Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Munondo waJehovha nowaGidheoni!”

“Munondo waJehovha nowaGidheoni!”

“Munondo waJehovha nowaGidheoni!”

VAVENGI vakawanda semhashu dziri kuparadza sango rakaorera richisara rava gwenga. Inguva iyo vatongi vari kutonga muIsraeri, uye vaIsraeri vaora mwoyo. Kwemakore manomwe, mbeu dzakadyarwa padzava kutanga kubuda, mauto anopamba akatasva mapoka engamera evaMidhiani, vaAmareki, neVokumabvazuva anopinda nechisimba munyika yacho. Mapoka engamera dzevapambi anopararira achitsvaka mafuro, achidya zvose zvakasvibirira. Asi vanhu vaIsraeri havana kana mbongoro, nzombe, kana makwai. Kutonga kwaMidhiani kunotyisa kwazvo zvokuti vaIsraeri vasauka nenhamo havagoni kuita chimwe chinhu kunze kwokugadzira matura pasi mumakomo, mumapako, uye munzvimbo dzakaoma kusvika.

Nei mamiriro ezvinhu akaipa kudaro? VaIsraeri vakaramba kutenda vari kushumira vanamwari venhema. Saka Jehovha avarega vachidzvinyirirwa. Vanakomana vaIsraeri pavasingachagoni kutsungirira, vanodana kuna Jehovha kuti avabatsire. Achateerera here? Zvakaitika kuvaIsraeri zvingatidzidzisa chii?—Vatongi 6:1-6.

Murimi Akangwaririra Here Kana Kuti “Murume Une Simba Noumhare”?

Varimi vechiIsraeri vanowanzopura gorosi vachishandisa nzombe nechireyi panze pane mhepo, kuitira kuti pavanenge vachiurutsa, mhepo ipeperetsa hundi yoiparadzanisa nezviyo. Asi kutyisidzirwa nevapambi vachida kuparadza nyika yacho kunoita kuti kuurutsa kuvaite kuti vaonekwe nyore nyore zvikuru. VaMidhiyani vasingazvioni, Gidheoni anopurira gorosi muchisviniro chewaini—zvichida mudziyo mukuru, wakagadzirwa nedombo. (Vatongi 6:11) Imomo zviyo zvingangopurwa nekamuti zviri zvishomanana chete. Mumamiriro ezvinhu aya, Gidheoni ari kushandisa zvinhu zviripo.

Fungidzira kushamisika kunoita Gidheoni paanoona ngirozi yaJehovha yobva yati: “Jehovha unewe, iwe murume une simba noumhare.” (Vatongi 6:12) Somunhu ari kupura zviyo muchisviniro chewaini pasina anomuona, Gidheoni haanzwi seane simba. Asi, mashoko iwayo anoratidza kuti Mwari anovimba kuti Gidheoni anogona kuva mutungamiriri ane simba muIsraeri. Kunyange zvakadaro, iye pachake anofanira kutendiswa kuti abvume kuti anogona.

Jehovha paanomutuma ku“ndoponesa Israeri pamaoko aMidhiani,” achizvininipisa Gidheoni anoti: “Haiwa, Ishe, ndichagoponesa Israeri neiko? Tarirai rudzi rwangu ruduku kuna vose paManase, neni ndiri muduku kuna vose paimba yababa vangu.” Gidheoni akangwaririra anokumbira chiratidzo chokuti Mwari azova naye pakuparadza Midhiani, uye Jehovha anoda kuita zvakumbirwa naGidheoni kuti ave nechivimbo. Saka Gidheoni anopa ngirozi yamushanyira chipo chezvokudya, uye moto unobva wabuda padombo, ndokupisa chipo chacho. Pashure pokunge Jehovha aita kuti Gidheoni arege kunyanya kutya, Gidheoni anovaka atari panzvimbo iyoyo.—Vatongi 6:12-24.

“Bhaari Ngaarwe Naye”

Dambudziko guru revaIsraeri harisi rokudzvinyirirwa nevaMidhiani. Nderokuti vari muusungwa hwokunamata Bhaari. Jehovha “ndiMwari une godo,” uye hapana angamushumira zvinogamuchirika uku achinamata vamwe vanamwari. (Eksodho 34:14) Saka, Jehovha anorayira Gidheoni kuti aparadze atari yababa vake yaBhaari uye kuti atemere pasi danda dzvene. Achitya zvingazoitwa nababa vake uye zvingazoitwa nevamwe vanhu kana akaita izvi masikati, Gidheoni anozviita usiku, achibatsirwa nevashumiri gumi.

Gidheoni ane chikonzero chakanaka chokungwaririra, nokuti pavanoona “kusaremekedza [kwake] zvinhu zvitsvene,” vanamati vaBhaari vomunharaunda yacho vanoti anofanira kuurayiwa. Zvisinei, Joashi, baba vaGidheoni vanotaura zvinhu zvine musoro zvisingagoni kurambwa, vanoudza vanhu vacho kuti, kudai Bhaari aiva Mwari, aizokwanisa kuzvidzivirira. Pana izvozvo, Joashi anobva adana mwanakomana wake kuti Jerubhaari, kureva kuti “Bhaari Ngaarwe Naye.”—Vatongi 6:25-32.

Nguva dzose Mwari anokomborera vashumiri vake nokuti vanotsigira kunamata kwechokwadi vasingatyi. VaMidhiani nevanovabatsira pavanopindazve nechisimba munyika yeIsraeri, ‘mudzimu waJehovha unofukidza Gidheoni.’ (Vatongi 6:34) Achibatsirwa nomudzimu waMwari, kana kuti simba rinobata basa, Gidheoni anokurira mauto edzinza raManase, Asheri, Zebhuruni, naNaftari.—Vatongi 6:35.

Kugadzirira Kurwa

Kunyange zvazvo Gidheoni iye zvino ava neuto rine vanhu 32 000, anokumbira chiratidzo kuna Mwari. Kana dehwe rinenge rasiyiwa paburiro rikanyorova nedova nepo pasi pachiramba pakaoma, izvi zvicharatidza kuti Mwari achaponesa Israeri achishandisa Gidheoni. Jehovha anoita chishamiso ichi, uye Gidheoni anoda vimbiso uye anoiwana chiratidzo chacho pachinochinja—pasi panonyorova uye dehwe rinooma. Gidheoni ari kunyanyisa kungwaririra here? Zviri pachena kuti haasi, nokuti Jehovha anoita zvaakumbira kuti ave nechivimbo. (Vatongi 6:36-40) Hatitarisiri zvishamiso zvakadaro nhasi. Asi, tinogona kutungamirirwa naJehovha uye kukurudzirwa neShoko rake.

Iye zvino Mwari anoti uto raGidheoni rakakurisa. Kana vakakurira vavengi vavo neuto rakakura kudaro, vaIsraeri vangazvikudza vachiti vazviponesa. Asi Jehovha ndiye anofanira kukudzwa nokukunda kuchaitika. Chii chichaitwa? Gidheoni anofanira kushandisa urongwa hwoMutemo waMosesi nokuita kuti vaya vanotya vasare. Ipapo, varume vake 22 000 vanosara, zvichiita kuti asare nevarume 10 000 chete.—Dheuteronomio 20:8; Vatongi 7:2, 3.

Mukuona kwaMwari, varume vacho vachakawandisa. Gidheoni anoudzwa kuti aende navo kumvura. Munyori wenhau dzakaitika kare wechiJudha, Josephus, anoti Mwari akaita kuti Gidheoni aforese mauto ake achienda kurwizi masikati kuchipisa. Chero angave mamiriro acho ezvinhu, Gidheoni anocherechedza kuti varume vacho vanonwa sei. Varume 300 chete ndivo vanonyudza ruoko rumwe mumvura vokapa mvura uku vachitarira kuti hakuna muvengi angangovarwisa. Varume 300 bedzi vakasvinurira ndivo vachaenda naGidheoni. (Vatongi 7:4-8) Chimbofungidzira uri mumamiriro avo ezvinhu. Sezvo vavengi venyu vari 135 000, zvechokwadi munofanira kugumisa kuti muchangokunda chete nesimba raJehovha, kwete nerenyu!

Mwari anokumbira Gidheoni kuti aende nomurindi kunosora musasa wevaMidhiani. Vari ikoko, Gidheoni anonzwa mumwe murume achirondedzera kushamwari yake zvaakarota, iyo inozvidudzira isingazezi ichiti zvinoreva kuti Mwari asarudza kuti vaMidhiani vakundwe naGidheoni. Izvozvo ndizvo chaizvo zviri kuda kunzwiwa naGidheoni. Ane chokwadi chokuti Jehovha achaita kuti iye nevarume vake 300 vakunde vaMidhiani.—Vatongi 7:9-15.

Maitirwo Ehondo Yacho

Varume vacho 300 vanokamurwa kuva mapoka matatu evanhu 100 paboka rimwe. Murume mumwe nomumwe anopiwa hwamanda uye chirongo chikuru chisina chinhu. Zhenje remoto rinoiswa muchirongo chacho. Gidheoni anotanga kurayira izvi: ‘Tarirai kwandiri, mugoita sezvandinoita. Pandinoridza hwamanda, imi muridzewo dzenyu, muchiti “Munondo waJehovha nowaGidheoni!”’—Vatongi 7:16-18, 20.

Varwi 300 vechiIsraeri vanoverevedza vachienda kumucheto kwomusasa womuvengi. Kunenge kuma10:00 dzousiku—varindi vachangobva kuchinjwa. Iyi inoratidza kuti inguva yakakodzera kurwa, nokuti zvichatora kanguva maziso evarindi vatsva asati akwanisa kuona murima.

Iye zvino vaMidhiani vava kutya zvokuti! Kamwe kamwe, runyararo rwacho runokanganiswa nokuputsika kwezvirongo 300, kurira kwehwamanda 300, uye kushevedzera kwevarume 300. Vashamiswa, kunyanya nokushevedzera kuti “Munondo waJehovha nowaGidheoni!,” vaMidhiani vanoshevedzerawo, zvinobva zvawedzera ruzha rwacho. Munyonganyonga yacho, zvakaoma kuona kuti muvengi ndoupi. Varume 300 vanomira munzvimbo dzavo sezvo Mwari achiita kuti vavengi vashandise minondo yavo pachavo kuurayana. Mauto acho anokundwa, hapana anokwanisa kutiza, uye kubata mauto asara kunosanganisira kuadzingirira zvakaoma kunoita kuti kutyisidzira kwevaMidhiani kupere zvachose. Kupinda munyika nechisimba kwavave vachiita kwenguva refu kwazosvika kwamvura yacheka makumbo.—Vatongi 7:19-25; 8:10-12, 28.

Kunyange pashure pokukunda uku, Gidheoni achiri kuzvininipisa. VaEfraimi, avo vanonzwa vazvidzwa nokuti havana kushevedzwa kuzorwa, pavanoedza kukakavadzana naye, iye anopindura zvinyoro-nyoro. Kupindura kwake nounyoro kunodzora kutsamwa kwavo uye kunovadzikamisa.—Vatongi 8:1-3; Zvirevo 15:1.

Zvino zvavava norunyararo, vaIsraeri vanokurudzira Gidheoni kuti ave mambo wavo. Muedzo chaiwo! Asi Gidheoni anoramba. Achiri kuziva kuti ndiani akakunda Midhiani. Anoti, “Ini handingakubatii ushe, kunyange mwanakomana wangu haangakubatii ushe; Jehovha ndiye uchakubatai.”—Vatongi 8:23.

Zvisinei, sezvo asina kukwana, hapasi pose Gidheoni paanosarudza zvakanaka. Nokuda kwechikonzero chisina kunyorwa, anogadzira efodhi nezvinhu zvakapambwa kuhondo uye anoiisa painooneka muguta rake. Zvinonzi vaIsraeri vose vanotanga ‘kuita unzenza’ neefodhi yacho. Vanoinamata, uye inova musungo kunyange kuna Gidheoni nemhuri yake. Asi, haana kuva munamati wezvidhori zvachose, nokuti Magwaro anomuti murume aitenda muna Jehovha.—Vatongi 8:27; VaHebheru 11:32-34.

Zvatinodzidza

Nyaya yaGidheoni inopa zvidzidzo zvokunyevera nokukurudzira. Inotinyevera kuti kana Jehovha achizotibvisira mudzimu wake nechikomborero pamusana pokutsauka kwedu, manamatiro edu angafanana neevagari vomunyika yasauka nenhamo yakaparadzwa nemhashu. Tiri kurarama munguva dzinonetsa uye hatimbofaniri kukanganwa kuti chikomborero chaJehovha ‘ndicho chinopfumisa, uye haawedzeri kurwadziwa pamwe chete nacho.’ (Zvirevo 10:22) Mwari anotikomborera nokuti ‘tinomushumira nomwoyo wakakwana uye nomweya unofara.’ Tikasadaro angatiramba.—1 Makoronike 28:9.

Tinogona kukurudzirwa nenhoroondo yaGidheoni, nokuti inoratidza kuti Jehovha anogona kununura vanhu vake mumatope, kunyange achishandisa vaya vanoita sevasina simba kana kuti vasingabatsiri. Kuti Gidheoni nevarume vake 300 vakakwanisa kukurira vaMidhiani 135 000 zvinoratidza simba raMwari risingaperi. Tingazviwana tapererwa nezano uye tingaita setakurirwa nevavengi vedu zvisina tariro. Asi, nhoroondo yeBhaibheri yaGidheoni inotikurudzira kuti tivimbe naJehovha, uyo achakomborera uye achanunura vose vanotenda maAri.