda mwoyo yenyu uye masimba enyu okufunga. (VaEfeso 6:18; VaFiripi 4:6, 7) Edza nomwoyo wose kutsvaka zvinofarirwa nomunhu oga kwete zvako chete asiwo zvomumwe wako.—VaFiripi 2:4.

Kazhinji kuramba uchifunga nezvokurwadziwa uye manzwiro ausingagoni kudzora ndizvo zvinowanzowedzera mamiriro ezvinhu akatoipa. Ukuwo, kubvuma kururamiswa nezano reShoko raMwari kunoita kuti pave norugare, kubvumirana, uye chikomborero chaJehovha. (2 VaKorinde 13:11) Saka, tungamirirwa no“uchenjeri hunobva kumusoro,” ratidza unhu hwaMwari, uye batsirwa sevaya “vanoita rugare.”—Jakobho 3:17, 18.

Kutaura zvazviri, tose tinofanira kudzidza kugadzirisa kusawirirana nenzira yorugare, kunyange kana izvi zvichireva kurega zvimwe zvinhu zvatinoda. (1 VaKorinde 6:7) Zvechokwadi, shandisai zano raPauro rokubvisa “hasha, kutsamwa, uipi, kutaura zvakaipa, nokutaura kunonyadzisa kunobva mumuromo menyu. . . . Pfekenurai unhu hwekare netsika dzahwo, uye pfekai unhu hutsva.”—VaKorose 3:8-10.

Chokwadi, dzimwe nguva ungataura zvinhu zvaunozozvidemba. (Jakobho 3:8) Izvi pazvinoitika, kumbira mumwe wako ruregerero. Ramba uchiedza nepaunogona napo. Nokufamba kwenguva, zvimwe iwe nomumwe wako muchavandudza magadzirisiro amunoita kusawirirana.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 22]

Matanho Matatu Okupomhodza Kupopotedzana

• Teerera mumwe wako. Zvirevo 10:19

• Remekedza maonero ake. VaFiripi 2:4

• Pindura nenzira yorudo. 1 VaKorinde 13:4-7

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 23]

Zvaungaita Iye Zvino

Bvunza mumwe wako mibvunzo iri pasi apa, woteerera mhinduro dzacho usingamudimburiri panzira. Zvadaro mumwe wako angaitawo saizvozvo kwauri.

• Ndine nharo here?

• Ndinonyatsoteerera here paunotaura, kana kuti ndinopindura ndisina kumbofunga iwe usati wapedza kutaura?

• Mashoko angu anoratidza kusava nehanya kana kuti kutsamwa here?

• Tose tiri vaviri tingaitei kuti tivandudze nzira yatinokurukura nayo—kunyanya panyaya yatisingabvumirani?

[Mufananidzo uri papeji 21]

Unoteerera here?

[Mufananidzo uri papeji 22]

“Ndinonzwa sokuti handichakosheswi uye handichadiwi”

[Mufananidzo uri papeji 22]

“Haumbopedzi nguva uineni!”

[Mufananidzo uri papeji 22]

“Mwedzi wapera ndakaswera muswere wose ndiinewe!”