Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechiduku, Rumbidzai Jehovha!

Vechiduku, Rumbidzai Jehovha!

Vechiduku, Rumbidzai Jehovha!

“Rumbidzai Jehovha imi vapasi, . . . majaya nemhandara.”—PISAREMA 148:7, 12.

1, 2. (a) Vechiduku vakawanda vanoziva kuti vanorambidzwa kuita zvinhu zvipi? (b) Nei vechiduku vasingafaniri kutsamwa vabereki vavo pavanovarambidza zvimwe zvinhu?

KAZHINJI vechiduku vanonyatsoziva zvavanenge vasati vava kutenderwa kuti vaite. Vakawanda vavo vanogona kubva vangokutaurira kuti vanofanira kusvitsa makore mangani kuti vazotenderwa kuyambuka mugwagwa vari voga, kutandara kusvikira nguva ipi vasati vaenda kunorara, kusvitsa makore mangani kuti vazotyaira motokari. Dzimwe nguva, wechiduku anganzwa sokuti zvinhu zvakawanda chaizvo zvaanokumbira nomwoyo wose zvinongorambwa zvichinzi, “Chimbomira kusvikira wakura.”

2 Imi vechiduku munoziva kuti vabereki venyu vanoona kuti kuchenjera kukurambidzai zvimwe zvinhu zvakadaro, zvichida kuti imi mudzivirirwe. Imi munonyatsozivawo kuti Jehovha anofara pamunoteerera vabereki venyu. (VaKorose 3:20) Zvisinei, munombonzwa sokuti zvose izvi zvamunorambidzwa zvinoita kuti upenyu hurege kukufambirai zvakanaka here? Munorambidzwa zvinhu zvose zvinokosha kusvikira makura here? Kana, hazvina kumbodaro! Pane basa riri kuenderera mberi mazuva ano iro rinotokosha zvikuru kudarika chero chimwe chinhu chipi zvacho chaungave uri kumirira. Imi vechiduku munobvumirwawo kuita basa iri here? Hamungobvumirwi chete—chaizvoizvo Mwari Wokumusorosoro pachake anotokukokai kuti muite basa iri!

3. Jehovha anokoka vechiduku kuti vaite basa ripi rinokosha, uye mibvunzo ipi yatichaongorora iye zvino?

3 Ibasa ripi ratiri kutaura nezvaro? Ona mashoko orugwaro ruri kutungamirira nyaya ino anoti: “Rumbidzai Jehovha imi vapasi, . . . majaya nemhandara; vatana navana.” (Pisarema 148:7, 12) Iyi ndiyo ropafadzo huru yamuinayo: Munogona kurumbidza Jehovha. Sowechiduku, unofarira kuita basa iroro here? Vakawanda vanofarira kuriita. Kuti tione kuti nei zvakakodzera kunzwa nenzira iyoyo, ngationgororei mibvunzo mitatu. Wokutanga, nei uchifanira kurumbidza Jehovha? Wechipiri, ungamurumbidza sei zvinobudirira? Wechitatu, inguva ipi yakanaka kuti utange kurumbidza Jehovha?

Nei Uchifanira Kurumbidza Jehovha?

4, 5. (a) Maererano nePisarema 148, tiri mumamiriro api ezvinhu anoshamisa? (b) Zvisikwa zvisingagoni kutaura kana kufunga zvinorumbidza sei Jehovha?

4 Chikonzero chikuru chokurumbidza Jehovha ndechokuti ndiye Musiki. Pisarema 148 rinotibatsira kufungisisa nezvechokwadi ichi. Chimbofungidzira: Kudai waizosvika pane boka guru revanhu vari kuimba rwiyo runonakidza kwazvo, runobaya mwoyo, waizonzwa sei? Zvakadini kudai waiziva kuti mashoko orwiyo rwacho ndeechokwadi, achitaura nezvepfungwa dzawaiziva kuti dzinokosha, dzinofadza, uye dzinonyevenutsa? Waizonzwa uchida kudzidza mashoko acho wobatana neboka racho here? Vakawanda vedu taizodaro. Pisarema 148 rinoratidza kuti uri mumamiriro ezvinhu akafanana naiwayo asi akatonyanya kunaka. Pisarema iroro rinorondedzera boka guru chaizvo, rinorumbidza Jehovha rakabatana. Zvisinei, zvaunoverenga pisarema racho, zvimwe ungawana chimwe chinhu chinoshamisa. Chii ichocho?

5 Varumbidzi vakawanda vanorondedzerwa muPisarema 148 havagoni kutaura kana kufunga. Somuenzaniso, tinoverenga nezvezuva, mwedzi, nyeredzi, sinou, mhepo, makomo, uye zvikomo zvichirumbidza Jehovha. Zvisikwa zvisina upenyu izvi zvingaita sei chinhu chakadaro? (Pis 148 Ndima 3, 8, 9) Chaizvoizvo, sezvinongoitwawo nemiti, zvikara zvomugungwa, uye mhuka. (Pis 148 Ndima 7, 9, 10) Wakambotarisa kuvira kwezuva kwakanaka kwazvo here kana kuti jenaguru richipfuura mudenga rakazara nenyeredzi kana kuti kuseka uchifadzwa nemhuka dzinenge dzichitamba kana kuti kushamiswa zvikuru neimwe nzvimbo yakaisvonaka? Kana zvakadaro “wakanzwa” rwiyo rwokurumbidza ruchiimbwa nezvisikwa. Zvose zvakaitwa naJehovha zvinotiyeuchidza kuti iye Musiki wemasimbaose, uye kuti pane zvose zvakasikwa hapana mumwe ane simba serake, akachenjera saiye, kana kuti ane rudo saiye.—VaRoma 1:20; Zvakazarurwa 4:11.

6, 7. (a) Pisarema 148 rinorondedzera zvisikwa zvipi zvakangwara sezvinorumbidza Jehovha? (b) Nei tingakurudzirwa kurumbidza Jehovha? Enzanisira.

6 Pisarema 148 rinorondedzerawo zvisikwa zvakangwara sezvinorumbidza Jehovha. Mundima yechipiri, tinowana “hondo” yaJehovha yokudenga, ngirozi, dzichirumbidza Mwari. Pis 148 Mundima 11, vanhu vane simba zvikuru, vakadai semadzimambo nevatongi, vanokokwawo kuti vamurumbidze. Kana ngirozi dzine simba dzichifadzwa nokurumbidza Jehovha, munhu upiwo zvake anganyatsotaura kuti anokosha zvikuru kuti aite kudaro? Saka, Pis 148 mundima 12 ne13, imi vechiduku munokokwa kuti murumbidzewo Jehovha. Munonzwa muchida kuita izvozvo here?

7 Funga nezvomuenzaniso. Kudai waiva neshamwari yako yepamwoyo ine humwe unyanzvi hunoshamisa—zvimwe mumitambo, zvokudhirowa, kana kuti mune zvemimhanzi—waizotaura nezvake kumhuri yako uye kune dzimwe shamwari dzako here? Hapana mubvunzo kuti waizodaro. Naizvozvo, kudzidza pamusoro pezvose zvakaitwa naJehovha kungaita kuti tiitewo saizvozvo. Somuenzaniso, Pisarema 19:1, 2 rinotaura kuti matenga azere nyeredzi anoita kuti ‘kutaura kubude.’ Nesuwo, patinofunga nezvezvinhu zvinoshamisa zvakaitwa naJehovha, zvechokwadi hatingaregi kuudza vamwe nezvaMwari wedu.

8, 9. Jehovha anoda kuti timurumbidze nokuda kwezvikonzero zvipi?

8 Chimwe chikonzero chikuru chokurumbidza Jehovha ndechokuti anoda kuti tidaro. Nei? Imhaka yokuti anoda kurumbidzwa nevanhu here? Aiwa. Dzimwe nguva, isu vanhu tinoda kurumbidzwa, asi Jehovha mukuru zvikuru kudarika zvatiri. (Isaya 55:8) Ane chokwadi nezvaari uye nezvounhu hwake. (Isaya 45:5) Asi, anoda kuti timurumbidze uye anofara patinodaro. Nei? Funga nezvezvikonzero zviviri. Chokutanga, anoziva kuti tinofanira kumurumbidza. Akatisika tiine zvatinoda pakunamata, tichida kumunamata. (Mateu 5:3) Jehovha anofara kutiona tichiita zvatinoda izvozvo, sokufara kunongoita vabereki venyu pavanokuonai muchidya zvokudya zvavanoziva kuti zvakakunakirai.—Johani 4:34.

9 Chechipiri, Jehovha anoziva kuti vamwe vanhu vanoda kunzwa tichimurumbidza. Muapostora Pauro akanyorera murume wechiduku Timoti, mashoko aya anoti: “Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako. Rambira pazvinhu izvi, nokuti nokuita izvi uchazviponesa iwe nevanokuteerera.” (1 Timoti 4:16) Chokwadi, paunodzidzisa vamwe nezvaJehovha Mwari, uchimurumbidza, vangasvikawo pakumuziva. Zivo yakadaro ingaita kuti vawane ruponeso rusingaperi!—Johani 17:3.

10. Nei tichinzwa tichida kurumbidza Mwari wedu?

10 Pane chimwezve chikonzero chokurumbidza Jehovha. Yeuka muenzaniso weshamwari yako ine unyanzvi hunoshamisa. Kudai waizonzwa vamwe vachitaura zvenhema pamusoro pake, vachichera zita rake rakanaka, hawaizotsunga kutomurumbidza zvakanyanya here? Jehovha ari kucherwa zvakanyanya munyika ino. (Johani 8:44; Zvakazarurwa 12:9) Saka vaya vanomuda vanonzwa vachida kutaura chokwadi nezvake, vachiruramisa zvinotaurwa. Iwewo ungada here kuratidza kuti unoda uye unoonga Jehovha uye kuti unomuda soMutongi wako panzvimbo pomuvengi wake mukuru, Satani? Unogona kuita zvose izvozvo nokurumbidza Jehovha. Saka, mubvunzo unotevera ndewokuti ungazviita sei.

Nzira Iyo Vamwe Vechiduku Vakarumbidza Nayo Jehovha

11. Mienzaniso ipi yomuBhaibheri inoratidza kuti vechiduku vanogona kubudirira zvikuru kurumbidza Jehovha?

11 Bhaibheri rinoratidza kuti vechiduku vanowanzobudirira chaizvo pakurumbidza Jehovha. Somuenzaniso, paiva nomusikana wechiIsraeri akatapwa nevaSiriya. Akapupurira asingatyi kumukadzi waaishandira nezvomuprofita waJehovha ainzi Erisha. Mashoko ake akaita kuti pazova nechishamiso, uye uchapupu hwakasimba hwakapiwa. (2 Madzimambo 5:1-17) Jesu akapupurirawo asingatyi paakanga achiri mwana. Pazvose zvakaitika achiri muduku zvingadai zvakanyorwa muMagwaro, Jehovha akasarudza chimwe chete, panguva apo Jesu, uyo aiva nemakore 12, akashinga kubvunza mibvunzo vadzidzisi vechitendero vaiva patemberi muJerusarema achibva avasiya vashamiswa zvikuru nokunzwisisa kwaaiita nzira dzaJehovha.—Ruka 2:46-49.

12, 13. (a) Jesu akaitei mutemberi kwasara nguva pfupi kuti afe, zvikaguma nei pavanhu vaivapo? (b) Jesu akanzwa sei pamusoro pokurumbidza kwaiitwa nevakomana?

12 Ava munhu mukuru, Jesu akakurudzirawo vana kuti varumbidze Jehovha. Somuenzaniso, kwasara mazuva mashomanana kuti afe, Jesu akapedza nguva ari patemberi muJerusarema. Bhaibheri rinoti akaita “zvinhu zvinoshamisa” ikoko. Akadzinga vaya vakanga vava kuita nzvimbo tsvene iyoyo bako rembavha. Akarapawo mapofu uye vanhu vakanga vakaremara. Vanhu vose vaivapo, kunyanya vatungamiriri vezvitendero, vangadai vakanzwa vachida kurumbidza Jehovha noMwanakomana wake, Mesiya. Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti vakawanda mazuva iwayo havana kumbovarumbidza. Vaiziva kuti Jesu akanga atumwa naMwari, asi vaitya vatungamiriri vezvitendero. Zvisinei, rimwe boka revanhu rakataura risingatyi. Unoziva here kuti vaiva vanaani? Bhaibheri rinoti: “Vapristi vakuru nevanyori vakati vaona zvinhu zvinoshamisa zvaakaita [Jesu] nevakomana vakanga vachidanidzira mutemberi vachiti: ‘Tapota, ponesai, Mwanakomana waDhavhidhi!’ vakatsamwa vakati [kuna Jesu]: ‘Unonzwa here zviri kutaura ava?’”—Mateu 21:15, 16; Johani 12:42.

13 Vapristi ivavo vaitarisira kuti Jesu aizonyaradza vakomana vakanga vachimurumbidza. Akavanyaradza here? Kana! Jesu akapindura vapristi vacho achiti: “Hungu. Hamuna kumborava here izvi kuti, ‘Makaita kuti mumuromo mevacheche nevanoyamwa mubude kurumbidza’?” Zviri pachena kuti Jesu naBaba vake vaifadzwa nokurumbidza kwevakomana vacho. Vana ivavo vakanga vachiita zvaifanira kunge zvichiitwa nevanhu vakuru vose vaiva ikoko. Mupfungwa dzavo duku, zvose zvinofanira kunge zvaiva zvakajeka chaizvo. Vakaona murume uyu achiita zvinhu zvinoshamisa, achitaura akashinga uye nokutenda, uye achiratidza kuti aida Mwari nevanhu vake zvikuru. Aiva zvaaitaura—“Mwanakomana waDhavhidhi” akapikirwa, Mesiya. Vakomborerwa pamusana pokutenda kwavo, vakomana vacho vakatova neropafadzo yokuzadzika uprofita.—Pisarema 8:2.

14. Zvipo zvine vechiduku zvinovabatsira sei kuti varumbidze Mwari?

14 Tingadzidzei pamienzaniso yakadaro? Tinodzidza kuti vechiduku vanogona kubudirira zvikuru kurumbidza Jehovha. Vanowanzova nechipo chokuona chokwadi zvakajeka uye zviri nyore, vachiratidza kutenda kwavo nomwoyo wose uye nokushingaira. Vanewo chipo chinotaurwa pana Zvirevo 20:29 chokuti: “Majaya anokudzwa nokuda kwesimba rawo.” Chokwadi, imi vechiduku mune simba uye makagwinya—zvinhu zvinobatsira chaizvo pakurumbidza Jehovha. Munganyatsoshandisa sei zvipo zvakadaro?

Ungarumbidza Jehovha Sei?

15. Kuti urumbidze Jehovha zvinobudirira, unofanira kuvavarira chii?

15 Kurumbidza zvinobudirira kunotangira mumwoyo. Haungagoni kurumbidza Jehovha zvinobudirira kana uri kungozviitira kuti vamwe vanoda kuti udaro. Yeuka kuti murayiro mukuru pane yose ndouyu: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” (Mateu 22:37) Iwe pachako wava kuziva Jehovha here nokudzidza kwaunoita Shoko rake uri woga? Kudzidza kwakadaro kunoita kuti unzwe uchida Jehovha. Nzira yakajairika yokuratidza nayo rudo rwakadaro ndeyokumurumbidza. Kana vavariro yako yangojeka uye yasimba, unenge wagadzirira kurumbidza Jehovha nomwoyo wose.

16, 17. Kuzvibata kune basa rei pakurumbidza Jehovha? Enzanisira.

16 Iye zvino, kunyange usati wafunga zvauchataura, funga kuti uchazvibata sei. Kudai musikana wokuIsraeri womuzuva raErisha aiwanzovirima, asingaremekedzi, kana kuti asina kutendeseka, unofunga kuti vaSiriya vaiva vamutapa vaizoteerera mashoko ake here nezvomuprofita waJehovha? Zvimwe vaisazoteerera. Saizvozvowo, vanhu vangangokuteerera kana vakaona kuti unoremekedza, wakatendeseka, uye unozvibata zvakanaka. (VaRoma 2:21) Chimbofunga mumwe muenzaniso.

17 Mumwe musikana ane makore 11 wokuPortugal akamanikidzwa kuti apemberere mazororo kuchikoro, izvo zvaipesana nehana yake yakarovedzwa neBhaibheri. Nokuremekedza, akatsanangurira mudzidzisi wake chikonzero nei aifanira kuramba, asi mudzidzisi wacho akamuseka. Nokufamba kwenguva, mudzidzisi wacho akaedza aedzazve kumunyadzisa, achinyomba chitendero chake. Zvisinei, musikana wacho akaramba achiremekedza. Kwapera makore akati, hanzvadzi yechiduku iyoyo yakanga yava kushumira sapiyona wenguva dzose, mushumiri wenguva yakazara. Pane imwe kokorodzano, akaona vanhu vachibhabhatidzwa achibva aziva mumwe wavo. Aiva uya aimbova mudzidzisi wake! Pashure pokumbundirana uku misodzi ichiyerera, mudzidzisi uyu akaudza musikana wacho kuti akanga asina kumbokanganwa ruremekedzo rwaaiva narwo. Chimwe Chapupu chakamushanyira, uye mudzidzisi wacho akanga ataura nezvokuzvibata kwomumwe mwana waakanga ambodzidzisa. Saka, akatanga kudzidziswa Bhaibheri, uye mudzidzisi uyu akagamuchira chokwadi cheBhaibheri. Chokwadi, kuzvibata kwako kunogona kuva nzira yakasimba zvikuru yokurumbidza nayo Jehovha!

18. Wechiduku angaita sei kana achizeza kutanga kukurukura nezveBhaibheri uye nezvaJehovha Mwari?

18 Dzimwe nguva unomboona zvakaoma here kutanga kutaura nezvokutenda kwako kuchikoro? Hausiwe woga unonzwa saizvozvo. Zvisinei, unogona kuita zvimwe zvinhu zvokuti vamwe vangangokubvunza nezvokutenda kwako. Somuenzaniso, kana zviri pamutemo uye zvichibvumirwa, wadii kuenda kuchikoro nemabhuku eBhaibheri woaverenga panguva yokudya kwemasikati kana kuti pane dzimwe nguva pazvinobvumirwa kuita kudaro? Vaunodzidza navo vangakubvunza zvaunenge uchiverenga. Nokuvapindura uye kuvaudza zvawaona zvinonakidza pamusoro penyaya yacho kana kuti bhuku raunenge uchiverenga, ungaona kuti unenge watotanga kukurukurirana kwakanaka wakavarairwa. Yeuka kubvunza mibvunzo, kuti uzive zvinotendwa newaunodzidza naye. Teerera nokuremekedza, uchimuudza zvawakadzidza muBhaibheri. Sezvinoratidzwa nezvakaitika zviri papeji 29, vechiduku vakawanda vari kurumbidza Mwari kuchikoro. Izvi zvinoita kuti vawane mufaro mukuru uye zvinobatsira vakawanda kuti vazive Jehovha.

19. Vechiduku vangabudirira sei muushumiri hwepasuo nesuo?

19 Ushumiri hwepasuo nesuo inzira inobudirira zvikuru yokurumbidza nayo Jehovha. Kana usati wava kuita kudaro, wadii kuvavarira kuita izvozvo? Kana wava kutoparidza, pane zvimwe zvaungavavarira kuita here? Somuenzaniso, pane kungoramba uchitaura zvimwe chete izvozvo pasuo rimwe nerimwe, tsvaka nzira dzokuvandudza nadzo, uchibvunza vabereki vako uye vamwe vava nenguva vachiita basa iri kuti vakupe mazano anobatsira. Dzidza kuti ungashandisa sei Bhaibheri kakawanda, kuti ungadzokerazve sei zvinobudirira, uye ungatanga sei chidzidzo cheBhaibheri. (1 Timoti 4:15) Kana ukarumbidza Jehovha nenzira idzi, uchabudirirawo zvikuru, uye uchanakidzwawo zvikuru noushumiri hwako.

Unofanira Kutanga Rini Kurumbidza Jehovha?

20. Nei pasina chikonzero chokuti vechiduku vafunge kuti vachiri vaduku zvikuru kuti varumbidze Jehovha?

20 Pamibvunzo mitatu iri munyaya ino, mhinduro yewokupedzisira uno ndiyo iri nyore kudarika dzose. Ona mhinduro yakananga yeBhaibheri inoti: “Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako.” (Muparidzi 12:1) Chokwadi, iye zvino ndiyo nguva yokutanga kurumbidza Jehovha. Zviri nyore chaizvo kutaura kuti: “Ndichiri muduku zvikuru kuti ndirumbidze Jehovha. Handisati ndava noruzivo. Ndinofanira kumirira kusvikira ndakura.” Hausiwe watanga kufunga saizvozvo. Somuenzaniso, Jeremia muduku akaudza Jehovha kuti: “Haiwa, Ishe Mwari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mwanana hangu.” Jehovha akamuvimbisa kuti pakanga pasina chikonzero chokutya. (Jeremia 1:6, 7) Saizvozvowo, hapana chatinofanira kutya patinorumbidza Jehovha. Hapana chingatikuvadza chisingagoni kubviswa zvachose naJehovha.—Pisarema 118:6.

21, 22. Nei vechiduku vanorumbidza Jehovha vachifananidzwa nedova, uye nei kuenzanisa kwakadaro kuchikurudzira?

21 Saka, tinokukurudzirai imi vechiduku kuti: Musazeza kurumbidza Jehovha! Iye zvino muchiri vaduku ndiyo nguva yakanakisisa yokuti muitewo basa rinokosha kudarika ose ari kuitwa pasi pano nhasi. Pamunoriita, munova nhengo dzemhuri inoshamisa—yevaya vanorumbidza Jehovha pasi nokudenga. Jehovha anofara kuti imi muri vamwe vomumhuri iyi. Onai mashoko aya akafuridzirwa akataurwa nomunyori wepisarema kuna Jehovha, anoti: “Vanhu vako vachazviisa nomwoyo wose pazuva rauchaunganidza hondo yako, nenguva tsvene, pachizvaro chamangwanani, ndipo pane dova roujaya hwako.”—Pisarema 110:3.

22 Dova rinopenya muchiedza chemangwanani rinoratidzika zvakanaka kwazvo, handizvo here? Rinozorodza, rinopenya, uye hariverengeki pamusana pokuwanda kwaro. Ndokuonekwa kwamunoitwa naJehovha imi vechiduku vari kumurumbidza vakatendeka munguva dzino dzinonetsa. Zviri pachena kuti kusarudza kwenyu kurumbidza Jehovha kunoita kuti mwoyo wake ufare. (Zvirevo 27:11) Saka, imi vechiduku, rumbidzai Jehovha nepose pamunogona napo!

Ungapindura Sei?

• Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvinokosha zvokurumbidza Jehovha?

• Mienzaniso ipi yomuBhaibheri inoratidza kuti vechiduku vanogona kubudirira zvikuru kurumbidza Jehovha?

• Nhasi, vechiduku vangarumbidza Jehovha sei?

• Vechiduku vanofanira kutanga rini kurumbidza Jehovha, uye nei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 25]

Kudai shamwari yako iine unyanzvi hunoshamisa, waisazoudza vamwe nezvazvo here?

[Mufananidzo uri papeji 27]

Vaunodzidza navo vangafarira zvaunotenda

[Mufananidzo uri papeji 28]

Kana uchida kuvandudza ushumiri hwako, bvunza mazano kune Chapupu chava nenguva chichiita basa iri