Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndinofara Nezvandakaita Mubasa Romunyika Yose Rokudzidzisa Bhaibheri

Ndinofara Nezvandakaita Mubasa Romunyika Yose Rokudzidzisa Bhaibheri

Nyaya Youpenyu

Ndinofara Nezvandakaita Mubasa Romunyika Yose Rokudzidzisa Bhaibheri

YAKATAURWA NAANNA MATHEAKIS

Chikepe chinotakura vanhu chakanga chabatira moto. Kudai chaizonyura, chikepe ichi chikuru chakanga chakareba mamita 171 chaizondinyudza mumvura ndofa. Ndakakurumidza kushambira ndichienda kwakachengeteka, ndichirwisana nemafungu akanga akasimba. Kuti ndirambe ndichiyangarara ndaitofanira kubatisisa chipfeko chinoita kuti uyangarare chakanga chakapfekwa nomumwe mukadzi. Ndakanyengetera kuna Mwari kuti andipe simba noushingi. Ndizvo chete zvandaigona kuita.

MAIVA mugore ra1971, uye ndakanga ndichidzokera kuItaly, kunzvimbo yechitatu yandainoshanda somumishinari. Pakaparara chikepe ichocho, ndakarasikirwa nezvinenge zvinhu zvose zvandaiva nazvo. Asi handina kurasikirwa nezvinhu zvinonyanya kukosha—upenyu hwangu, hama dzangu dzechiKristu dzine rudo, uye ropafadzo yokushumira Jehovha. Basa iroro rakanga ratondiendesa kumakondinendi matatu, uye kuparara kwakaita chikepe kwaingova chimwe chezvinhu zvakawanda zvakaitika muupenyu hwangu.

Ndakaberekwa muna 1922. Mhuri yedu yaigara muRām Allāh, anenge makiromita 16 kuchamhembe kweJerusalem. Vabereki vangu vose vaibva kuchitsuwa cheCrete, asi baba vangu vakarererwa kuNazareth. Ini ndini ndakanga ndiri gotwe pavakomana vatatu nevasikana vaviri. Mhuri yedu yakarwadziwa chaizvo nokufa kwakaita hanzvadzi yangu yaiva yechipiri, iyo yakanyura muRwizi rwaJordan pavakanga vaenda kunovhakacha sechikoro. Pashure penjodzi iyi amai vangu vakaramba kugara muRām Allāh, uye takatamira kuAthens, Greece, pandaiva nemakore matatu.

Mhuri Yedu Inonzwa Chokwadi cheBhaibheri

Tichangosvika muGreece, hanzvadzi yangu yaiva dangwe, Nikos, uyo akanga ava nemakore 22, akaonana neVadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Kudzidza Bhaibheri kwakamupa mufaro mukuru uye kwakaita kuti ashingairire ushumiri hwechiKristu chaizvo. Izvi zvakashatirisa baba vangu, vachibva vadzinga Nikos pamba. Zvisinei, baba vangu pavaienda kuPalestine, ini, amai, nomukoma wangu taienda kumisangano yechiKristu naNikos. Ndichiri kunyatsoyeuka amai vangu vachitaura nechido nezvezvinhu zvavainge vanzwa pamisangano iyoyo. Asi mushure menguva shomanana vakarwara nekenza vakafa vava nemakore 42. Panguva iyoyo yakanga yakaoma, mukoma wangu Ariadne akatarisira mhuri yedu norudo. Pasinei nokuti akanga achiri muduku, kwemakore akawanda akanga akaita saamai kwandiri.

Baba vangu vaigara vachienda neni kuChechi yeOrthodox pavaiva muAthens, uye pashure pokunge vafa, ndakaramba ndichienda kuchechi, kunyange hangu ndakanga ndisingachanyanyi kuenda. Sezvo ndakaona kuti vanhu vaiuya kuchechi vakanga vasingararami zvinoenderana nokuda kwaMwari, ndakapedzisira ndisingachaendi.

Pashure pokunge baba vangu vafa, ndakakwanisa kuwana basa rakanaka kubazi rehurumende rinoona nezvemari. Zvisinei, hanzvadzi yangu yakanga yazvipira kuita basa rokuparidza Umambo, ichishumira iri kuGreece kwemakore akawanda. Muna 1934 yakatamira kuCyprus. Panguva iyoyo, pachitsuwa ichocho pakanga pasina Zvapupu zvaJehovha zvakabhabhatidzwa, saka akava neropafadzo yokuita kuti basa rokuparidza rifambire mberi ikoko. Pashure pokunge aroora, mudzimai wake ainzi Galatia akashandawo somushumiri wenguva yakazara kwemakore akawanda. * Nikos aigara achititumira mabhuku eBhaibheri nemagazini, asi taisatomboavhura. Akaramba ari kuCyprus kusvikira afa.

Kuita Kuti Chokwadi cheBhaibheri Chive Mumwoyo Mangu

Muna 1940, George Douras, Chapupu chaishingaira chokuAthens uye chaiva shamwari yaNikos, akatishanyira uye akatikoka kuti tibatane neboka raidzidza Bhaibheri pamba pake. Takabvuma kukokwa kwacho tichifara. Nenguva isipi takatanga kuudzawo vamwe zvatakanga tichidzidza. Kuva nezivo yeBhaibheri kwakaita kuti ini nomukoma wangu titsaurire upenyu hwedu kuna Jehovha. Ariadne akabhabhatidzwa muna 1942, uye ini muna 1943.

Hondo yeNyika II payakapera, Nikos akatikoka kuti tiende kuCyprus, saka muna 1945 takatamira kuNicosia. Kusiyana nokuGreece, basa rokuparidza rakanga risingarambidzwi muCyprus. Taisangoita ushumiri hwepaimba neimba chete, asiwo taipupurira mumugwagwa.

Kwapera makore maviri, Ariadne aifanira kudzokera kuGreece. Ari ikoko akaonana neaizova murume wake, mumwe ainamatawo Jehovha, saka akaramba ari kuAthens. Nenguva isipi mukoma wangu nomurume wake vakandikurudzira kuti ndidzoke kuGreece kuzotanga ushumiri hwenguva yakazara muguta guru racho. Sezvo ndakanga ndagara ndichida kupayona, ndakadzokera kuAthens, kwaidiwa vaparidzi vakawanda.

Misuo Mitsva Yebasa Inozarurwa

Musi waNovember 1, 1947, ndakatanga kupayona, ndichipedzera maawa 150 mubasa rokuparidza mwedzi woga woga. Ndima yeungano yedu yakanga yakakura, uye ndaifanira kufamba madaro marefu. Pasinei nezvose izvi, ndakava nezvikomborero zvakawanda. Mapurisa aiwanzosunga Zvapupu zvaaiwana zviri mubasa rokuparidza kana kuti zviri pamisangano yechiKristu, saka hapana kupera nguva refu ndisati ndasungwa.

Ndakapomerwa mhosva yokutendeutsa vanhu, mhosva yaiva yakakura chaizvo panguva yacho. Ndakatongerwa mwedzi miviri mujeri revakadzi reAverof riri muAthens. Imwe hanzvadzi yakanga ichitovako, uye tiri vaviri takawadzana zvinofadza uye zvinovaka sevaKristu pasinei nokuti takanga takavharirwa. Pashure pokunge ndapedza mutongo wangu, ndakaramba ndichipayona ndichifara. Vakawanda vevaya vandakadzidza navo Bhaibheri panguva iyoyo vachiri vashumiri vaJehovha vakatendeka, uye izvozvo zvinondifadza zvikuru.

Muna 1949, ndakakokwa kuti ndinopinda kirasi yechi16 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi muUnited States, kunodzidziswa vashumiri venguva yakazara basa roumishinari. Ini nevandaiva noukama navo takafara chaizvo. Ndakaronga kunopinda kokorodzano yemarudzi akawanda muNew York City muzhizha ra1950, uye kwava kuzopinda chikoro cheGiriyedhi.

Ndasvika muUnited States, ndakava neropafadzo yokushanda kwemwedzi mishomanana somuchenesi wedzimba ndiri padzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha muNew York City. Yaiva nzvimbo yakachena, inofadza, uye inovaka, uye ndakanga ndakakomberedzwa nehama nehanzvadzi dzainyemwerera. Ndichagara ndichiyeuka nomufaro mwedzi mitanhatu yandakapedza ndiri ikoko. Zvadaro yakanga yava nguva yokuti ndichipinda Chikoro cheGiriyedhi, uko mwedzi mishanu yokudzidza zvakakomba nokurayiridzwa yakakurumidza kupera. Isu vadzidzi takasvika pakuziva kuti zivo yomuMagwaro inokosha uye yakanaka zvikuru, uye izvozvo zvakawedzera mufaro wedu nechido chedu chokuudzawo vamwe zivo yechokwadi inopa upenyu.

Nzvimbo Yandakatanga Kushanda Somumishinari

KuChikoro cheGiriyedhi, takabvumirwa kusarudza vataida kuzoshanda navo tisati taudzwa kwataizoshanda tiri mamishinari. Ini ndaizoshanda naRuth Hemmig (ava kunzi Ruth Bosshard), hanzvadzi yakanaka kwazvo. Ini naRuth takafara chaizvo patakanzi tiende kunoshanda kuIstanbul, Turkey—mharadzano yaiva pakati peAsia neEurope! Taiziva kuti basa rokuparidza rakanga risati rava pamutemo munyika iyoyo, asi takanga tiine chokwadi chokuti Jehovha aizotitsigira.

Istanbul iguta rakanaka kwazvo rine vanhu vemarudzi akasiyana-siyana. Ikoko takawana misika yakanga yakazara zvinhu uye iine vanhu vakawanda, zvokudya zvinonaka zvinobikwa nenzira dzakasiyana-siyana, mamiziyamu ainakidza, vavakidzani vaifara, uye nzvimbo yainakidza kuona nguva dzose yaiva pedyo nemvura. Zvinotonyanya kukosha, takawana vanhu vaida kudzidza nezvaMwari nomwoyo wose. Boka duku reZvapupu raiva muIstanbul raiva nevanhu vokuArmenia, vokuGreece, uye vaJudha. Zvisinei, kwaiva nemamwe marudzi akawanda, uye zvaibatsira chaizvo kuziva mitauro yakasiyana-siyana, kusanganisira wokuTurkey. Takanakidzwa chaizvo nokuonana nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakanga vaine nyota yechokwadi. Vakawanda pane ivava vari kuramba vachishumira Jehovha vakatendeka.

Zvinosuruvarisa kuti Ruth haana kubudirira kugadzirisa tsamba yake yaimupa mvumo yokuti agare, saka aitofanira kubuda munyika yacho. Achiri mubasa renguva yakazara kuSwitzerland. Pashure pemakore ose aya, ndichiri kusuwa ushamwari hwake hwaifadza, hwaivaka.

Kutamira Kune Imwe Nyika

Muna 1963 handina kuzopiwazve tsamba yaindipa mvumo yokugara muTurkey. Zvakanga zvakaoma kusiyana nevaKristu vandainamata navo vandakanga ndaona vachifambira mberi mune zvokunamata pavakanga vachitambura kuti vakurire matambudziko akawanda. Kuti vandikurudzire, nomutsa mukoma wangu nomurume wake vakandibhadharira mari yokuti ndiende kuNew York City kuti ndinopinda kokorodzano ikoko. Ndakanga ndisati ndaudzwa kwandaizoshandira.

Pashure pekokorodzano, ndakanzi ndiende kuLima, kuPeru. Pandaibva kuNew York, ndakananga kunzvimbo itsva yandaizoshandira, ndiine imwe hanzvadzi yechiduku yandaizoshanda nayo. Ndakadzidza Spanish uye ndaigara mumusha wemamishinari waiva nechepamusoro pehofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha. Zvainakidza chaizvo kuparidza ikoko uye kuziva hama nehanzvadzi dzeko.

Imwe Nzvimbo Yokushandira, Mumwe Mutauro

Kwapera nguva yakati, mukoma wangu nomurume wake vaiva kuGreece vakatanga kutambura nokukwegura uye utano husina kunaka. Havana kumbondikurudzira kuti ndisiye basa rangu renguva yakazara kuti ndirarame hunonzi upenyu hwakajairika kuti ndivabatsire. Zvisinei, pashure pokufunga zvakadzama uye ndanyengetera, ndakaona kuti zvaizova nani kuti ndishumire ndiri pedyo nevomumhuri mangu. Hama dzaiva pabazi dzakabvuma norudo kuti ndiende kunoshandira kuItaly, uye mukoma wangu nomurume wake vakati vaizondibhadharira mari yokutama kwangu. Sezvineiwo, kuItaly kwaitodiwa vaparidzi vakawanda.

Zvakare, ndaifanira kudzidza mutauro mutsva—mutauro wokuItaly. Nzvimbo yandakatanga kushandira yaiva muguta reFoggia. Kwapera nguva yakati, ndakanzi nditamire kuNaples, kwaidiwa vaparidzi vakawanda. Ndima yangu yaiva Posilipo, chimwe chikamu cheNaples chakanaka kwazvo. Yaiva nzvimbo yakakura, uye yaingova nomuparidzi woUmambo mumwe chete. Ndainakidzwa nebasa racho chaizvo, uye Jehovha akandibatsira kutanga kudzidza Bhaibheri nevakawanda. Nokufamba kwenguva, munzvimbo iyoyo makava neungano yakakura.

Vamwe amai nevana vavo vana ndivo vamwe vevanhu vomunzvimbo iyoyo vandakatanga kudzidza navo Bhaibheri. Ivo nevanasikana vavo vaviri vachiri Zvapupu zvaJehovha. Ndakadzidzawo nevamwe vakanga vakaroorana vaiva nomwanasikana muduku. Mhuri yacho yose yakafambira mberi muchokwadi uye yakaratidza kuti yazvitsaurira nokubhabhatidzwa mumvura. Iye zvino mwanasikana wacho akaroorwa nomushumiri waJehovha akatendeka, uye vose vari kushingaira kushumira Jehovha. Pandaidzidza Bhaibheri neimwe mhuri yakakura, ndakafadzwa nesimba reShoko raMwari. Patakaverenga magwaro akati kuti anoratidza kuti Mwari haatenderi kumunamata tichishandisa mifananidzo, amai vacho havana kumbomirira kuti titange tapedza kudzidza. Vakabva vangorasa mifananidzo yose yaiva mumba mavo!

Mungozi Dzomugungwa

Pandaienda kuGreece ndichibva kuItaly, ndaigara ndichifamba nechikepe. Rwendo rwacho rwaiwanzonakidza chaizvo. Asi rumwe rwendo rwomuzhizha muna 1971 rwakanga rwakasiyana chaizvo. Ndakanga ndava kudzokera kuItaly nechikepe chinotakura vanhu chainzi Heleanna. Mangwanani-ngwanani omusi waAugust 28, imba yokubikira yomuchikepe chacho yakabatira moto. Moto wacho wakapararira uyewo vanhu vaiva muchikepe chacho vakavhunduka. Vakadzi vaifenda, vana vaichema, uye varume vaitsutsumwa uye vachidanidzira kuratidza kuti zvinhu zvakanga zvaipa. Vanhu vakamhanyira kuzvikepe zvokununura vanhu munjodzi zvaiva kumativi ose echikepe chacho. Zvisinei, zvipfeko zvinoita kuti munhu asanyura zvaiva zvishomanana zvikuru, uye chinhu chaishandiswa kudzikisa zvikepe zvokununura mugungwa chakanga chisiri kushanda zvakanaka. Ndakanga ndisina chipfeko chinoita kuti munhu asanyura, asi marimi omoto akanga ari kuwedzera, saka chinhu chine musoro chandaifanira kuita kuzvikanda mugungwa.

Ndava mumvura, ndakaona mumwe mukadzi akanga akapfeka chipfeko chinoita kuti munhu asanyura akayangarara pedyo neni. Zvaiita sokuti akanga asingagoni kushambira, saka ndakamubata ruoko ndokumukwevera kure nechikepe chakanga chava kunyura. Mafungu egungwa akanga ava kutyisa, uye kurwisa kuti ndirambe ndisina kunyura kwakandinetesa zvikuru. Zvaiita sokuti pakanga pasisina tariro, asi ndakaramba ndichikumbira Jehovha ushingi, uye izvi zvakandisimbisa. Zvakaita kuti ndifunge nezvokuputsikirwa nechikepe kwakaita muapostora Pauro.—Mabasa, chitsauko 27.

Ndakabatirira mumwe wangu, ndakarwisana nemafungu kwemaawa mana, ndichishambira pandinenge ndava nesimba racho uye ndichidanidzira kuti Jehovha andibatsire. Pakupedzisira, ndakaona kaigwa kaiuya. Ndakanunurwa, asi mumwe wangu akanga atofa. Patakasvika mutaundi reBari, kuItaly, ndakaendeswa kuchipatara, kwandakanorapwa. Ndaifanira kugara muchipatara kwezvimazuva, uye Zvapupu zvakawanda zvakandishanyira muchipatara, zvichindipa nomutsa zvose zvandaida. Rudo rwechiKristu rwazvakaratidza rwakashamisa chaizvo vamwe vakanga vari muwadhi yomuchipatara chacho. *

Pashure pokunge ndanyatsopora, ndakanzi ndiende kuRome. Ndakanzi ndishande ndima yebhizimisi iri nechepakati peguta racho, zvinova zvandakaita kwemakore mashanu, ndichibatsirwa naJehovha. Kwemakore anosvika 20, ndakanakidzwa noushumiri muItaly, uye ndakasvika pakuda vanhu vokuItaly.

Kudzokera Kwandakatangira

Nokufamba kwenguva utano hwomukoma wangu Ariadne nomurume wake hwakaramba huchiipa. Ndakaziva kuti kana ndikagara pedyo navo, ndaizokwanisa kubatsira zvishomanana ndichitsiva zvose zvavakanga vandiitira norudo. Ndinofanira kubvuma kuti ndakarwadziwa chaizvo kusiya Italy. Zvisinei, hama dzepabazi dzakandibvumira kuenda, uye kubvira muzhizha ra1985, ndave ndichipayona ndiri muAthens, kwandakatangira basa renguva yakazara kare muna 1947.

Ndakaparidza mundima yeungano yandaipinda nayo, uye ndakakumbira hama dzepahofisi yebazi kana zvaiita kuti ndiparidze mundima yebhizimisi iri nechepakati peguta. Ndakaita izvi kwemakore matatu ndiine mumwe wandaipayona naye. Takakwanisa kunyatsopupurira vanhu vakanga vasinganyanyi kuwanika pamba.

Zvisinei, nguva zvairi kufamba, chido changu chokuramba ndichishumira chiri kuramba chakasimba, asi muviri wangu hausisina simba. Iye zvino murume womukoma wangu akashayika. Ariadne, uyo ave akaita saamai kwandiri, haachaoni. Kana ndirini, ndaiva noutano hwakanaka mumakore andakapedzera mubasa renguva yakazara. Zvisinei, nguva pfupi yapfuura ndakatsvedza pamasitepisi amabwe ruoko rwangu rworudyi rukatyoka. Zvadaro ndakadonha ndikatyoka muhudyu. Ndaifanira kuvhiyiwa uye ndakagara kwenguva refu ndisingagoni kumuka. Iye zvino handichakwanisi kufamba-famba ndakasununguka. Ndinoshandisa mudonzvo pakufamba uye ndinotobuda panze kana mumwe munhu andiperekedza. Kunyange zvakadaro, ndinoita nepandinogona napo, ndiine tariro yokuti utano hwangu huchavandudzika. Kuita basa rokudzidzisa Bhaibheri, kunyange munzira duku, ndicho chinhu chinoramba chichindifadza zvikuru uye chichindigutsa.

Pandinofunga nezvemakore anofadza andakapedza ndichiita ushumiri hwenguva yakazara, mwoyo wangu unopfachukira nokuonga Jehovha. Iye nesangano rake repasi pano anonditungamirira zvinovimbika nguva dzose uye kundibatsira zvinokosha, zvichiita kuti ndiite nepandinogona napo sezvandapedza upenyu hwangu ndichimushumira. Chido chomwoyo wangu ndechokuti Jehovha andisimbaradze kuti ndirambe ndichiita basa rake. Ndinofara kuti ndine zvishoma zvandinoitawo mubasa raanotungamirira rokudzidzisa Bhaibheri munyika yose.—Maraki 3:10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Ona mapeji 73-89 eBhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra1995 reChirungu, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 34 Kuti uwane mamwe mashoko, ona Mukai! yeChirungu yaFebruary 8, 1972, mapeji 12-16.

[Mufananidzo uri papeji 9]

Ndiine mukoma wangu Ariadne, nomurume wake Michalis, pandakanga ndava kuenda kuGiriyedhi

[Mufananidzo uri papeji 10]

Ini naRuth Hemmig takanzi tiende kuIstanbul, kuTurkey

[Mufananidzo uri papeji 11]

Ndiri kuItaly, mukutanga kwema1970

[Mufananidzo uri papeji 12]

Nhasi, ndiine mukoma wangu, Ariadne