Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Akatambudzirwa Kutenda Kwake”

“Akatambudzirwa Kutenda Kwake”

“Akatambudzirwa Kutenda Kwake”

TAUNDI reCernobbio riri kumaodzanyemba kweItaly rakavaka nzvimbo inoyeuchidza iri mupaki yomunzvimbo yacho kuitira kuyeuka vanhu vakafira kodzero dzavo. Rimwe ibwe rinowanika panzvimbo iyi rokuyeuka rakanzi nderaNarciso Riet. Zvaakaberekerwa kuGermany vabereki vake vari vokuItaly, Riet akava mumwe weZvapupu zvaJehovha kuma1930. Panguva yaitonga Hitler, Zvapupu zvaJehovha zvakatambudzwa nokuti zvakaramba kukudza Hitler kudarika Mwari wechokwadi, Jehovha.

VeGestapo pavakaziva kuti Riet aipinzawo magazini eNharireyomurindi mumisasa yevasungwa, akatizira kuCernobbio. Ari ikoko akakumbirwa kushandurira Nharireyomurindi mumutauro wokuItaly uye kuiparadzira kune vaainamata navo vaiva pedyo. Zvaaiita zvakazivikanwa. Mukuru mukuru weSS nevanhu vake vakasvika pamba paRiet nechisimba, vakamusunga, uye vakatora uchapupu “hwemhosva yacho”—maBhaibheri maviri netsamba shomanana! Riet akaendeswa kuGermany, akavharirwa mumusasa wevasungwa weDachau, uye akaurayiwa Hondo Yenyika II yava kuda kupera. “Akatambudzirwa kutenda kwake,” ndizvo zviri paibwe racho riri kuCernobbio.

Kutenda kwaNarciso Riet nemamwe mazana ezvimwe Zvapupu zvakatambudzwa nevaNazi kunokurudzira vaKristu vemazuva ano kuti varambe vakatendeka kuna Jehovha, Munhu akakodzera kunamatwa pane zvose zvakasikwa. (Zvakazarurwa 4:11) Jesu akati: “Vanofara avo vakatambudzwa nokuda kwokururama, sezvo umambo hwokumatenga huri hwavo.” Mwari achayeuka zvavakaita ovakomborera nokuda kwokushinga kwavo.—Mateu 5:10; VaHebheru 6:10.