Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vari Kuzvipa

Vari Kuzvipa

Vari Kuzvipa

‘VANHU vako vachazvipa nomwoyo unoda.’ (Pisarema 110:3) Mashoko iwayo ane zvaanoreva zvinokosha kuvadzidzi 46 vekirasi yechi118 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Vakagadzirira sei kuti vapinde chikoro ichi, chinorovedza vanenge vachida kuzova mamishinari kuti vabatsire hama dzavo dzokune dzimwe nyika mune zvokunamata? Mike naStacie, vaiva mukirasi yechi118, vakatsanangura kuti: “Kusarudza kwatakaita kurarama upenyu huri nyore kwakatibatsira kuderedza zvipingamupinyi uye kuti tirambe tichikoshesa zvinhu zvokunamata. Takanga tisingadi kuti kubudirira kwebhizimisi redu kukanganise zvinangwa zvedu pakunamata.” Kufanana naMike naStacie, vamwe vadzidzi vomukirasi iyi vakazvipa nechido uye zvino vava vazivisi voUmambo kumakondinendi mana.

Musi woMugovera, March 12, 2005, vanhu 6 843 vakateerera purogiramu yokupedza kudzidza vachifara chaizvo. Theodore Jaracz, nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, ndiye aiva sachigaro. Pashure pokugamuchira noushamwari vaeni vaivapo vaibva kunyika 28, akasimbisa kukosha kwedzidzo yeBhaibheri. Vachitaura mashoko omumwe mudzidzisi wokuAmerica anonzi William Lyon Phelps, hama Jaracz vakati: “Munhu wose anonyatsoziva Bhaibheri anganzi munhu akadzidza zvechokwadi.” Kunyange zvazvo dzidzo yokunyika ichibatsira, dzidzo yeBhaibheri inoipfuura. Inobatsira vanhu kuti vazive Mwari, izvo zvinozoita kuti vawane upenyu husingaperi. (Johani 17:3) Hama Jaracz vakarumbidza vakanga vapedza kudzidza nokuti vakanga vada kuita zvizere basa rinoitwa munyika yose rokudzidzisa Bhaibheri riri kuitwa muungano dzeZvapupu zvaJehovha dzinopfuura 98 000 mupasi rose.

Vakapedza Kudzidza Vanokurudzirwa Panguva Chaiyo

Pashure pemashoko asachigaro okusuma, William Samuelson akapa hurukuro yaiva nomusoro unoti “Mungava Sei Somuorivhi Wakasvibirira Uri Mumba maMwari,” yaibva pana Pisarema 52:8. Akati muBhaibheri muorivhi unoshandiswa nenzira yokufananidzira sechiratidzo chokubereka zvibereko zvakawanda, chokunaka, uye chokukudzwa. (Jeremia 11:16) Achienzanisa vadzidzi vacho nemiorivhi, mukurukuri wacho akati: “Jehovha achakuonai sevanhu vakanaka uye vanokudzwa kana mukaita basa rokuparidza Umambo makatendeka kwamuchanoshanda semamishinari.” Sezvo muorivhi uchida midzi yakadzika kuti usafa kana mvura isina kunaya, vadzidzi vanofanira kusimbisa midzi yavo yomudzimu kuitira kuti vatsungirire kusakendenga, kushorwa, kana kuti mimwe miedzo yavangasangana nayo mubasa ravo kune dzimwe nyika.—Mateu 13:21; VaKorose 2:6, 7.

John E. Barr, mumwe wenhengo nhatu dzeDare Rinodzora dzakapa hurukuro papurogiramu yacho, akapa hurukuro yaiva nomusoro unoti “Imi Muri Munyu Wepasi.” (Mateu 5:13) Akati sezvo munyu uchiita kuti zvokudya zvisaora, kuparidza kwemamishinari nezvoUmambo hwaMwari kuchaponesa vaya vachateerera, kuchivadzivirira kuti vasaora mutsika uye mune zvokunamata. Zvadaro, vachitaura sezvinoita baba vane mutsa, Hama Barr vakakurudzira vakapedza kudzidza kuti va“chengete rugare” nevamwe. (Mako 9:50) “Kudziridzai chibereko chomudzimu, uye ivai nechokwadi chokuti mufambiro wenyu nematauriro enyu nguva dzose zvinoratidza kuti mune nyasha uye mune hanya,” vakapa zano vachidaro.

“Ramba Uri Muchikepe Mumvura Yakadzika” ndiwo musoro wakakurukurwa naWallace Liverance, mumwe wevarayiridzi veGiriyedhi. Sezvinongoita chikepe chinofamba mumvura yakadzika chichienda kwachinofanira kuenda, saizvozvowo kunzwisisa “zvinhu zvakadzika zvaMwari”—chokwadi chine chokuita nechinangwa chaMwari uye kuti chinangwa chacho chichaitwa sei—kungabatsira kuti munhu afambire mberi mune zvokunamata. (1 VaKorinde 2:10) Kungogara tiri mumvura yezvokunamata isina kudzika nokugutsikana ne“zvinhu zvepakutanga zvemashoko matsvene aMwari” kunokanganisa kufambira mberi kwedu uye kungatokonzera kuti ‘kutenda kwedu kuparare sechikepe chaparara.’ (VaHebheru 5:12, 13; 1 Timoti 1:19) “‘Ukuru hwepfuma yaMwari nouchenjeri nezivo’ ngazvikubatsirei kuramba muri kwamuchanzi muende kunoshanda semamishinari,” Hama Liverance vakagumisa vachidaro.—VaRoma 11:33.

Mark Noumair, mumwe murayiridzi weGiriyedhi, akapa hurukuro yaiva nomusoro unoti “Uchararama Zvinoenderana Nenhaka Yako Here?” Kwemakore anopfuura 60, Chikoro cheBhaibheri cheGiriyedhi cheWatchtower chave chichivimbwa uye chakaita mukurumbira wakaisvonaka nemhaka ‘youchapupu hwakanaka hwakakura’ hwakapiwa nevakapedza kudzidza chikoro chacho. (Genesi 31:48) Iyi nhaka yeGiriyedhi yakapiwawo vadzidzi vomukirasi yechi118. Hama Noumair vakakurudzira vadzidzi vacho kuti vatevedzere vaTekoi vomuzuva raNehemia, voshanda pamwe neungano dzavachange vachipinda nadzo nemamwe mamishinari vachizvininipisa. Vakarayirwa kuti vadzivise maonero okuzvikudza aiva ‘nevakuru vavo’ vakataurwa nezvavo naNehemia, asi pane kudaro varatidze chido chokushanda nehama dzavo murunyararo uye vasingaiti zvokuda kuonekwa.—Nehemia 3:5.

Zvakaitika Zvinorayiridza uye Kubvunzurudzwa

Chikamu chakatevera chepurogiramu yacho chaiva nomusoro waiti “Shoko raMwari Rakaramba Richikura.” (Mabasa 6:7) Vachitungamirirwa nomurayiridzi weGiriyedhi Lawrence Bowen, vadzidzi vacho vakadzokorora semaitikiro azvakaita zviitiko zvakanga zvavafadza muushumiri pavaipinda chikoro. Zviitiko zvacho zvakaratidza kuti vadzidzi vakanga vashingaira kuzivisa Shoko raMwari uye kuti Jehovha akanga avakomborera zvikuru nezvavakanga vaita.

Richard Ashe akabvunzurudza vamwe vemhuri yeBheteri vanoshanda zvakanyanya nevanopinda chikoro chacho. Zvavakataura zvakaita kuti vanhu vanzwisise kutsigira kunoita mhuri yeBheteri vadzidzi veGiriyedhi kuti vabatsirwe chaizvo nechikoro chavo. Zvadaro, Geoffrey Jackson akataura nedzimwe hama nhatu dzakanga dzapedza kudzidza paGiriyedhi munguva yakapfuura. Vakasimbisa kuti kuva mumishinari kunopa mikana yakawanda inoita kuti munhu arumbidze uye akudze Jehovha. Mumwe wacho akati: “Vanhu vanoona zvose zvaunoita somumishinari. Vanoteerera, vanotarira, uye vanoyeuka.” Nokudaro, vadzidzi vakakurudzirwa kuti varambe vachifunga nezvokuratidza muenzaniso wakanaka nguva dzose. Hapana mubvunzo kuti zano rakanaka iri richabatsira zvikuru munguva inouya.

Stephen Lett, nhengo yeDare Rinodzora, akapa hurukuro yokugumisa yaiva nomusoro unoti “Endai Sevatakuri ve‘Mvura Mhenyu.’” (Johani 7:38) Akati kwemwedzi mishanu yakapfuura, vadzidzi vakanga vabatsirwa zvisingaenzaniswi nokunwa zvakadzama muShoko raMwari rechokwadi. Asi mamishinari matsva achaitei nezvose zvaakadzidza? Hama Lett vakakurudzira vakapedza kudzidza kuti vapewo vamwe mvura iyi yezvokunamata vasingaratidzi udyire kuitira kuti vamwe vavewo ne“tsime remvura inotubuka kuti ipe upenyu husingaperi” mumwoyo yavo. (Johani 4:14) Mukurukuri wacho akawedzera kuti: “Musambokanganwa kukudza Jehovha, ‘tsime remvura mhenyu,’ uye kumupa mbiri yakamukodzera. ‘Shivirirai vaya vakabuda muBhabhironi Guru rine nzara pamunenge muchivadzidzisa.” (Jeremia 2:13) Hama Lett vakagumisa nokukurudzira vakapedza kudzidza kuti vatevedzere nechido maonero omwenga uye varambe vachiti: “‘Uya!’Uye wose anonzwa nyota ngaauye; wose anoda ngaatore mvura youpenyu pachena.”—Zvakazarurwa 22:17.

Hama Jaracz vakagumisa purogiramu yacho nokuverenga kwaziso dzaibva kunyika dzakasiyana-siyana. Izvi zvakateverwa netsamba yokuonga yakaverengwa nomumwe aiva mukirasi yevakapedza kudzidza.

Ungakwanisa kuzvipira kuti unoshanda kunonyanya kudiwa vaparidzi here? Kana zvakadaro, vavarira kuita zvinhu zvine chokuita nokunamata, sezvakaitwa nevadzidzi ava vakapedza kudzidza. Wana mufaro uye kugutsikana zvinowanikwa kana munhu akazvipa kuita basa raMwari achifara—ari mumishinari kune imwe nyika kana kuti ari mushumiri anoshanda ari pedyo nokumusha kwake.

[Bhokisi riri papeji 13]

ZVAKAITA KIRASI YACHO

Nyika dzinomiririrwa: 8

Nyika dzavakatumirwa: 19

Vadzidzi: 46

Avhareji yezera: 33,0

Avhareji yemakore vari muchokwadi: 16,5

Avhareji yemakore vari muushumiri hwenguva yakazara: 12,9

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kirasi Yechi118 Yevakapedza Kudzidza paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi

Pamazita akarongwa pasi apa, mitsetse inoverengwa kubva mberi zvichidzokera shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.

(1) Brockmeyer, A.; Moloney, S.; Symonds, N.; Lopez, Y.; Howard, C. (2) Jastrzebski, T.; Brown, D.; Hernandez, H.; Malagón, I.; Jones, A.; Connell, L. (3) Howard, J.; Lareau, E.; Shams, B.; Hayes, S.; Brown, O. (4)Burrell, J.; Hammer, M.; Mayer, A.; Kim, K.; Stanley, R.; Rainey, R. (5) Jastrzebski, P.; Zilavetz, K.; Ferris, S.; Torres, B.; Torres, F. (6) Connell, J.; Hernandez, R.; Moloney, M.; Malagón, J.; Shams, R.; Hayes, J. (7)Ferris, A.; Hammer, J.; Stanley, G.; Kim, C.; Symonds, S.; Lopez, D.; Burrell, D. (8) Brockmeyer, D.; Mayer, J.; Rainey, S.; Zilavetz, S.; Jones, R.; Lareau, J.