Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vabereki, Goverai Zvinodiwa Nemhuri Yenyu

Vabereki, Goverai Zvinodiwa Nemhuri Yenyu

Vabereki, Goverai Zvinodiwa Nemhuri Yenyu

“Kana munhu asingagoveri avo vari vokwake, . . . aramba kutenda.”—1 Timoti 5:8.

1, 2. (a) Nei zvichikurudzira kuona mhuri dzichipinda misangano yechiKristu pamwe chete? (b) Mhuri dzinosangana nezvinetso zvipi kuti dzisvike pamisangano nenguva?

PAUNOTARIRA muungano yechiKristu misangano isati yatanga, ungaona vana vakachena uye vakanyatsopfeka zvakanaka vachigara pazvigaro zvavo pedyo nevabereki vavo. Hazvifadzi here kuona rudo ruri pachena mumhuri dzakadaro—kuda Jehovha uye kudanana? Zvisinei, zviri nyore kukanganwa kuti zvinoda kushanda nesimba kuita kuti mhuri isvike pamisangano nenguva.

2 Kazhinji, vabereki vanenge vakabatikana zvikuru muswere wose wezuva, uye manheru ezuva rinoitwa misangano, mhuri inotonyanya kubatikana. Zvokudya zvinoda kugadzirwa, mabasa epamba anoda kuitwa, uye basa rechikoro rinoitirwa kumba rinoda kupedzwa. Vabereki ndivo vanotakura mutoro unonyanya kurema, vachiva nechokwadi chokuti munhu wose akachena, adya, uye apedza kugadzirira nenguva. Chokwadi, zvinhu zvingaitika kuvana tisingatarisiri panguva isina kutombokodzera. Mukuru wacho anobvarura mbatya dzake paanenge achitamba. Muduku wacho anorasira pasi zvokudya zvake. Vana vanotanga kukakavadzana. (Zvirevo 22:15) Zvinoguma nei? Kunyange vabereki vakanyatsoronga zvinhu, zvingaguma zvaita manyama amire nerongo. Asi mhuri yacho inenge yava paImba yoUmambo dzinenge nguva dzose misangano isati yatanga. Zvinokurudzira chaizvo kuiona pamisangano vhiki nevhiki, gore negore, vana vacho zvavanokura voshumira Jehovha!

3. Tinoziva sei kuti Jehovha anokoshesa mhuri zvikuru?

3 Kunyange zvazvo pane dzimwe nguva basa rako somubereki ringaoma, kana kutokunetesa, iva nechokwadi chokuti Jehovha anokoshesa zvikuru zvaunoedza kuita. Jehovha ndiye Akatanga urongwa hwemhuri. Nokudaro Shoko rake rinoti mhuri imwe neimwe “inotumidzwa zita rayo”—kuti inzi iripo—naJehovha. (VaEfeso 3:14, 15) Naizvozvo imi vabereki pamunoedza kuita mabasa enyu emhuri zvakanaka, munokudza Changamire Ishe wezvose zvakasikwa. (1 VaKorinde 10:31) Iyoyo haisi ropafadzo yakakura here? Saka, zvakakodzera kuti tikurukure nezvebasa iro Jehovha akapa vabereki. Munyaya ino, tichakurukura nezvaro maererano nokugovera zvinodiwa nemhuri. Ngatikurukurei nzira nhatu idzo Mwari anotarisira vabereki kuti vagovere mhuri dzavo.

Kugovera Zvinhu Zvokunyama

4. Mumhuri, Jehovha akaita urongwa hupi hwokugovera zvinodiwa nevana?

4 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvechokwadi kana munhu asingagoveri avo vari vokwake, zvikurukuru avo vari mitezo yeimba yake, aramba kutenda uye akaipa zvikuru kupfuura munhu asina kutenda.” (1 Timoti 5:8) Pauro paakataura nezvo“munhu” pano, aifunga nezvaani? Aifunga nezvomusoro wemhuri, kazhinji baba. Mwari anopawo mukadzi basa rinokudzwa somubatsiri womurume wake. (Genesi 2:18) Vakadzi vomunguva yekare vaiwanzobatsira varume vavo kugovera zvinodiwa nemhuri. (Zvirevo 31:13, 14, 16) Mazuva ano, mhuri dzine mubereki mumwe dzatonyanya kuwanda. * Vabereki vechiKristu vakawanda vanorera vana vari voga vari kuita basa rakanaka chaizvo rokugovera zvinodiwa nemhuri dzavo. Chokwadi, zvinenge zvakanaka kuti mhuri ive nevabereki vose, baba vachitungamirira.

5, 6. (a) Vaya vanoedza kugovera mhuri dzavo zvinhu zvokunyama vanotarisana nezvinetso zvipi? (b) Vabereki vechiKristu vachabatsirwa kutsungirira kana vakaramba vachiona basa ravo rokunyika sei?

5 Pana 1 Timoti 5:8, Pauro aifunga nezvokugovera chii? Ndima dzakapoteredza dzinoratidza kuti akanga achitaura zvakananga nezvokugovera mhuri zvinhu zvokunyama. Munyika yanhasi, musoro wemhuri ungatarisana nezvipingamupinyi zvakawanda kuti ugovere zvinodiwa izvozvo. Nhamo yemari, zvigumura, kuwedzera kwourovha, uye kukwira kwemitengo yezvinhu zvokurarama nazvo hazvizivani pasi pose. Mubereki angabatsirwa nechii kuti akurire matambudziko akadaro?

6 Mubereki anofanira kuyeuka kuti ari kuita basa raakapiwa naJehovha. Mashoko akafuridzirwa aPauro anoratidza kuti munhu anenge achikwanisa kuteerera murayiro uyu asi oramba kuutevera akafanana nomunhu anenge “aramba kutenda.” MuKristu angaita zvose zvaanogona kuti asaita zvakadaro pamberi paMwari wake. Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti vanhu vakawanda munyika yanhasi havana “rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo.” (2 Timoti 3:1, 3) Zvechokwadi, vanababa vasingaverengeki vanonzvenga mutoro wavo, vachisiya mhuri dzavo dzisina chokubata. Varume vechiKristu havaomesi musoro, uye havaregeredzi kugovera mhuri dzavo. Kusiyana nevakawanda vavanoshanda navo, vabereki vechiKristu vanoona kunyange mabasa akaderera zvikuru seanokudzwa uye anokosha, senzira yokufadza nayo Jehovha Mwari, sezvo achiita kuti vakwanise kutarisira vadiwa vavo.

7. Nei zvakakodzera kuti vabereki vafungisise muenzaniso waJesu?

7 Misoro yemhuri ingaonawo zvichibatsira kufungisisa muenzaniso wakakwana waJesu. Yeuka kuti Bhaibheri rinotaura nezvaJesu nenzira youprofita kuti ndiye “Baba [vedu] vokusingaperi.” (Isaya 9:6, 7) Sezvo ari iye “Adhamu wokupedzisira,” baba vevanhu vaya vane kutenda, Jesu anonyatsotsiva “munhu wokutanga Adhamu.” (1 VaKorinde 15:45) Kusiyana naAdhamu, uyo akazova baba vane udyire, vaingofunga zvakavanakira ivo, Jesu ndibaba vakanaka. Bhaibheri rinoti nezvake: “Neizvi takasvika pakuziva rudo, nokuti iyeye akapa mweya wake nokuda kwedu.” (1 Johani 3:16) Chokwadi, Jesu akapa upenyu hwake nokuda kwevamwe achizvidira. Zvisinei, zuva nezuva aiisawo zvinodiwa nevamwe pamberi pezvake munzira duku. Zvingava zvakanaka kana imi vabereki mukatevedzera kuzvipira kwakadaro.

8, 9. (a) Vabereki vangadzidzei kushiri nezvokugovera vana vavo nenzira isina udyire? (b) Vabereki vechiKristu vakawanda vari kuratidza sei kuti vanozvipira?

8 Vabereki vanogona kudzidza zvakawanda nezvorudo rusina udyire mumashoko aJesu kuvanhu vaMwari vakanga vatsauka, anoti: “Ndaiwanzoda sei kuunganidza vana vako, sokuunganidza kunoita nhunzvi nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo!” (Mateu 23:37) Pano Jesu akarondedzera zvakajeka nhunzvi inogumbatira nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo. Chokwadi, vabereki vangadzidza zvakawanda kubva pakudzivirira kuri muropa kwenhunzvi, iyo inogona kuisa upenyu hwayo pangozi kuti idzivirire nhiyo dzayo kuti dzisakuvadzwa. Zvisinei, zvinoitwa neshiri dzine vana zuva nezuva zvinoshamisawo kuzviona. Padzinenge dzichitsvaka zvokudya, dzinoramba dzichibhururuka dzichienda uko nekoko dzodzoka. Kunyange kana dzava kuda kuneta, dzinokandira zvokudya mumiromo yenhiyo dzadzo dzinenge dzakashama muromo, idzo dzinozvimedza uye kazhinji nhiyo dzacho dzinochemera zvimwe. Zvisikwa zvaJehovha zvakawanda “zvakachenjera” munzira yazvinotarisira nayo vana vazvo.—Zvirevo 30:24.

9 Saizvozvowo, vabereki vechiKristu pasi pose vari kuratidza pfungwa inoyemurika yokuzvipira. Ungatotambura iwe pachako pane kuti urege vana vako vachitambura. Uyezve, zuva nezuva unozvidira kurega zvimwe zvinhu kuitira kuti utarisire mhuri yako. Vakawanda venyu munomuka mangwanani-ngwanani muchienda kunoshanda mabasa anonetesa uye anofinha. Munoshanda zvakaoma kuti muwane zvokudya zvinovaka muviri. Munotamburira kuti muve nechokwadi chokuti vana venyu vane mbatya dzakachena, pokugara pakakodzera, uye kuti vanowana dzidzo yakakwana. Uye munoramba muchidaro zuva nezuva, gore negore. Zvechokwadi Jehovha anofara nokuzvipira uye kutsungirira kwakadaro! (VaHebheru 13:16) Kunyange zvazvo zvakadaro, munoyeuka kuti pane nzira dzinonyanya kukosha dzokugovera nadzo mhuri yenyu.

Kugovera Zvinhu Zvine Chokuita Nokunamata

10, 11. Chii chinonyanya kukosha pazvinhu zvinodiwa nevanhu, uye vabereki vechiKristu vanofanira kutanga vaitei kuti vazadzise chinodiwa ichi kuvana vavo?

10 Kugovera zvinhu zvine chokuita nokunamata ndiko kunotonyanya kukosha kudarika kugovera zvinhu zvokunyama. Jesu akati: “Munhu anofanira kurarama, kwete nechingwa choga, asi nokutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha.” (Mateu 4:4; 5:3) Imi vabereki mungaitei kuti mugovere zvinhu zvine chokuita nokunamata?

11 Panyaya iyi, zvichida hapana Rugwaro runoramba ruchidzokororwa kudarika Dheuteronomio 6:5-7. Ndapota vhura Bhaibheri rako uverenge ndima idzodzo. Ona kuti vabereki vanoudzwa kuti vatange vakudziridza ukama hwavo naJehovha, vawedzere kumuda uye kuti vafungisise mashoko ake. Chokwadi, unofanira kuva mudzidzi weShoko raMwari anoshingaira, uchiverenga Bhaibheri nguva dzose uye uchifungisisa zvaunoverenga kuitira kuti unyatsonzwisisa uye ude nzira dzaJehovha, zvaanotaura uye mitemo yake. Kana ukadaro, mwoyo wako uchazara nechokwadi cheBhaibheri chinonakidza chichaita kuti ufare, uremekedze uye ude Jehovha. Uchava nemafashafasha ezvinhu zvakanaka zvokuti upe vana vako.—Ruka 6:45.

12. Vabereki vangatevedzera sei muenzaniso waJesu panyaya yokuroverera chokwadi cheBhaibheri muvana vavo?

12 Vabereki vakasimba chaizvo mune zvokunamata vakagadzirira kushandisa zano riri pana Dheuteronomio 6:7, ‘rokuroverera’ mashoko aJehovha muvana vavo pamukana uri wose. ‘Kuroverera’ kunoreva kudzidzisa uye kusimbisa uchiita zvokudzokorora. Jehovha anonyatsoziva kuti isu tose—zvikurukuru vana—tinoda kutaurirwa tataurirwazve kuti tidzidze. Saka, Jesu aidzokorora paaiita ushumiri hwake. Somuenzaniso, paaidzidzisa vadzidzi vake kuti vazvininipise panzvimbo pokuti vadade uye vakwikwidzane, akatsvaka nzira dzakasiyana-siyana dzokudzokorora chidzidzo ichocho. Pakudzidzisa kwake aiita kuti vanhu vafunge, aishandisa mifananidzo, uye aitoenzanisira. (Mateu 18:1-4; 20:25-27; Johani 13:12-15) Zvisinei, zvinoshamisa kuti Jesu haana kumboratidza kusashivirira. Saizvozvowo, vabereki vanofanira kutsvaka nzira dzokudzidzisa nadzo vana vavo chokwadi chinokosha, vachidzokorora zvinodiwa naJehovha nokushivirira kusvikira vana vazvinzwisisa vozvishandisa.

13, 14. Vabereki vangaroverera chokwadi cheBhaibheri muvana vavo panguva dzipi, vachishandisa chii?

13 Purogiramu dzokudzidza semhuri inguva dzakanaka dzokudzidzisa kwakadaro. Chokwadi, kudzidza Bhaibheri semhuri nguva dzose, zvinovaka, uye zvinofadza ndizvo zvinokosha kuti mhuri ikure mune zvokunamata. Mhuri dzechiKristu pasi pose dzinofarira kudzidza kwakadaro, dzichishandisa mabhuku anogoverwa nesangano raJehovha dzoita kuti kudzidza kwacho kuenderane nezvinodiwa nevana. Bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru rave riri chipo chakaisvonaka munhau iyi, kungofanana nebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda. * Zvisinei, vana havangodzidziswi bedzi pamunenge muchidzidza semhuri.

14 Sezvinoratidzwa naDheuteronomio 6:7, pane nguva dzakawanda apo imi vabereki mungakurukura nevana venyu zvinhu zvine chokuita nokunamata. Mungave muchifamba pamwe chete, muchiita mabasa epamba pamwe chete, kana kuti makazorora pamwe chete, mungawana mikana yokugovera vana venyu zvavanoda mune zvokunamata. Chaizvoizvo, hamufaniri henyu kuramba “muchingotaurira” vana venyu chokwadi cheBhaibheri. Asi, edzai kuita kuti kukurukurirana semhuri kurambe kuchivaka mune zvokunamata. Somuenzaniso, magazini inonzi Mukai! ine nyaya dzakawanda pazvidzidzo zvakawanda zvakasiyana-siyana. Nyaya dzakadaro dzingazarura mukana wokukurukura pamusoro pemhuka dzakasikwa naJehovha, nzvimbo dzakanaka chaizvo pasi pose, uye kusiyana-siyana kwakaita tsika dzevanhu nemararamiro avo. Kukurukurirana kwakadaro kungaita kuti vechiduku vade kuverenga mabhuku akawanda anogoverwa neboka romuranda akatendeka uye akangwara.—Mateu 24:45-47.

15. Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti vaone kuti ushumiri hwechiKristu hunofadza uye hunogutsa?

15 Kukurukurirana zvinhu zvinovaka nevana vako kuchakubatsira kuzadzika chimwe chinhu chinodiwa pakunamata. Vana vechiKristu vanofanira kudzidza kuudza vamwe zvavanotenda nenzira inobudirira. Paunenge uchitaura pfungwa dzinonakidza dziri muNharireyomurindi kana kuti muMukai!, ungatsvaka mikana yokuita kuti mashoko acho aenderane noushumiri. Somuenzaniso, ungabvunza kuti: “Zvaisazova zvakanaka chaizvo here kudai vanhu vakawanda vaiziva izvi pamusoro paJehovha? Unofunga kuti tingaita sei kuti mumwe munhu afarire nyaya iyi?” Kukurukurirana kwakadaro kungabatsira vechiduku kuti vawedzere kufarira kuudza vamwe zvavanenge vari kudzidza. Zvadaro, vana vako pavanobuda newe muushumiri, vanoona muenzaniso chaiwo wokushandisa zviya zvamunenge makurukura. Vangadzidzawo kuti ushumiri ibasa rinonakidza nerinofadza, zvichiita kuti vagutsikane uye vafare zvikuru.—Mabasa 20:35.

16. Vana vangadzidzei nokuteerera minyengetero yevabereki vavo?

16 Vabereki vanogoverawo vana vavo zvavanoda pakunamata pavanonyengetera. Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengetera, uye akanyengetera navo kakawanda. (Ruka 11:1-13) Chimbofunga kuti vakadzidza zvakawanda zvakadini pavakanyengetera pamwe chete noMwanakomana waJehovha chaiye! Saizvozvowo, vana vako vanogona kudzidza zvakawanda paminyengetero yako. Somuenzaniso, vangadzidza kuti Jehovha anoda kuti titaure naye takasununguka zvichibva pamwoyo, tichimuudza zvose zvingave zvichitinetsa. Chokwadi, minyengetero yako ingabatsira vana vako kuti vadzidze chokwadi chinokosha mune zvokunamata, chokuti: Vanogona kuva noushamwari naBaba vavo vokudenga.—1 Petro 5:7.

Kugovera Zvinodiwa Zvomupfungwa

17, 18. (a) Bhaibheri rinoratidza sei kukosha kwokuratidza rudo kuvana? (b) Vanababa vanofanira kutevedzera sei Jehovha mukuratidza rudo kuvana vavo?

17 Zvechokwadi, vana vanewo zvavanoda mupfungwa zvinokosha. Shoko raMwari rinoudza vabereki kuti zvinokosha sei kugutsa zvinodiwa izvi. Somuenzaniso, vakadzi vaduku vanorayirwa kuti “vade vana vavo.” (Tito 2:4) Kuita kudaro chiyeuchidzo chezvinofanira kuitwa navanaamai vaduku. Chokwadi, zvine musoro kuratidza rudo kumwana. Izvi zvinodzidzisa mwana kuti ave norudo uye zvinomubatsira kwoupenyu hwose. Ukuwo, upenzi kukundikana kuratidza rudo kumwana. Zvinorwadza chaizvo uye zvinoratidza kukundikana kutevedzera Jehovha, uyo anotida zvikuru pasinei nokusakwana kwedu.—Pisarema 103:8-14.

18 Jehovha ndiye anototanga kuda vana vake vepasi pano. Sezvinotaura 1 Johani 4:19, “akatanga kutida.” Imi vanababa ndimi munofanira kunyanya kutevedzera muenzaniso waJehovha, muchitanga kukudziridza rudo rwakasimba nevana venyu. Bhaibheri rinokurudzira vanababa kuti vasashusha vana vavo, “kuti varege kuora mwoyo.” (VaKorose 3:21) Hapana chinhu chinoshusha vana kudarika pfungwa yokuti mubereki haavadi kana kuti haana hanya navo. Vanababa vanozengurira kutaura manzwiro avo vanofanira kuyeuka muenzaniso waJehovha. Jehovha akatotaura ari kudenga kuti aratidze kuti anofarira uye anoda Mwanakomana wake. (Mateu 3:17; 17:5) Izvozvo zvinofanira kuve zvakakurudzira Jesu zvikuru! Saizvozvowo, vana vanowana simba rakawanda uye ushingi kubva pakuratidza kunoita vabereki vavo rudo uye kuvafarira zvinobva pamwoyo.

19. Nei chirango chichikosha, uye vabereki vechiKristu vanoedza kuita zviri pakati nepakati zvakadini?

19 Chokwadi, rudo rwevabereki harungoratidzwi nemashoko chete. Rudo runonyanya kuratidzwa nezviito. Kugovera zvinhu zvokunyama uye zvine chokuita nokunamata kungaratidza rudo rwomubereki, kunyanya kana vabereki vakaita izvozvo nenzira inoratidza kuti rudo ndirwo runonyanya kuvakurudzira. Uyezve, chirango kuratidzwa kunokosha kworudo rwevabereki. Chokwadi, “Jehovha anoranga waanoda.” (VaHebheru 12:6) Ukuwo, kukundikana kuranga kunoratidza kuti vabereki vanovenga vana vavo! (Zvirevo 13:24) Nguva dzose Jehovha anoita zviri pakati nepakati, achiranga “nokururama.” (Jeremia 46:28) Kuranga zviri pakati nepakati kwakadaro hakusi nyore nguva dzose kuvabereki vasina kukwana. Zvisinei, zvinoda kuedza zvose zvaunogona kuti udaro. Chirango chakasimba, chinopiwa norudo chinobatsira mwana kuti akure achirarama upenyu hunofadza, hune zvibereko. (Zvirevo 22:6) Handizvo here zvinoda mubereki wose wechiKristu kuti mwana wake aite?

20. Vabereki vangapa sei vana vavo mukana wakanakisisa wokuti ‘vatsaure upenyu’?

20 Imi vabereki pamunoita basa rinokosha ramakapiwa naJehovha—kugovera vana venyu zvinhu zvokunyama, zvine chokuita nokunamata, uye zvinodiwa zvomupfungwa—mibayiro yacho mikuru. Kana mukaita izvi, munopa vana venyu mukana wakanakisisa woku“tsaura upenyu” ‘vozoramba vari vapenyu.’ (Dheuteronomio 30:19) Vana vaya vanosarudza kushumira Jehovha voramba vari munzira inoenda kuupenyu, vanofadza vabereki vavo zvikuru pavanokura. (Pisarema 127:3-5) Mufaro wakadaro uchagara nokusingaperi! Zvisinei, vechiduku vangarumbidza sei Jehovha iye zvino? Nyaya inotevera ichakurukura izvozvo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Munyaya ino, kazhinji anogovera wacho achataurwa somurume. Zvisinei, zvinotaurwa zvacho zvinoshandawo kuvakadzi vechiKristu avo vanorera vana vari voga.

^ ndima 13 Akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungapindura Sei?

Vabereki vangaitei kuti vagovere vana vavo

• zvokunyama?

• zvine chokuita nokunamata?

• zvinodiwa zvomupfungwa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Shiri dzakawanda dzinoshanda zvakaoma dzisinganeti kuti dzigovere nhiyo dzadzo

[Mufananidzo uri papeji 20]

Vabereki vanofanira kutanga vakudziridza ukama hwavo naJehovha

[Mifananidzo iri papeji 20, 21]

Vabereki vanogona kuwana mikana yakawanda yokudzidzisa vana vavo nezvoMusiki

[Mufananidzo uri papeji 22]

Vana vanowana simba noushingi kana vachifarirwa nevabereki