Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ku“uya Namashoko Akanaka Ezvinhu Zvakanaka”

Ku“uya Namashoko Akanaka Ezvinhu Zvakanaka”

Ku“uya Namashoko Akanaka Ezvinhu Zvakanaka”

“Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzounouya . . . namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka.”—ISAYA 52:7.

1, 2. (a) Zvinhu zvipi zvinotyisa zviri kuitika zuva roga roga? (b) Vanhu vakawanda vanoita sei pavanogara vachinzwa nhau dzakaipa?

MAZUVA ano munyika yose vanhu vari kugara vachingonzwa mashoko akaipa. Vanovhura redhiyo vonzwa mishumo inotyisa yezvirwere zvinouraya izvo zviri kutambudza nyika yose. Vanotarira nhau paterevhizheni voona mifananidzo inonzwisa tsitsi yevana vari kufa nenzara vanenge vachichemera kubatsirwa. Vanotora pepanhau voverenga nezvokuputika kwebhomba rinoparadza zvivako zvakawanda, richiuraya vanhu vakawanda vasina mhosva.

2 Chokwadi, zvinhu zvinotyisa zviri kuitika mazuva ose. Zvechokwadi mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja—achiwedzera kuipa. (1 VaKorinde 7:31) Imwe magazini yenhau yokuWestern Europe yakati dzimwe nguva zvinoita sokuti nyika yose yava “kuda kuparara.” Ndokusaka vanhu vakawanda vakaora mwoyo! Hapana mubvunzo kuti mumwe munhu akabvunzurudzwa mune imwe ongororo yakaitwa nevezvenhau dzepaterevhizheni muUnited States akataura manzwiro anoita vanhu vakawanda paakati: ‘Ndapedza kuona nhau, ndinonzwa ndanyatsoora mwoyo. Inhau dzakaipa dzoga dzoga. Zvinondipedza simba.’

Mashoko Anoda Kunzwiwa Nomunhu Wose

3. (a) Bhaibheri rinozivisa mashoko akanaka api? (b) Nei uchikoshesa mashoko akanaka oUmambo?

3 Munyika inoodza mwoyo zvakadaro, mashoko akanaka angawanikwa here? Zvechokwadi angawanikwa! Zvinonyaradza kuziva kuti Bhaibheri rinozivisa mashoko akanaka! Mashoko okuti urwere, nzara, utsotsi, hondo, nemarudzi ose oudzvinyiriri zvichapedzwa noUmambo hwaMwari. (Pisarema 46:9; 72:12) Iwayo haasi mashoko anoda kunzwiwa nevanhu vose here? Zvapupu zvaJehovha zvinofunga kuti vanhu vose vanoda kuanzwa. Saka, zvinozivikanwa kwose kwose nokuramba zvichiedza kuudza vanhu vemarudzi ose mashoko akanaka oUmambo hwaMwari.—Mateu 24:14.

4. Zvinhu zvipi zvine chokuita noushumiri hwedu zvatichakurukura munyaya ino neinotevera?

4 Zvisinei, tingaitei kuti tirambe tichigutsikana kuti taitawo chimwe chinhu chine musoro mubasa rokuparidza aya mashoko akanaka—kunyange mundima dzine vanhu vasinganyanyi kufarira? (Ruka 8:15) Hapana mubvunzo kuti kumbodzokorora zvishoma zvinhu zvitatu zvine chokuita nebasa redu rokuparidza kuchatibatsira. Tinogona kuongorora (1) vavariro dzedu, kana kuti nei tichiparidza; (2) shoko redu, kana kuti zvatinoparidza; uye (3) nzira dzatinoshandisa, kana kuti maparidziriro atinoita. Kana tikaita kuti vavariro dzedu dzirambe dzakanaka, shoko redu rakajeka, uye nzira dzedu dzichibudirira, tichapa vanhu vakasiyana-siyana mukana wokunzwa mashoko akanakisisa—mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. *

Nei Tichiparidza Mashoko Akanaka

5. (a) Kupfuura zvimwe zvose, chii chinotikurudzira kuita ushumiri? (b) Nei zvinganzi kuteerera kwedu murayiro weBhaibheri wokuparidza kuratidza kuti tinoda Mwari?

5 Ngatimboonai chinhu chokutanga—vavariro dzedu. Nei tichiparidza mashoko akanaka? Nokuda kwechikonzero chaiita kuti Jesu aparidze. Akati: “Ndinoda Baba.” (Johani 14:31; Pisarema 40:8) Kupfuura zvimwe zvose, tinokurudzirwa nokuda kwatinoita Mwari. (Mateu 22:37, 38) Bhaibheri rinobatanidza kuda Mwari noushumiri, nokuti rinoti: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake.” (1 Johani 5:3; Johani 14:21) Mirayiro yaMwari inosanganisira ‘wokuenda kunoita vadzidzi’ here? (Mateu 28:19) Hungu. Chokwadi, mashoko iwayo akataurwa naJesu, asi chaizvoizvo aibva kuna Jehovha. Sei tingadaro? Jesu akatsanangura kuti: “Handiiti chinhu changu ndoga; asi ndinotaura zvinhu izvi sokudzidziswa kwandakaitwa naBaba.” (Johani 8:28; Mateu 17:5) Saka, patinoteerera murayiro wokuparidza, tinoratidza Jehovha kuti tinomuda.

6. Kuda Mwari kunotikurudzira sei kuparidza?

6 Kuwedzera kuna izvozvo, kuda Jehovha kunoita kuti tiparidze nokuti tinoda kuratidza kuti zviri kutaurwa naSatani pamusoro pake inhema. (2 VaKorinde 4:4) Satani akapokana kana kutonga kwaMwari kwakanga kwakarurama. (Genesi 3:1-5) SeZvapupu zvaJehovha, tinoshuva kufumurawo kuchera kwaSatani uye kutsvenesawo zita raMwari pamberi pevanhu. (Isaya 43:10-12) Uyezve, tinoita ushumiri nokuti tava kuziva unhu hwaJehovha nenzira dzake. Tinonzwa tiri pedyo naye uye tiine chido chakasimba chokuudza vamwe nezvaMwari wedu. Kutaura zvazviri, kunaka kwaJehovha nenzira dzake dzakarurama zvinotifadza zvokuti hatigoni kurega kutaura nezvake. (Pisarema 145:7-12) Tinonzwa tichida kumurumbidza uye kutaura nezvo“kunaka” kwake kune vaya vanoda kuteerera.—1 Petro 2:9; Isaya 43:21.

7. Kunze kwokuda Mwari, tinoita basa rokuparidza nokuda kwechimwe chikonzero chipi chinokosha?

7 Pane chimwe chikonzero chinokosha chinoita kuti tirambe tichiita ushumiri: Nomwoyo wose tinoda kunyaradza vanhu vaneta kunzwa mashoko akaipa uye vaya vanotambura nezvikonzero zvakasiyana-siyana. Patinenge tichiita izvi, tinoedza kutevedzera Jesu. Somuenzaniso, tarira zvinorondedzerwa pana Mako chitsauko 6.

8. Nhoroondo iri muna Mako chitsauko 6 inoratidzei nezvemanzwiro aiita Jesu pamusoro pevanhu?

8 Vaapostora vanodzoka kunoparidza uye vanorondedzera kuna Jesu zvose zvavaita uye zvavadzidzisa. Jesu anoona kuti vaapostora vaneta, uye anovaudza kuti vaende naye kuti va“zorore zvishoma.” Saka vanopinda mugwa voenda kunzvimbo yakanyarara. Vanhu vanovatevera, vachimhanya nomumhenderekedzo yegungwa, uye nenguva isipi vanosvika pavari. Jesu anoita sei? Nhoroondo yacho inoti, “Akaona boka guru revanhu, asi akasiririswa navo, nokuti vakanga vakaita semakwai asina mufudzi. Zvino akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvakawanda.” (Mako 6:31-34) Kusiririswa kunoita kuti Jesu arambe achiparidza mashoko akanaka pasinei nokuti aneta. Zviri pachena kuti Jesu anonzwira vanhu ava urombo zvikuru. Anovanzwira tsitsi.

9. Tinodzidzei munhoroondo iri muna Mako chitsauko 6 pamusoro pevavariro yakarurama yokuparidza?

9 Tinodzidzei munhoroondo iyi? SevaKristu, tinonzwa tine mutoro wokuparidza mashoko akanaka uye wokuita vadzidzi. Tinoziva basa redu rokuzivisa mashoko akanaka, sezvo Mwari achida kuti “vanhu vose vaponeswe.” (1 Timoti 2:4) Zvisinei, hatingoiti ushumiri hwedu nokuti tinofanira kudaro asiwo nokuti tinonzwa tsitsi. Kana tichinyatsonzwira vanhu tsitsi sezvaiita Jesu, mwoyo wedu uchaita kuti tiite zvose zvatinogona kuramba tichivaudza mashoko akanaka. (Mateu 22:39) Kuva nevavariro dzakanaka kudaro dzokuita ushumiri kuchaita kuti tiparidze mashoko akanaka tisingaregi.

Zvatinoparidza—Mashoko Akanaka oUmambo hwaMwari

10, 11. (a) Isaya anorondedzera sei mashoko atinoparidza? (b) Jesu akaunza sei mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka, uye vashumiri vaMwari vemazuva ano vanotevedzera sei muenzaniso waJesu?

10 Zvakadini nechinhu chechipiri chine chokuita noushumiri hwedu—zvatinoparidza? Tinoparidza nezvechii? Muprofita Isaya akapa rondedzero iyi yakanaka kwazvo yeshoko ratinoparidza achiti: “Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzounouya namashoko akanaka, unoparidza rugare, unouya namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka, unoparidza ruponeso, unoti kuZioni: Mwari wako unobata ushe!”—Isaya 52:7.

11 Mashoko anokosha ari murugwaro irworwo okuti “Mwari wako unobata ushe,” anotiyeuchidza nezveshoko ratinofanira kuzivisa, kureva mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mako 13:10) Onawo kuti ndima ino inotaura nezvepfungwa yakanaka yeshoko redu. Isaya anoshandisa mashoko akadai sokuti “ruponeso,” “mashoko akanaka,” “rugare,” uye “zvinhu zvakanaka.” Zviuru zvemakore pashure paIsaya, muzana rokutanga remakore C.E., Jesu Kristu akazadzisa uprofita uhu nenzira inoshamisa paakaratidza muenzaniso wokushingaira pakuparidza mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka—kuuya kwoUmambo hwaMwari. (Ruka 4:43) Munguva yatiri kurarama, kunyanya kubvira muna 1919, Zvapupu zvaJehovha zvakatevedzera muenzaniso waJesu nokuzivisa zvichishingaira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari hwakagadzwa uye zvikomborero zvahuchaunza.

12. Mashoko akanaka oUmambo anoita kuti vaya vanoagamuchira vaite sei?

12 Mashoko akanaka oUmambo anoita kuti vaya vanoateerera vaite sei? Nhasi kufanana nomuzuva raJesu, mashoko akanaka anopa tariro nenyaradzo. (VaRoma 12:12; 15:4) Anopa vane mwoyo yakatendeseka tariro nokuti vanodzidza kuti pane zvikonzero zvakanaka zvokudavira kuti zvinhu zvichava nani munguva yemberi. (Mateu 6:9, 10; 2 Petro 3:13) Tariro yakadaro inobatsira zvikuru vanhu vanotya Mwari kuti varambe vachiona zvinhu nenzira yakanaka. Munyori wepisarema anoti hava“ngatyi mashoko ezvinhu zvakaipa.”—Pisarema 112:1, 7.

Shoko ‘Richarapa Vane Mwoyo Yakaputsika’

13. Muprofita Isaya anorondedzera sei zvikomborero zvichakurumidza kuuya kune vaya vanogamuchira mashoko akanaka?

13 Uyezve, mashoko akanaka atinoparidza anokurumidza kuyamura uye kuita kuti vaya vanoateerera vakomborerwe. Sei? Zvimwe zvikomborero zvacho zvakaratidzwa nomuprofita Isaya paakafanotaura kuti: “Mweya waShe Jehovha uri pamusoro pangu; nokuti Jehovha wakandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka; wakandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, kuti ndiparidzire vakatapwa kusunungurwa, nokuna vakasungwa kuti vachazarurirwa; kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu; kuti ndinyaradze vose vanochema.”—Isaya 61:1, 2; Ruka 4:16-21.

14. (a) Mashoko okuti ‘kurapa vane mwoyo yakaputsika’ anoratidzei nezveshoko roUmambo? (b) Tinoratidza sei kuti Jehovha ane hanya nevane mwoyo yakaputsika?

14 Maererano nouprofita ihwohwo, Jesu ‘aizorapa vane mwoyo yakaputsika,’ paaiparidza mashoko akanaka. Isaya akashandisa mufananidzo wakajeka chaizvo! Maererano nerimwe duramazwi reBhaibheri, shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti ‘kurapa’ “rinowanzoshandiswa richireva ‘kusunga’ nejira, kuisa mushonga uye kurapa akuvara wacho.” Mukoti ane hanya angasunga nejira pakuvara pacho kuti apatsigire. Saizvozvowo, pavanenge vachiparidza mashoko oUmambo, vaparidzi vane hanya vanotsigira vose vanoteerera vanenge vachitamburawo. Uye pavanotsigira vaya vanoda kutsigirwa, vanoratidza kuti Jehovha ane hanya. (Ezekieri 34:15, 16) Munyori wepisarema anoti nezvaMwari: “Unoporesa vane mwoyo yakaputsika, unosunga mavanga avo.”—Pisarema 147:3.

Nzira Iyo Shoko roUmambo Rinoita Kuti Pave Nomusiyano

15, 16. Mienzaniso ipi yakanyatsoitika inoratidza kuti shoko roUmambo rinotsigira uye kusimbisa vaya vanofanira kutsigirwa nokusimbiswa?

15 Mienzaniso yakawanda yezvinhu chaizvo zvakaitika inoratidza kuti zvechokwadi shoko roUmambo rinotsigira uye kusimbisa vaya vane mwoyo yakaputsika. Imbofunga nezvaOreanna, mumwe mukadzi akura wokuSouth America uyo akanga afinhwa noupenyu. Chimwe Chapupu chaJehovha chakatanga kushanyira Oreanna uye kumuverengera Bhaibheri nebhuku rinonzi Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. * Pakutanga mukadzi wacho akanga aora mwoyo aiteerera akarara pamubhedha akavhara maziso ake, achitura mafemo nguva nenguva. Zvisinei, munguva pfupi akatanga kuedza kugara pamubhedha wake panguva yaaiverengerwa. Kwapera nguva yakati, akanga akagara pachigaro muimba yokutandarira, akamirira kuti munhu aimudzidzisa Bhaibheri asvike. Mukadzi wacho akazotanga kupinda misangano yechiKristu paImba yoUmambo. Akurudzirwa nezvaakadzidza pamisangano iyoyo, akatanga kugovera mabhuku eBhaibheri kumunhu wose aipfuura nepamba pake. Zvadaro, ava nemakore 93, Oreanna akabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Shoko roUmambo rakanga ramutsiridza chido chake chokurarama.—Zvirevo 15:30; 16:24.

16 Shoko roUmambo rinotsigirawo zvakasimba vaya vanoziva kuti chirwere chavo chava kuda kuzovauraya. Somuenzaniso, funga nezvaMaria, wokuWestern Europe. Aiva nechirwere chinouraya uye akanga asingachatarisiri kurarama. Paakashanyirwa neZvapupu zvaJehovha, akanga akaora mwoyo zvikuru. Zvisinei, paakadzidza nezvezvinangwa zvaMwari, upenyu hwake hwakava nechinangwa zvakare. Akabhabhatidzwa ndokushingaira chaizvo mubasa rokuparidza. Mumakore maviri okupedzisira oupenyu hwake, maziso ake airatidza tariro nomufaro. Maria akafa aine tariro yakasimba yorumuko.—VaRoma 8:38, 39.

17. (a) Shoko roUmambo riri kuita sei kuti upenyu hwevaya vanorigamuchira huve nomusiyano? (b) Chii chakaitika kwauri chinoratidza kuti Jehovha ari ku“simudza vose vakakotamiswa pasi?”

17 Mishumo yakadaro inopupurira kuti shoko roUmambo rinogona kuita kuti pave nomusiyano muupenyu hwevaya vanoda chokwadi cheBhaibheri. Vanhu vanenge vachichema mudiwa wavo akafa vanowana simba idzva pavanodzidza nezvetariro yorumuko. (1 VaTesaronika 4:13) Vanhu vanorarama vari varombo uye vanotamburira kuti mhuri dzavo dziwane chokudya vanotanga kuremekedzwa uye kuva noushingi pavanodzidza kuti Jehovha haazombofi akavasiya kana vakavimbika kwaari. (Pisarema 37:28) Vachibatsirwa naJehovha, vakawanda vakaora mwoyo zvikuru vanowana simba rinodiwa rokutsungirira uye dzimwe nguva vanotokwanisa kukurira chirwere ichocho. (Pisarema 40:1, 2) Zvechokwadi, nesimba rinopiwa neShoko rake, iye zvino Jehovha ari ku“simudza vose vakakotamiswa pasi.” (Pisarema 145:14) Nokucherechedza kuti mashoko akanaka oUmambo anonyaradza sei vakaputsika mwoyo vari mundima yedu uye muungano yechiKristu, tinogara tichiyeuchidzwa kuti tine mashoko akanakisisa anogona kuwanikwa nhasi!—Pisarema 51:17.

“Kuteterera Kwangu Kuna Mwari Nokuda Kwavo”

18. Kuramba kwakaita vaJudha mashoko akanaka kwakaita kuti Pauro anzwe sei, uye nei?

18 Kunyange zvazvo zvatinotaura ari mashoko akanakisisa, vakawanda vanozviramba. Izvi zvingaita kuti tinzwe sei? Semanzwiro akaita muapostora Pauro. Aiwanzoparidzira vaJudha, asi vakawanda vavo vairamba shoko roruponeso. Kuramba kwavaiita kwakarwadza Pauro zvikuru. Akabvuma kuti: “Ndine shungu kwazvo uye ndine marwadzo asingaperi mumwoyo mangu.” (VaRoma 9:2) Pauro ainzwira tsitsi vaJudha vaaiparidzira. Zvaimusuruvarisa kuti vairamba mashoko akanaka.

19. (a) Nei zvichinzwisisika kuti dzimwe nguva tingaodzwa mwoyo? (b) Chii chakabatsira Pauro kuramba achiita basa rake rokuparidza?

19 Isuwo tinoparidza mashoko akanaka nokuti tinonzwira vanhu tsitsi. Saka zvinonzwisisika kana tikaodzwa mwoyo vanhu vakawanda pavanoramba shoko roUmambo. Kuodzwa mwoyo ikoko kunoratidza kuti tine hanya zvechokwadi nemamiriro ezvinhu okunamata evaya vatinoparidzira. Zvisinei, tinofanira kuyeuka muenzaniso womuapostora Pauro. Chii chakamubatsira kuramba achiita basa rake rokuparidza? Kunyange hazvo kusagamuchira mashoko akanaka kwakaitwa nevaJudha kwakashungurudza uye kurwadzisa Pauro, haana kukanda mapfumo pasi nezvevaJudha vose, achifunga kuti vakanga vasingabatsiriki. Aiva netariro yokuti pakanga pachine vamwe vaigona kugamuchira Kristu. Nokudaro, achitaura manzwiro aaiita nezvomuJudha mumwe nomumwe, Pauro akanyora kuti: “Chido chemwoyo wangu nokuteterera kwangu kuna Mwari nokuda kwavo, zvechokwadi, zviri nokuda kworuponeso rwavo.”—VaRoma 10:1.

20, 21. (a) Patinenge tichiita ushumiri hwedu, tingatevedzera sei muenzaniso waPauro? (b) Chikamu chipi choushumiri hwedu chichakurukurwa munyaya inotevera?

20 Cherechedza zvinhu zviviri zvakasimbiswa naPauro. Mwoyo wake waishuva kuti vamwe vaponeswe, uye akateterera Mwari nezveizvi. Mazuva ano, tinotevedzera muenzaniso waPauro. Tinoramba tiine chishuvo chomwoyo wose chokuwana chero vapi zvavo vangave vachida kugamuchira mashoko akanaka. Tinoramba tichinyengetera kuna Jehovha kuti tiwane vanhu vakadaro kuitira kuti tivabatsire kutevera nzira ichaita kuti vazoponeswa.—Zvirevo 11:30; Ezekieri 33:11; Johani 6:44.

21 Zvisinei, kuti titaure nevanhu vakawanda sevanobvira nezveshoko roUmambo, hatifaniri kungofunga kuti nei tichiparidza uye kuti tinoparidza nezvechii asiwo kuti tinoparidza sei. Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Nyaya ino ichakurukura zvinhu zviviri zvokutanga. Nyaya yechipiri ichakurukura chechitatu chacho.

^ ndima 15 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Wadzidzei?

• Tinoita ushumiri nokuda kwezvikonzero zvipi?

• Shoko ratinonyanya kuparidza nderei?

• Zvikomborero zvipi zvinowanikwa nevaya vanogamuchira shoko roUmambo?

• Chii chichatibatsira kuramba tichiita ushumiri hwedu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 18]

Shoko roUmambo rinopa simba kune vane mwoyo yakaputsika

[Mifananidzo iri papeji 20]

Munyengetero unobatsira kuti titsungirire muushumiri hwedu