Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanhu Vakatendeseka Vanoita Kuti Jehovha Arumbidzwe

Vanhu Vakatendeseka Vanoita Kuti Jehovha Arumbidzwe

Mushumo Wevazivisi voUmambo

Vanhu Vakatendeseka Vanoita Kuti Jehovha Arumbidzwe

PASI pose, Zvapupu zvaJehovha—vaduku nevakuru—zvinozivikanwa nokutendeseka kwazvo. Ona mienzaniso inobva kumakondinendi matatu.

Rimwe zuva Olusola ane makore gumi nemanomwe, uyo anogara kuNigeria, akanga achibva kuchikoro achienda kumba paakanhonga chikwama. Akaenda nacho kumukuru wechikoro, uyo akaverenga mari yacho, uye yaiva ₦6 200 yokuNigeria (inenge US$45) (Z$279 000). Mukuru wechikoro uya akadzorera chikwama chacho kumudzidzisi akanga achirasa. Achiratidza kuonga, mudzidzisi wacho akapa Olusola ₦1 000 (inenge US$7) (Z$43 400) ndokumuudza kuti aishandise kubhadhara mari yake yechikoro. Vamwe vadzidzi pavakanzwa zvakanga zvaitika, vakaseka Olusola. Kwapera vhiki dzakati, mumwe mudzidzi akati akanga abirwa mari yake, saka vadzidzisi vakakumbirwa kuti vaseche vadzidzi vose. “Iwe mira apa,” mudzidzisi wacho akadaro kuna Olusola. “Ndinoziva kuti iwe somumwe weZvapupu zvaJehovha, haubi.” Mari yacho yakawanikwa iine vamwe vakomana vaviri vakanga vamboseka Olusola, uye vakarangwa zvakasimba. Olusola akanyora kuti: “Ndinofara chaizvo kuti ndinozivikanwa somumwe weZvapupu zvaJehovha, asingazombofi akaba, zvichiita kuti Jehovha akudzwe.”

Paakabva pamba rimwe zuva, Marcelo, akaberekerwa kuArgentina, akanhonga bhegi raiva pasi mamita mashomanana kubva padhoo rokuseri kweimba yake. Apinda mumba nebhegi riye, iye nomudzimai wake vakarivhura nokungwaririra. Vakashamiswa zvikuru pavakaona mari yakawanda, makadhi okutenga zvinhu nechikwereti, uye cheki dzinoverengeka dzakasainwa, imwe yacho yaiva ye1 000 000 pesos (inenge Z$1 860-000 000). Vakawana nhamba dzorunhare painivhoisi yaiva mubhegi racho. Vakaridzira muridzi wacho runhare vachibva varonga kuti vamudzorere bhegi racho riine zvinhu zvaro kubasa kwaMarcelo. Muridzi waro paakasvika, akaratidza kutya. Munhu anoshandirwa naMarcelo akamuudza kuti adzikame, nokuti Marcelo aiva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Muridzi webhegi racho akangopa Marcelo 20 pesos (inenge US$6) (Z$37 200) sechipo chokuwana bhegi racho. Izvi zvakatsamwisa munhu waaishandira nokuti akanga aomeswa mate mukanwa nokutendeseka kwaMarcelo. Izvi zvakapa Marcelo mukana wokuti atsanangure kuti iye somumwe weZvapupu zvaJehovha, anofanira kuva akatendeseka nguva dzose.

Chiitiko chinotevera chakaitika kuKyrgyzstan. Rinat, mukomana ane makore matanhatu, akanhonga chikwama chomumwe mukadzi aigara pedyo navo. Chikwama chacho chaiva ne1 100 som (inenge US$25) (Z$155 000). Rinat paakapa mukadzi uya chikwama chakanga charasika, mukadzi wacho akaverenga mari yacho achibva audza amai vaRinat kuti imwe 200 som (inenge US$5) (Z$31 000) yakanga isimo. Rinat akataura kuti akanga asina kutora mari yacho. Zvadaro vose vakaenda kunotsvaka mari yakanga yashayikwa vachibva vaiwana iri pedyo nepakanga pawanikwa chikwama chacho. Mukadzi wacho akashamiswa. Akaonga Rinat naamai vake, kutanga nokudzorera mari yakanga yarasika uye chechipiri, nokurera Rinat kuti ave muKristu.