Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Basa Kukomborerwa Here Kana Kuti Kutukwa?

Basa Kukomborerwa Here Kana Kuti Kutukwa?

Basa Kukomborerwa Here Kana Kuti Kutukwa?

‘Kumunhu hapana chinhu chiri nani kupfuura kuti afadzwe nezvakanaka pabasa rake rakaoma.’—Muparidzi 2:24.

“NDINONZWA ndaneta zvikuru pashure pokunge ndashanda zuva roga roga.” Mune imwe ongororo ichangobva kuitwa, mushandi mumwe chete pavatatu akarondedzera saizvozvo manzwiro aanowanzoita. Izvi hazvishamisi sezvo tiri munyika ine vanhu vari kutambura nokuzvidya mwoyo; vanoshanda maawa akawanda uye vanoenda nebasa rakawanda kumba—panguva imwe chete iyi vachishandira vakuru vakuru vasingawanzotauri kana shoko zvaro rokuonga.

Kutanga kugadzirwa kwezvinhu zvakawanda kwakaita kuti vashandi vakawanda vafunge kuti vanhuwo zvavo vanongoshandiswa pasina. Izvi zvinowanzoita kuti mano okugadzira zvinhu uye shungu zvidzikire. Izvi zvinobva zvangokanganisa maonero anoita vanhu basa. Zviri nyore kuti kufarira kunoita munhu basa rake kudzikire. Kuda kuita zvinhu nounyanzvi kungakanganiswa. Zvinhu zvakadai zvingaita kuti munhu asafarira iro basa pacharo, zvichida zvichiita kuti munhu avenge basa rake.

Kuongorora Maonero Edu

Ichokwadi kuti hapasi pose patinogona kuchinja mamiriro edu ezvinhu. Zvisinei, haubvumi here kuti tinogona kuchinja maonero edu? Kana ukaona kuti kusvika pamwero wakati wakakanganiswa nemaonero aunoita basa asina kunaka, zvakanaka kuti ufunge nezvemaonero anoita Mwari uye zvaanotaura maererano nenhau iyi. (Muparidzi 5:18) Vakawanda vakawana kuti kufunga nezvazvo kwakaita kuti vafare uye vagutsikane nebasa ravo.

Mwari Ndiye Mushandi Mukuru. Mwari mushandi. Zvichida hatina kumbomufunga nenzira iyoyo, asi anotanga kuzvisuma muBhaibheri achiratidza kuti ndizvo zvaari. Nhoroondo yaGenesi inotanga nokusika kwakaita Jehovha matenga nepasi. (Genesi 1:1) Chimbofunga nezvemabasa akasiyana-siyana akaitwa naMwari paakatanga kusika—akava mugadziri, murongi, injiniya, munyori wemifananidzo, nyanzvi yokusarudza zvinhu zvokushandisa, muiti wechirongwa, muzivi wemishonga, nyanzvi yezvinhu zvipenyu, muzivi wemhuka, muzivi wemakombiyuta, nyanzvi yemitauro, kungodonongodza zvishomanana.—Zvirevo 8:12, 22-31.

Basa raMwari rakanga rakanaka zvakadini? Nhoroondo yeBhaibheri inotaura kuti zvakanga zva“kanaka,” “zvakanaka kwazvo.” (Genesi 1:4, 31) Kutaura zvazviri, zvakasikwa zvi“noparidzira kubwinya kwaMwari,” saka nesuwo tinofanira kumurumbidza!—Pisarema 19:1; 148:1.

Zvisinei, basa raMwari harina kugumira pakusika matenga atinoona nepasi nevanhu vaviri vokutanga. Mwanakomana waJehovha, Jesu Kristu, akati: “Baba vangu vave vachishanda kusvikira zvino.” (Johani 5:17) Chokwadi, Jehovha ari kuramba achishanda kuburikidza nokutarisira zvisikwa zvake, kuchengetedza zvaakasika, nokuponesa vanamati vake vakatendeka. (Nehemia 9:6; Pisarema 36:6; 145:15, 16) Anotoshandisa vanhu, “vashandi pamwe naMwari,” kuti vamubatsire kuita mamwe mabasa.—1 VaKorinde 3:9.

Basa rinogona kuva chikomborero. Bhaibheri haritauri here kuti basa kutukwa? Pana Genesi 3:17-19 pangaratidza sepanoreva kuti Mwari akaranga Adhamu naEvha pamusana pokupanduka kwavakaita nokuvapa basa rakawanda. Paakapa mutongo vanhu vaviri vaya vokutanga, kuna Adhamu, Mwari akati: “Uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira uchidzokera kuvhu.” Mutongo uyu waiva nechokuita nebasa chete here?

Kwete. Pane izvozvo, nemhaka yokusatendeka kwaAdhamu naEvha, Paradhiso yeEdheni yakanga isingazowedzerwi panguva iyoyo. Ivhu rakatukwa naMwari. Ziya nokushanda zvakaoma zvaidiwa kuti munhu awane chouviri kubva muvhu.—VaRoma 8:20, 21.

Pane kuratidza basa sokutukwa, Bhaibheri rinoratidza kuti chikomborero chinofanira kukosheswa. Sezvataurwa pamusoro apa, Mwari pachake mushandi anoshanda nesimba. Zvaakasika vanhu nomufananidzo wake, Jehovha akavapa mano uye simba rokutarisira zvisikwa zvake zvepasi. (Genesi 1:26, 28; 2:15) Basa iroro vakaripiwa Mwari asati ataura mashoko ari pana Genesi 3:19. Kudai basa raiva kutukwa uye rakaipa, Jehovha angadai asina kumbokurudzira vanhu kuti variite. Noa nemhuri yake vaiva nebasa rakawanda rokuita Mafashamo asati aitika uye azoitika. (Genesi 9:1-7) Pashure pokunge Jesu auya panyika, vadzidzi vaJesu vakakurudzirwawo kushanda.—1 VaTesaronika 4:11.

Kunyange zvakadaro, tose tinoziva kuti mazuva ano basa rinogona kuva mutoro unorema. Kuzvidya mwoyo, njodzi, kufinhwa, kuodzwa mwoyo, makwikwi, unyengeri, uye kusaruramisira inongova mimwe “minzwa noutumbambeva” ine chokuita nebasa. Asi basa pacharo hakusi kutukwa. Pana Muparidzi 3:13, Bhaibheri rinoti basa nezvibereko zvaro chipo chinobva kuna Mwari.—Ona bhokisi rinoti “Kukurira Kuzvidya Mwoyo Kunokonzerwa Nebasa.”

Unogona kurumbidza Mwari nebasa rako. Kushanda zvakanaka nounyanzvi pabasa kwagara kuchirumbidzwa. Kuita basa zvakanaka ndechimwe chinhu chinokosheswa neBhaibheri. Mwari pachake anoita basa rake nounyanzvi. Akatipa zvipo nemano, uye anoda kuti tishandise unyanzvi hwedu nevavariro yakanaka. Somuenzaniso, paivakwa tabhenekari muIsraeri yekare, Jehovha akapa vanhu vakadai saBhezareri naOhoriabhi njere, nzwisiso, uye zivo, zvikaita kuti vakwanise kuita mamwe mabasa aida unyanzvi. (Eksodho 31:1-11) Izvi zvinoratidza kuti Mwari akafarira chaizvo zvaizoitwa nebasa ravo, umhizha hwavo, marongero avaizoriita, nezvimwewo zvinhu zvaiva nechokuita nebasa ravo.

Izvi zvine zvazvinoita chaizvo pamaonero atinoita mano edu nemashandiro edu. Zvinotibatsira kuona izvozvi sezvipo zvinobva kuna Mwari, zvatisingafaniri kurerutsa. Saka, vaKristu vanokurudzirwa kuita basa ravo sokunge kuti Mwari ari kuongorora mashandiro avo: “Zvose zvamunoita, zvishandei nemweya wose sokuna Jehovha, kwete kuvanhu.” (VaKorose 3:23) Vashumiri vaMwari vanorayirwa kushanda basa ravo zvakanaka, zvichiita kuti shoko rechiKristu rikwezve vamwe nevavanoshanda navo.—Ona bhokisi rinoti “Kushandisa Mazano eBhaibheri Pabasa.”

Tichifunga nezveizvi, zvakanaka kuzvibvunza kuti chii chatinoita kuti basa redu rive rakanaka uye tinoshingaira zvakadini. Mwari angafara nebasa redu here? Tiri kunyatsogutsikana nemaitiro atinoita mabasa here? Kana tisiri, tinogona kuvandudza.—Zvirevo 10:4; 22:29.

Ita kuti basa nezvokunamata, chimwe nechimwe chiwane nguva yakachikodzera. Kunyange zvazvo kushanda nesimba kuchirumbidzwa, pane chimwezve chinhu chinokosha chinoita kuti ugutsikane nebasa noupenyu. Zvinhu zvokunamata. Mambo Soromoni, uyo akashanda nesimba uye akawana upfumi hwose nezvimwe zvinhu zvakanaka zviri muupenyu, akagumisa achiti: “Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.”—Muparidzi 12:13.

Zviri pachena kuti tinofanira kufunga nezvokuita kuda kwaMwari muzvinhu zvose zvatinoita. Tiri kuita kuda kwake here, kana kuti zvinopesana nokuda kwake? Tiri kuedza kufadza Mwari here, kana kuti tiri kungoedza kuzvifadza? Kana tikasaita kuda kwaMwari, tinozotambura nemarwadzo okuora mwoyo, kusurukirwa, uye kusava nechinangwa.

Steven Berglas akataura kuti vakuru vakuru vevashandi vanoneta zvokurukutika kwazvo ‘vanowana chinhu chinokosha chavanofarira vobva vachiita.’ Hapana chinhu chinokosha zvikuru kudarika chokushandira Uyo akatipa unyanzvi nemano okuita basa rine zvarinoreva. Kuita basa rinofadza Musiki wedu kunotisiya tichigutsikana. Kuna Jesu, basa raakapiwa naJehovha raizorodza, raigutsa, uye raivaka sezvinongoita zvokudya. (Johani 4:34; 5:36) Uye yeuka kuti Mwari, Mushandi Mukuru, anotikumbira kuti ‘tishande pamwe chete naye.’—1 VaKorinde 3:9.

Kunamata Mwari nokukura mune zvokunamata kunotigadzirira basa rinogutsa uye mutoro. Sezvo kwatinoshandira kuchiwanzonge kwakazara nezvinetso, kukakavadzana, uye kuzvidya mwoyo, kutenda kwedu kwakadzika midzi nezvatinoita pakunamata zvinogona kutipa simba ratinoda sezvatinoedza kuva vashandi kana kuti vashandirwi vakanaka. Ukuwo, zviri muupenyu munyika ino isingadi Mwari zvinogona kutibatsira kuona kuti ndepapi patinoda kukura mukutenda.—1 VaKorinde 16:13, 14.

Basa Parichange Rava Chikomborero

Vaya vari kushanda nesimba kushumira Mwari vanogona kutarisira nguva yaachadzorera Paradhiso uye nyika yose paichazara nemabasa anobatsira. Isaya, muprofita waJehovha, akafanotaura zvichange zvakaita upenyu panguva iyoyo achiti: “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya. . . . Vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa emaoko avo.”—Isaya 65:21-23.

Zvechokwadi basa richava chikomborero panguva iyoyo! Kana ukadzidza zvinodiwa naMwari kwauri woita maererano nazvo, uchavawo pakati pevachakomborerwa naJehovha uye uchagara ‘uchifarira zvinhu zvakanaka pakubata kwako kwose.’—Muparidzi 3:13.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]

Mwari Ndiye Mushandi Mukuru: Genesi 1:1, 4, 31; Johani 5:17

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]

Basa rinogona kuva chikomborero: Genesi 1:28; 2:15; 1 VaTesaronika 4:11

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]

Unogona kurumbidza Mwari nebasa rako: Eksodho 31:1-11; VaKorose 3:23

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]

Ita kuti basa nezvokunamata, chimwe nechimwe chiwane nguva yakachikodzera: Muparidzi 12:13; 1 VaKorinde 3:9

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

Kukurira Kuzvidya Mwoyo Kunokonzerwa Nebasa

Vanamazvikokota vokurapa vakati kuzvidya mwoyo kunokonzerwa nokushanda injodzi pabasa. Kunogona kukonzera maronda nokuora mwoyo uye kungatoita kuti munhu azviuraye. Vanhu vokuJapan vane shoko racho—karoshi, “rufu runokonzerwa nokushanda zvakapfurikidza.”

Zvimwe zvinhu zvakasiyana-siyana zvine chokuita nebasa zvingakonzera kuzvidya mwoyo. Izvi zvinosanganisira kuchinjwa kunoitwa maawa okushanda kana zvinotarisirwa pabasa racho, kunetsana nevanotungamirira pabasa, kuchinja mabasa kana kurega basa nokuda kwomudyandigere, uye kudzingwa basa. Vachida kunzvenga kuzvidya mwoyo kunokonzerwa nezvinhu izvi, vamwe vanoedza kunzvenga nokuchinja mabasa avo kana nzvimbo yokugara. Vamwe vanoedza kuita sokuti havasi kuzvidya mwoyo, vozongoona vava kuzvidya mwoyo mune zvimwe zvinhu zvoupenyu, zvikurukuru mumhuri. Vamwe vanhu vanototambura mupfungwa, zvichiita kuti vaore mwoyo uye vasava netariro.

VaKristu vakanyatsoshongedzwa kuti vakunde kuzvidya mwoyo kunokonzerwa nebasa. Bhaibheri rinopa mashoko anoverengeka anotungamirira anogona kutibatsira munguva yakaoma zvichiguma nokuita kuti tive nepfungwa dzakanaka uye zvitinakire mune zvokunamata. Somuenzaniso, Jesu akati: “Musambofunganya pamusoro pezuva rinotevera, nokuti zuva rinotevera richava nekufunganya kwaro. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nouipi hwaro.” Zviri kukurudzirwa pano ndezvokufunga nezvezvinetso zvanhasi, kwete zvamangwana. Saka hatitori zvinetso zvedu sezvinhu zvikuru kupfuura zvazviri, tichibva tanyanya kuzvidya mwoyo.—Mateu 6:25-34.

Zvinokosha kuti vaKristu vavimbe nesimba raMwari, kwete ravo. Kana tikafunga kuti hatichazivi chokuita, Mwari anogona kutipa rugare nomufaro mumwoyo yedu, uye kutipa uchenjeri hwokukunda chero dambudziko ripi zvaro. “Rambai muchiwana simba munaShe,” akanyora kudaro muapostora Pauro.—VaEfeso 6:10; VaFiripi 4:7.

Chokupedzisira ndechokuti zvinhu zvinokonzera kuzvidya mwoyo zvinogona kuguma nezvakanaka. Miedzo inogona kuita kuti tiende kuna Jehovha, tichimutsvaka uye tichivimba naye. Inogona kuitawo kuti tirambe tichiumbiridza unhu hwechiKristu uye tikwanise kutsungirira munguva yezvinetso. Pauro anotikurudzira kuti: “Ngatifarei zvikuru patinenge tiri pakutambudzika, sezvo tichiziva kuti kutambudzika kunobereka kutsungirira; kutsungirira kuchibereka kutenderwa; kutenderwa kuchibereka tariro.”—VaRoma 5:3, 4.

Saka kuzvidya mwoyo kunogona kuita kuti tiwedzere kukura mune zvokunamata pane kutiodza mwoyo uye kutirwadza.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]

Kushandisa Mazano eBhaibheri Pabasa

Maonero omuKristu uye kuzvibata kwaanoita pabasa zvinogona kuita kuti shoko reBhaibheri rikwezve vaanoshanda navo nevamwe. Mutsamba yaakanyorera Tito, muapostora Pauro akakurudzira vaya vanoshanda vari pasi pevamwe kuti “vazviise pasi [pevakuru vavo vebasa] muzvinhu zvose, vavafadze zvakanaka, vasingakakavari, vasingabi, asi vachiratidza zvizere kuvimbika kwakanaka, kuti vashongedze dzidziso yoMuponesi wedu, Mwari, muzvinhu zvose.”—Tito 2:9, 10.

Somuenzaniso, chimbofunga nezvemashoko akanyorwa nomumwe muzvinabhizimisi kudzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha: “Ndiri kunyora ndichikumbira mvumo yokupinza basa Zvapupu zvaJehovha. Ndinoda kuvahaya nokuti ndinonyatsoziva kuti vakavimbika, vanoita zvinhu nomwoyo wose, uye vanovimbwa, uye havabiri munhu. Zvapupu zvaJehovha ndizvo chete vanhu vandinonyatsovimba. Ndapota ndibatsirei.”

Kyle muKristu anoshanda panosvikira vaeni pane chimwe chikoro chisiri chehurumende. Nemhaka yokusanzwisisana, mumwe waanoshanda naye akamutuka pamberi pevamwe vadzidzi vepachikoro ichi. “Ndaifanira kunyatsongwarira kuti ndirege kuzvidzisa zita raJehovha,” anoyeuka kudaro Kyle. Kwemazuva mashanu akatevera, Kyle akafunga kuti angashandisa sei mazano eBhaibheri. Rimwe racho rinowanika pana VaRoma 12:18 rinoti: “Kana zvichibvira, sokugona kwenyu, ivai norugare nevanhu vose.” Akanyorera waanoshanda naye tsamba inoenda nomukombiyuta ndokukumbira ruregerero pane kusawirirana kwakanga kwaitika pakati pavo. Kyle akakumbira waanoshanda naye kuti ambomira pashure pebasa kuitira kuti vagadzirise chinetso chavo. Pavakaita izvozvo, anoshanda naKyle akadzora mwoyo wake ndokubvuma uchenjeri hwakashandiswa naKyle. Akati kuna Kyle, “Zvinofanira kunge zviine chokuita nechitendero chako” uye akamumbundira noushamwari ndokubva vaonekana zvakanaka. Kyle anogumisa achitii? “Nguva dzose zvakanaka kushandisa mazano eBhaibheri.”

[Mufananidzo uri papeji 4, 5]

Vashandi vakawanda vanoona sokuti vanhuwo zvavo vanongoshandiswa pasina

[Kwazvakatorwa]

Japan Information Center, Consulate General of Japan in NY

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]

Globe: NASA photo