Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Dheuteronomio 14:21 inoti: “Musadya chinhu chakangofa choga.” Inopokana here naRevhitiko 11:40, iyo inoti: “Unodya chitunha chayo ngaasuke nguo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko; nomunhu unotakura chitunha chayo ngaasuke nguo dzake, ave usina kunaka kusvikira madeko”?

Ndima idzi mbiri hadzipokani. Rugwaro rwokutanga runodzokorora kuti kudya mhuka yakafa yoga, pamwe yainge yaurayiwa nemhuka dzomusango, kwairambidzwa. (Eksodho 22:31; Revhitiko 22:8) Rwechipiri runotsanangura zvingadai zvakaitwa nomuIsraeri kana aita zvakarambidzwa izvozvo, zvimwe azviita asingazivi.

Kurambidza kwaiita Mutemo chimwe chinhu kwakanga kusingarevi kuti mutemo iwoyo waizongogara uchiteererwa. Somuenzaniso, paiva nemitemo yairambidza kuba, kuponda, kupupurira nhema, zvichingodaro. Panguva yakafanana, vaya vaityora mitemo yainge yapiwa naMwari iyoyo vairangwa. Zvirango zvakadaro zvaisimbisa mitemo uye zvairatidza kuti yakanga yakakomba sei.

Munhu aiita zvakarambidzwa zvokuti asadya nyama yemhuka yakafa yoga aizova asina kuchena mumaziso aJehovha uye aifanira kucheneswa zvakakodzera. Kana aizokundikana kuzvichenesa zvakakodzera, aifanira “kuva nemhosva yake.”—Revhitiko 17:15, 16.