Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinogona Kutsungirira Muedzo Chero Upi Zvawo!

Tinogona Kutsungirira Muedzo Chero Upi Zvawo!

Tinogona Kutsungirira Muedzo Chero Upi Zvawo!

PANE muedzo wauri kutarisana nawo pari zvino muupenyu hwako here? Unonzwa usina tariro, usingakwanisi kuutsungirira here? Dzimwe nguva unotombotya kuti chinetso chako chakasiyana nezvimwe uye kuti hachigadzirisiki here? Kana zvakadaro, shinga! Pasinei nemiedzo chero ipi zvayo yatingatarisana nayo, Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari anogona kuita kuti tiitsungirire.

Bhaibheri rinobvuma kuti vashumiri vaMwari vacha“sangana nemiedzo yakasiyana-siyana.” (Jakobho 1:2) Ona shoko rokuti “yakasiyana-siyana” (muchiGiriki ndipoi·kiʹlos). Maererano nemashandisirwo araiitwa kare, shoko repakutanga rinoreva “yakawanda uye yakasiyana-siyana” kana kuti “yorudzi rwakasiyana-siyana” uye rinosimbisa “kusiyana-siyana kwemiedzo yacho.” Saka, nenzira yokufananidzira “miedzo yakasiyana-siyana” miedzo inouya mumarudzi akawanda. Kunyange zvakadaro, Jehovha anotitsigira kuitira kuti titsungirire mumwe nomumwe wayo. Nei tingava nechokwadi chaizvozvo?

‘Mutsa waMwari Usina Kufanirwa Unoratidzwa Munzira Dzakasiyana-siyana’

Muapostora Petro anoti vaKristu vano“shungurudzwa nemiedzo yakasiyana-siyana.” (1 Petro 1:6) Pava paya mutsamba yake yakafuridzirwa anoti, “mutsa usina kufanirwa waMwari unoratidzirwa munzira dzakasiyana-siyana.” (1 Petro 4:10) Mashoko eChirungu akazoshandurwa kuti “yakasiyana-siyana” ane shoko rakada kufanana neshoko rimwe chete romuchiGiriki chekare. Ichitaura nezvemashoko aya, imwe nyanzvi yeBhaibheri inoti: “Iyi ipfungwa yakakosha. . . . Kutaura nezvengoni [kana kuti mutsa usina kukodzera] dzaMwari tichiti poikilos zvinoreva kuti hapana mamiriro ezvinhu anotarisana nevanhu akasiyana-siyana ayo ngoni dzaMwari dzisingagoni kukurira.” Anoenderera mberi achiti: “Hapana mamiriro ezvinhu angavapo, hapana dambudziko ringaitika, kana kuti chimwe chinhu chinoda kukurumidzirwa chisingagoni kugadziriswa nengoni dzaMwari, uye chisingagoni kukundwa nengoni dzaMwari. Hapana chero chii zvacho muupenyu chisingagoni kugadziriswa nengoni dzaMwari. Shoko iri rinonyatsorondedzera rokuti poikilos rinoita kuti tinyatsoyeuka kuti ngoni dzaMwari dzaanoratidza muzvinhu zvakasiyana-siyana zvechokwadi dzakakwana kuti titsungirire zvinhu zvose.”

Mutsa waMwari Unotibatsira Kutsungirira Miedzo

Maererano naPetro, imwe nzira inooneka kushanda kwomutsa waMwari usina kufanirwa ndeyokushandisa kwaanoita vanhu vakasiyana-siyana vanoumba Ungano yechiKristu. (1 Petro 4:11) Mushumiri waMwari mumwe nomumwe ane zvipo zvomudzimu, kana kuti mano, zvingakurudzira vaya vanenge vachitarisana nemiedzo. (VaRoma 12:6-8) Somuenzaniso, vamwe vari muungano vanogona kudzidzisa Bhaibheri chaizvo. Mashoko avo ouchenjeri anokurudzira vamwe kutsungirira. (Nehemia 8:1-4, 8, 12) Vamwe vanogara vachishanyira vaya vanenge vachida kutsigirwa kuti vavafudze. Kushanya kwakadaro inguva yokukurudzira, ‘yokunyaradza mwoyo.’ (VaKorose 2:2) Vatariri pavanoshanya saizvozvo kuti vasimbise vamwe pakutenda, vanenge vachipa chipo mune zvokunamata. (Johani 21:16) Muungano munotova nevamwe vanozivikanwa noushamwari, tsitsi, uye unyoro pavanenge vaine vavanonamata navo vanenge vakasuwa pamusana pemiedzo. (Mabasa 4:36; VaRoma 12:10; VaKorose 3:10) Kunzwira tsitsi uye kubatsira kunoitwa nehama nehanzvadzi dzine rudo dzakadaro kuratidzwa kunokosha kana kuti “ruvara” rwomutsa waMwari usina kufanirwa.—Zvirevo 12:25; 17:17.

“Mwari Wokunyaradza Kwose”

Kupfuura zvose, Jehovha anonyaradza. Iye ndi“Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” (2 VaKorinde 1:3, 4) Uchenjeri hunowanikwa muShoko raMwari rakafuridzirwa uye simba rinopiwa nomudzimu wake mutsvene ndidzo nzira huru idzo Jehovha anopindura nadzo minyengetero yedu yokuda kubatsirwa. (Isaya 30:18, 21; Ruka 11:13; Johani 14:16) Tinogona kukurudzirwa nevimbiso yakafuridzirwa yakaitwa nomuapostora Pauro. Akati: “Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.”—1 VaKorinde 10:13.

Chokwadi, pasinei nokuti muedzo wedu une “ruvara” rwakadini kana kuti ndeworudzii, nguva dzose pachava “noruvara,” kana kuti kuratidzwa kwomutsa waMwari usina kufanirwa unogona kuukurira. (Jakobho 1:17) Kutsigira kwaJehovha kunouya panguva uye kwakakodzera nokuda kwevashumiri vake—pasinei nokuti miedzo kana kuti zvinetso zvavo zvakasiyana-siyana sei—humwe uchapupu hwo“uchenjeri hwaMwari hwakasiyana-siyana zvikuru.” (VaEfeso 3:10) Haubvumirani nazvo here?

[Mifananidzo iri papeji 31]

Jehovha anotibatsira kutsungirira miedzo yedu