Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mashoko Akanaka Evanhu Vemarudzi ose

Mashoko Akanaka Evanhu Vemarudzi ose

Mashoko Akanaka Evanhu Vemarudzi ose

“Muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.”—MABASA 1:8.

1. Sevadzidzisi veBhaibheri, tinofunga nezvechii, uye nei?

VADZIDZISI vanonyatsogona kudzidzisa havangofungi nezvezvinhu zvavanoudza vavanodzidzisa asiwo vanofunga nezvenzira dzavanoshandisa pakuvaudza. Sevadzidzisi vechokwadi cheBhaibheri, tinoitawo zvakafanana. Tinofunga nezveshoko ratinoparidza uyewo nezvenzira dzatinoshandisa. Zvatinoparidza, mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, hazvichinji, asi isu tinochinja nzira dzatinoshandisa kuti dzienderane nemamiriro ezvinhu. Nei? Kuti tikwanise kutaura nevanhu vakawanda sevanobvira.

2. Patinochinja nzira dzedu dzokuparidza kuti dzienderane nemamiriro ezvinhu, tiri kutevedzera ani?

2 Patinochinja nzira dzedu dzokuparidza kuti dzienderane nemamiriro ezvinhu, tinotevedzera vashumiri vaMwari vekare. Somuenzaniso, chimbofunga nezvomuapostora Pauro. Akati: “KuvaJudha ndakava somuJudha. . . Kune vasina mutemo ndakava seasina mutemo . . . Kune vasina simba ndakava asina simba, kuti ndiwane vasina simba. Ndakava zvinhu zvose kune vanhu vamarudzi ose, kuti ndiponese vamwe.” (1 VaKorinde 9:19-23) Paaichinja madzidzisiro ake zvichienderana nemamiriro ezvinhu, Pauro aibudirira. Isuwo tichabudirira kana tikachinja mharidzo dzedu kuti dzienderane nevanhu vatiri kutaura navo.

Kusvikira Ku“mativi Ose Enyika”

3. (a) Idambudziko rei ratinotarisana naro mubasa redu rokuparidza? (b) Mashoko aIsaya 45:22 ari kuzadzikwa sei nhasi?

3 Dambudziko guru rinotarisana nevaya vanoparidza mashoko akanaka nderokukura kwakaita ndima yacho—“pasi rose rinogarwa.” (Mateu 24:14) Mumakore zana akapfuura, vashumiri vaJehovha vakawanda vakashanda nesimba kuti vasvike kunyika itsva kunoparadzira mashoko akanaka. Zvakaguma nei? Kuwedzera kunoshamisa munyika yose. Pakutanga kwezana remakore rechi20, kuparidza kwaiitwa munyika shomanana chete, asi iye zvino Zvapupu zvaJehovha zvinoshingaira munyika 235! Zvechokwadi, mashoko akanaka oUmambo ari kuziviswa kunyange ku“mativi ose enyika.”—Isaya 45:22.

4, 5. (a) Ndivanaani vakaita basa rinonyanya kukosha pakuparadzira mashoko akanaka? (b) Dzimwe hofisi dzemapazi dzakatii nezvevaya vanobva kune dzimwe nyika vanoshumira vari mundima yebazi racho?

4 Chii chinoita kuti pave nokufambira mberi kwakadaro? Pane zvinhu zvakawanda. Mamishinari anodzidziswa kuChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi uye munguva pfupi yapfuura, vanopfuura 20 000 vakapedza kudzidza paChikoro Chokudzidzisa Vashumiri vakabatsirawo zvikuru. Zvapupu zvakawanda izvo zvakashandisa mari yazvo kuti zvitamire kunyika dzinodiwa vaparidzi voUmambo vakawanda zvakabatsirawo. VaKristu vanozvipira vakadaro—varume nevakadzi, vaduku nevakuru, vasina kuroora kana kuroorwa uye vakaroorana—vanoita basa rakakura pakuparidza shoko roUmambo munyika yose. (Pisarema 110:3; VaRoma 10:18) Vanoongwa zvikuru. Imboona zvakanyorwa nedzimwe hofisi dzemapazi pamusoro pevaya vanobva kune dzimwe nyika avo vanoshanda kunodiwa vaparidzi vakawanda mundima yebazi racho.

5 “Izvi Zvapupu zvinodiwa zvinotungamirira basa rokuparidza munharaunda dziri kwadzo dzoga, zvinobatsira kutanga ungano itsva, uye zvinobatsira kuti hama nehanzvadzi dzomunyika iyoyo dzikure mune zvokunamata.” (Ecuador) “Kana mazana evokune dzimwe nyika ari kushumira muno akaenda, zvingakanganisa kutsiga kweungano. Takakomborerwa kuva navo.” (Dominican Republic) “Muungano dzedu dzakawanda, vazhinji vacho dzinenge dziri hanzvadzi, dzimwe nguva vanosvika ku70 muzana. (Pisarema 68:11) Hanzvadzi dzacho zhinji dzichangobva kuwana chokwadi, asi hanzvadzi dzisina kuroorwa dzinopayona dzakabva kune dzimwe nyika dzinopa rubatsiro runokosha zvikuru nokudzidzisa vatsva vakadaro. Hanzvadzi idzi dzinobva kune dzimwe nyika chikomborero chaicho kwatiri!” (Nyika yokuEastern Europe) Wati wambofunga nezvokushumira uri kune imwe nyika here? *Mabasa 16:9, 10.

“Varume Vane Gumi Pandimi Dzose”

6. Zekaria 8:23 inotii nezvedambudziko rokutaura nevanhu vanotaura mumwe mutauro mubasa redu rokuparidza?

6 Rimwe dambudziko rakakura nderokusiyana-siyana kwemitauro inotaurwa pasi pano. Shoko raMwari rakafanotaura kuti: “Namazuva iwayo varume vane gumi pandimi dzose dzendudzi dzavanhu vachabata nguo yomunhu uri muJudha, vachiti: Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari unemi.” (Zekaria 8:23) Mukuzadzika kwemazuva ano kwouprofita uhu, varume gumi vanomiririra boka guru, rakaprofitwa nezvaro pana Zvakazarurwa 7:9. Zvisinei, cherechedza kuti maererano nouprofita hwaZekaria, “varume vane gumi” vaisazongobva mumarudzi ose asiwo “pandimi dzose dzendudzi dzavanhu.” Takaona kuzadzika kwechikamu ichi chinokosha chouprofita here? Hungu, zvechokwadi.

7. Inhamba dzipi dzinoratidza kuti vanhu vanobva “pandimi dzose” vari kuudzwa mashoko akanaka?

7 Funga nezvedzimwe nhamba. Makore makumi mashanu akapfuura mabhuku edu aibudiswa mumitauro 90. Mazuva ano, nhamba iyoyo yava kupfuura 400. “Muranda akatendeka, akangwara,” ari kuita zvose zvaanogona kuti agovere mabhuku kunyange kune vamwe vane mutauro unotaurwa nevanhu vashomanana zvikuru. (Mateu 24:45) Somuenzaniso, iye zvino mabhuku eBhaibheri ava kuwanika mumutauro weGreenlandic (unotaurwa nevanhu 47 000), wePalauan (unotaurwa nevanhu 15 000), uye weYapese (unotaurwa nevanhu vasingasviki 7 000).

“Musuo Muhombe” Unoita Kuti Pave Nemikana Mitsva

8, 9. Chii chiri kuita kuti tive no“musuo muhombe,” uye zviuru zveZvapupu zvakaita sei?

8 Zvisinei, mazuva ano hatifaniri hedu kuenda kune imwe nyika kuti tiudzewo vanhu vemitauro yose mashoko akanaka. Mumakore mashomanana apfuura, kutama kwakaita mamiriyoni evanhu achienda kunyika dzakabudirira kwakaita kuti pave nenzanga dzevanhu vakatamira kunyika idzodzo vanotaura mitauro yakawanda. Somuenzaniso, muParis, kuFrance, munotaurwa mitauro inenge 100. MuToronto, kuCanada, munotaurwa mitauro 125; uye muLondon, kuEngland, munotaurwa mitauro yokumwe inopfuura 300! Kuva nevanhu vanobva kune dzimwe nyika mundima dzeungano dzakawanda kunovhura “musuo muhombe” unoita kuti pave nemikana mitsva yokuudzawo vanhu vemarudzi ose mashoko akanaka.—1 VaKorinde 16:9.

9 Zviuru zveZvapupu zviri kukurira dambudziko racho nokudzidza mumwe mutauro. Kune vakawanda vavo, izvi zvakaoma; asi kutambura kwavanoita kunotsiviwa nomufaro wokubatsira vanenge vatamirako uye vapoteri kuti vadzidze chokwadi chinowanikwa muShoko raMwari. Mugore rapfuura, vanoda kusvika 40 muzana vevaya vakabhabhatidzwa pakokorodzano dzoruwa mune imwe nyika yokuWestern Europe vakanga vabva kune dzimwe nyika.

10. Wakashandisa sei kabhuku kanonzi Mashoko Akanaka Evanhu Vemarudzi Ose? (Ona bhokisi rinoti “Zviri mukabhuku kanonzi Mashoko Akanaka Evanhu Vemarudzi Ose,” riri papeji 26.)

10 Zvechokwadi, vakawanda vedu havakwanisi kudzidza mumwe mutauro. Kunyange zvakadaro, tinogona kubatsirawo vakatamira munyika yedu nokushandisa zvakanaka kabhuku kachangobudiswa kanonzi Mashoko Akanaka Evanhu Vemarudzi Ose, * kane shoko reBhaibheri rinofadza mumitauro yakawanda. (Johani 4:37) Uri kushandisa kabhuku aka muushumiri here?

Kana Vanhu Vasingateereri

11. Nderipi rimwe dambudziko riri mune dzimwe ndima?

11 Sezvo Satani anoramba achifurira vanhu panyika, pane rimwe dambudziko rinogara riripo—mune dzimwe ndima vanhu vashomanana ndivo vanoteerera. Zvechokwadi, izvi hazvitishamisi, sezvo Jesu akafanotaura kuti zvinhu zvakadaro zvaizoitika. Achitaura nezvezuva redu, akati: “Rudo rwevakawanda zvikuru ruchatonhora.” (Mateu 24:12) Zvechokwadi, vakawanda havachanyanyi kudavira muna Mwari uye kuremekedza Bhaibheri. (2 Petro 3:3, 4) Zvakaguma zvaitika ndezvokuti mune dzimwe nyika, vanhu vashomanana chete ndivo vanova vadzidzi vatsva vaKristu. Zvisinei, izvozvo hazvirevi kuti hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu dzinoparidza dzakatendeka mundima dzine vanhu vasingateereri vakadaro dzinoshanda nesimba pasina. (VaHebheru 6:10) Nei? Imbofunga zvinotevera.

12. Ndezvipi zvinangwa zviviri zvebasa redu rokuparidza?

12 Evhangeri yaMateu inosimbisa zvinangwa zviviri zvebasa redu rokuparidza. Chokutanga ndechokuti ti“ite vanhu vamarudzi ose vadzidzi.” (Mateu 28:19) Chimwe chacho ndechokuti shoko roUmambo rinoshanda so“uchapupu.” (Mateu 24:14) Zvinangwa zvacho zvose zvinokosha, asi chapedzisira kutaurwa chinonyanya kukosha. Nei?

13, 14. (a) Chinhu chipi chinoshamisa chine chokuita nechiratidzo chokuvapo kwaKristu? (b) Tinofanira kuyeukei, kunyanya patinenge tichiparidza mundima dzine vanhu vashomanana vanoteerera?

13 Munyori weBhaibheri Mateu akanyora kuti vaapostora vakabvunza Jesu vachiti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechekuguma kwegadziriro yezvinhu?” (Mateu 24:3) Achipindura, Jesu akataura kuti chimwe chinhu chinoshamisa chine chokuita nechiratidzo ichocho raizova basa rokuparidza rinoitwa munyika yose. Akanga ari kutaura nezvokuita vadzidzi here? Aiwa. Akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.” (Mateu 24:14) Saka Jesu akaratidza kuti basa rokuparidza Umambo pacharo raizova chinhu chinokosha chine chokuita nechiratidzo chacho.

14 Saka, sezvatinoparidza mashoko akanaka oUmambo, tinoyeuka kuti kunyange kana tisingabudiriri kuita vadzidzi nguva dzose, tinobudirira kupa “uchapupu.” Pasinei nezvingaitwa nevanhu, vanoziva zvatiri kuita, nokudaro tinozadzisawo uprofita hwaJesu. (Isaya 52:7; Zvakazarurwa 14:6, 7) Jordy, chimwe Chapupu chiduku chokuWestern Europe chakati: “Zvinondifadza zvikuru kuziva kuti ndiri kushandiswa naJehovha kuti ndizadzisewo Mateu 24:14.” (2 VaKorinde 2:15-17) Hapana mubvunzo kuti unoonawo saizvozvo.

Kana Shoko Redu Richishorwa

15. (a) Jesu akafanonyevera vateveri vake nezvei? (b) Chii chinoita kuti tiparidze kunyange zvazvo tichishorwa?

15 Kushorwa kwakasimba nderimwe dambudziko rine chokuita nokuparidza mashoko akanaka oUmambo. Jesu akafanonyevera vateveri vake kuti: “Muchavengwa nemarudzi ose nemhaka yezita rangu.” (Mateu 24:9) Kufanana nevaKristu vepakutanga, nhasi vateveri vaJesu vave vachivengwa, vachishorwa, uye vachitambudzwa. (Mabasa 5:17, 18, 40; 2 Timoti 3:12; Zvakazarurwa 12:12, 17) Mune dzimwe nyika, izvozvi vakarambidzwa kuita basa ravo nehurumende. Kunyange zvakadaro, nokuti vanoda kuteerera Mwari, vaKristu vechokwadi vari munyika dzakadaro vanoramba vachiparidza mashoko akanaka oUmambo. (Amosi 3:8; Mabasa 5:29; 1 Petro 2:21) Chii chinoita kuti ivo pamwe chete nezvimwe Zvapupu zvose zviri munyika yose vakwanise kudaro? Jehovha anovapa simba achishandisa mudzimu wake mutsvene.—Zekaria 4:6; VaEfeso 3:16; 2 Timoti 4:17.

16. Jesu akaratidza sei kubatana kwakaita basa rokuparidza nomudzimu waMwari?

16 Jesu akasimbisa kubatana kwakanyatsoita mudzimu waMwari nebasa rokuparidza paakaudza vateveri vake kuti: “Muchagamuchira simba kana mudzimu mutsvene wasvika pamuri, uye muchava zvapupu zvangu . . . kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.” (Mabasa 1:8; Zvakazarurwa 22:17) Kutevedzana kwezviitiko zviri murugwaro rwuno kunokosha. Kutanga, vadzidzi vakagamuchira mudzimu mutsvene, zvadaro vakaita basa rokupupura munyika yose. Vaizova nesimba rokutsungirira kupa “uchapupu kumarudzi ose” kana bedzi vatsigirwa nomudzimu waMwari. (Mateu 24:13, 14; Isaya 61:1, 2) Naizvozvo, zvakakodzera kuti Jesu akataura nezvomudzimu mutsvene so“mubetseri.” (John 15:26) Akati mudzimu waMwari waizodzidzisa nokutungamirira vadzidzi vake.—Johani 14:16, 26; 16:13.

17. Patinoshorwa zvinotyisa, mudzimu mutsvene unotibatsira sei?

17 Nhasi mudzimu waMwari unotibatsira sei patinoshorwa nokuda kwebasa redu rokuparidza mashoko akanaka? Mudzimu waMwari unotisimbisa, uye unodzivisa vaya vanotitambudza. Kuti uenzanisire izvi, imbofunga nezvezvakaitika muupenyu hwaMambo Sauro.

Kudziviswa Nomudzimu waMwari

18. (a) Sauro akachinja achiita zvakaipisisa sei? (b) Sauro akashandisa nzira dzipi kuti atambudze Dhavhidhi?

18 Sauro akatanga zvakanaka samambo wokutanga waIsraeri, asi pava paya haana kuzoteerera Jehovha. (1 Samueri 10:1, 24; 11:14, 15; 15:17-23) Zvakaguma zvaitika ndezvokuti mudzimu waMwari wakanga usisiri kutsigira mambo. Sauro akatsamwa kwazvo ndokuitira Dhavhidhi zvechisimba, uyo akanga azodzwa samambo aitevera uye akanga ava kutsigirwa nomudzimu waMwari. (1 Samueri 16:1, 13, 14) Zvaiita sokuti zvaizova nyore kubata Dhavhidhi. Aingova noudimbwa, asi Sauro akanga aine bakatwa. Naizvozvo rimwe zuva Dhavhidhi paairidza udimbwa, “Sauro akaposha pfumo, nokuti wakati: Ndichabayira Dhavhidhi pamadziro. Dhavhidhi akanzvenga kaviri pamberi pake.” (1 Samueri 18:10, 11) Pashure paizvozvo, Sauro akateerera mwanakomana wake Jonatani, uyo aiva shamwari yaDhavhidhi, uye akapika achiti: “NaJehovha mupenyu, [Dhavhidhi] haangaurawi.” Asi zvadaro Sauro “akaidza[zve] kubayira Dhavhidhi pamadziro nepfumo.” Zvisinei, “Dhavhidhi akatiza.” Kunyange akatiza, Sauro akamutevera. Panguva iyoyo yakaoma, mudzimu waMwari wakadzivisa Sauro. Sei?—1 Samueri 19:6, 10.

19. Mudzimu waMwari wakadzivirira Dhavhidhi sei?

19 Dhavhidhi akatizira kumuprofita Samueri, asi Sauro akatuma varume vake kuti vabate Dhavhidhi. Zvisinei, pavakasvika panzvimbo yaivanda Dhavhidhi, “mweya waMwari akauya pamusoro penhume dzaSauro, naidzo dzikaprofitawo.” Vakazadzwa nomudzimu waMwari zvokuti vakakanganwa zvachose chavakanga vafambira. Kaviri Sauro akatuma varume kuti vadzose Dhavhidhi, uye vakaita zvakafanana pose paaivatuma. Pakupedzisira, Mambo Sauro pachake akaenda kuna Dhavhidhi, asi Saurowo haana kukwanisa kudzivisa mudzimu waMwari. Kutaura zvazviri, mudzimu mutsvene wakamutadzisa kuita chinhu “zuva iro rose nousiku uhwo hwose”—zvichipa Dhavhidhi mukana wakakwana wokutiza.—1 Samueri 19:20-24.

20. Tingadzidzei munhoroondo yokutambudzwa kwakaitwa Dhavhidhi naSauro?

20 Nhoroondo iyi yaSauro naDhavhidhi ine chidzidzo chinosimbisa: Vanhu vanotambudza vashumiri vaMwari havagoni kubudirira pavanodziviswa nomudzimu waMwari. (Pisarema 46:11; 125:2) Chinangwa chaJehovha chaiva chokuti Dhavhidhi azova mambo waIsraeri. Hapana aigona kuzvichinja. Muzuva redu, Jehovha akati “mashoko akanaka oumambo achaparidzwa.” Hapana munhu angatadzisa izvozvo kuitika.—Mabasa 5:40, 42.

21. (a) Nhasi vamwe vashori vanoita sei? (b) Tine chivimbo chei?

21 Vamwe vatungamiriri vezvitendero uye vezvematongerwo enyika vanoshandisa nhema uye chisimba kuti vaedze kutivhiringidza. Zvisinei, Jehovha zvaakadzivirira Dhavhidhi panyaya yokunamata, saizvozvowo Iye achadzivirira vanhu Vake nhasi. (Maraki 3:6) Naizvozvo, kufanana naDhavhidhi, tinoti nechivimbo: “Ndakavimba naMwari, handingatyi; vanhu vangandiiteiko?” (Pisarema 56:11; 121:1-8; VaRoma 8:31) Tichibatsirwa naJehovha, ngatirambe tichikurira matambudziko ose sezvatinoita basa ratakapiwa naMwari rokuparidza mashoko akanaka oUmambo kuvanhu vemarudzi ose.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Ona bhokisi rinoti “Pfungwa Yakasimba Yokugutsikana,” riri papeji 22.

^ ndima 10 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungayeuka Here?

• Nei tichichinja nzira dzedu dzokuparidza kuti dzienderane nemamiriro ezvinhu?

• Ndoupi “musuo muhombe” unounza mikana mitsva?

• Chii chinopedzwa nebasa redu rokuparidza, kunyange mundima dzine vanhu vashomanana vanoteerera?

• Nei pasina mushori angamisa kuparidzwa kwemashoko akanaka oUmambo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 22]

Pfungwa Yakasimba Yokugutsikana

“Vanofara uye vanonakidzwa nokushumira Jehovha vakabatana.” Mashoko iwayo anorondedzera imwe mhuri yakatama kubva kuSpain ichienda kuBolivia. Mumwe mwanakomana womumhuri yacho akanga aendako kunotsigira rimwe boka risati rava ungano. Mufaro wake waioneka wakafadza vabereki vake zvokuti nenguva isipi mhuri yose—inosanganisira vakomana vana vane makore anotangira pa14 kusvika ku25—yakanga yava kushumira ikoko. Iye zvino vatatu vevakomana vacho vava kupayona, uye munguva pfupi yapfuura akatanga wacho akapinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri.

“Zvinetso zvacho zvakawanda,” anodaro Angelica, ane makore 30, wokuCanada, uyo anoshumira ari kuEastern Europe, “asi ndinogutsikana nokubatsira vanhu muushumiri. Uyewo ndinobayiwa mwoyo nemashoko okutenda eZvapupu zvokuno izvo zvinowanzondionga kuti ndakauya kuzozvibatsira.”

“Taifanira kujairana netsika dzakasiyana-siyana dzakawanda,” vanodaro mukoma nomunun’una vokuUnited States vava kuda kusvitsa makore 30, avo vanoshumira vari muDominican Republic. “Zvisinei, takatsungirira mubasa redu, uye vanhu vanomwe vatinodzidza navo Bhaibheri vava kupinda misangano.” Hanzvadzi mbiri idzi dzakabatsira kuronga boka revazivisi voUmambo mutaundi rakanga risina ungano.

Laura, hanzvadzi yava kuda kusvitsa makore 30, yave ichishanda kune imwe nyika kwemakore anopfuura mana. Anoti: “Ndinoita nemaune kuti upenyu hwangu hurambe huri nyore. Izvi zvinobatsira vaparidzi kuti vaone kuti kurarama zvine mwero inyaya yokuda uye yokuva nepfungwa dzakanaka, kwete kuti uri murombo. Kukwanisa kubatsira vamwe, kunyanya pwere, kwave kuchindiunzira mufaro uyo unokunda matambudziko chaiwo okushanda mundima yokumwe. Handingambochinji basa rangu kuno kuti ndiwane humwe upenyu, uye ndicharamba ndiri kuno chero bedzi Jehovha achindibvumidza.”

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 26]

Zviri Mukabhuku Kanonzi Mashoko Akanaka Evanhu Vemarudzi Ose

Kabhuku kanonzi Mashoko Akanaka Evanhu Vemarudzi Ose kane mashoko anokwana papeji imwe chete akanyorwa mumitauro yakasiyana-siyana inosvika 92. Mashoko acho akanyorwa sokuti ndiwe uri kutaura. Saka saimba paanoverenga mashoko acho, zvinoita sokuti uri kutaura naye.

Butiro romukati rine mepu yepasi rose. Shandisa mepu iyi kuti utange ukama nasaimba. Zvichida unogona kunongedzera nyika yaunogara woratidza kuti ungada kuziva kuti iye anobva kupi. Kana ukadaro, ungaita kuti ataure asingatyi woita kuti aone kuti uri shamwari yake uye anzwe akasununguka.

Sumo yekabhuku kacho inotaura matanho anoverengeka atinofanira kuita kuti tipe rubatsiro runoshanda kune vaya vanotaura mutauro watisinganzwisisi. Tapota nyatsoverenga matanho aya woashandisa nokungwarira.

Peji inoratidza zviri mukati haingorongi mitauro yacho chete asiwo zviratidzo zvemitauro zvinomiririra mitauro yacho. Izvi zvichakubatsira kuziva zviratidzo zvemitauro zvakadhindwa pamaturakiti edu nemamwe mabhuku emitauro yakasiyana-siyana.

[Mufananidzo]

Uri kushandisa kabhuku aka muushumiri here?

[Mifananidzo iri papeji 23]

Mabhuku edu eBhaibheri ava kuwanikwa mumitauro inopfuura 400

GHANA

LAPLAND (SWEDEN)

PHILIPPINES

[Mifananidzo iri papeji 24]

Ungakwanisa kushumira kunodiwa vazivisi voUmambo vakawanda here?

ECUADOR

DOMINICAN REPUBLIC