Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raMadzimambo Rokutanga

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raMadzimambo Rokutanga

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raMadzimambo Rokutanga

“KANA vakarurama vowanda, vanhu vanofara; asi kana munhu wakaipa achibata ushe, vanhu vanogomera.” (Zvirevo 29:2) Bhuku reBhaibheri raMadzimambo Wokutanga rinoratidza zvakajeka kuti chirevo ichi ndechechokwadi. Rinorondedzera nyaya youpenyu yaSoromoni, vaIsraeri pavakava rudzi rwakachengeteka zvikuru uye rwakabudirira munguva youmambo hwake. Bhuku raMadzimambo Wokutanga rinewo nhoroondo yokuparadzana kwakaita rudzi rwacho pashure pokufa kwaSoromoni uye nhoroondo yemadzimambo 14 akavapo pashure pake, mamwe muna Israeri uye mamwe muna Judha. Maviri emadzimambo aya bedzi ndiwo akaramba akatendeka kuna Jehovha. Uyewo, bhuku racho rinorondedzera zvinhu zvitanhatu zvakaitwa nevaprofita, kusanganisira Eria.

Zvayakanyorwa muJerusarema uye muJudha nomuprofita Jeremia, nhoroondo yacho inotaura zvakaitika mumakore anenge 129—kubva muna 1040 B.C.E. kusvikira muna 911 B.C.E. Zviri pachena kuti paainyora bhuku racho, Jeremia akatarisawo zvinyorwa zvekare zvakadai se“bhuku yamabasa aSoromoni.” Zvinyorwa izvozvo zvekare hazvisisipo.—1 Madzimambo 11:41; 14:19; 15:7.

MAMBO AKACHENJERA ANOKURUDZIRA RUGARE UYE KUBUDIRIRA

(1 Madzimambo 1:1–11:43)

Bhuku raMadzimambo Wokutanga rinotanga nenhoroondo inonakidza yokuedza kwakaitwa naAdhonia mwanakomana waMambo Dhavhidhi kubvuta umambo hwababa vake. Zvinokurumidza kuitwa nomuprofita Natani zvinokanganisa urongwa hwacho, uye Soromoni mwanakomana waDhavhidhi anoitwa mambo. Jehovha anofadzwa nezvinokumbirwa namambo achangobva kugadzwa uye anomupa “mwoyo wakangwara, unonzwisisa” pamwe chete ne“pfuma nokukudzwa.” (1 Madzimambo 3:12, 13) Uchenjeri hwamambo hahuna chinoenzana nahwo, nepfuma yake haina inoenzaniswa nayo. Israeri ine rugare uye iri kubudirira.

Zvimwe zvivako zvinopedzwa naSoromoni zvinosanganisira temberi yaJehovha nezvimwe zvivako zvakasiyana-siyana zvehurumende. Jehovha anovimbisa Soromoni kuti: “Ndichasimbisa chigaro chako choushe pakati paIsraeri nokusingaperi,” ndokunge mambo aramba achiteerera. (1 Madzimambo 9:4, 5) Mwari wechokwadi anomunyevera nezvezvinoguma zvaitika kana akasateerera. Zvisinei, Soromoni anopedzisira ava nevakadzi vakawanda vokune dzimwe nyika. Achifurirwa navo, anotanga kunamata kwenhema akwegura. Jehovha anofanotaura kuti umambo hwake huchakamukana. Muna 997 B.C.E., Soromoni anofa, kutonga kwake kwemakore 40 kuchibva kwaguma. Mwanakomana wake Rehobhoamu ndiye anogara pachigaro.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:5—Nei Adhonia akaedza kubvuta chigaro choumambo Dhavhidhi achiri mupenyu? Bhaibheri haritauri. Zvisinei, zvine musoro kugumisa kuti sezvo madzikoma aAdhonia Amnoni naAbsaromi vakanga vatofa, uyewo mwanakomana waDhavhidhi Kireabhi angangodaro akanga afawo, Adhonia akafunga kuti aiva nekodzero yokugara pachigaro choumambo sezvo ariye akanga ari mukuru pavanakomana vaDhavhidhi vakanga vasara. (2 Samueri 3:2-4; 13:28, 29; 18:14-17) Zvaakanga achitsigirwa nomukuru weuto aiva nesimba Joabhi uye nomupristi mukuru aiva nesimba Abhiatari, Adhonia angangodaro aiva nechivimbo chokuti aizobudirira. Bhaibheri haritauri kana aiziva nezvourongwa hwaDhavhidhi hwokuti Soromoni agare nhaka umambo. Zvisinei, Adhonia haana kukoka Soromoni nevamwe vakanga vakavimbika kuna Dhavhidhi kuti vauye ku‘chibayiro.’ (1 Madzimambo 1:9, 10) Izvi zvinoratidza kuti aiona Soromoni somukwikwidzi.

1:49-53; 2:13-25—Nei Soromoni akauraya Adhonia iye ambomuregerera? Kunyange zvazvo Bhati-shebha asina kuzviona, Soromoni akaziva vavariro yechokwadi yakaita kuti Adhonia atume Bhati-shebha kuti akumbire mambo kuti amupe Abhishagi ave mudzimai wake. Pasinei nokuti Dhavhidhi akanga asina kurara naye, Abhishagi akanaka aizivikanwa somurongo waDhavhidhi. Maererano netsika dzaiitwa panguva iyoyo, aizongokwanisa kuroorwa nomunhu akanga agara nhaka Dhavhidhi zviri pamutemo. Adhonia angava akafunga kuti kana akatora Abhishagi kuti ave mudzimai wake, aigona kuzoedzazve kutora chigaro. Zvaakaona chikumbiro chaAdhonia sechiratidzo chokuda umambo, Soromoni akabva achinja kumukanganwira kwaakanga amboita.

6:37–8:2—Temberi yakatsaurirwa rini? Temberi yakapera kuvakwa mumwedzi wechisere wegore ra1027 B.C.E., gore rechi11 rokutonga kwaSoromoni. Zvinoita sokuti kuunza midziyo nokuita urongwa hwokupedzisa zvimwe kwakatora mwedzi 11. Inofanira kunge yakatsaurirwa mumwedzi wechinomwe wegore ra1026 B.C.E. Nhoroondo yacho inorondedzera zvimwe zvakavakwa pashure pokunge temberi yapedzwa asi isati yatsaurirwa, uye zviri pachena kuti izvi zvinoitirwa kurondedzera zvakakwana nezvemabasa okuvaka aiitwa panguva yacho.—2 Makoronike 5:1-3.

9:10-13—Kupa kwakaita Soromoni chipo chemaguta 20 omunyika yeGarireya kuna Mambo Hiramu weTire kwaienderana here noMutemo waMosesi? Mutemo uri pana Revhitiko 25:23, 24 ungadaro waionekwa sowaishanda chete kunzvimbo yaigarwa nevaIsraeri. Maguta ayo Soromoni akapa Hiramu angadaro aigarwa nevakanga vasiri vaIsraeri, kunyange zvazvo akanga ari mukati momuganhu weNyika Yakapikirwa. (Eksodho 23:31) Zvakaitwa naSoromoni zvingadarowo zvaiva chiratidzo chokukundikana kwake kunyatsotevera Mutemo zvakakwana, ‘sepaakazviwanzira mabhiza’ uye paakaroora madzimai akawanda. (Dheuteronomio 17:16, 17) Chero zvazvingava, Hiramu haana kugutsikana nechipo chacho. Zvichida vahedheni vaigara maari vakanga vasinganyatsoatarisiri, kana kuti zvimwe akanga asiri panzvimbo yakanaka.

11:4—Kukwegura ndiko kwakaita kuti Soromoni ave asina kutendeka here? Hazviratidzi sokudaro. Soromoni akatanga kutonga achiri muduku zvikuru, uye kunyange zvazvo akatonga kwemakore 40, haana kusvika pakukwegura. Uyezve, haana kurega kunamata Jehovha zvachose. Zviri pachena kuti akaedza kunamata vamwe vanamwari.

Zvatinodzidza:

2:26, 27, 35. Zvinhu izvo Jehovha anofanotaura zvinotoitika. Kubviswa kwaAbhiatari, muzukuru waEri, kwakazadzika “shoko raJehovha, raakanga ataura pamusoro peimba yaEri.” Kutsiva Abhiatari naZadhoki pamutsara waPinehasi kwaizadzika Numeri 25:10-13.—Eksodho 6:25; 1 Samueri 2:31; 3:12; 1 Makoronike 24:3.

2:37, 41-46. Zvine ngozi zvikuru kufunga kuti munhu anogona kutyora mitemo yaMwari pasina zvaanoitwa! Vaya vanotsauka nemaune pakutevera ‘mugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu’ vachatambura migumisiro yechiito ichocho chisina kuchenjera.—Mateu 7:14.

3:9, 12-14. Jehovha anopindura minyengetero yevashumiri vake yemwoyo wose yokukumbira uchenjeri, kunzwisisa, uye kutungamirirwa pakuita basa rake.—Jakobho 1:5.

8:22-53. Soromoni akaratidza kuti aionga Jehovha zvikuru—Mwari womutsa worudo, Muzadzikisi wezvipikirwa, uye Munzwi weminyengetero! Kufungisisa mashoko omunyengetero waSoromoni wokutsaurira kuchaita kuti tiwedzere kuonga kwatinoita unhu hwaMwari uhu nohumwe hwacho.

11:9-14, 23, 26. Soromoni paakarega kuteerera mumakore ake okupedzisira, Jehovha akamumutsira vadzivisi. “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa mutsa usina kufanirwa vanozvininipisa,” anodaro muapostora Petro.—1 Petro 5:5.

11:30-40. Mambo Soromoni akaedza kuuraya Jerobhoami nemhaka yezvakanga zvaprofitwa naAhija nezvaJerobhoami. Zvakaitwa namambo zvakanga zvakasiyana zvikuru nezvaakanga amboita makore 40 akanga adarika, paakaramba kutsiva Adhonia nevamwe vapanduki! (1 Madzimambo 1:50-53) Kuchinja kwaakaita mafungiro ake uku yaiva mhaka yokuti akanga asiya Jehovha.

UMAMBO HWAKABATANA HUNOPARADZWA

(1 Madzimambo 12:1–22:53)

Jerobhoami nevanhu vakauya kuna Mambo Rehobhoamu vakamukumbira kuti avarerutsire mutoro wakanga waiswa pavari nababa vake Soromoni. Pane kuvaitira zvavanokumbira, Rehobhoamu anotyisidzira achiti achatoisa mutoro unorema pavari. Madzinza gumi anopanduka uye anogadza Jerobhoami kuti ave mambo wawo. Umambo hwacho hunoparadzana. Rehobhoamu anotonga umambo hwokumaodzanyemba, hunoumbwa nendudzi dzaJudha naBhenjamini, uye Jerobhoami anotonga umambo hwaIsraeri hwendudzi gumi huri kuchamhembe.

Kuti aite kuti vanhu vasada kuenda kuJerusarema kunonamata, Jerobhoami anoisa mhuru mbiri dzendarama—imwe kuDhani, imwe yacho kuBheteri. Nadhabhi, Bhaasha, Era, Zimri, Tibhni, Omri, Ahabhi naAhazia ndemamwe madzimambo anotonga Israeri pashure paJerobhoami. Abhijami, Asa, Jehoshafati, uye Jehoramu vanotsiva Rehobhoami muJudha. Vaprofita vaiprofita mazuva emadzimambo aya vanosanganisira Ahija, Shemaya, uye munhu waMwari asina kutaurwa zita rake, pamwe chete naJehu, Eria, naMikaya.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

18:21—Nei vanhu vakaramba vakanyarara Eria paakavakumbira kuti vatevere Jehovha kana kuti Bhaari? Zvingava kuti vakaona kukundikana kwavakanga vaita kuzvipira zvakakwana kuna Jehovha sezvaanorayira uye naizvozvo vainzwa vaine mhosva. Kana kuti zvichida hana dzavo dzakanga dzaoma kusvika pakuti havana kuona chakaipa nokunamata Bhaari kunyange vaitaura kuti vaiva vanamati vaJehovha. Vakazongoti, “Jehovha ndiye Mwari, Jehovha ndiye Mwari!” pashure pokunge Jehovha aratidza simba rake.—1 Madzimambo 18:39.

20:34—Pashure pokunge Jehovha aita kuti Ahabhi akunde vaSiriya, nei Ahabhi akarega kuuraya mambo wavo, Bheni-hadhadhi? Pane kuuraya Bheni-hadhadhi, Ahabhi akaita sungano naye yokuti migwagwa yomuDhamasiko, guta guru reSiriya, yaizova yaAhabhi, uye zviri pachena kuti aiitira kuti azovaka zvitoro, kana kuti misika. Izvi zvisati zvaitika, baba vaBheni-hadhadhi vakanga vatorawo migwagwa muSamaria vachida kuita mabhizimisi. Nokudaro, Bheni-hadhadhi akasunungurwa kuti Ahabhi aite zvemabhizimisi muDhamasiko.

Zvatinodzidza:

12:13, 14. Patinenge tichiita zvisarudzo zvakakosha muupenyu hwedu, tinofanira kutsvaka zano revanhu vakachenjera uye vakura vanoziva Magwaro uye vanonyatsokoshesa zvinotaurwa naMwari.

13:11-24. Zano rausina chokwadi naro, kunyange kana richibva kune waunotenda naye ane vavariro yakanaka, rinofanira kuenzaniswa nezvinotaurwa neShoko raMwari.—1 Johani 4:1.

14:13. Jehovha anonyatsotiongorora kuti atsvake zvakanaka matiri. Pasinei nokuti zvakanaka izvozvo zvingava zviri zviduku sei, anogona kuita kuti zvikure sezvatinoita nepatinogona napo kuti timushumire.

15:10-13. Tinofanira kushinga kurwisa kuramba kutenda totsigira kunamata kwechokwadi.

17:10-16. Chirikadzi yokuZarefati yakaziva kuti Eria aiva muprofita uye yakamugamuchira saizvozvo, uye Jehovha akakomborera mabasa ayo okutenda. Nhasi, Jehovha anocherechedzawo mabasa edu okutenda, uye anopa mubayiro vaya vanotsigira basa roUmambo munzira dzakasiyana-siyana.—Mateu 6:33; 10:41, 42; VaHebheru 6:10.

19:1-8. Patinoshorwa zvakasimba, tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achatitsigira.—2 VaKorinde 4:7-9.

19:10, 14, 18. Vanamati vechokwadi hapana pavanombova voga. Vanenge vaina Jehovha nehama dzavo dzomunyika yose.

19:11-13. Jehovha haasi mwari anongova simbawo zvaro.

20:11. Bheni-hadhadhi paakazvirumbidza nezvokuparadza Samariya, mambo waIsraeri akapindura achiti: “Unoshonga nhumbi dzake dzokurwa [achigadzirira kunorwa] ngaarege kuzvirumbidza saiye wodzibvisa” pashure pokukunda achibva kuhondo. Patinenge tichifanira kuita chinhu chitsva, hatifaniri kunyanya kuzvivimba sezvinoita mudadi.—Zvirevo 27:1; Jakobho 4:13-16.

Bhuku Racho Rinokosha Zvikuru Kwatiri

Paakarondedzera kupiwa kwakaitwa Mutemo paGomo reSinai, Mosesi akaudza vanakomana vaIsraeri kuti: “Tarirai, nhasi ndinoisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa; kuropafadzwa, kana mukateerera mirayiro yaJehovha Mwari wenyu, yandinokurayirai nhasi; nokutukwa, kana musingateereri mirayiro yaJehovha Mwari wenyu, asi muchitsauka panzira yandinokurayirai nhasi.”—Dheuteronomio 11:26-28.

Tinojekeserwa chokwadi ichi chinokosha zvikuru mubhuku raMadzimambo Wokutanga! Sezvataona, bhuku iri rinodzidzisawo zvimwe zvidzidzo zvinokosha. Zvechokwadi shoko raro ibenyu uye rine simba.—VaHebheru 4:12.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Temberi nezvimwe zvivako zvakavakwa naSoromoni

[Mufananidzo uri papeji 30, 31]

Pashure pokunge Jehovha aratidza simba rake, vanhu vakadanidzira vachiti: “Jehovha ndiye Mwari!”