Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidziso Dzechokwadi Dzinofadza Mwari

Dzidziso Dzechokwadi Dzinofadza Mwari

Dzidziso Dzechokwadi Dzinofadza Mwari

KUTI vagari vepasi vazive kuti dzidziso dzechokwadi uye dzinofadza Mwari ndedzipi, iye anofanira kuzivisa vanhu pfungwa dzake. Anofanirawo kuita kuti vanhu vose vadzizive. Vanhu vangaziva sei dzidziso, kunamata, uye mufambiro unofarirwa naMwari? Mwari akapa mashoko akadaro here? Kana akadaro, munzira ipi?

Munhu upi noupi anenge angorarama makumi emakore mashomanana angagona kutaura nevanhu vose here oshanda senzira yokukurukurirana naMwari? Kwete. Asi shoko rakanyorwa zvechigarire rinogona kudaro. Saka, zvaisazova zvakakodzera here kuti zvakaziviswa naMwari zviwanikwe zviri bhuku? Bhaibheri nderimwe remabhuku ekare rakafuridzirwa naMwari. “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama,” anodaro mumwe wevanyori varo. (2 Timoti 3:16) Ngationgororei Bhaibheri tione kana riine dzidziso dzechokwadi.

Rava Nemakore Mangani?

Pamabhuku makuru echitendero, Bhaibheri nderimwe rekare zvikuru. Zvikamu zvaro zvokutanga zvakanyorwa makore anenge 3 500 akapfuura. Bhuku iri rakapera kunyorwa muna 98 C.E. * Kunyange zvazvo rakanyorwa nevarume 40 kwemakore 1 600, zviri muBhaibheri zvinopindirana. Zvinodaro nokuti Munyori waro chaiye ndiMwari.

Munhoroondo yose yevanhu, Bhaibheri ndiro bhuku rinonyanya kuparadzirwa uye kushandurwa. Gore roga roga, makopi anenge mamiriyoni 60 eBhaibheri rakakwana kana kuti chikamu charo anoparadzirwa. Bhaibheri rakazara kana kuti chikamu charo rakashandurirwa mumitauro inodarika 2 300 uye mune tumwe tumitauro. Mhuri dzevanhu dzinodarika 90 muzana dzine Bhaibheri, kana kuti chinenge chikamu charo, mumutauro wadzo. Bhuku iri rakayambuka miganhu yenyika, rakasvika kumarudzi akasiyana-siyana, uye rakakunda zvinhu zvinoita kuti madzinza anetsane.

Rakarongwa Sei?

Kana uine Bhaibheri, wadii kurivhura uone kuti rakarongwa sei? * Kutanga, vhura papeji inoratidza zviri mukati. MaBhaibheri akawanda anayo kwokutanga, pakarongwa zita rebhuku rimwe nerimwe uye peji yarinogona kuwanikwa. Uchaona kuti Bhaibheri zvechokwadi muunganidzwa mukuru wemabhuku, bhuku roga roga riine zita rakasiyana nemamwe. Bhuku rokutanga chairo ndiGenesi, uye rokupedzisira ndiZvakazarurwa, kana kuti Apocalypse. Mabhuku acho akaiswa muzvikamu zviviri. Mabhuku 39 okutanga anonzi Magwaro echiHebheru, nokuti akawanda acho akanyorwa mumutauro wechiHebheru. Mabhuku 27 okupedzisira akanyorwa muchiGiriki uye anoumba Magwaro echiGiriki. Vamwe vanodana zvikamu zviviri izvi kuti Testamende Yekare neTestamende Itsva.

Mabhuku eBhaibheri ane zvitsauko nendima kuti zvive nyore kuona rugwaro rwaunoda. Magwaro paanonyorwa mumagazini ino, pashure pezita rebhuku reBhaibheri, nhamba yokutanga inoratidza chitsauko chebhuku racho uye inotevera yacho inoratidza ndima yacho. Somuenzaniso, “2 Timoti 3:16” zvinoreva tsamba Yechipiri yaTimoti, chitsauko 3, ndima 16. Ona kana ungawana ndima iyoyo muBhaibheri.

Haubvumi here kuti nzira yakanakisisa yokuti uzive Bhaibheri ndeyokugara uchiriverenga? Vamwe vakaona zvichibatsira kutanga kuverenga Magwaro echiGiriki, vachitanga nebhuku raMateu. Kana ukaverenga zvitsauko zvitatu kusvika kuzvishanu pazuva, unogona kuverenga Bhaibheri rose mugore rimwe chete. Asi ungava sei nechokwadi chokuti zvaunoverenga muBhaibheri chaizvoizvo zvakafuridzirwa naMwari?

Ungavimba neBhaibheri Here?

Bhuku rakafuridzirwa naMwari harifaniri kuva nemazano asingaperi okurarama nokuda kwevanhu vose here? Zvinoratidza kuti Bhaibheri rinonzwisisa vanhu vezvizvarwa zvose, uye mirayiridzo yaro inoshanda nhasi sokungoshanda kwayaiita parakatanga kunyorwa. Izvi zvinogona kuonekwa nyore nyore muhurukuro yakakurumbira yakapiwa naJesu Kristu, uyo Akatanga chiKristu. Yakanyorwa muzvitsauko 5 kusvika ku7 zvaMateu. Hurukuro iyi, inozivikanwa seMharidzo yepaGomo, haingotiratidzi kuti tingawana sei mufaro wechokwadi bedzi asiwo kuti tingapedza sei magakava, tinganyengetera sei, tingaona sei zvinhu zvokunyama, nezvimwe zvakawanda. Muhurukuro iyi, uye mune mamwe mapeji aro ose, Bhaibheri rinonyatsotiudza zvatinofanira kuita uye zvatisingafaniri kuita kuti tifadze Mwari tonatsiridza mamiriro edu ezvinhu.

Chimwe chikonzero nei ungavimba neBhaibheri ndechokuti, kana totaura nezvesayenzi, zvinotaurwa nebhuku iri rekare zvakarurama. Somuenzaniso, panguva iyo vanhu vakawanda vaitenda kuti nyika yakati sandara, Bhaibheri rakataura nezve“nyika yakaurungana” kana kuti yakaita denderedzwa. * (Isaya 40:22) Uye anodarika makore 3 000 musayendisiti akakurumbira Sir Isaac Newton asati atsanangura kuti mapuraneti akaturikwa pasina chinhu nesimba rinosundira zvinhu pasi, nenzira yokudetemba Bhaibheri rakataura kuti ‘nyika yakaturikwa pasina chinhu.’ (Jobho 26:7) Onawo rondedzero iyi yokufananidzira yokutenderera kunoita mvura pasi pano, yakanyorwa anenge makore 3 000 adarika: “Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari; kunzvimbo kunoenda nzizi, ndiko kwadzinodzokerazve.” (Muparidzi 1:7) Chokwadi, Musiki wezvinhu zvose ndiyewo Munyori weBhaibheri.

Kururama kwenhau dzakaitika kare dziri muBhaibheri kunoratidza kuti rakafuridzirwa naMwari. Zviitiko zvinotaurwa muBhaibheri hazvisi nganowo zvadzo. Zvine chokuita nemisi chaiyo, vanhu, uye nzvimbo. Somuenzaniso, Ruka 3:1 inonyatsotaura nezve“gore regumi nerechishanu rokutonga kwaTibheriyo Kesari, apo Pondiyo Pirato akanga ari gavhuna weJudhiya, uye Herodhi ari mutongi weruwa rweGarireya.”

Kunyange zvazvo vanyori vekare venhau dzakaitika vainyanya kugara vachitaura nezvokukunda kwevatongi uye zvakanaka zvavaiita, vanyori veBhaibheri vakanga vakatendeka, vachibvuma pachena kunyange zvavaikanganisa ivo pachavo. Somuenzaniso, Mambo Dhavhidhi waIsraeri akabvuma kuti: “Ndatadza kwazvo zvandaita chinhu ichi. . . . Ndaita sebenzi kwazvo.” (2 Samueri 24:10) Mashoko iwayo akanyorwa zvakajeka muBhaibheri. Uye munyori weBhaibheri Mosesi pachake akanyora chiitiko chakaratidza kuti haana kuvimba naMwari wechokwadi.—Numeri 20:12.

Bhaibheri rine chimwezve chiratidzo chokuti rakafuridzirwa naMwari. Chiratidzo ichocho uprofita hwaro hwakazadzika—nhoroondo yezvakazoitika zvakanga zvatofanonyorwa. Humwe hwouprofita hwacho hune chokuita naJesu Kristu. Somuenzaniso, makore anodarika 700 Jesu asati aberekwa, Magwaro echiHebheru akafanotaura zvakarurama kuti Uyu Akapikirwa aizoberekerwa “muBheterehema reJudhiya.”—Mateu 2:1-6; Mika 5:2.

Funga nezvomumwe muenzaniso. Pana 2 Timoti 3:1-5, Bhaibheri rinoti: “Pamazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasina kuvimbika, vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nemhaka yokudada, vanoda zvinofadza panzvimbo pokuda Mwari, vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari asi vachiva venhema kusimba rakwo.” Izvi hazvirondedzeri zvinoitwa nevanhu vakawanda here nhasi? Mashoko aya akanyorwa mugore ra65 C.E., makore 1 900 akadarika!

Bhaibheri Rinotidzidzisa Chii?

Sezvaunoverenga Bhaibheri, uchakwanisa kuona kuti rine uchenjeri hwakakura zvikuru. Rinopindura zvinogutsa mibvunzo yakadai seiyi: Mwari ndiani? Dhiyabhorosi munhu chaiye here? Jesu Kristu ndiani? Nei vanhu vachitambura? Chii chinoitika kwatiri patinofa? Mhinduro dzaunganzwa kune vamwe dzakasiyana sezvakaitawo zvitendero netsika zvevanhu vanopa mhinduro dzacho. Asi Bhaibheri rinozivisa chokwadi pamusoro peizvi uye pedzimwe nyaya dzakawanda. Uyezve, mazano eBhaibheri ezvomufambiro uye maonero atinofanira kuita vamwe vanhu uye vaya vane simba ndiwo akanakisisa. *

Bhaibheri rinozivisa chii nezvechinangwa chaMwari nokuda kwenyika nevanhu? Rinopikira kuti: “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:10, 11) “Mwari pachake achava [nevanhu]. Uye achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:3, 4) “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:29.

Bhaibheri rinofanotaurawo kuti hondo, utsotsi, chisimba, uye uipi zvava kubva zvopera. Kurwara, kukwegura, norufu hazvichazovipozve. Vanhu vachararama nokusingaperi muparadhiso pasi pano. Izvi zvinofadza kutarisira! Uye zvose izvi zvinoratidza kuti Mwari anoda vanhu zvikuru!

Uchaitei?

Bhaibheri chipo chinoshamisa chakabva kuMusiki. Unofanira kuitei nebhuku iri? Mumwe murume wechiHindu aidavira kuti, kuti zvakaziviswa naMwari zvibatsire vanhu vose, zvinofanira kutangira pakatanga nyika kubudirira. Paakaziva kuti zvikamu zveBhaibheri ndezvekare kudarika mabhuku ekare echiHindu akawanda, Vedas, akasarudza kuverenga Bhaibheri uye kuongorora zviri mariri. * Mumwe purofesa wepayunivhesiti yokuUnited States akasvikawo pakuona kukosha kwokuverenga bhuku iri rinoparadzirwa zvikuru panyika asati ataura chinhu nezvaro.

Kuverenga Bhaibheri uye kushandisa zvarinodzidzisa kuchaita kuti uwane zvikomborero zvakawanda. Bhaibheri rinoti: “Wakakomborerwa munhu . . . unofarira murayiro waJehovha; unofungisisa murayiro wake masikati nousiku. Uchafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, mashizha awo haasvavi; chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.” * (Pisarema 1:1-3) Kudzidza Bhaibheri uye kufungisisa zvarinotaura kuchaita kuti ufare nokuti zvaunoda pakunamata zvichazadzikwa. (Mateu 5:3) Bhaibheri richakuratidza kuti ungararama sei upenyu hune zvibereko uye kuti ungabudirira sei kukurira matambudziko. Chokwadi, ‘pakuchengeta mitemo yaMwari yakanyorwa muBhaibheri pane mubayiro mukuru.’ (Pisarema 19:11) Uyezve, kuvimba nezvipikirwa zvaMwari kuchaita kuti ukomborerwe iye zvino uye uchava neramangwana rine tariro.

Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “Sevacheche vachangobva kuberekwa, pangai mukaka usina kushatiswa weshoko.” (1 Petro 2:2) Mucheche anorarama nomukaka uye anochemera kuti auwane. Saizvozvowo, isu tinorarama nezivo inobva kuna Mwari. Saka “panga,” kana kuti iva nechido chakasimba, cheShoko rake. Bhaibheri ibhuku rine dzidziso dzechokwadi dzinobva kuna Mwari. Vavarira kuridzidza nguva dzose. Zvapupu zvaJehovha zviri munzvimbo yaunogara zvichafara kukubatsira kuti unyatsonzwisisa zvaunenge uchidzidza. Tinokukumbira noushamwari kuti uonane nazvo. Kana kuti unganyorera vabudisi vemagazini ino.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 C.E. zvinoreva kuti “Nguva Yavose,” inowanzonzi A.D., nokuda kwaAnno Domini, zvichireva kuti “mugore raShe.” B.C.E. zvinoreva kuti “Nguva Yavose Isati Yasvika.”

^ ndima 8 Kana usina Bhaibheri rako pachako, Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukupa.

^ ndima 13 Shoko romutauro wepakutanga rakashandurwa kuti “urungana” pana Isaya 40:22 ringashandurwawo kuti “denderedzwa.” Dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoti, “nyika yakaita bhora” (Douay Version) uye “nyika yakatenderera.”—Moffatt.

^ ndima 19 Nyaya idzi dzinokurukurwa mubhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 23 Nziyo dzokutanga dzeVeda dzinonzi dzakanyorwa anenge makore 3 000 akadarika uye dzakaudzwa vamwe dzichiita zvokutaurwa. “Maingova muzana remakore rechigumi nemana A.D. apo Veda rakanyorwa,” anodaro P. K. Saratkumar mubhuku rake rinonzi A History of India.

^ ndima 24 Zita raMwari womuBhaibheri ndiJehovha. Mushanduro dzeBhaibheri dzakawanda, rinogona kuwanikwa pana Pisarema 83:18.

[Mufananidzo uri papeji 7]

“Panga” Shoko raMwari. Dzidza Bhaibheri nguva dzose

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 5]

NASA photo