Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsvaka Rugare Rwomupfungwa

Kutsvaka Rugare Rwomupfungwa

Kutsvaka Rugare Rwomupfungwa

ALBERT aiva murume akaroora uye aifara, aiva nevana vaviri vakanaka kwazvo. Asi ainzwa sokuti pane chaakanga asina muupenyu hwake. Panguva yaaifanira kutamburira kuti awane basa, akatanga kuita zvematongerwe enyika uye kutevera gwara regutsaruzhinji. Akatova nhengo yaishingaira yebato rechiKomonisiti romunyika iyoyo.

Zvisinei, nenguva isipi Albert akaodzwa mwoyo nechiKomonisiti. Akasiyana nezvematongerwe enyika uye akazvipira zvakakwana kumhuri yake. Chinangwa chake muupenyu chakava chokuona mhuri yake ichifara. Kunyange zvakadaro, Albert akanga achiri kunzwa sokuti pane chaakanga asina; akanga asati awana rugare rwomupfungwa rwechokwadi.

Zvakaitika kuna Albert zvinoitikawo kune vakawanda. Kuti awane zvinoreva chinangwa choupenyu, mamiriyoni akawanda akaongorora pfungwa dzakasiyana-siyana, uzivi hwakasiyana-siyana, uye zvitendero zvakasiyana-siyana. Kunyika dzokuMadokero, sangano revahippie rokuma1960 raiva sangano revakapanduka vachisiya tsika dzavo nemagariro avo. Vechiduku ndivo vainyanya kutsvaka mufaro nechinangwa choupenyu vachishandisa zvinodhaka zvinokanganisa pfungwa uye uzivi hwaidzidziswa nesangano iri nouzivi hwevainzi vadzidzisi nevapristi vakuru. Kunyange zvakadaro, sangano revahippie rakakundikana kuunza mufaro wechokwadi. Pane kuunza mufaro, rakatoita kuti pave nevanopindwa muropa nezvinodhaka uye vechiduku vanoita zvounzenza, richiita kuti tsika dzomunzanga dzidzikire.

Kwemazana emakore, vakawanda vakatsvaka mufaro vachishandisa pfuma, simba, kana kuti dzidzo. Zvinhu izvi zvinoguma nokuodzwa mwoyo. “Kunyange kana munhu ane zvakawanda,” Jesu akadaro, “upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaanazvo.” (Ruka 12:15) Pane kudaro, kutsunga kutsvaka pfuma kunowanzoita kuti vanhu vasafara. Bhaibheri rinoti: “Avo vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo wokuchiva zvinhu zvakawanda zvoupenzi uye zvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wemarudzi ose ezvinhu zvakaipa, uye vachitsvaka kuda ikoku vamwe . . . vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kwakawanda.”—1 Timoti 6:9, 10.

Saka, munhu angawana sei rugare rwomupfungwa uye angaziva sei chinangwa choupenyu? Inyaya yokuedza zvinhu zvakasiyana-siyana here, sokunge uri kupfura chimwe chinhu chiri murima nomuseve? Zvinofadza kuti hazvina kudaro. Sezvatichaona munyaya inotevera, tinofanira kugutsa chinhu chinodiwa nevanhu chinokosha zvikuru, uye chakasiyana nezvimwe zvose.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Kutsvaka pfuma, simba kana kuti dzidzo kuchakubatsira kuwana rugare rwomupfungwa here?