Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Vanofara Avo Vanoziva Zvinodiwa Zvavo Zvomudzimu”

“Vanofara Avo Vanoziva Zvinodiwa Zvavo Zvomudzimu”

“Vanofara Avo Vanoziva Zvinodiwa Zvavo Zvomudzimu”

SHIRI padzinomuka mangwanani, dzinowanzorira kwekanguva dzobva dzabhururuka dzichinotsvaka zvokudya. Kana ava manheru, dzinodzokera kumatendere adzo, dzorirazve zvishoma, dzobva dzarara. Mune mimwe mwaka dzinosangana, dzoita mazai, uye dzorera vana vadzo. Dzimwe mhuka dzinoitawo zvakafanana.

Isu vanhu takasiyana nemhuka. Chokwadi, tinodya, tinorara uye tinobereka vana, asi vakawanda vedu hatigutsikani nezvinhu izvozvo zvoga. Tinoda kuziva kuti nei tiri vapenyu. Tinoda kuziva chinangwa choupenyu hwedu. Tinoshuvawo tariro yeramangwana. Zvinhu izvi zvatinoda kuziva zvikuru zvinoratidza unhu hunowanika muvanhu chete—kuda uye kukwanisa kuita zvokunamata.

Takasikwa Nomufananidzo waMwari

Bhaibheri rinotsanangura chinoita kuti munhu ade kunamata, richiti: “Mwari akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.” (Genesi 1:27) Kuumbwa kwatakaitwa “nomufananidzo waMwari” kunoreva kuti kunyange hedu takakanganiswa nechivi uye nokusakwana, tinokwanisa kuratidza humwe unhu hwaMwari. (VaRoma 5:12) Somuenzaniso, tinogona kugadzira zvinhu zvitsva. Tinewo uchenjeri hwakati, pfungwa yokururamisira, uye tinokwanisa kuratidzana rudo rwokuzvipira. Uyezve, tinokwanisa kufunga nezvezvakaitika kare toronga ramangwana.—Zvirevo 4:7; Muparidzi 3:1, 11; Mika 6:8; Johani 13:34; 1 Johani 4:8.

Zvatinokwanisa kuita panyaya dzokunamata zvinoratidzwa zvakajeka nechido chedu chatakaberekwa nacho chokunamata Mwari. Kutoti tikagutsa zvakakodzera chido chedu chokuvandudza ukama noMusiki wedu, hatigoni kuwana mufaro wechokwadi uye usingaperi. “Vanofara avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu,” akadaro Jesu. (Mateu 5:3) Zvisinei, tinofanira kungwarira kuti tigutse zvatinoda izvozvo nechokwadi chezvokunamata—chokwadi pamusoro paMwari, zvaanoda, uye chinangwa chake nokuda kwevanhu. Tingawanepi chokwadi panyaya yezvokunamata? MuBhaibheri.

“Shoko Renyu Ichokwadi”

Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu.” (2 Timoti 3:16) Mashoko aPauro anowirirana neaJesu, uyo akanyengetera kuna Mwari achiti: “Shoko renyu ichokwadi.” Nhasi, tinoziva Shoko iroro seBhaibheri Dzvene, uye kunenge kuri kuchenjera kana tikaongorora kana zvatinodavira uye zvatinoda zvichienderana naro.—Johani 17:17.

Kana tikaenzanisa zvatinodavira neShoko raMwari, tinotevedzera vanhu vokuBheriya yekare, avo vakava nechokwadi chokuti zvaidzidziswa naPauro zvaienderana neMagwaro. Pane kutsoropodza vaBheriya, Ruka akavarumbidza nezvemaonero avo. “Vakagamuchira shoko nepfungwa dzinoda zvikuru,” akanyora kudaro, “vachinyatsonzvera Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvi zvakanga zvakadaro.” (Mabasa 17:11) Tichifunga nezvedzidziso dzechitendero uye dzetsika dzinopesana idzo dzakatekeshera mazuva ano, zvinokosha kuti titevedzere muenzaniso wevaBheriya vaiva nepfungwa dzakanaka.

Imwe nzira yokuziva nayo chokwadi chezvokunamata ndeyokuona kuti chinochinja sei upenyu hwevanhu. (Mateu 7:17) Somuenzaniso, kurarama maererano nechokwadi cheBhaibheri kunofanira kuita kuti munhu ave murume ari nani, baba vari nani, mudzimai ari nani, kana kuti amai vari nani, zvichiwedzera mufaro wemhuri uye kugutsikana kunoita munhu. Jesu akati, “Vanofara avo vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta.”—Ruka 11:28.

Mashoko aJesu anotiyeuchidza nezveaya aBaba vake vokudenga, avo vakati kuvaIsraeri vekare: “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo. Haiwa! Dai wakateerera hako mirayiro yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa!” (Isaya 48:17, 18) Zvechokwadi vose vanoda zvakanaka uye zvakarurama vaizokurudzirwa nokuteterera kwoushamwari kwakadaro!

Vamwe Vanoda Havo Kuti Vamwe “Vafadze Nzeve” Dzavo

Mwari akateterera vaIsraeri nomwoyo wose saizvozvo nokuti vakanga vachinyengerwa nenhema dzezvechitendero. (Pisarema 106:35-40) Isuwo tinofanira kungwarira nhema. Achitaura nezvevanozviti vaKristu, Pauro akanyora kuti: “Pachava nenguva yavasingazoshiviriri kudzidzisa kunopa utano, asi, maererano nokuda kwavo, vachazviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo; uye vacharamba kunzwa chokwadi.”—2 Timoti 4:3, 4.

Vatungamiriri vezvitendero vanofadza nzeve dzevanhu nokubvumira miitiro inogutsa zvishuvo zvisina kunaka, yakadai sokurara pamwe chete vanhu vasati varoorana, ungochani, uye udhakwa. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti vaya vanotendera zvinhu zvakadaro uye vaya vanozviita “havazogari nhaka yeumambo hwaMwari.”—1 VaKorinde 6:9, 10; VaRoma 1:24-32.

Hapana mubvunzo kuti zvinoda ushingi kuti urarame maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, kunyanya kana uchisekwa, asi unogona kuzviita. PaZvapupu zvaJehovha pane vanhu vakawanda vaimbova vakapindwa muropa nezvinodhaka, vaimbova zvidhakwa, vaiita ufeve, vaiva matsotsi, vaiva mbavha uye vaireva nhema. Asi vakagamuchira Shoko raMwari nomwoyo wose uye vachibatsirwa nomudzimu mutsvene vakachinja upenyu hwavo kuti va“fambe zvakafanira Jehovha.” (VaKorose 1:9, 10; 1 VaKorinde 6:11) Vaita rugare naMwari, vakawanawo rugare rwomupfungwa, uye sezvatichaona, tariro yechokwadi yeramangwana.

Tariro yoUmambo

Tariro yeBhaibheri yokuti vanhu vanoteerera vachawana rugare rusingaperi ichazadzikiswa noUmambo hwaMwari. “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga,” akadaro Jesu mumunyengetero wake womuenzaniso. (Mateu 6:10) Chokwadi, Umambo hwaMwari chete ndihwo hunogona kuva nechokwadi chokuti zvinodiwa naMwari zviri kuitwa pasi pano. Nei? Nokuti Umambo ihwohwo hwokudenga—hurumende inotongwa naJesu Kristu—ndiyo nzira inoshandiswa naMwari kuratidza uchangamire Hwake hwakakodzera panyika.—Pisarema 2:7-12; Dhanieri 7:13, 14.

SaMambo woUmambo ihwohwo hwokudenga, Jesu Kristu achasunungura vanhu vanoteerera kubva muusungwa hwemarudzi ose, kusanganisira chisungo chakasimba chechivi chaAdhamu uye kugara nhaka chivi norufu kwavakaita. Zvakazarurwa 21:3, 4 inoti: “Tarira! Tende raMwari rine vanhu . . . Uye [Jehovha Mwari] achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”

Rugare rusingaperi ruchapararira mupasi rose. Nei tingava nechokwadi nazvo? Chikonzero chacho chinotaurwa pana Isaya 11:9, iyo inoti: “[Vanotongwa noUmambo] ha[va]ngakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” Chokwadi, munhu wose ari panyika achaziva Mwari zvakarurama uye achamuteerera. Kutarisira izvozvo kunokufadza here? Kana zvakadaro, iye zvino ndiyo nguva yaunofanira kutanga ‘kuwana zivo yaJehovha’ inokosha.

Uchateerera Shoko roUmambo Here?

Achishandisa Umambo, Mwari achabvisa zvose zvakaitwa naSatani odzidzisa vanhu nzira Dzake dzakarurama. Saka, hazvishamisi kuti Umambo ndiyo nyaya yainyanya kukosha pane zvaidzidziswa naJesu. Akati: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari, nokuti ndakatumirwa izvozvi.” (Ruka 4:43) Kristu akarayira vadzidzi vake kuti vaudzewo vamwe mashoko iwayo. (Mateu 28:19, 20) Akafanotaura kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” (Mateu 24:14) Mugumo iwoyo wava kutosvika. Saka zvinokosha zvakadini kuti vanhu vanoita zvinhu nomwoyo wose vateerere mashoko akanaka anopa upenyu!

Albert, ataurwa munyaya yapfuura, akanzwa shoko roUmambo mudzimai wake nomwanakomana wake pavakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Pakutanga, Albert akanga asina chokwadi nazvo. Akatokumbira mufundisi womunzvimbo iyoyo kuti ashanyire mudzimai wake nomwanakomana wake kuti afumure Zvapupu. Asi mufundisi wacho akanga asingadi kuva nechokuita nazvo. Saka pavaikurukura Bhaibheri, Albert akasarudza kungoteerera kuti aratidze kuti zvaitaurwa neZvapupu inhema. Pashure pechidzidzo chimwe chete, akanga ava kudzidzawo nechido chokudzidza zvakawanda. Pave paya akazotsanangura kuti nei maonero ake akanga achinja. “Izvi ndizvo zvandakanga ndagara ndichitsvaka,” akadaro.

Pakupedzisira, Albert akatanga kugutsa zvaaida munyaya dzokunamata, uye haana kumbozvidemba. Chokwadi cheBhaibheri chakamupa zvaainge achitsvaka kwoupenyu hwake hwose—chinhu chinopedza kusaruramisira uye uori hwakazara munzanga uye tariro yeramangwana. Chokwadi cheBhaibheri chakamupa rugare rwomupfungwa. Zvaunoda panyaya yokunamata zviri kugutswa here? Wadii kumboverenga mibvunzo yakarongwa mubhokisi riri papeji 6 kwemaminitsi mashomanana? Kana uchida mamwe mashoko, Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 6]

ZVAUNODA PANYAYA DZOKUNAMATA ZVIRI KUGUTSWA HERE?

Unogutsikana here nezvokudya zvine chokuita nokunamata zvauri kuwana? Tinokukumbira kuti uverenge mibvunzo inotevera, womaka yaunogona kupindura zvakarurama.

□ Mwari ndiani, uye anonzi ani?

□ Jesu Kristu ndiani? Nei aifanira kufa? Kufa kwake kungakubatsira sei?

□ Kuna Dhiyabhorosi here? Kana ariko, akabvepi?

□ Chii chinoitika kwatiri kana tafa?

□ Chinangwa chaMwari nokuda kwepasi uye nokuda kwevanhu ndechei?

□ Umambo hwaMwari chii?

□ Ndezvipi zvinodiwa naMwari panyaya yetsika?

□ Mumhuri, Mwari akapa murume nomukadzi mabasa api? Ndezvipi zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri zvinoita kuti mumhuri muve nomufaro?

Kana usina chokwadi nomubvunzo chero upi zvawo pane iyi, ungakumbira bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? Zvarakabudiswa neZvapupu zvaJehovha mumitauro inoda kusvika 300, bhurocha iri rinokurukura nyaya dzomuBhaibheri 16 dzinokosha uye rinopindura mibvunzo yose yakarongwa pamusoro apa richishandisa Magwaro.

[Mifananidzo iri papeji 4]

Kusiyana nemhuka, vanhu vanoda zvinhu zvine chokuita nokunamata

[Mufananidzo uri papeji 5]

“Vachazviunganidzira vadzidzisi kuti vafadze nzeve dzavo.”—2 Timoti 4:3

[Mufananidzo uri papeji 7]

Rugare rusingaperi ruchaunzwa noUmambo hwaMwari hunotongwa naMesiya