Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuparidzira Munyika Yaiva Yakakurumbira chiKristu Pakutanga

Kuparidzira Munyika Yaiva Yakakurumbira chiKristu Pakutanga

Kuparidzira Munyika Yaiva Yakakurumbira chiKristu Pakutanga

ITALY, kamukwavarara kakaita seshangu kanonopinda muGungwa reMediterranean, yave iri nzvimbo inoitwa zvechitendero nezvetsika zvakachinja zviitiko zvomunyika yose zvayo. Inyika inokwezva mamiriyoni evashanyi nokunaka kwakaita nzvimbo dzayo dzakasiyana-siyana, mabasa ayo ounyanzvi ane mukurumbira, uye zvokudya zvayo zvinonaka. Iyiwo inyika iri kubudirira munyaya yedzidzo yeBhaibheri.

ChiKristu chechokwadi chingave chakatanga kusvika kuRoma—guta guru renyika yaimbova nesimba pane nyika dzose—apo vaJudha nevatendeuki vakava vaKristu paPendekosti ya33 C.E. vakadzokera kumusha vachibva kuJerusarema. Munenge muna 59 C.E., muapostora Pauro akashanyira Italy kokutanga. Ari muPuteori pamhenderekedzo yegungwa, aka“wana hama” dzaitenda.—Mabasa 2:5-11; 28:11-16.

Sezvakanga zvafanotaurwa naJesu nevaapostora, zana remakore rokutanga C.E. risati rapera, mapoka evakaramba kutenda akabva muchiKristu chechokwadi zvishoma nezvishoma. Zvisinei, mamiriro ezvinhu akaipa enyika ino asati aguma, vadzidzi vaJesu vechokwadi vakafambisira mberi kuparidzwa kwemashoko akanaka munyika yose—kusanganisira muItaly.—Mateu 13:36-43; Mabasa 20:29, 30; 2 VaTesaronika 2:3-8; 2 Petro 2:1-3.

Mavambo Anoodza Mwoyo

Muna 1891, Charles Taze Russell, uyo aitungamirira basa rokuparidza romunyika yose reVadzidzi veBhaibheri (sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha mazuva iwayo), akashanyira mamwe maguta eItaly kokutanga. Akabvumawo kuti zvakazoitika pashure pokunge aita ushumiri hwake ikoko zvakanga zvisinganyanyi kukurudzira: “Hatina chatakawana muItaly chakatikurudzira kuti tive netariro yokuti pane chataizokohwa.” Mumatsutso a1910, Hama Russell vakadzokera kuItaly ndokupa hurukuro yeBhaibheri muimba iri pakati peRome yakanga yakagadzirirwa kurovedza muviri. Zvakaguma nei? Vakati, “Musangano wacho wose zvawo waiodza mwoyo.”

Kutaura zvazviri, kwemakumi emakore akati, basa rokuparidza mashoko akanaka muItaly raifambira mberi zvishoma nezvishoma, zvimwewo nemhaka yokuti Zvapupu zvaJehovha zvaitambudzwa noutongi hwoudzvinyiriri hwechiFascist. Munguva iyoyo, munyika yacho makanga muine Zvapupu zvaJehovha zvisingadariki 150, vazhinji vacho vakanga vadzidziswa chokwadi cheBhaibheri nehama dzavo kana kuti neshamwari dzavo dzaigara kune dzimwe nyika.

Kufambira Mberi Zvinoshamisa

Pashure peHondo Yenyika II, mamishinari akati wandei akatumirwa kuItaly. Asi sezvinoratidzwa nemagwaro akawanikwa munzvimbo yaichengeterwa magwaro eHurumende, vanhu vaiva nezvinzvimbo zvepamusoro muchechi yeVatican vakakumbira hurumende kuti idzinge mamishinari acho. Mamishinari akamanikidzwa kubuda munyika yacho, kusara kwevashomanana vavo.

Pasinei nezvipingamupinyi izvi, mapoka evanhu muItaly akatanga kukwira achienda ku“gomo” rokunamatwa kwaJehovha. (Isaya 2:2-4) Kuwedzera kwave kuchiita Zvapupu kunoshamisa. Muna 2004 paiva nenhamba yepamusoro yevaparidzi vemashoko akanaka 233 527, muparidzi mumwe chete pavagari 248 vomunyika yacho, uye 433 242 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Paiva neungano dzeZvapupu zvaJehovha 3 049 dzaiungana muDzimba dzoUmambo dzakanaka.

Kuparidza Nemitauro Yakawanda

Munguva pfupi yapfuura, zvimwe zvikamu zvevanhu vacho zvakati wedzerei. Vakawanda vanobva kuAfrica, Asia, uye Eastern Europe vanouya kuItaly kuzotsvaka basa kana kuti upenyu huri nani, kana kuti pamwe pacho vamwe vanenge vachitiza mamiriro ezvinhu anosuruvarisa. Mamiriyoni aya angabatsirwa sei mune zvokunamata?

Zvapupu zvakawanda zvokuItaly zvakabvuma kuita basa rakaoma rokudzidza mitauro yokumwe, yakadai seAlbanian, Amharic, Arabic, Bengali, Chinese, Punjabi, Sinhala, uye Tagalog. Kutanga muna 2001, kosi dzemitauro dzakaitwa kuti vaya vaida vadzidziswe kuparidza nemitauro yokumwe. Mumakore matatu apfuura, Zvapupu 3 711 zvakapinda kosi 79 dzakaitwa mumitauro 17 yakasiyana-siyana. Izvi zvakaita kuti vakwanise kutanga uye kusimbisa ungano 146 nemapoka 274 anotaura mitauro 25. Saka vanhu vakawanda vanoda nomwoyo wose vakanzwa mashoko akanaka uye vakatanga kudzidza Bhaibheri. Kazhinji zvinozoitika zvacho zvinoshamisa.

Mumwe weZvapupu zvaJehovha akataura nezveBhaibheri kuna George, mumwe murume wokuIndia anotaura Malayalam. Kunyange zvazvo aiva nematambudziko akakura kubasa, George akabvuma kudzidza Bhaibheri achifara. Kwapera mazuva mashomanana, shamwari yaGeorge inonzi Gil, mumwe murume wokuIndia anotaura Punjabi akaenda kuImba yoUmambo, uye akatanga kudzidziswa Bhaibheri. Gil akaudza Zvapupu nezvaDavid, mumwe murume wokuIndia anotaura Telugu. Nenguva isipi David akanga ava kudzidzawo Bhaibheri. Vamwe varume vaviri vokuIndia, Sonny naShubash, vaigara paimba imwe chete naDavid. Vose vakatangawo kudzidza Bhaibheri.

Kwapera vhiki dzakati, Zvapupu zvakaridzirwa runhare naDalip, mumwe murume anotaura Marathi. Akati: “Ndiri shamwari yaGeorge. Zvingaita kuti mundidzidzisewo Bhaibheri here?” Zvadaro kwakauya Sumit, murume aitaura Tamil. Pakupedzisira, imwe shamwari yaGeorge yakaridza runhare, ichikumbira kudzidziswa Bhaibheri. George akabva azouya nerimwe jaya rinonzi Max kuImba yoUmambo. Rakakumbirawo kudzidziswa. Iye zvino, vanhu vatanhatu vari kudzidziswa Bhaibheri, uye urongwa hwokuti vamwe vanhu vana vadzidziswe huri kuitwa. Vanodzidziswa neChirungu, kunyange zvazvo pachishandiswawo mabhuku eHindi, Malayalam, Marathi, Punjabi, Tamil, Telugu, uye Urdu.

Matsi “Dzinonzwa” Mashoko Akanaka

MuItaly mune matsi dzinopfuura 90 000. Nechepakati pema1970, Zvapupu zvakatanga kufunga nezvokudzidzisa matsi idzi chokwadi cheBhaibheri. Pakutanga, zvimwe Zvapupu zvaiva matsi zvakadzidzisa Mutauro Wemasaini wokuItaly vamwe vazvaishumira nazvo vaida kubatsira mundima iyoyo. Zvadaro matsi dzakawanda dzakatanga kuratidza kuti dzaifarira Bhaibheri. Nhasi, vanhu vanopfuura 1 400 vanoshandisa Mutauro Wemasaini wokuItaly vari kupinda misangano yechiKristu. Vanhu vari muungano 15 nemapoka 52 vanoita misangano vachishandisa Mutauro Wemasaini wokuItaly.

Pakutanga, kuparidzira matsi kwainyanya kuitwa neZvapupu somunhu mumwe nomumwe. Asi muna 1978, hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha yokuItaly yakatanga kuronga kokorodzano dzematsi. Muna May wegore iroro, pakapiwa chiziviso kuti pakokorodzano yaizotevera kuMilan, paizova nezvikamu zvepurogiramu zvematsi. Gungano redunhu rokutanga rematsi rakaitirwa paImba yeMagungano iri kuMilan muna February 1979.

Kubvira ipapo hofisi yebazi yave ichinyanya kufunga nezvokuti matsi dziwane zvokudya zvine chokuita nokunamata nokukurudzira vaparidzi vakawanda kuti vavandudze unyanzvi hwavo hwomutauro uyu. Kubvira muna 1995, mapiyona chaiwo, (vaparidzi venguva yakazara) ave achitumirwa kune mamwe mapoka kuti anodzidzisa Zvapupu zviri matsi kuita ushumiri uye kuronga misangano yechiKristu. Dzimba dzeMagungano nhatu dzine mavhidhiyo achangoburwa anobatsira kuti vaone purogiramu zvakanaka. Uyewo pane makaseti evhidhiyo emabhuku echiKristu anopa matsi zvokudya zvine chokuita nokunamata.

Vanocherechedza vakaona kuti Zvapupu zvinotarisira zvakanaka zvinhu zvinodiwa nematsi pakunamata. P@role & Segni, magazini yakabudiswa neItalian Deaf Society, yakataura mashoko aiva mutsamba yakanyorwa nomumwe mufundisi weKaturike: “Kuva matsi kwakaoma pakuti matsi inoda kutarisirwa nguva dzose. Somuenzaniso, inosvika yoga pachechi isina dambudziko, asi inoda kubatsirwa nomuturikiri kuti inzwe zvose zviri kuverengwa, zviri kutaurwa, kana zviri kuimbwa nguva inenge ichiitwa minamato.” Magazini yacho inoenderera mberi ichiti: “Mufundisi wacho anobvuma kuti zvinosuruvarisa kuti chechi haisati yagadzirira kutarisira vakaremara, uye anotaura kuti matsi dzakawanda dzinototarisirwa zviri nani kuDzimba dzoUmambo dzeZvapupu zvaJehovha kupfuura muchechi yake.”

Vasungwa Vanoparidzirwa Mashoko Akanaka

Munhu angasununguka here iye ari mujeri? Hungu, nokuti Shoko raMwari rine simba roku‘sunungura’ vaya vanorigamuchira uye vanorishandisa muupenyu hwavo. Shoko rakaziviswa naJesu “kune vakatapwa” raiva rokusunungurwa pachivi uye pachitendero chenhema. (Johani 8:32; Ruka 4:16-19) MuItaly migumisiro yakanaka iri kuwanikwa nokuparidza mumajeri. Vashumiri veZvapupu zvaJehovha vanoda kusvika 400 vakabvumirwa neHurumende kuti vashanyire vasungwa kuitira kuti vavabatsire mune zvokunamata. Zvapupu zvaJehovha ndiro raiva sangano rokutanga risiri revaKaturike rakakumbira rikabvumirwa kudaro.

Shoko reBhaibheri ringaparadzirwa munzira dzisingambofungirwi. Vasungwa vanotaura nevamwe vavo nezvebasa rokudzidzisa Bhaibheri rinoitwa neZvapupu zvaJehovha. Vamwe vevasungwa ivavowo vakakumbira kushanyirwa nomushumiri ari Chapupu. Kana kuti nhengo dzemhuri dzakatanga kudzidza Bhaibheri dzinokurudzira vasungwa kuti vakumbire kushanyirwa neZvapupu. Vamwe vasungwa vakatongerwa kugara mujeri kwoupenyu hwavo hwose nokuti vakauraya munhu kana kuti nokuda kwedzimwe mhosva dzakakomba vakapfidza uye vakachinja upenyu hwavo zvinoshamisa. Izvi zvinoita kuti vagadzirire kuzvitsaurira kuna Jehovha Mwari uye kubhabhatidzwa.

Mumajeri akawanda, urongwa hwakaitwa hwokuti papiwe hurukuro dzavose dzinenge dzichitaura nezvenyaya dzomuBhaibheri, kuti Chirangaridzo chorufu rwaJesu chichengetwe, uye kuti makaseti evhidhiyo epurogiramu dzomuBhaibheri anobudiswa neZvapupu zvaJehovha aratidzwe. Kazhinji vasungwa vakawanda vanopinda misangano iyi.

Kuti zvibatsire vanhu vari mumajeri nenzira dzinoshanda, Zvapupu zvaJehovha zvakaparadzira kwose kwose magazini ane nyaya dzichabatsira vasungwa. Imwe magazini yakadaro iMukai! yaMay 8, 2001, yaikurukura nyaya inoti “Vasungwa Vanogona Kuchinjwa Here?” Magazini yaApril 8, 2003 yaiva nomusoro waiti “Kushandisa Zvinodhaka Mumhuri—Mungaitei?” Zviuru zvemagazini aya zvakagoverwa vasungwa. Somugumisiro, mazana anoverengeka evasungwa ari kudzidziswa Bhaibheri. Vamwe varindiri vomumajeri vakaratidzawo kufarira shoko reBhaibheri.

Pashure pokunge awana mvumo chaiyo kuvakuru vakuru, mumwe musungwa anonzi Costantino akabhabhatidzirwa paImba yoUmambo muSan Remo, paine Zvapupu 138 zvomuungano iyoyo. “Ndakaratidzwa rudo zvikuru,” akadaro Costantino, uyo akanga abayiwa mwoyo zvainyatsooneka pashure pokubhabhatidzwa. Rimwe pepanhau reikoko rakanyora mashoko akataurwa nomutarisiri wejeri racho richiti: “Zvinofadza chaizvo . . . kuti takamubvumira kuti aende. Zvinhu zvose zvinogona kubatsira kuchinja kwomusungwa mumagariro ake, iye somunhu, uye kuchinja mune zvokunamata zvinofanira kufungwa nezvazvo.” Mudzimai waCostantino nomwanasikana wake vakafara chaizvo nenzira iyo zivo yakarurama yeBhaibheri yakachinja nayo upenyu hwaCostantino: “Tinodada navo nokuda kwokuchinja kwavaita. Vaita kuti tive norugare, uye vari kuramba vachiwedzera kuva nehanya nesu. Tava kuvavimbazve uye kuvaremekedza zvakare.” Ivowo vakatanga kudzidza Bhaibheri uye kupinda misangano yechiKristu.

Sergio, uyo akanzi aiva nemhosva yokuba, kuita ugororo achishandisa pfuti, kupinza zvinodhaka munyika nechitsotsi, uye kuuraya, akatongerwa kugara mujeri kusvikira muna 2024. Pashure pokunge aongorora Magwaro kwemakore matatu uye achinja zvakawanda muupenyu hwake, Sergio akasarudza kuti abhabhatidzwe. Pajeri rePorto Azzurro riri pachitsuwa cheElba, ndiye musungwa wechi15 kubhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Akabhabhatidzirwa mune rimwe dziva duku rakagadzirwa panhandare yemitambo pajeri vamwe vasungwa vanoverengeka varipo.

Leonardo, uyo akatongerwa kugara mujeri kwemakore 20, akawana mvumo chaiyo yokunobhabhatidzirwa paImba yoUmambo muParma. Achibvunzurudzwa nepepanhau romunharaunda iyoyo, Leonardo akataura kuti aida “kujekesa kuti akanga asarudza kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha, kwete kuti awane mabudiro mujeri, asi kuti azadzikise chido chechokwadi chezvokunamata.” Leonardo akati: “Ndave ndichikanganisa zvakawanda muupenyu hwangu, asi izvozvo ndakazvisiya. Ndakachinja, kunyange hangu ndisina kungoerekana ndachinja. Ndichafanira kuramba ndichiita zvakarurama.”

Salvatore, ane mhosva yokuponda, ari mujeri rinochengetedzwa zvikuru reSpoleto. Kubhabhatidzirwa kwake pajeri kwakashamisa vakawanda. Mutarisiri wejeri weikoko akati: “Chisarudzo chinoita kuti munhu agarisane nevamwe vose chinokosha uye chinofanira kukurudzirwa, kuti vari mujeri nevamwe vosewo zvawo vabatsirike.” Nemhaka yokuchinja kwakaita Salvatore, iye zvino mudzimai wake nomwanasikana wake vari kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Mumwe musungwa akaparidzirwa naSalvatore akabhabhatidzwa somushumiri waJehovha akazvitsaurira.

Kumwe kuwedzera kwechiKristu pakutanga kwakaitika muItaly. (Mabasa 2:10; VaRoma 1:7) Munguva ino yokukohwa, uye kuwedzera mune zvokunamata kuri kuramba kuchiitika munzvimbo idzo Pauro nevaKristu vaainamata navo vakatamburira kuti vaparidze mashoko akanaka.—Mabasa 23:11; 28:14-16.

[Mepu iri papeji 13]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

ITALY

Rome

[Mifananidzo iri papeji 15]

Imba yeMagungano yeBitonto uye Ungano yoMutauro Wemasaini wokuItaly muRome

[Mufananidzo uri papeji 16]

Vasungwa vari ‘kusunungurwa’ nechokwadi cheBhaibheri

[Mifananidzo iri papeji 17]

Kuwedzera mune zvokunamata kuri kuramba kuchiitika munyika yaimbova yakakurumbira chiKristu pakutanga