Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Zvapera”

“Zvapera”

“Zvapera”

MUGORE ra2002, Zvapupu zvaJehovha zvakaita kokorodzano yoruwa muguta reMbandaka, riri kudivi rokuchamhembe kwakadziva kumavirira kweDemocratic Republic of Congo. Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yomutauro weLingala payakabudiswa pakokorodzano yacho, vateereri vakasvetuka nomufaro, uye vamwe vakasvimha misodzi. Pave paya, vanhu vakamhanyira kuchikuva kuti vanyatsoona Bhaibheri racho idzva, vachidanidzira kuti: “Basuki, Basambwe,” izvo zvinoreva kuti: “Zvapera! Machechi anyadziswa!”

Nei vateereri vakafara kudaro, uye vairevei nemashoko iwayo? Mune dzimwe nzvimbo muMbandaka, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisingakwanisi kuwana maBhaibheri omutauro weLingala. Nei? Nokuti machechi airamba kuatengesera Zvapupu zvaJehovha. Zvapupu zvaifanira kukumbira munhu asiri Chapupu kuti azvitengere maBhaibheri. Zvino zvakanga zvava kufara chaizvo nokuti machechi akanga asingachakwanisi kuzvitadzisa kuwana maBhaibheri.

Shanduro yacho itsva haisi kuzongobatsira Zvapupu zvaJehovha chete asiwo vanhu vose zvavo. Mumwe murume ainzwa purogiramu yacho ari kumba kwake nepamagudzanzwi epanzvimbo yekokorodzano yacho akanyorera hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha achiti: “Ndinofara chaizvo nokubudiswa kweBhaibheri iri. Richatijekesera zvinhu zvakawanda. Handisi mumwe weZvapupu zvaJehovha, asi Bhaibheri iri ramuchangobudisa ndakarimirira nomwoyo wose.”

Shanduro Yenyika Itsva yeMagwaro Matsvene iye zvino yava kuwanikwa yakakwana mumitauro 33, uye Magwaro echiKristu echiGiriki mune mimwe mitauro 19, kusanganisira Lingala. Wadii kubvunza mumwe weZvapupu zvaJehovha kuti ungawana sei Bhaibheri reshanduro iyi yakanaka kwazvo?